Chitsauko 8
‘Kurwa Nemasimba Emidzimu Yakaipa’
1. Nei tingada kuziva zviri kuitwa nemidzimu yakaipa?
VANHU vakawanda vanoseka pfungwa yokuti kune midzimu yakaipa. Asi hazvisekesi. Hazvinei kuti vanhu vanozvitenda here kana kuti kwete, midzimu yakaipa iriko, uye inoedza kumanikidza munhu wose. Vanamati vaJehovha havasiyiwi. Ivo ndivo vanotonyanyonangwa. Muapostora Pauro anoita kuti tizive izvi, achiti: “Tinorwa, kwete neropa nenyama, asi nehurumende [dzisingaoneki], nevane simba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Muzuva redu kumanikidza kunoitwa nemasimba emidzimu yakaipa kwasvika pamusoro-soro nemhaka yokuti Satani akadzingwa kudenga uye ane hasha dzisingabviri, achiziva kuti nguva yake ipfupi.—Zvakazarurwa 12:12.
2. Zvinobvira sei kuti tihwine hondo tichirwisana nemidzimu inopfuura vanhu?
2 Zvinobvira here kuhwina hondo tichirwisana nemasimba emidzimu anopfuura vanhu? Hungu, asi kana bedzi tichivimba naJehovha zvakakwana. Tinofanira kunzwa zvaanotaura toteerera Shoko rake. Nokuita kudaro, tinogona kusakuvadzwa mumuviri, mutsika, uye mupfungwa sezvinoitwa vaya vanodzorwa naSatani.—Jakobho 4:7.
Vatongi Venyika Vari Munzvimbo Dzomumatenga
3. Satani anopikisa ani noutsinye zvikuru, uye sei?
3 Jehovha anotitsanangurira zvakajeka zvakaita zvinhu munyika semaonero aanozviita ari kudenga kwaari. Akaonesa muapostora Johani chiratidzo umo Satani akaratidzwa ari “dhiragoni huru tsvuku.” Akanga akagadzirira kuparadza, kana zvaibvira, Umambo hwaMwari hunotongwa naMesiya huchangoberekwa mudenga muna 1914. Atadza kuita kudaro, Satani akaita kuti vamiririri vepasi pano voUmambo ihwohwo vapikiswe noutsinye zvikuru. (Zvakazarurwa 12:3, 4, 13, 17) Satani aizorwa sei hondo iyi? Achishandisa vanhu vake vanomumiririra.
4. Ndiani anopa hurumende dzevanhu simba, uye tinozviziva sei?
4 Johani akazoratidzwa chikara chine misoro minomwe nenyanga gumi, chikara chine simba “pamusoro pedzinza rose nevanhu nendimi norudzi.” Chikara ichocho chinomiririra zvematongerwe enyika zvepasi pose. Johani akaudzwa kuti “dhiragoni [Satani Dhiyabhorosi] yakapa chikara simba racho nechigaro chacho choumambo nemasimba makuru.” (Zvakazarurwa 13:1, 2, 7) Chokwadi, Satani ndiye anopa hurumende dzevanhu simba nechiremera. Saka, sokunyora kwakaita muapostora Pauro, “vatongi venyika” chaivo “masimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga,” inodzora hurumende dzevanhu. Vose vanoda kunamata Jehovha vanofanira kunzwisisa zvazvinonyatsoreva.—Ruka 4:5, 6.
5. Vatongi vezvematongerwe enyika vari kuunganidzirwepi zvino?
5 Kunyange zvazvo vatongi venyika vakawanda vachiti vanonamata, hapana rudzi runozviisa pasi poutongi hwaJehovha kana hwaMambo wake akagadzwa, Jesu Kristu. Vose vanorwa zvinotyisa kuti varambe vaine simba ravo. Nhasi, sezvinoratidzwa nenhoroondo iri muna Zvakazarurwa, “kutaura kunofuridzirwa nemadhimoni” kuri kuunganidza vatongi venyika ku“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” paAmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:13, 14, 16; 19:17-19.
6. Nei kungwaririra kuchidiwa kuitira kudzivisa kupinzwa mune zvokutsigira nyika yaSatani?
6 Mazuva ose, upenyu hwevanhu hunokanganiswa nokurwisana kunoparadzanisa mhuri mune zvematongerwe enyika, zvemagariro evanhu, mune zvemari, uye mune zvechitendero. Mukurwisana uku, zvakajairika kuti vanhu vatsigire—nemashoko kana nedzimwe nzira—rudzi, dzinza, boka romutauro, kana vanhu vokwavo. Kunyange vanhu pavanenge vasingabatanidzwi chaizvo mune kumwe kurwisana, vanowanzoona kuti vane divi ravanotsigira. Asi pasinei nokuti vanoda ani kana kuti chii, ndiani chaizvoizvo wavari kutsigira? Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Saka munhu angarega sei kutsauswa pamwe chete nevamwe vanhu vose? Nokungotsigira zvakazara Umambo hwaMwari uye nokuramba asina waanotsigira zvachose mukurwisana kwenyika.—Johani 17:15, 16.
Mazano Ounyengeri Owakaipa
7. Uchenjeri hwaSatani hunoratidzwa sei mukushandisa kwaanoita chitendero chenhema?
7 Kubvira kare kwose, Satani akabvisa vanhu pakunamata kwechokwadi achishandisa kutambudza chaikoiko uye mashoko. Akashandisawo mitoo isiri nyore kuoneka—zviito zvemanomano nemazano ounyengeri. Nouchenjeri, akaita kuti vanhu vakawanda varambe vari murima achishandisa chitendero chenhema, achivaita kuti vafunge kuti vari kunamata Mwari. Pamusana pokusava nezivo yakarurama yaMwari uye pokusada chokwadi, vangakwezvwa neminamato yechitendero isinganzwisisiki kana kuororwa nemabasa esimba. (2 VaTesaronika 2:9, 10) Asi tinonyeverwa kuti kunyange pakati pevaimbova vanamati vechokwadi, “vamwe vachatsauka . . . , vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Izvozvo zvinogona sei kuitika?
8. Satani angatinyengedza sei kupinda muchitendero chenhema kunyange tichinamata Jehovha?
8 Nenzira younyengeri Dhiyabhorosi anoshandisa zvisiri izvo kutadza kwedu. Tichiri kutya munhu here? Kana zvakadaro, tingakundwa nehama kana vavakidzani kana vakatimanikidza kuita zviito zvakatangira muzvitendero zvenhema. Tinodada here? Kana tichidaro, tingatsamwa patinopiwa zano kana kuti vamwe pavasingagamuchiri pfungwa dzatinotsigira. (Zvirevo 15:10; 29:25; 1 Timoti 6:3, 4) Pane kuchinja maonero edu kuti awirirane nomuenzaniso waKristu, tingarerekera kune vaya vano‘fadza nzeve dzedu’ nokutaura kuti kungoverenga Bhaibheri chete nokurarama upenyu hwakanaka zvakakwana. (2 Timoti 4:3) Tingava tichipinda chimwewo chitendero kana kuti kuomerera kune chedu, Satani haanei nazvo, chero tisinganamati Jehovha munzira inorayirwa naMwari achishandisa Shoko rake nesangano rake.
9. Satani anoshandisa sei nemanomano zvepabonde kuita kuti zvinangwa zvake zvibudirire?
9 Satani anokwezvawo vanhu nemanomano kuti vagutse zvido zvavo zvakanaka nenzira dzisina kururama. Akaita izvi nechido chokurara nomunhu. Vachiramba tsika dzinotaurwa muBhaibheri, vakawanda munyika vanoona kusangana pabonde kwevanhu vasina kuroorana somufaro usina kuipa kana kuti senzira yokuratidza kuti vakura. Zvakadini nevakaroorana? Vakawanda vanoita upombwe. Kunyange pasina anoti gumbo mumba gumbo kunze, vanhu vakawanda vanoda kurambana kana kuparadzana kuitira kuti vagare nomumwewo munhu. Unyengeri hwaSatani husingaoneki nyore ndehwokuti vanhu vararamire mafaro iye zvino, achivaita kuti vasave nebasa nezvinozoitika kwete chete pavari ivo nevamwe asi kunyanya paukama hwavo naJehovha noMwanakomana wake.—1 VaKorinde 6:9, 10; VaGaratiya 6:7, 8.
10. Satani anoshandisa nzira dzipi kuedza kukanganisa maonero atinoita unzenza uye kuita chisimba?
10 Chimwe chagara chichidiwa kutandara. Kana kwakanaka, kunogona kuzorodza mumuviri nomupfungwa uye kunyevenutsa. Asi tinoita sei apo Satani anoshandisa nouchenjeri nguva dzokuzorora kuti aedze kubvisa pfungwa dzedu pane dzaMwari? Somuenzaniso, tinoziva kuti Jehovha anovenga unzenza uye kuita chisimba. Mabhaisikopu, purogiramu dzepaterevhizheni, kana kuti mitambo pazvinoratidza zvinhu izvozvo, tinongoramba takati tende ipapo tichizvipinza zvose mupfungwa here? Ngatizivewo kuti Satani achaona kuti zvinhu zvakadaro zvinoramba zvichiwedzera kuipa sezvo nguva yake yokuparadzwa inoswedera, nokuti “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.” (2 Timoti 3:13) Saka tinofanira kuramba takangwaririra mazano aSatani.—Genesi 6:13; Pisarema 11:5; VaRoma 1:24-32.
11. Kunyange munhu anoziva chokwadi pamusoro pezvemidzimu angabatwa mumusungo munzira dzipi kana asina kungwarira?
11 Tinozivawo kuti vose vanoita zvemidzimu zvorudzi rupi norupi—kushopera, kuroya, kana kuedza kutaura nevakafa—vanosemesa Jehovha. (Dheuteronomio 18:10-12) Tichiziva izvi, taisazofunga nezvokutaura nemasvikiro, uye taisazomboaunza mumusha medu kuti azoita zvoudhimoni. Asi taizoateerera here kudai aibuda paterevhizheni yedu kana paIndaneti? Kunyange taisaizobvuma kurapwa nen’anga, tingasungira kasvava kedu tambo muruoko, tiine pfungwa yokuti ingangodzivirira mwana wacho kuti asakuvadzwa here? Zvatinoziva kuti Bhaibheri rinoshora kutsinga vamwe, taizobvumira wezvemashiripiti kudzora pfungwa dzedu here?—VaGaratiya 5:19-21.
12. (a) Nziyo dzinoshandiswa sei kutiita kuti tifunge zvinhu zvatinoziva kuti zvakaipa? (b) Mapfekero omunhu, magadziriro aanoita bvudzi, kana matauriro aanoita zvingaratidza sei kuti anoyemura vaya vane mararamiro asingadiwi naJehovha? (c) Chii chatinofanira kuita kana tisingazobatwi nemazano aSatani ounyengeri?
12 Bhaibheri rinoti ufeve nokusachena kworudzi rwose (nevavariro dzisina kuchena) hazvifaniri kumbodudzwa pakati pedu. (VaEfeso 5:3-5) Asi zvakadini kana mashoko akadaro ari munziyo ine musambo unonakidza, kana mutinhimira unobata pfungwa? Tichatanga kudzokorora mashoko anorumbidza kusangana kwevanhu pabonde vasina muchato, kushandiswa kwezvinodhaka nokuda kwomufaro, nezvimwe zvivi here? Kana kuti kunyange tichiziva zvedu kuti hatifaniri kutevedzera upenyu hwevanhu vanoita zvinhu zvakadaro, tinoedza kuzvifananidza navo nokutevedzera mapfekero avo, magadzirirwo ebvudzi ravo, kana kuti matauriro avanoita here? Nzira dzinoshandiswa naSatani kukwezva vanhu kuti vawirirane nemafungiro ake akashata dzinonyengera zvechokwadi! (2 VaKorinde 4:3, 4) Kuti tirege kubatwa nemazano ake ounyengeri, hatifaniri kukukurwa tichienda nenyika. Tinofanira kuramba tichiziva kuti “vatongi venyika verima rino” ndivanaani toedza zvakasimba kurwisa kuti vasatinyengedze.—1 Petro 5:8.
Takashongedzerwa Kuti Tikunde
13. Zvingabvira sei kuti chero ani wedu zvake, nokusakwana kwedu, akunde nyika inotongwa naSatani?
13 Asati afa, Jesu akati kuvaapostora vake: “Shingai! Ini ndakunda nyika.” (Johani 16:33) Naivowo vaigona kukunda. Makore 60 gare gare, muapostora Johani akanyora kuti: “Ndiani anokunda nyika kunze kwouyo anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?” (1 Johani 5:5) Kutenda kwakadaro kunoratidzwa nokuteerera kwedu mirayiro yaJesu nokuvimba neShoko raMwari, sezvaiita Jesu. Chiizve chinodiwa? Kuti tirambe tiri pedyo neungano yaari Musoro wayo. Patinotadza, tinofanira kupfidza zvechokwadi totsvaka kukanganwirwa naMwari pahwaro hwechibayiro chaJesu. Nenzira iyi, pasinei nokusakwana kwedu nezvikanganiso, nesuwo tinogona kukunda.—Pisarema 130:3, 4.
14. Verenga VaEfeso 6:13-17, woshandisa mibvunzo nemagwaro zvapiwa mundima ino kukurukura kubatsira kunoita nhumbi imwe neimwe yomudzimu yokuzvidzivirira nayo.
14 Kuti tibudirire, tinofanira kupfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari,” tisingambosiyi imwe yadzo. Tapota vhura Bhaibheri rako pana VaEfeso 6:13-17, woverenga rondedzero iri ipapo yenhumbi dzokuzvidzivirira nadzo idzodzo. Wadaro, funga kuti ungabatsirwa sei nokudzivirira kwenhumbi imwe neimwe yokuzvidzivirira nayo, nokupindura mibvunzo iri pasi apa.
“Zviuno . . . zvakasungwa nechokwadi”
Kunyange zvazvo tingaziva chokwadi, kugara tichidzidza, tichifungisisa chokwadi cheBhaibheri, uye tichipinda misangano kunotidzivirira sei? (1 VaKorinde 10:12, 13; 2 VaKorinde 13:5; VaFiripi 4:8, 9)
“Chinovhariridza chokururama chepachipfuva”
Uyu mwero wokururama waani? (Zvakazarurwa 15:3)
Enzanisira kuti kukundikana kutevera nzira dzaJehovha dzakarurama kunoita kuti munhu ave pangozi yokukuvara mumudzimu sei. (Dheuteronomio 7:3, 4; 1 Samueri 15:22, 23)
“Tsoka . . . dzakapfeka kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare”
Zvinotidzivirira sei kuita kuti tsoka dzedu dzirambe dzakabatikana kutiendesa kunotaura nevanhu nezvourongwa hwaMwari hworugare? (Pisarema 73:2, 3; VaRoma 10:15; 1 Timoti 5:13)
“Nhoo huru yokutenda”
Kana tine kutenda kwakanyatsodzika midzi, tichaita sei patinotarisana nezvinhu zvinoitirwa kuti tisave nechokwadi kana kuti titye? (2 Madzimambo 6:15-17; 2 Timoti 1:12)
“Ngowani yoruponeso”
Tariro yoruponeso inobatsira sei munhu kuti asabatwa mumusungo nokunyanyisa kunetseka pamusoro pokuwana zvinhu? (1 Timoti 6:7-10, 19)
“Bakatwa romudzimu”
Tinofanira kugara tichivimba nei patinorwisa zvinoda kukanganisa kunamata kwedu kana kuti kwevamwe? (Pisarema 119:98; Zvirevo 3:5, 6; Mateu 4:3, 4)
Chiizve chinokosha kuti tibudirire muhondo yomudzimu? Chinofanira kuitwa kakawanda sei? Chichiitirwa ani? (VaEfeso 6:18, 19)
15. Tingarwisa sei muhondo yomudzimu?
15 Sevarwi vaKristu, tiri vamwe veuto guru riri muhondo yomudzimu. Kana tikaramba takangwaririra uye toshandisa zvakanaka nhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo dzakakwana dzinobva kuna Mwari, hatizourayiwi muhondo iyi. Asi, tichava rubatsiro runosimbisa kune vamwe vatinoshumira navo Mwari. Tichava takagadzirira uye tichida zvikuru kurwisa, tichiparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya, hurumende yokudenga inopikiswa nechisimba naSatani.
Kudzokorora
• Nei vanamati vaJehovha vachiramba vasina wavanotsigira muhondo dzenyika?
• Ndeapi mamwe mazano ounyengeri anoshandiswa naSatani kuparadza kunamata kwevaKristu?
• Nhumbi dzomudzimu dzokuzvidzivirira nadzo dzinopiwa naMwari dzinotidzivirira sei muhondo yedu yomudzimu?
[Mifananidzo iri papeji 76]
Marudzi ari kuunganidzwa kuAmagedhoni