Tsamba kuvaHebheru
4 Saka sezvo vimbiso yekuzopinda muzororo rake ichiripo, ngatingwarirei kuti mumwe wenyu asazoonekwa asina kukodzera.+ 2 Nekuti takaziviswawo mashoko akanaka,+ sezvavakaitwawo ivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nekuti vakanga vasina kutenda sekwaiva nevaya vakateerera. 3 Nekuti isu takatenda tinopinda muzororo racho, sekutaura kwaakaita kuti: “Saka ndakapika ndakatsamwa ndichiti, ‘Havazopindi muzororo rangu,’”+ kunyange zvazvo mabasa ake akanga apera kubvira pakuvambwa kwenyika.+ 4 Nekuti akambotaura nezvezuva rechinomwe achiti: “Uye Mwari akazorora pazuva rechinomwe pamabasa ake ese,”+ 5 uye pano ari kuti zvakare: “Havazopindi muzororo rangu.”+
6 Saka sezvo zvasarira vamwe kuti vapinde mariri, uye sezvo vaya vakatanga kuparidzirwa mashoko akanaka vasina kuzopinda nemhaka yekusateerera,+ 7 iye anosarudzazve rimwe zuva nekutaura pashure penguva refu mupisarema raDhavhidhi achiti “Nhasi”; sekutaurwa kwamboitwa pamusoro apa kuti, “Nhasi kana mukateerera inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”+ 8 Nekuti kudai Joshua+ akanga avapinza munzvimbo yezororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva. 9 Saka zororo resabata richiriko kuvanhu vaMwari.+ 10 Nekuti munhu anenge apinda muzororo raMwari anenge azororawo pamabasa ake, sezvakaita Mwari pane ake.+
11 Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti tipinde muzororo iroro, kuti parege kuva nemunhu anowa otevedzera muenzaniso iwoyo wekusateerera.+ 12 Nekuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba,+ rakapinza kupfuura bakatwa rinocheka nekwese+ uye rinobaya kusvika panoparadzana mweya* nemwoyo,* uye panosangana mapfupa nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa pfungwa dzemunhu uye zviri kudiwa nemwoyo wake. 13 Uye hapana chisikwa chaasingaoni,+ asi kuti zvinhu zvese zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.+
14 Saka sezvo tiine mupristi mukuru anopfuura vamwe vese akapinda kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari,+ ngatirambei tichimuzivisa pachena.+ 15 Nekuti hatina mupristi mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu,+ asi watiinaye akaedzwa pamamiriro ese ezvinhu sezvatakaitwawo, akaramba asina chivi.+ 16 Saka ngatiswederei kuchigaro cheumambo chenyasha tiine rusununguko rwekutaura,+ kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwe nyasha kuti dzitibatsire panguva yakakodzera.