Vabereki, Vana Venyu Vanoda Ngwariro Chaiyo
“Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.”—PISAREMA 128:3.
1. Kukudza miti nokurera vana zvingaenzaniswa sei?
MUMATIVI akawanda, vana vanokura ndokuyaruka semiti. Hakushamisi, naizvozvo, kuti Bhaibheri rinotaura nezvomudzimai womunhu so“muzambiringa, unobereka” uye rinofananidza vana vake ne“miti yemiorivhi, vakakomberedza tafura” yake. (Pisarema 128:3) Murimi achakuudza kuti kukudza mbeu dzemiti miduku hakusi nyore, zvikurukuru apo migariro yokunze nevhu zvinenge zvakaipa. Nenzira yakafanana, muano “mazuva okupedzisira” anotambudza, kwakaoma zvikuru kurera vana kuti vave vakuru vakasanogadziridzwa, vanotya Mwari.—2 Timotio 3:1-5.
2. Chii chinowanzodikanwa kuparira kukohwa kwakanaka?
2 Kuti akohwe mbeu yakanaka, murimi anoda ivhu rakaorera, chiedza chezuva chinodziya, uye mvura. Mukuwedzera kukurima nokusakura, anofanira kugovera zvokuurayisa tumbuyu nokumwe kutarisira kunodzivirira. Pangava nenguva dzakaoma mukati mokukura, kusvikira pakukohwa chaipo. Kunosuruvarisa sei apo mbeu inova yakaipa! Bva, murimi anogona kugurwa sei apo, pashure pebasa rakaoma rakawanda, mbeu yakanaka inokohwiwa!—Isaya 60:20-22; 61:3.
3. Miti navana zvinoenzana sei muukoshi, uye rudzii rwengwariro runofanira kugamuchira vana?
3 Upenyu hwomunhu hunobudirira, hwakafanira zvirokwazvo hunokosha zvikuru kupfuura kukohwa kwomurimi. Naizvozvo hakushamisi kuti kurera mwana nenzira inobudirira kunogona kutora nguva inotova yakawanda zvikuru nenhamburiko kupfuura kukudza mbeu yakawanda. (Dheuteronomio 11:18-21) Mwana muduku akadyarwa mubindu roupenyu, kana akadiridzirwa nokutarisirwa norudo ndokupiwa miganhu yakanaka, anogona kukura ndokubudirira mumudzimu kunyange munyika yakazadzwa nezvinokosha zvetsika zvakashatiswa. Asi kana akabatwa zvisina kunaka kana kuti kudzvinyirirwa, mwana achasvava mukati uye sezvinobvira kufa mumudzimu. (VaKorose 3:21; enzanisa naJeremia 2:21; 12:2.) Zvamazvirokwazvo, vana vose vanoda ngwariro chaiyo!
Ngwariro Yezuva Nezuva Kubvira Paucheche
4. Rudzii rwengwariro runoda vana “kubvira paucheche”?
4 Vabereki vanofanira kupa ngwariro inodokuva yenguva dzose kuachangobva kuberekwa. Zvisinei, mwana anoda ngwariro yomuviri kana kuti yokunyama bedzi pahwaro hwezuva nezuva here? Kumubatiri waMwari Timotio, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kubvira paucheche hwako wakaziva manyoro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa.” (2 Timotio 3:15) Naizvozvo ngwariro yavabereki iyo Timotio akagamuchira, kunyange kubvira paucheche, yaivawo yorudzi rwomudzimu. Asi ucheche hunotanga rini?
5, 6. (a) Bhaibheri rinotii pamusoro pavasati vaberekwa? (b) Chii chinoratidzira kuti vabereki vanofanira kuitira hanya pamusoro pegarikano yomwana asati aberekwa?
5 Shoko rechiGiriki Pauro akashandisa pano (breʹphos) rinoshandiswawo kumwana asati aberekwa. Erisabhete, amai vaJohane Mubhapatidzi, vakaudza hama yavo yokunyama Maria, kuti: “Inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, [mucheche, NW] [breʹphos] akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.” (Ruka 1:44) Nokudaro, kunyange vasati vaberekwa vanonzi vacheche, uye Bhaibheri rinoratidza kuti vanogona kuita chimwe chinhu kuchinoitika kunze kwedumbu. Kutarisira kwapamberi pokubereka, uko kunowanzokurudzirwa nhasi, naizvozvo kunofanira kubatanidza ngwariro kugarikano yomudzimu yomucheche asati aberekwa here?
6 Ichi chimwe chinhu chokurangarira, sezvo ufakazi huchizivisa kuti asati aberekwa anogona kubetserwa kana kuti zvimwe kutapurwa zvakaipa nezvavanonzwa. Mutungamiriri wenziyo akawana kuti nziyo dzakasiyana-siyana dzaakanga achidzokorora dzainzwika dzakarovedzeka nenzira yechienzi, zvikurukuru rutivi rwebhesi. Apo akadudza mazita enziyo dzacho kuna amai vake, nyanzvi yokuimba, ivo vakataura kuti idzi ndidzo dzaiva nziyo dzimene dzavakanga vachihwirudzura apo vakanga vane pamuviri pake. Nenzira yakafanana, vasati vaberekwa vangatapurwa nenzira yakaipa apo vanamai vavo nguva dzose vanotarira nhevedzano yemitambo ine chokuita nemhuri muTV. Nokudaro, imwe magazini yavanachiremba yakataura nezvo“kupindwa muropa nenhevedzano yemitambo ine chokuita nemhuri kweasati aberekwa.”
7. (a) Vabereki vakawanda vakapa sei ngwariro kugarikano yavasati vaberekwa vavo? (b) Mwana ane manoi?
7 Vachiziva betsero yenyanduro dzinobetsera kuvacheche, vabereki vakawanda vanovamba kuravira, kutaura, uye kuimbira mwana wavo kunyange asati aberekwa. Iwe unogona kuita zvimwe chetezvo. Nepo mucheche wako angasanzwisisa mashoko, sezvingabvira achabetserwa nenzwi rako rinonyaradza nokunzwika kwaro kworudo. Pashure pokubereka, mwana achavamba kunzwisisa mashoko ako, zvichida nokukurumidza zvikuru kupfuura zvaunofunga. Mumakore maviri kana kuti matatu bedzi, mwana anodzidza mutauro wakaoma kunzwisisa nokungoratidzirwa chete kwauri. Mwana anogonawo kuvamba kudzidza “mutauro wakachena” wezvokwadi yeBhaibheri.—Zefania 3:9, NW.
8. (a) Sezviri pachena Bhaibheri rinorevei apo rinotaura kuti Timotio akaziva manyoro matsvene “kubvira paucheche”? (b) Chii chakabvumikisa kuva chechokwadi pamusoro paTimotio?
8 Pauro akarevei apo akataura kuti Timotio akanga ‘aziva manyoro matsvene kubvira paucheche’? Sezviri pachena akareva kuti Timotio akanga agamuchira rovedzo yomudzimu kubvira pauhwana, kwete chete kubvira pauduku. Ikoku kuri mutsinhirano nerevo yeshoko rechiGiriki breʹphos, iro rinowanzonongedzera kurusvava. (Ruka 2:12, 16; Mabasa 7:19) Timotio akagamuchira murairidzo womudzimu waibva kuna amai vake Juniki nambuya vake Roisi kubvira shure kure sekwaigona kusvika yeuko yake. (2 Timotio 1:5) Kutaura kwokuti, ‘Sokuumbwa kunoitwa bazi, ndiko kukura kunoita muti’ zvirokwazvo kwakashanda kuna Timotio. Iye akanga a‘rovedzwa mukuwirirana nenzira yake,’ uye, somuuyo, akava mubatiri akaisvonaka waMwari.—Zvirevo 22:6; VaFiripi 2:19-22.
Tarisiro Chaiyo Iyo Inodikanwa
9. (a) Vabereki vanofanira kudzivisa kuitei, uye nemhaka yei? (b) Sezvo mwana anokura, vabereki vanofanira kuitei, uye muenzanisoi wavanofanira kuteerera?
9 Vanawo vakafanana nemiti mukuti havasi vose vane mavara mamwe chetewo, uyewo vose havagamuchiri mitoo mimwe cheteyo yokutarisira. Vabereki vakachenjera vacharemekedza misiyano uye vachadzivisa kuenzanisa mwana mumwe nomumwe. (Enzanisa naVaGaratia 6:4.) Kana vana venyu vachizokura kuva vakuru vakanaka, munofanira kucherekedza mavara avo akasiyana ohunhu, muchisakurira akanaka uye muchibvisa akaipa. Zvakadini kana mukawana utera kana kuti chimiro chendangariro chisina kufanira, zvichida kukuva asina kutendeseka, kudisa zvenyika, kana kuti udyire? Chiruramisei nomutsa, kunyange sezvo Jesu akaruramisa utera hwavaapostora vake. (Marko 9:33-37) Zvikurukuru, rumbidzai mwana mumwe nomumwe nguva dzose nokuda kwamasimba ake namavara akanaka.
10. Vana vanodei zvikuru, uye chinogona sei kugoverwa?
10 Iyo vana vanoda zvikurukuru ingwariro yorudo yomunhu oga. Jesu akawana nguva yokuti agovere vaduku ngwariro chaiyo yakadaro, kunyange mukati mamazuva okubatikana okupedzisira oushumiri hwake. (Marko 10:13-16, 32) Vabereki, teverai muenzaniso iwoyo! Nenzira isiri youdyire wanai nguva yokuva navana venyu. Uye musanyara kuvaratidza rudo rwechokwadi. Isai maoko enyu kumusana kwavo, sezvakaita Jesu. Vambundirei nokuvatsvoda noushamwari, nechidakadaka. Apo vabereki vavakuru vaduku vakasanorairwa vakabvunzwa kuti izanoi ravaigona kupa vamwe vabereki, pakati pemhinduro dzakawanda zvikurusa paiva ne: ‘Vadei zvikuru,’ ‘pedzai nguva pamwe chete,’ ‘tangai kuremekedzana,’ ‘vateererei chaizvoizvo,’ ‘ipai nhungamiro panzvimbo pehurukuro,’ uye ‘ivai vapachokwadi.’
11. (a) Vabereki vanofanira kurangarira sei kugoverwa kwengwariro chaiyo nokuda kwavana vavo? (b) Ndirini apo vabereki vangakwanisa kufarikanya kurukurirano dzinokosha navana vavo?
11 Kugovera ngwariro chaiyo yakadaro kunogona kuva mufaro. Mumwe mubereki anobudiririra akanyora, kuti: “Apo vakomana vedu vaviri vaiva vaduku zvikuru, muitiro wokuvaita kuti vagadzirire kurara, kuvaravira, kuvafonyera mumagumbeze, uye kunyengetera navo waiva mufaro.” Nguva dzakadaro pamwe chete dzinogovera banza rekurukurirano inogona kuva inokurudzira kuna vose vari vaviri mubereki nomwana. (Enzanisa naVaRoma 1:11, 12.) Vamwe varoorani vakateerera apo mwana wavo ana makore matatu okukura akakumbira Mwari kuti akomborere “Wally.” Akanyengeterera “Wally” pausiku hunotevedzana, uye vabereki vakakurudzirwa zvikuru apo vakaziva kuti aireva hama dziri muMalawi, panguva iyeyo dzaitambura chitambudzo. Mumwe mukadzi akataura kuti: ‘Apo ndaingova namakore mana bedzi, amai vangu vakandibetsera kuziva nomusoro magwaro nokuimba nziyo dzoUmambo apo ndakanga ndakamira pachigaro kuti ndiomese ndiro sezvo amai vaidzigeza.’ Unogona kufunga nezvenguva apo unogona kufarikanya kurukurirano dzinokosha navaduku vako here?
12. Vabereki vechiKristu vachagoverei nokuchenjera nokuda kwavana vavo, uye mitooi ingagona kushandiswa?
12 Vabereki vechiKristu vakachenjera vanoronga gadziriro yefundo yenguva dzose. Kunyange zvazvo ungashandisa mutoo wenguva dzose wemibvunzo nemhinduro, unogona kubetsera kurukurirano inofadza kupfurikidza nokugadziridza marusando efundo, zvikurukuru nokuda kwavana vaduku zvikuru here? Ungabatanidza kunyora mifanikiso yezviono zveBhaibheri, kutaura nhau dzeBhaibheri, kana kuti kuteerera mushumo wawakakumbira mwana kuti agadzirire. Ita kuti Shoko raMwari rinakire vana vako sezvaunogona kuti varishuve. (1 Petro 2:2, 3) Vamwe baba vakati: ‘Apo vana vaiva vaduku, taikambaira pauriri navo ndokuita zvinoitika zvenhau zvaibatanidza vanhu vakakurumbira veBhaibheri. Vana vaikuda.’
13. Chii chiri ukoshi hwamarusando erovedzo, uye chii chamungadzokorora mukati maiwaya?
13 Marusando erovedzo anogumawo nekurukurirano dzinokosha nemhaka yokuti anobetsera vaduku kugadzirira nokuda kwemigariro chaiyoiyo. Mumwe wavana vavanaKusserow—vose gumi nomumwe vakaramba vakatendeka kuna Mwari mukati mechitambudzo cheNazi—akati nezvavabereki vake: “Vakatiratidza nzira yokuita nayo uye nzira kuzvidzivirira timene nayo neBhaibheri. [1 Petro 3:15] Kazhinji kazhinji taiva namarusando erovedzo, tichibvunza mibvunzo nokupa mhinduro.” Kuregererei kuita zvimwe chetezvo? Munogona kurovedza mharidzo dzoushumiri, mubereki achiita sasaimba. Kana kuti rusando rwerovedzo rungabata nemiedzo chaiyoiyo. (Zvirevo 1:10-15) “Kuhwirudzura nokuda kwemigariro yakaoma kunogona kuvaka unyanzvi hwomwana nechivimbo,” mumwe munhu akatsanangura kudaro. “Rovedzo yacho ingabatanidza kuita rutivi rweshamwari iri kupa mwana wako mudzanga, chinwiwa kana kuti murimo.” Aya marusando anogona kukubetsera kunzwisisa kuti mwana wako achaita sei mumigariro yakadaro.
14. Neiko kurukurirano dzorudo nedzokunzwira tsitsi navana venyu dzichikosha kwazvo?
14 Mukati mekurukurirano nomwana wako, kumbira kwaari nomutoo mumwe chetewo wokunzwira tsitsi sezvakaita munyori waaya mashoko: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare.” (Zvirevo 3:1, 2) Hakungatapuri mwoyo womwana wako here kana ukatsanangura norudo kuti unoda teerero nemhaka yokuti ikoku kuchaguma nokuva kwake norugare namazuva akawanda—kutaura idi, upenyu husingagumi munyika itsva yaMwari ino rugare? Rangarira hunhu hwomuduku wako sezvaunorangarira muShoko raMwari. Ita ikoku nenzira yokunyengetera, uye Jehovha achakomborera nhamburiko dzako. Kurukurirano dzorudo nedzokunzwira tsitsi dzakadaro dzakavakirwa paBhaibheri sezvingabvira dzichava nemiuyo yakaisvonaka ndokuunza betsero dzinogarisa.—Zvirevo 22:6.
15. Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kupedza zvinetso?
15 Kunyange kana kurukurirano yakadaro isingaitiki mukati menhambo yefundo yenyu yakarongwa, usatsauswa nedzimwe nhau. Sanoteerera kwete bedzi zvinotaura mwana wako asiwo nzira iyo mufungo wacho unotaurwa nayo. “Tarisa mwana wako,” yakadaro imwe nyanzvi. “Mupe ngwariro yako yakazara. Unofanira kunzwisisa, kwete kungonzwa chete. Vabereki vanoshandisa nhamburiko iyoyo yomuraidzo vanogona kuita musiano mukuru muupenyu hwavana vavo.” Vana nhasi vanowanzosangana nezvinetso zvakakomba kuchikoro nokune imwe nzvimbo. Somubereki, ita kuti mwana ataure akasununguka, uye mubetsere kurangarira zvinhu nomurangariro waMwari. Kana usina chokwadi nenzira yokupedza nayo chinetso chacho, nzvera muMagwaro nezvinyorwa zvinogoverwa no“muranda akatendeka naakangwara.” (Mateo 24:45, NW) Nepaunogona napo pose, ipa mwana wako ngwariro chaiyo yose inodikanwa kupedza chinetso chacho.
Koshesai Nguva Yenyu Pamwe Chete
16, 17. (a) Neiko vanhu vaduku vachida zvikuru ngwariro chaiyo nomurairidzo nhasi? (b) Vana vanofanira kuzivei pakurangwa navabereki vavo?
16 Vanhu vaduku vanoda ngwariro chaiyo huru nhasi kupfuura nakare kose nemhaka yokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” uye idzi i“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3-14) Vabereki navana zvakafanana vanoda dziviriro inogoverwa nouchenjeri hwechokwadi uhwo “hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:12) Sezvo uchenjeri hwoumwari huchibatanidza kushandiswa kwakafanira kwezivo yakavakirwa paBhaibheri, vana vanoda murairidzo wenguva dzose muShoko raMwari. Naizvozvo, fundai Magwaro navaduku venyu. Vaudzei nezvaJehovha, sanotsanangurai zvinodikanwa zvake, uye tangai kariro inofadza yokuzadzikwa kwezvipikirwa zvake zvakaisvonaka. Taurai nezvezvinhu zvakadaro pamusha, sezvamunofamba navana venyu vari parutivi penyu—zvamazvirokwazvo, panhambo iri yose yakakodzera.—Dheuteronomio 6:4-7.
17 Varimi vanoziva kuti haisati iri miti yose inokura mumigariro mimwe cheteyo. Miti inoda ngwariro chaiyo. Nenzira yakafanana, mwana ari wose akasiyana uye anoda ngwariro chaiyo, murairidzo, uye chirango. Somuenzaniso, kutarisa kwokusatendera kwomubereki kungava kwakakwana kumisa chiito chakaipa chomuduku mumwe, nepo mumwe mwana angada chirango chakasimba zvikuru. Asi vana vako vose vanofanira kuziva chikonzero nei usingafadzwi namashoko akati kana kuti zviito, uye vabereki vose vari vaviri vanofanira kubatira pamwe kuitira kuti chirango chitsinhirane. (VaEfeso 6:4) Kunokosha zvikuru kuti vabereki vechiKristu vape nhungamiro yakajeka inotsinhirana naMagwaro.
18, 19. Vabereki vechiKristu vane mutoroi kuvana vavo, uye sezvingabvira chii chingava muuyo kana basa iroro rikasanoitwa?
18 Murimi anofanira kuita basa rokudyara nokusakura panguva yakarurama. Kana akanonoka kana kuti kuregeredza mbeu yake, achakohwa zvishomanene kana kuti kushaya. Eya, vana venyu vaduku “miti” iri kukura iyo inoda ngwariro chaiyo iko zvino, kwete mwedzi unotevera kana kuti gore rinotevera. Musarega mabanza anokosha okusimudzira kukura kwavo kwomudzimu mutsinhirano neShoko raMwari uye kubvisa mifungo yenyika iyo inogona kuvaparira kusvava ndokufa mumudzimu. Koshesai maawa namazuva izvo makaropafadzwa kupedza navana venyu, nokuti idzi nguva dzinopfuura nokukurumidza. Shandai zvakaoma kuti musakurire muvana venyu mavara oumwari anodikanwa nokuda kwoupenyu hunofadza savabatiri vakatendeka vaJehovha. (VaGaratia 5:22, 23; VaKorose 3:12-14) Iri harisi basa romumwe munhuwo zvake; ibasa renyu, uye Mwari anogona kukubetserai kuriita.
19 Ipai vana venyu nhaka yakapfuma yomudzimu. Fundai Shoko raMwari navo, uye farikanyai nhandaro yakanaka pamwe chete. Endai navana venyu kumisangano yechiKristu, uye ivai navo parutivi penyu mubasa rokuparidzira Umambo. Vakai mukati mavana venyu vanodiwa rudzi rohunhu runowana tendero yaJehovha, uye sezvingabvira zvikurusa vachakuunzirai mufaro mukuru muupenyu hwapashure. Zvamazvirokwazvo, “baba vowakarurama vachafara kwazvo; uye wakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, mai vakakubereka ngavafare kwazvo.”—Zvirevo 23:24, 25.
Tuso Yakapfuma
20. Chii chiri chinokosha kukuva mubereki anobudirira wavechiduku?
20 Kurera vana mugove wakaoma, wenguva refu. Kukudza ava ‘vana vemiti yemiorivhi patafura yako’ kuti vave vakuru vanotya Mwari vanobereka zvibereko zvoUmambo kwakanzi gadziriro yamakore 20. (Pisarema 128:3; Johane 15:8) Iyi gadziriro inowanzova yakaoma zvikuru apo vana vanosvika makore ouduku, apo dzvinyiriro pavari dzinowanzowedzera uye vabereki vanokuwana kuri madikanwa kusimbisa nhamburiko dzavo. Asi chinokosha kubudiriro chinoramba chiri chimwe chetecho—kuva vanopa ngwariro, vane ushamwari, uye vanonzwisisa. Yeukai kuti vaduku venyu vanoda chaizvoizvo ngwariro yomunhu oga. Munogona kuvapa ngwariro yakadaro kupfurikidza nokuratidza itiro hanya yorudo yapachokwadi nokuda kwegarikano yavo. Kuti muvabetsere, munofanira kuzvishandisa mumene kupfurikidza nokugovera nguva, rudo, uye itiro hanya izvo vanoda chaizvoizvo.
21. Chii chinogona kuva tuso yokupa vana ngwariro chaiyo?
21 Tuso yenhamburiko dzenyu dzokutarisira chibereko chinokosha Jehovha akaronzesa kwamuri dzinogona kuva dzinogutsa zvikuru kwazvo kupfuura kukohwa zvakawanda kupi nokupi. (Pisarema 127:3-5) Naizvozvo ipapoka vabereki, pfuurirai kupa vana venyu ngwariro chaiyo. Itai kudaro nokuda kwenakirwo yavo uye kumbiri yaBaba vedu vokudenga, Jehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Kukudza miti nokurera vana zvingaenzaniswa sei?
◻ Mwana anofanira kugamuchira rudzii rwengwariro zuva nezuva kubvira paucheche?
◻ Vana vanoda tarisiroi chaiyo, uye inogona sei kupiwa?
◻ Kupirei vana venyu ngwariro chaiyo?