Kumhanya Nhangemutange Netsungiriro
“Ngatimhanye netsungiriro nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”—VAHEBHERU 12:1, NW.
1. (a) Chii chinoiswa pamberi pedu patinoita tsauriro kuna Jehovha Mwari? (b) Rudzii rwenhangemutange muKristu anofanira kugadzirira nokuda kwarwo?
APO takazvitsaurira timene kuna Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu, Mwari akaisa pamberi pedu, kutaura nenzira yokufananidzira, nhangemutange. Pamugumo wenhangemutange, mubairo uchapiwa avo vose vanopedza nenzira inobudirira. Mubairoiko? Upenyu husingaperi! Kuti awane uyu mubairo wakaisvonaka, mumhanyi wechiKristu anofanira kuva akagadzirira, kwete nokuda kwokumhanya kupfupi bedzi, kwokukurumidza, asi nokuda kwokumhanya kwedaro refu. Naizvozvo iye achada tsungiriro. Iye achafanira kutsungirira zvose zviri zviviri basa renguva refu renhangemutange imene nemhinganidzo izvo zvinozvipa zvimene mukati menhangemutange.
2, 3. (a) Chii chichatibetsera mukumhanya nhangemutange yechiKristu kusvikira kumugumo? (b) Mufaro wakabetsera sei Jesu kumhanya nhangemutange netsungiriro?
2 Chii chichatibetsera kumhanya nhangemutange yakadaro kusvikira kumugumo? Eya, chii chakabetsera Jesu kutsungirira paakanga ari munhu pasi pano? Iye akawana simba romukati muvara romufaro. VaHebheru 12:1-3 inorava, kuti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pa[danda rokutambudzira, NW] nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro cho[umambo, NW] chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.”
3 Muushumiri hwake hwose hwapachena, Jesu akakwanisa kuramba achimhanya nhangemutange nemhaka yomufaro waJehovha. (Enzanisa naNehemia 8:10.) Mufaro wake wakamubetsera kutsungirira kunyange rufu runozvidzisa padanda rokutambudzira, pashure parwo iye akawana mufaro usingatauriki wokumuka muvakafa nokukwira kuruoko rworudyi rwaBaba vake, ikoko kundoona basa raMwari rose kusvikira kumugumo waro. Kupfurikidza netsungiriro yake somunhu parutivi rwaMwari, iye akabatirira kumaruramiro ake oupenyu husingaperi. Hungu, sokutaura kunoita Ruka 21:19: “Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.”
4. Rudzii rwomuenzaniso urwo Jesu akagadza nokuda kwavamhanyi biyake, uye tinofanira kuchengeta ndangariro dzedu pachii?
4 Jesu Kristu akagadza wakaisvonakisisa wemienzaniso nokuda kwavamhanyi biyake, uye muenzaniso wake unotivimbisa kuti isuwo tinogona kuva vakundi. (1 Petro 2:21) Icho Jesu anotikumbira kuita, tinogona kuita. Sezvaakatsungirira, tinogonawo kudaro. Uye sezvatinobatirira mukutevedzerwa kwake kwakatsiga, tinofanira kuchengeta ndangariro dzedu dziri pazvikonzero zvedu zvokuva vanofara. (Johane 15:11, 20, 21) Kufara kuchatisimbisa kupfuurira mukumhanya nhangemutange mubasa raJehovha kusvikira mubairo une mbiri woupenyu husingaperi wawanwa.—VaKorose 1:10, 11.
5. Tinogona sei kuva vanofara navakasimbiswa nokuda kwenhangemutange iri pamberi pedu?
5 Kutibetsera kupfuurira munhangemutange, Jehovha anogovera simba rinopfuura renguva dzose. Patinotambudzwa, simba iroro nezivo yechikonzero nei takaropafadzwa kutambudzwa zvinotisimbisa. (2 VaKorinte 4:7-9) Chinhu chipi nechipi chinotamburwa nokuda kwokukudza zita raMwari nokutsigira uchangamire hwake chikonzero chomufaro usina munhu anogona kutora kwatiri. (Johane 16:22) Ikoku kunotsanangura chikonzero nei vaapostora, pashure pokurohwa nokuraira kweSanhedrini yechiJudha nokuda kwokupupurira zvinhu zvinoshamisa izvo Jehovha Mwari akanga aita pamusoro paJesu, vakafara “nemhaka yokuti vakanga varangarirwa kuva vakafanirwa nokuzvidzwa nokuda kwezita rake.” (Mabasa 5:41, 42, NW) Mufaro wavo hauna kubva muchitambudzo chimene asi mugutsikano huru yomukati yokuziva kuti vakanga vachifadza Jehovha naJesu.
6, 7. Neiko mumhanyi wechiKristu achigona kufara kunyange paanenge ane matambudziko, uye nomuuyoi?
6 Rimwe simba rinotsigira muupenyu hwedu itariro iyo Mwari akaisa pamberi pedu. Sokutaura kwakaita Pauro: “Ngative norugare kuna Mwari naShe wedu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari. Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuidzwa; kuidzwa kunouyisa tariro; tariro hainyadzisi.”—VaRoma 5:1-5.
7 Matambudziko maari amene haafadzi, bva zvibereko zvine rugare zvaanobereka pashure zvinofadza. Izvi zvibereko itsungiriro, mugariro unotenderwa, tariro, uye kuzadzikwa kwetariro iyoyo. Kutsungirira kunoitwa nesu kuchatungamirira kukugamuchira kwedu tendero youmwari. Patinova netendero yaMwari, tinogona nenzira ine chivimbo kutarira kuzadzikwa kwezvipikirwa zvaakaita. Iyi tariro inotichengeta tiri munzira yedu yakafanira uye inotikurudzira mudambudziko kusvikira tariro yazadzikwa.—2 VaKorinte 4:16-18.
Vanofara Avo Vanotsungirira!
8. Neiko iyi nhambo yokumirira isiri kupambadzwa kwenguva nokuda kwedu?
8 Tichimirira nguva yakagadzwa nenzira youmwari yokuparadzira mibairo kuvamhanyi, pane chinjo dzatinowana. Idzodzi ivandudziko dzomudzimu matiri idzo dzinobva mukunangana nemiedzo nenzira inobudirira, uye dzinotiwanira nyasha huru naMwari. Dzinobvumikisa zvatiri ndokutipa banza rokushandisa mavara mamwe chetewo akaisvonaka ayo vakatendeka vomunguva yekare, zvikurukuru Muenzaniso wedu, Jesu Kristu, vakaratidza. Mudzidzi Jakobho anoti: “Hama dzangu, muti mufaro kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashaiwi chinhu.” (Jakobho 1:2-4) Hungu, tingakarira kuva nemiedzo yakasiana-siana, asi iyoyi ichabatira kutichengeta tichisakurira mavara akafanira. Nokudaro tinoratidzira kuti ticharambira muiyi nhangemutange kusvikira mubairo wawanwa, pasinei hapo nemhinganidzo dzatinosangana nadzo.
9, 10. (a) Neiko avo vanotsungirira miedzo vachifara, uye tinofanira kutarisana sei nemiedzo? (b) Ndivanaani vaiva vanofara vekare, uye tinogona sei kuverengerwa pakati pavo?
9 Hakushamisi, ipapoka, kuti Jakobho akati: “Wakaropafadzwa munhu uyo unotsunga mwoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona youpenyu yakapikirwa avo vanomuda”! (Jakobho 1:12) Nguva dzose ngatinanganei nemiedzo, takashongedzerwa mavara oumwari ayo achatisimbisa kuikurira.—2 Petro 1:5-8.
10 Yeuka kuti nzira iyo Mwari ari kubata nayo nesu haisati iri itsva kana kuti yechienzi. “Gore rezvapupu” rakatendeka romunguva dzekare rakabatwa naro munzira imwe cheteyo sezvavakabvumikisa kutendeka kwavo kuna Mwari. (VaHebheru 12:1) Kutenderwa kwavo naMwari kwakanyorwa muShoko rake, uye tinorangarira vose kuva vanofara nemhaka yokuti vakatsungirira mumuedzo. Jakobho anoti: “Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita ra[Jehovha, NW]. Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona [Jehovha, NW] zvaakavavarira naye, kuti [Jehovha, NW] une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:10, 11) Kwakadeya kutaurwa kuti mukati maaya mazuva okupedzisira anotambudza, vamwe vaizooneka pachiono chenyika avo vaizobatira Jehovha neperero, kungofanana neizvo vaporofita ivavo vakaita mumazana amakore ekare. Hatifari here kuva avo vari kuita kudaro?—Dhanieri 12:3; Zvakazarurwa 7:9.
Kushandisa Tsigiro yeShoko Rinokurudzira raJehovha
11. Shoko raMwari rinogona sei kutibetsera kutsungirira, uye neiko tisingafaniri kuva vakafanana nenzvimbo dzine matombo dzomufananidzo waJesu?
11 Pauro akanongedzera kuimwe yamuro mutsungiriro paakataura kuti “kupfurikidza netsungiriro yokushivirira, uye kupfurikidza nekurudziro inobva muMagwaro, tingabatisisa tariro yedu.” (VaRoma 15:4, The Twentieth Century New Testament) Zvokwadi, Shoko raMwari, inofanira kuva yakasimbiswa zvikuru mukati medu kuti ibudise matiri mhinduro yakafanira panguva dzose. Hatitongobetserwi nokuva vakafanana neivhu riya rine matombo rinorondedzerwa mumufananidzo waJesu womukushi: “Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vakanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro, asi havana mudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.” (Marko 4:16, 17) Zvokwadi inobva muShoko raMwari haisimbiswi zvikuru muna vakadaro; nokudaro, munguva dzedambudziko, havakwanisi kuishandisa samanyuko echokwadi esimba netariro.
12. Hatifaniri kunyengerwa nezvechii pakugamuchira mashoko akanaka?
12 Munhu upi noupi anogamuchira mashoko akanaka oUmambo haafaniri kuzvinyengera amene pamusoro pezvichatevera. Iye ari kutora nzira youpenyu iyo ichawana dambudziko nechitambudzo. (2 Timotio 3:12) Asi iye anofanira kukurangarira “kwose kuva mufaro” kuva neropafadzo yokutambura miedzo yakasiana-siana nokuda kwokubatisisa Shoko raMwari nokutaura pamusoro paro kuvamwe.—Jakobho 1:2, 3, NW.
13. Pauro akafara sei uye nei pamusoro pamaKristu omuTesaronika?
13 Muzana rokutanga ramakore, vashori paTesaronika vakaita chimurenga nemhaka yokuparidzira kwaPauro. Apo Pauro akaenda kuBherea, ava vatambudzi vakamutevera ikoko kuti vanyandure chimwe chinetso. Kuna avo vakatendeka vakasara muTesaronika, muapostora akatambudzwa akanyora, kuti: “Tinofanira kuonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda; nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pa[ungano, NW] dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo. Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa no[umambo, NW] hwaMwari, hwamunotambudzikirawo.” (2 VaTesaronika 1:3-5) Pasinei hapo nokutambura kwavo pasimba romuvengi, maKristu omuTesaronika akakura mukuva akafanana naKristu nomuzviverengero. Ikoko kwaibvira sei? Nemhaka yokuti akawana simba muShoko rinokurudzira raJehovha. Akateerera mirairo yaShe ndokumhanya nhangemutange netsungiriro.—2 VaTesaronika 2:13-17.
Nokuda Kworuponeso Rwavamwe
14. (a) Tinorambira nomufaro muushumiri nokuda kwezvikonzeroi pasinei hapo nenhamo? (b) Tinonyengetererei, uye nei?
14 Zvikurukuru nokuda kwokurevererwa kwaMwari, tinotsungirira nokutendeka uye nenzira yokusanyunyuta nhamo nezvitambudzo. Asi pane chimwe chikonzero chisati chiri choudyire nei tichizviisa kuzvinhu zvakadaro: kuti tipfuudzire mashoko akanaka oUmambo kuna vamwe kuti vaparidzi voUmambo hwaMwari vakawanda vagomutswa kuti vaite “ziviso yapachena nokuda kworuponeso.” (VaRoma 10:10, NW) Avo vari kushanda mubasa raMwari vanofanira kunyengetera kuti Tenzi wokucheka akomborere basa ravo kupfurikidza nokugovera vaparidzi vakawanda voUmambo. (Mateo 9:38) Pauro akanyorera Timotio, kuti: “Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe. Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.”—2 Timotio 2:2, 3.
15. Neiko tichifanira kuzvibata timene savarwi navakwikwidzani “mumitambo”?
15 Murwi anozviparadzanisa amene noupenyu hwakaganhurirwa zvishoma hwomunhu asati ari murwi. Nenzira yakafanana, hatifaniri kuzvibatanidza timene nezvinhu zvaavo vasiri muhondo yaShe asi avo, kutaura idi, vari kurutivi runoshora. Nokudaro, Pauro akanyorerazve Timotio, kuti: “Hakuna munhu anorwa papfumo anozvipinganidza namabasa oupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. Nomunhuwo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa.” (2 Timotio 2:4, 5) Mukutamburira rukundo munhangemutange ye“korona youpenyu,” vamhanyi vanofanira kushandisa kuzvidzora ndokudzivisa zvinorema zvisiri madikanwa nezvinopinganidza. Neiyi nzira vanogona kupa ngwariro pakuunza mashoko akanaka oruponeso kuvamwe.—Jakobho 1:12; enzanisa na 1 VaKorinte 9:24, 25.
16. Chii chisingagoni kusungwa, uye tinotsungirira nokuda kwokubetserwa kwaani?
16 Nemhaka yokuti tinoda Mwari navanhu vakafanana namakwai vari kutsvaka kumuwana, nomufaro tinotsungirira zvakawanda kuti tisvike vamwe namashoko akanaka oruponeso. Vavengi vangatisunga nokuda kwokuparidzira Shoko raMwari. Asi Shoko raMwari harigoni kusungwa, uye kutaurwa kwaro nokuda kworuponeso rwavamwe hakugoni kusungwa nengetani. Pauro akarondedzera kuna Timotio chikonzero nei akanga achidisa kwazvo kusangana nomuedzo: “Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paEvhangeri yangu; yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi.” (2 Timotio 2:8-10) Nhasi tinorangarira kwete bedzi vakazodzwa vashomanene vaavo vari mumutsara woUmambo hwokudenga asiwo boka guru ramamwe makwai oMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, boka guru rinowana Paradhiso yapasi muUmambo hwaKristu.—Zvakazarurwa 7:9-17.
17. Neiko tisingafaniri kurega nhangemutange, uye chii chinovapo kana tikapfuurira munhangemutange kusvikira kumugumo?
17 Kudai taiva varegi, hatisati taizozvibetsera timene kana kuti munhu upi noupiwo zvake kuruponeso. Kupfurikidza nokutsungirira munhangemutange yechiKristu, pasinei hapo nemhinganidzo dzinosanganwa nadzo, nguva dzose tinozvichengeta timene tiri mumutsetse womubairo uye tinogona kubetsera vamwe zvakananga kuruponeso, nepo tichiva muenzaniso une simba wesimba kuvamwe. Ipi kana ipi iri tariro yedu, yokudenga kana kuti yapasi, chimiro chaPauro cho“kuronda nharidzano yomubairo” chakaisvonaka kutevedzera.—VaFiripi 3:14, 15, NW.
Kupfuurira Kwakatsiga Munhangemutange
18. Kuwana mubairo kunotsamira pachii, asi kutsungirira kusvikira kumugumo, chii chinofanira kudziviswa?
18 Kupedza nzira yedu yechiKristu nenzira yorukundo kukurevererwa kwaJehovha nokuwana mubairo waanotichengetera kunotsamira pakupfuurira kwedu kwakatsiga kupedza nhangemutange yose yakazara. Hatigoni, naizvozvo, kutsungirira kusvikira kumugumo kana tikazviremedza timene nezvinhu zvisingabatiri donzo rokururama. Kunyange pakubvisirwa zvinhu zvakadaro, zvinodikanwa zvichiri kuraira zvakakwana kuda kushinga kwose kwatinogona kuwana. Naizvozvo, Pauro anopa zano, kuti: “Ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” (VaHebheru 12:1) Kufanana naJesu hatifaniri kunyanyosimbisa kutambura kunofanira kutsungirirwa asi kukurangarira somubairo muduku wokubhadhara mubairo womufaro.—Enzanisa naVaRoma 8:18.
19. (a) Chivimboi icho Pauro akataura pedyo nomugumo woupenyu hwake? (b) Sezvatinoswedera pedyo nomugumo wenhangemutange yetsungiriro, chivimboi chatinofanira kuva nacho pamusoro petuso yakapikirwa?
19 Pedyo nomugumo woupenyu hwake, Pauro aikwanisa kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama.” (2 Timotio 4:7, 8) Tiri muiyi nhangemutange yetsungiriro yokuwana mubairo woupenyu husingagumi. Kana tsungiriro yedu ikaderera nemhaka bedzi yokuti nhangemutange yacho yakati rebei kupfuura yataikarira patakaitanga, tichakundikana patinenge tava pedyo nokuwana tuso yakapikirwa. Usaita chikanganiso. Hapana panikiro yokuti tuso iripo.
20. Chii chinofanira kuva kutsunga kwedu kusvikira mugumo wenhangemutange wasvikwa?
20 Naizvozvo meso edu ngaarege kuneta nokurindira dambudziko guru rodokuvamba, richiunza ruparadziko kutanga kuBhabhironi Guru uye ipapo kusangano rose rasara raDhiabhorosi. (2 Petro 3:11, 12) Nemhaka yezviratidzo zvose zvinoshamisa zviri makatipoteredza, ngatitarirei mberi mukutenda. Ngatisimbisei masimba edu etsungiriro, uye ngatipfuurirei noushingi munhangemutange iyo Jehovha Mwari akaisa pamberi pedu, kusvikira mugumo wasvikwa uye mubairo unofadza wawanwa, kukurevererwa kwaJehovha kupfurikidza naJesu Kristu.
Waizopindura Sei?
◻ Rudzii rwenhangemutange urwo muKristu anofanira kugadzirira nokuda kwarwo?
◻ Neiko mufaro uchikosha kwazvo mukumhanya nhangemutange?
◻ Tinorambira muushumiri nokuda kwezvikonzeroi zvikuru pasinei hapo nenhamo?
◻ Neiko tisingafaniri kurega nhangemutange iyo Mwari akaisa pamberi pedu?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Somunhangemutange yedaro refu, maKristu anofanira kutsungirira
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mukusvasvavirira “korona youpenyu,” vamhanyi vanofanira kushandisa kuzvidzora