Mapisarema
95 Uyai, ngatipemberei nemufaro kuna Jehovha!
Ngatishevedzerei tichirumbidza Dombo reruponeso rwedu.+
Nhasi kana mukateerera inzwi rake,+
8 Musaomesa mwoyo yenyu sepaMeribha,*+
9 Pandakaedzwa nemadzitateguru enyu;+
Akapikisana neni, kunyange zvazvo akanga aona mabasa angu.+
10 Kwemakore 40 ndaisemeswa nechizvarwa ichocho, uye ndakati:
“Ivo vanhu vanogara vachitsauka mumwoyo yavo;
Havasati vava kuziva nzira dzangu.”
11 Saka ndakapika ndakatsamwa ndichiti:
“Havazopindi muzororo rangu.”+