Wakapinda Muzororo raMwari Here?
“Uyo akapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake.”—VAHEBHERU 4:10.
1. Neiko zororo richidikanwa kwazvo?
ZORORO. Ishoko rinofadza nerakaisvonaka zvakadini! Kurarama munyika yanhasi yechimbichimbi nokubatikana, vakawanda zvikurusa vedu vaizobvuma kuti zororo shomanene raizofarirwa zvikurusa. Vaduku kana kuti vakuru, vakaroora kana kuti kuroorwa, vasina kuroora kana kuti kuroorwa, tinganzwa tadzvinyirirwa zvikuru uye taneta nokuraramawo zvako kwezuva nezuva. Nokuda kwaavo vane ganhuriro dzomuviri kana kuti undonda, zuva rimwe nerimwe idenho. Sezvinotaura Magwaro, “zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Munhu ari kuzorora haasati hake ari simbe. Zororo ndichinodikanwa chomunhu chinofanira kuitwa.
2. Jehovha ave achizorora kubvira rini?
2 Jehovha Mwari amene ave achizorora. Mubhuku raGenesi, tinorava kuti: “Denga nenyika zvikapera saizvozvo, nouzhinji hwazvo. Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita.” Jehovha akakoshesa chaizvo “musi wechinomwe,” nokuti chinyorwa chakafuridzirwa chinopfuurira kuti: “Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene.”—Genesi 2:1-3.
Mwari Akazorora Pabasa Rake
3. Ndezvipi zvaigona kusava zvikonzero zvokuzorora kwaMwari?
3 Neiko Mwari akazorora pa“musi wechinomwe”? Chokwadika, haana kuzorora nemhaka yokuti akanga aneta. Jehovha anofarikanya “ukuru hwesimba rake” uye “haaziyi, haaneti.” (Isaya 40:26, 28) Uyewo Mwari haana kuzorora nokuti aida kutindika kana kuti kuchinja, nokuti Jesu akatiudza kuti: “Baba vangu vachabata kusvikira zvino, neni ndinobatawo.” (Johane 5:17) Muchiitiko chipi nechipi, “Mwari ndiMweya” uye haaganhurirwi nokuchinja kwomiviri nezvinodikanwa zvezvisikwa zvine muviri.—Johane 4:24.
4. “Musi wechinomwe” wakanga wakasiyana sei na‘mazuva’ matanhatu akapfuura?
4 Tinogona sei kuwana nzwisiso yakati yechikonzero nei Mwari akazorora pa“musi wechinomwe”? Kupfurikidza nokucherekedza kuti, kunyange zvazvo Mwari akafadzwa zvikuru nezvaakanga aita mukati menguva refu ya‘mazuva’ matanhatu okusika okutanga, akakomborera zvakananga “musi wechinomwe” ndokuuzivisa kuti “mutsvene.” Concise Oxford Dictionary rinorondedzera “mutsvene” so“wakatsaurirwa kana kuti wakapiwa chose chose (kuna mwari kana kuti kuchinangwa chakati chorudzidziso).” Nokudaro, kukomborera kwaJehovha “musi wechinomwe” nokuuzivisa kuti mutsvene kunoratidza kuti iwo ne“zororo” rake zvinofanira kuva nebatano nokuda kwake kutsvene nechinangwa panzvimbo pezvinodikanwa zvipi nezvipi zvake. Batano iyoyo chii?
5. Mwari akatanga kufambisei mukati ma‘mazuva’ matanhatu okutanga okusika?
5 Mukati ma‘mazuva’ okusika matanhatu okutanga, Mwari akanga aita ndokutanga kufambisa kutenderera kwose nemitemo inodzora kushanda kwapasi nechinhu chiri chose chakaripoteredza. Masayendisiti zvino ari kudzidza magadzirirwo anoshamisa aizvozvi. Pedyo nomugumo we“zuva retanhatu,” Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga ndokuvaisa mu“munda weEdheni, kumabvazuva.” Pakupedzisira, Mwari akataura chinangwa chake pamusoro pemhuri yavanhu napasi mumashoko aya ouporofita: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.”—Genesi 1:28, 31; 2:8.
6. (a) Pamugumo we“zuva retanhatu,” Mwari akanzwa sei pamusoro pezvose zvaakanga asika? (b) “Musi wechinomwe” mutsvene mupfungwai?
6 Sezvo “zuva retanhatu” rokusika rakasvika pamugumo, nhoroondo yacho inotiudza kuti: “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Mwari akagutswa nezvose zvaakanga aita. Nokudaro akazorora, kana kuti akarega kuita, rimwe basa rine chokuita napasi. Kunyange zvazvo bindu reparadhiso rakanga rakakwana uye rakaisvonaka panguva iyoyo, zvisinei raingofukidza nharaunda duku bedzi, uye paingova nezvisikwa zviviri bedzi zvavanhu papasi. Kwaizotorera nguva nokuda kwapasi nemhuri yavanhu kusvika mugariro uyo Mwari akaronga. Nokuda kwechikonzero ichi, akagadza “musi wechinomwe” waizobvumira zvose zvaakanga asika mu‘mazuva’ matanhatu akatanga kukura mutsinhirano nokuda kwake kutsvene. (Enzanisa naVaEfeso 1:11.) Sezvo “musi wechinomwe” unosvika kumugumo wawo, pasi richava rava paradhiso yenyika yose inogarwa nokusingaperi nemhuri yakakwana yavanhu. (Isaya 45:18) “Musi wechinomwe” unotsaurwa, kana kuti unotsaurirwa, kushanda nokuzadzikwa kwokuda kwaMwari pamusoro papasi norudzi rwomunhu. Mumufungo iwoyo “mutsvene.”
7. (a) Mwari akazorora no“musi wechinomwe” pamusoro pechii? (b) Chinhu chose chichava chakaita sei panguva iyo “musi wechinomwe” unosvika mugumo wawo?
7 Nokudaro Mwari akazorora pabasa rake rokusika no“musi wechinomwe.” Kunoita sokunge kuti akarega kuita basa ndokubvumira izvo akanga ati zvifambe kupfuurira kufamba. Ane chivimbo chakazara chokuti pamugumo wo“musi wechinomwe,” chinhu chose chichange chaita chaizvoizvo sokuronga kwaakaita. Kunyange kana pave paine mhinganidzo, dzaizove dzakurirwa. Rudzi rwose rwomunhu runoteerera ruchabetserekana apo kuda kwaMwari kunoitika zvakazara. Hapana chichadzivisa izvi nokuti chikomborero chaJehovha chiri pa“musi wechinomwe,” uye akauita “mutsvene.” Ikariro ine mbiri zvakadini nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera!
Israeri Akakundikana Kupinda Muzororo raMwari
8. VaIsraeri vakasvika pakuchengeta Sabata rini uye sei?
8 Rudzi rwaIsraeri rwakabetserekana negadziriro yaMwari yebasa nezororo. Kunyange asati apa vaIsraeri Mutemo paGomo reSinai, Mwari akavaudza kupfurikidza naMosesi kuti: “Tarirai, Jehovha zvaakakupai sabata, naizvozvo unokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurege kuvapo nomunhu unobuda kwaagere nezuva rechinomwe.” Mugumisiro wacho waiva wokuti “vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.”—Eksodho 16:22-30.
9. Neiko mutemo weSabata pasina mubvunzo waiva chinjo inogamuchirwa nomufaro nokuda kwavaIsraeri?
9 Gadziriro iyi yaiva itsva nokuda kwavaIsraeri, vakanga vachangobva kununurwa muuranda muEgipita. Kunyange zvazvo vaEgipita navamwe vaiyera nguva munhambo dzamazuva mashanu kusvikira kugumi, hakungabviri kuti vaIsraeri vaiva varanda vaibvumirwa zuva rokuzorora. (Enzanisa naEksodho 5:1-9.) Naizvozvo kune mufungo kugumisa kuti vanhu vaIsraeri vakagamuchira nomufaro chinjo iyi. Panzvimbo pokurangarira chinodikanwa cheSabata somutoro kana kuti ganhuriro, vanofanira kuva vakafara kuchitevera. Kutaura idi, Mwari gare gare akavaudza kuti Sabata raizoshanda sechiyeuchidzo chouranda hwavo muEgipita nokuvanunura kwake.—Dheuteronomio 5:15.
10, 11. (a) Kupfurikidza nokuteerera, vaIsraeri vaizodai vakakarira kufarikanyei? (b) Neiko vaIsraeri vakakundikana kupinda muzororo raMwari?
10 Kudai vaIsraeri vakabuda muEgipita naMosesi vakanga vachiteerera, vaizodai vakava neropafadzo yokupinda mu“nyika [yakapikirwa] inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8) Ikoko vaizodai vakafarikanya zororo rechokwadi, kwete bedzi paSabata asi muupenyu hwavo hwose. (Dheuteronomio 12:9, 10) Zvisinei, izvozvo hazvina kubvumikisa kuva zvakadaro. Pamusoro pavo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndivanaani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Egipita naMosesi here? Wakanzwa shungu makore ane makumi mana pamusoro pavanaani? Havazi ivo vakatadza, mitumbi yavo ikawira murenje here? Wakapika pamusoro pavanaani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kuteerera here? Zvino tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.”—VaHebheru 3:16-19.
11 Chidzidzo chine simba chakadini nokuda kwedu! Nemhaka yokusatenda kwavo muna Jehovha, chizvarwa ichocho hachina kuwana zororo raakanga apikira. Panzvimbo pezvo, vakaparara murenje. Vakakundikana kunzwisisa kuti savana vaAbrahama, vakanga vasanobatanidzwa nokuda kwaMwari mukugovera zvikomborero nokuda kwamarudzi ose apasi. (Genesi 17:7, 8; 22:18) Panzvimbo pokushanda mutsinhirano nokuda kwaMwari, vakatsauswa chose chose nezvishuvo zvavo zvenyika nezvoudyire. Ngatisambowira mumuitiro wakadaro!—1 VaKorinte 10:6, 10.
Zororo Richiriko
12. Ikariroi yakanga ichiripo nokuda kwavaKristu vomuzana rokutanga ramakore, uye vanogona sei kuiwana?
12 Pashure pokuonesa kukundikana kwaIsraeri kupinda muzororo raMwari nemhaka yokusatenda, Pauro akatendeudzira ngwariro yake kuvatendi biyake. Sezvinoratidzirwa pana VaHebheru 4:1-5, (NW), akavavimbisa kuti “chipikirwa chokupinda muzororo ra[Mwari] zvachichiripo.” Pauro akavakurudzira kushandisa kutenda mu“mashoko akanaka,” nokuti “isu vakatenda, tinopinda muzororo racho.” Sezvo Mutemo wakanga watobviswa kupfurikidza nechibayiro chorudzikinuro chaJesu, Pauro pano akanga asiri kunongedzera kuzororo romuviri raigoverwa neSabata. (VaKorose 2:13, 14) Kupfurikidza nokunokora mashoko aGenesi 2:2 nePisarema 95:11, Pauro akanga achikurudzira vaKristu vechiHebheru kupinda muzororo raMwari.
13. Mukunokora mashoko muPisarema 95, neiko Pauro akadanira ngwariro kushoko rokuti “nhasi”?
13 Bviro yokupinda muzororo raMwari yaifanira kuva ku“mashoko akanaka” kuvaKristu vechiHebheru, kungofanana neizvo zororo reSabata raifanira kuva “mashoko akanaka” kuvaIsraeri vakavatangira. Nokudaro, Pauro akakurudzira vatendi biyake kusaita chikanganiso chimwe chetecho chakaitwa naIsraeri murenje. Achidudza iro zvino riri Pisarema 95:7, 8, akadanira ngwariro kushoko rokuti “nhasi,” kunyange zvazvo yakanga yava nguva refu kwazvo chibviro chaapo Mwari akanga azorora pakusika. (VaHebheru 4:6, 7) Ndoupi waiva mufungo waPauro? Waiva wokuti “musi wechinomwe,” uyo Mwari akanga atsaura kubvumira chinangwa chake chine chokuita napasi norudzi rwomunhu kuitwa zvizere, chakanga chichiri kuitika. Naizvozvo, kwaiva kwokukurumidzira kuti vaKristu biyake vashande maererano nechinangwa ichocho panzvimbo pokubatikana nezvirondwa zvoudyire. Zvakare akazivisa nyevero yokuti: “Musaomesa mwoyo yenyu.”
14. Pauro akaratidza sei kuti “zororo” raMwari richiripo?
14 Mukuwedzera, Pauro akaratidza kuti “zororo” rakapikirwa raisangovawo zvaro nhau yokugara muNyika Yakapikirwa muutungamiriri hwaJoshua. (Joshua 21:44) “Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo,” Pauro akakurudzira kudaro, “[Mwari] haazaizoreva rimwe zuva pashure.” Achirangarira izvozvo, Pauro akawedzera kuti: “Zororo resabata ravanhu vaMwari richiripo.” (VaHebheru 4:8, 9) “Zororo resabata” iroro chii?
Pinda Muzororo raMwari
15, 16. (a) Kutaura kwokuti “zororo resabata” kunorevei? (b) ‘Kuzorora pabasa rako umene’ kunorevei?
15 Kutaura kwokuti “zororo resabata” kunoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “kuchengeta sabata.” (Kingdom Interlinear) Purofesa William Lane anoti: “Shoko racho rakawana musiyano waro chaiwo mumurayiridzo weSabata wakatanga muchiJudha pahwaro hwaEksodho 20:8-10, uko zvakasimbiswa kuti zororo nerumbidzo zviri pamwe chete . . . [Zvino]simbisa rutivi chairwo rwomutambo nomufaro, zvinoratidzwa mukukudza nokurumbidza Mwari.” Naizvozvo, ipapoka, zororo rakapikirwa harisi kungosungurwawo zvako pabasa. Ichinjo kubva kubasa rinonetesa, risina chinangwa kuenda kubasa rinofadza rinokudza Mwari.
16 Ikoku kunotsigirwa namashoko aPauro anotevera okuti: “Nokuti uyo wakapinda muzororo irero, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake.” (VaHebheru 4:10) Mwari haana kuzorora pazuva rechinomwe rokusika nemhaka yokuneta. Panzvimbo pezvo, akarega basa rokusika rapasi kuti basa ramaoko ake rigokura ndokuva nembiri yakazara, kukurumbidzwa nokukudzwa kwake. Sorutivi rwechisiko chaMwari, tinofanira kukodzerawo mugadziriro iyoyo. Tinofanira ku‘zorora pamabasa edu timene,’ ndiko kuti, tinofanira kurega kuedza kuzviruramisa pamberi paMwari mukuedza kuwana ruponeso. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuva nokutenda muizvo Mwari akapikira. Tinofanira kuva nokutenda kuti ruponeso rwedu runotsamira pachibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, uyo kupfurikidza naye zvinhu zvose zvichadzorerwazve mutsinhirano nechinangwa chaMwari.—VaEfeso 1:8-14; VaKorose 1:19, 20.
Shoko raMwari Rinoshandisa Simba
17. Inzirai yakarondwa naIsraeri wokunyama yatinofanira kudzivisa?
17 VaIsraeri vakakundikana kupinda muzororo raMwari rakapikirwa nemhaka yokusateerera nokusatenda kwavo. Somugumisiro, Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti: “Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo unozowa achitevera nzira iyo yokusateerera.” (VaHebheru 4:11) VaJudha vakawanda zvikurusa vomuzana rokutanga ramakore havana kushandisa kutenda muna Jesu, uye vakawanda vavo vakatambura zvikuru apo gadziriro yezvinhu yechiJudha yakasvika kumugumo wayo muna 70 C.E. Kwakakomba sei kuti tive nokutenda mushoko raMwari rechipikirwa nhasi!
18. (a) Pauro akapa zvikonzeroi zvokushandisa kutenda mushoko raMwari? (b) Shoko raMwari “rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri” sei?
18 Tine zvikonzero zvakanaka zvokushandisa kutenda mushoko raJehovha. Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Hungu, shoko raMwari, kana kuti dama “rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri.” VaKristu vechiHebheru vaifanira kuyeuka chakaitika kumadzibaba avo. Vachifuratira kutaura kwaJehovha kwokuti vaizoparara murenje, vakaedza kupinda muNyika Yakapikirwa. Mosesi akavanyera kuti: “VaAmareki navaKanani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo.” Apo vaIsraeri vakapfuurira nechisimbwa, “vaAmareki navaKanani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHorma.” (Numeri 14:39-45) Shoko raJehovha rakapinza kupfuura munondo upi noupi unocheka kumativi maviri, uye munhu upi noupi anorifuratira noune ane chokwadi chokuwana migumisiro yacho.—VaGaratia 6:7-9.
19. Shoko raMwari ‘rinobaya’ zvine simba sei, uye neiko tichifanira kuziva kuzvidavirira kwedu kuna Mwari?
19 Shoko raMwari “rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomwongo” zvine simba sei! Rinopinda mumifungo nezvishuwo zvomunhu, nenzira yokufananidzira richibaya kusvikira pamwongo murutivi rwomukati-kati rwamapfupa! Kunyange zvazvo vaIsraeri vakasunungurwa muuranda hweEgipita vakanga vabvuma kuchengeta Mutemo, Jehovha aiziva kuti mumwoyo yavo vaisaonga gadziriro nezvinodikanwa zvake. (Pisarema 95:7-11) Panzvimbo pokuita kuda kwake, vaiva nehanya nokugutsa zvishuwo zvavo zvenyama. Nokudaro, havana kupinda muzororo rakapikirwa raMwari asi vakaparara murenje. Tinofanira kurangarira izvozvo zvakakomba, nokuti “hakuna chisikwa chisingaonekwi naye [Mwari], asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Naizvozvo ngatizadzikei tsauriro yedu kuna Jehovha ndokusa“dzokera shure, kuti tiparadzwe.”—VaHebheru 10:39.
20. Chii chiri mberi, uye tinofanira kuitei zvino kuti tipinde muzororo raMwari?
20 Kunyange zvazvo “musi wechinomwe”—zuva rezororo raMwari—richiri kupfuurira, akasvinurira kushanda kwechinangwa chake chine chokuita napasi norudzi rwomunhu. Nokukurumidza zvikuru, Mambo Mesiya, Jesu Kristu, achaita chiito chokubvisa papasi vose vanoshora kuda kwaMwari, kubatanidza Satani Dhiyabhorosi. Mukati moKutonga kwaKristu Kwamakore Ane Chiuru, Jesu navatongi biyake vane 144 000 vachasvitsa pasi norudzi rwomunhu kumugariro uyo Mwari akanga aronga. (Zvakazarurwa 14:1; 20:1-6) Zvino inguva yokuti tibvumikise kuti upenyu hwedu hwakanangidzirwa pakuda kwaJehovha Mwari. Panzvimbo pokutsvaka kuzviruramisa pamberi paMwari nokufambisira mberi fariro dzedu, zvino inguva yokuti ti‘zorore pamabasa edu timene’ ndokubatira fariro dzoUmambo nomwoyo wose. Kupfurikidza nokuita kudaro uye kupfurikidza nokuramba takatendeka kuna Baba vedu vokudenga, Jehovha, tichava neropafadzo yokufarikanya betsero dzezororo raMwari zvino nokusingaperi.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Mwari akazorora no“musi wechinomwe” nokuda kwechinangwai?
◻ Izororoi iro vaIsraeri vaigona kuve vakafarikanya, asi neiko vakakundikana kupinda mariri?
◻ Tinofanira kuitei kuti tipinde muzororo raMwari?
◻ Shoko raMwari ibenyu, rine simba, uye rinopinza kukunda munondo upi noupi unocheka kumativi maviri sei?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
VaIsraeri vakachengeta Sabata, asi havana kupinda muzororo raMwari. Unoziva kuti nemhaka yei here?