Isaya
46 Bheri anokotamira pasi,+ Nebho anokotama.
Zvidhori zvavo zvakatakudzwa pamhuka, idzo mhuka dzinotakuriswa zvinhu,+
Semikwende inoremedza mhuka dzaneta.
2 Vanokotamira pasi uye vanokotama pamwe chete;
Havagoni kununura mitoro,*
Uye ivo vacho vanotapwawo.*
3 “Nditeererei, haiwa imi imba yaJakobho, nemi mese vasara veimba yaIsraeri,+
Imi vandakachengeta kubva pakuberekwa uye vandakatakura kubva muchiri mudumbu.+
4 Ndicharamba ndakadaro kusvikira pauchakwegura;+
Ndicharamba ndichikutakura kusvikira wachena musoro.
Ndichakusimudza, ndichakutakura uye ndichakununura, sezvandakaita.+
5 Muchandifananidza naani kana kunditi ndakaenzana naani kana kunditi ndakaita saani,+
Kuti tinzi takafanana?+
6 Pane vanobudisa goridhe rakawanda muchikwama chavo;
Vanoyera sirivha pachikero.
Vanobhadhara mupfuri wesimbi, uye iye anoigadzirisa mwari.+
Vanobva vapfugama, chokwadi vanomunamata.*+
7 Vanochisimudza vochiisa pamapfudzi avo;+
Vanochitakura vochiisa munzvimbo yacho, uye chinongomira ipapo.
Hachibvi panzvimbo yacho.+
Vanoshevedzera kwachiri, asi hachipinduri;
Hachigoni kuponesa munhu pakutambudzika.+
8 Yeukai izvi, mushinge.
Zviisei mumwoyo, imi vadariki.
Ndini Mwari, uye hakuna akafanana neni.+
10 Kubvira pakutanga, ndinogara ndataura zvichaitika pakupedzisira,
Uye kubvira kare kare zvinhu zvisati zvaitwa.+
Ndakazvitaura, uye ndichazviunza.
Ndine chinangwa chekuzviita, uye ndichazviita.+
12 Nditeererei imi vakaoma musoro,
Imi muri kure chaizvo nekururama.
Ndichapa ruponeso muZiyoni, kubwinya kwangu kuna Israeri.”+