Kutsvakirei Kururama?
MUNYIKA yamasimba masimba pamberi paMafashamo, murume mumwe akatanhamara saakasiana. Murume iyeyo akanga ari Noa. Iye nemhuri yake vakafamba naMwari apo vasara vose vorudzi rwomunhu vakaMufuratira. Somuuyo, “Noa akanga ari munhu wakarurama” munguva idzodzo dzakaipa, uye kuvanhu venyika vasingateereri iye akava “muparidzi wokururama.”—Genesi 6:9; 2 Petro 2:5.
Pane imwe nguva munenge mugore ra 56 reNguva yedu yaVose, muapostora Pauro akanga ari mutorongo muKesaria. Apo akadanwa kubuda mutorongo rake kuenda pamberi paGavhuna Feriksi, Pauro akabata banza rokuparidzira kuno uyu mukuru mukuru weRoma. Chii chakanga chiri pfundo guru ramashoko ake? “Iye akataura pamusoro pokururama nokuzvidzora uye rutongeso rwaizouya.” (Mabasa 24:25, NW) Hungu, Paurowo akanga ari muparidzi wokururama.
Itiro hanya iyo ava vabatiri vaviri vakatendeka vaMwari vakaratidza nokuda kwokururama zvirokwazvo yakanga yakafanira. Jehovha ndi“Mwari akarurama noMuponesi.” (Isaya 45:21) Nokudaro, chirevo chakafuridzirwa chinotiudza, kuti: “Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha, asi unoda munhu anotevera kururama.” (Zvirevo 15:9) Vose vavabatiri vaMwari vanofanira kutsvaka kururama.
Nenzira isingafadzi, vazhinji nhasi vane chimiro chokuregeredza kuiri vara. Vanoti: ‘Handikuvadzi muvakidzani wangu, naizvozvo ndine chokwadi kuti Mwari anofadzwa neni.’ Kana kuti vangati: ‘Kune nzira zhinji dzinotungamirira kukururama. Chinhu chiri chose chichava chakanaka chero bedzi ndiri wapachokwadi pamusoro porudzidziso rwangu.’ Iwe unofunga here kuti chimiro chakadaro chokuregeredza chinogamuchirika kuna Mwari?
Vamwe vangamutsa nhau yakasiana. Vangava vanoziva nezvokutaura kwaPauro: “Takaruramiswa somuuyo wokutenda.” (VaRoma 5:1, NW) Nemhaka yaikoku, vangashamisika: ‘MaKristu, ayo akatoruramiswa, anorangarirwa sei kuramba achitsvaka kururama?’ Waizopindura sei mubvunzo wakadaro?
Mwari Wokururama
Mukuwirirana neduramashoko, kururama kururama kwetsika, ruramisiro, tsinhirano nomutemo woumwari kana kuti wetsika. Sezvo Jehovha ari Mwari wokururama, ani naani anoshuva kumufadza anofanira kuva anoitira hanya pamusoro peiri vara rinokosha. “Jehovha akarurama,” akadaro wezvamapisarema. “Iye anoda mabasa akarurama. Vakarurama ndivo vachaona chiso chake.” (Pisarema 11:7, NW; Dheuteronomio 32:4) Muapostora Petro akati: “Meso a[Jehovha, NW] ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake pakukumbira kwavo.”—1 Petro 3:12.
Nokudaro, hatigoni kuva vanoregeredza muiyi nhau, sezvakanga zvakaita vaJudha vazhinji. Vazhinji vavo pasina panikiro vakanga vari vanhu vakanaka avo vasina kukuvadza vavakidzani vavo. Vakanga vari vapachokwadiwo—kunyange vanoshingaira—pamusoro porudzidziso rwavo. Asi muzana ramakore rokutanga, voruzhinji vakanga vasina kururama mumeso aMwari. Pauro akati: “Ndinovapupurira kuti vane shingairo nokuda kwaMwari; asi kwete mukuwirirana nezivo yakarurama; nokuti, nemhaka yokusaziva kururama kwaMwari asi kutsvaka kugadza kwavo vamene, havana kuzviisa vamene pasi pokururama kwaMwari.”—VaRoma 10:2, 3, NW.
Ndapapi apo vaJudha vakakanganisa? Pauro anoti havana kutsvaka kururama mukuwirirana nezivo yakarurama. Muenzaniso wavo wenyevero unotiudza kuti hakuna kukwana kungova bedzi nohunhu hunofadza ndokudzivisa kukuvadza. Unoratidzirawo kuti hakuna nzira zhinji dzakasiana-siana dzinotungamirira kukururama. Nenzira yakajeka, pakanga pane chimwe chinhu chisina kururama nenzira yakasarudzwa navaJudha vazhinjisa muzuva ravaapostora. Tinogona kutsvaka kururama nenzira inobudirira kana bedzi tikateerera Mwari. Bhuku raZvirevo rinoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirairo yangu kwauri, ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.”—Zvirevo 2:1, 9.
Nzira Yokururama
Kubva kuna Mosesi kuburukira kuna Jesu, kururama kwakabatanidzwa nokuteerera mirairo yaMwari sezvinotaurwa muMutemo waMosesi. Sezvo vaIsraeri vasina kukwana vaisakwanisa kudzivisa kudarika iyi mirairo, vaifanira kupa zvibairo nezvipiriso zvezvivi zvakarairwa noMutemo kuti zvifukidze mhaka yavo. Mosesi akaudza vaIsraeri, kuti: “Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murairo wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.”—Dheuteronomio 6:25.
Kwamazana mazhinji amakore hakuna munhu akazadzika Mutemo zvakakwana. Kunyanguvezvo, vazhinji vakaedza zvapachokwadi kutsvaka kururama kupfurikidza nawo, uye Bhaibheri rinotaura nezvavamwe vaivava savakarurama. Somuenzaniso, vabereki vaJohane Mubhapatidzi vanorondedzerwa sa“vakarurama pamberi paMwari nemhaka yokufamba vasina chavanopomerwa mukuwirirana nemirairo yose nezvinodikanwa zvapamutemo zvaJehovha.”—Ruka 1:6, NW.
Jesu, zvisinei, akazarura nzira itsva yokutsvaka nayo kururama. Iye akachengeta Mutemo waMosesi zvakakwana—munhu bedzi akamboita saizvozvo. Jesu akafira padanda rokutambudzira, uye Jehovha akagamuchira ukoshi hwoupenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu. Kubvira ipapo zvichienda mberi, zvibairo zviri pasi pesungano yoMutemo zvakanga zvisingadikanwizve. Chibairo chakakwana chaJesu chakafukidza zvivi zvavanhu vose vane mwoyo wakarurama.—VaHebheru 10:4, 12.
MaKristu Echokwadi Anoruramiswa
Chifo chorufu rwaJesu norumuko, ipapoka, kururama kwakabatanidzwa nokushandisa kutenda muno uyu Mwanakomana akarurama waMwari. (Johane 3:16) Nepo vaJudha vanotenderwa vomuzuva raPauro vasina kuwana kururama nemhaka yokuti vakaramba zivo yakarurama pamusoro paJesu, tinorava pamusoro pamaKristu akatendeka, kuti: “Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.”—VaRoma 3:24.
Mumashoko akapoteredza, aya mashoko anoshanda zvakananga kumaKristu akazodzwa ayo, nemhaka yokutenda kwawo muchibairo chaJesu, vanoruramiswa nomurangariro wokuva kwavo vadyi nhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga. Nhasi, zvisinei, sezvakadeya kuonekwa nomuapostora Johane, boka guru ramaKristu ane tariro yapasi rakaoneka. Ivavawo vanoshandisa kutenda murudzikinuro. Ivo vano‘suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana’ naizvozvo vanoruramiswa seshamwari dzaMwari nomurangariro wokupukunyuka kwavo dambudziko guru.—Zvakazarurwa 7:9, 14; enzanisa naJakobho 2:21-26.
Ramba Uchitsvaka Kururama
Kunyanguvezvo, cherekedza kuti kutsvakwa kwokururama hakusati kuchiguma nokuisa kwedu kutenda muna Jesu. Timotio akanga ave ari muKristu akazvitsaurira, akazodzwa kwamakore mazhinji apo Pauro akanyorera mashoko anotevera kwaari: “Tsvaka kururama, kuzvipira kwoumwari, kutenda, rudo, tsungiriro, unyoro. Irwa kurwa kwakaisvonaka kwokutenda.” (1 Timotio 6:11, 12, NW; 2 Timotio 2:22) Neiko Timotio aifanira “kutsvaka kururama” kana Mwari akanga atomururamisa?
Nemhaka yokuti shoko rokuti “kururama” rinoshandiswawo muBhaibheri mupfungwa yakafara zvikuru kunongedzera kuno uyo anorarama upenyu hwokutendeseka, hwetsika dzakanaka uye anoita hunani hwake kuteerera mirairo yaMwari. Iyoyi ndiyo pfungwa umo vabereki vaJohane Mubhapatidzi vakanga vakarurama. (Ruka 1:6) Baba vokurera vaJesu, Josefa, uye Josefa weArimatia vakanga vakaruramawo mune iyi nzira. (Mateo 1:19; Ruka 23:50) Idi rokuti maKristu akaruramiswa harisati richibvisa mutoro wawo wokutsvaka kururama mupfungwa iyi. Zvamazvirokwazvo, muKristu upi noupi anorega kurarama upenyu hwokutendeseka, hwetsika dzakanaka kana kuti anokundikana kuteerera mirairo yaMwari acharasikirwa nokumira kwake kwakarurama pamberi paJehovha.
Kutsvaka Kururama—Denho
Kutsvaka kururama idenho. Neiko? Nemhaka yokuti tose zvedu hatina kukwana uye tine kombamiro yakasimba kukusarurama. (Genesi 8:21; VaRoma 7:21-23) Uyezve, tiri kurarama munyika inokurudzira mifungo isina kururama namabasa uye iri mukudzora kwaSatani Dhiabhorosi, “wakaipa.” (1 Johane 5:19; 2 VaKorinte 4:4) Hakushamisi kuti pakunyorera Timotio, Pauro akabatanidza kutsvaka kururama no‘kurwa kurwa kwakaisvonaka kwokutenda’!—1 Timotio 6:11, 12.
Tinogona kubudirira muuku “kurwa kwakaisvonaka” here? Hungu, asi kana bedzi tikatanga rudo rwemwoyo wose rwemipimo yaJehovha noruvengo rwechiri chakaipa. Bhaibheri rinoti nezvaJesu: “Wakada kururama, uye wakavenga kusateerera mutemo.” (VaHebheru 1:9, NW) Tinofanira kuva nechimiro chimwe chetecho: chishuvo chikuru chokusakurira rudo rwechinofadza Mwari uye kunyangadzwa nechinhu chipi nechipi chisingamufadzi.
Panguva imwe cheteyo, tinofanira kuyeuka kuti kutsvakwa kwokururama hakusati kuri makwikwi. Kana tichizvirangarira timene savari nani kupfuura vamwe, kana kuti kana tichiganza nokururama kwedu timene, ipapoka takafanana navaFarise vechiJudha. (Mateo 6:1-4) Avo vanotsvaka kururama nenzira inobudirira vane murangariro wapachokwadi wokuzvininipisa wavo vamene, ‘vachirangarira kuti vamwe vakuru kwavari.’—VaFiripi 2:3.
Pauro akasimbisa ukoshi hwefundo yeBhaibheri mukutsvakwa kwokururama apo akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama.” (2 Timotio 3:16) Kana tikafunda Bhaibheri ndokupinda misangano yechiKristu uko Bhaibheri rinokurukurwa, ticharovedzwa mukururama. Bhaibheri rinogona kutiumba kuti tipfeke ‘hunhu hutsva, hunosikwa mukururama kwechokwadi noruvimbiko.’—VaEfeso 4:24.
Apo kururama kunova rutivi rukuru rwedu, zvirokwazvo tichavenga kusateerera mutemo. Hatisati tichizoedzwa kutsvaka vasonganiri vakaipa venyika ino. (1 VaKorinte 15:33) Hatisati tichizopesvedzerwa kuda zvinhu zvenyika ino kana kuti kuwirirana nezvinokosha zvokudisa zvenyika zvenyika ino. (Zvirevo 16:8; 1 Timotio 6:9, 10; 1 Johane 2:15-17) Zvirokwazvo, hatisati tichizokwezvwa nevaraidzo youtere neyamasimba masimba iyo inowanika zvakapararira zvikuru nhasi.—VaEfeso 5:3, 4.
Zvikomborero Zvokururama
Hungu, kutsvaka kururama nenzira yaJehovha idenho, asi nhamburiko yacho yakafanira. Neiko? Nemhaka yokuti inotungamirira kukufarikanya kwedu ukama hwomunhu oga naJehovha amene. Iropafadzo inoshamisa zvakadini! Bhaibheri rinotiudza, kuti: “[Jehovha] unoropafadza hugaro hwavakarurama.” “Jehovha uri kure navakaipa; asi unonzwa munyengetero wavakarurama.” (Zvirevo 3:33; 15:29) Mukuwedzera, tinosvika kunzwisiswo huru yamadonzo aJehovha. “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”—Zvirevo 4:18.
Bhaibheri rinopikira dziviriro kuvatsvaki vokururama apo tsika ino isina kururama yezvinhu inosvika kumugumo wayo. “Tsvakai Jehovha imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro, zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:3) Pashure paikoko, nokuda kwaavo vane tariro yapasi, Bhaibheri rinopa kariro inoshamisa zvirokwazvo: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Zvikonzero zvinoshamisa zvakadini zvokutsvaka kururama! Mwari amene anoti: “Munhu, unotsvaka kururama nounyoro, unowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.”—Zvirevo 21:21.