Zvirevo
3 Usachiva machikichori ake,
Nekuti zvekudya zvacho ndezvekunyengera.
4 Usazvifondotsa kuti uwane pfuma.+
Mira uratidze kuti unonzwisisa.*
5 Paunokanda maziso ako pairi, inenge isisipo,+
Nekuti chokwadi ichamera mapapiro segondo yobhururuka mudenga.+
6 Usadya zvekudya zvemunhu akaomera;*
Usachiva machikichori ake,
7 Nekuti iye akaita semunhu ari kunyora pasi kuti wadya zvakadii.*
Anokuudza kuti, “Idya, inwa,” asi iye asiri kurevesa.*
8 Ucharutsa zvaunenge wadya
Uye uchange watambisa mashoko ako uchimutenda.
Kana ukamurova neshamhu, haambofi.
17 Mwoyo wako ngaurege kuitira shanje vatadzi,+
Asi itya Jehovha zuva rese,+
18 Nekuti kana ukadaro uchava neramangwana rakanaka+
Uye tariro yako haizoparadzwi.
19 Teerera, mwanakomana wangu, uve akachenjera,
Uye tungamirira mwoyo wako munzira yakarurama.
20 Usava pakati pevaya vanonwisa waini,+
Pakati pevaya vanodyisa nyama,+
21 Nekuti chidhakwa nemunhu anokara vachava varombo,+
Uye hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
24 Baba vemunhu akarurama vachafara zvechokwadi;
Munhu wese anobereka mwanakomana akachenjera achafadzwa naye.
25 Baba vako naamai vako vachafara,
Uye amai vakakubereka vachafara.
29 Ndiani ane nhamo? Ndiani asina kugadzikana?
Ndiani anokakavara? Ndiani ari kugunun’una?
Ndiani ane maronda pasina chikonzero? Ndiani ane maziso asiri kunyatsoona?
31 Usatarisa kutsvuka kunenge kwakaita waini
Ichivaima iri mumukombe, uye ichidzika zvinyoronyoro,
32 Nekuti pakupedzisira inoruma senyoka,
Uye inobudisa uturu sechiva.
34 Uye uchaita sewakarara pakati pegungwa,
Sewakarara pamusoro pebango rengarava rakaenda mudenga.
35 Uchati: “Vakandirova, asi handina kuzvinzwa.*
Vakandirova, asi handina kuzviziva.
Ndichamuka riiniko?+
Ndiri kuda kunwa imwe.”*