Tsamba Yechipiri kuvaKorinde
4 Saka sezvo tiine ushumiri uhwu kuburikidza nekunzwirwa tsitsi kwatakaitwa, hatidzokeri shure.* 2 Asi takaramba zvinhu zvinonyadzisa, zveunyengeri, tisingafambi nemanomano kana kushatisa shoko raMwari;+ asi patinoita kuti chokwadi chive pachena, tinoratidza kuti tiri vanhu vakanaka kuhana yemunhu wese pamberi paMwari.+ 3 Tingatoti kana mashoko akanaka atinozivisa akafukidzwa, akafukidzwa kune vaya vari kuparara, 4 vasingatendi,+ vakapofumadzwa pfungwa namwari wenyika ino,*+ kuti varege kuvhenekerwa nechiedza+ chemashoko* akanaka anokudzwa ane chekuita naKristu, anova ndiye mufananidzo waMwari.+ 5 Nekuti isu hatisi kuparidza nezvedu, asi tiri kuparidza nezvaJesu Kristu kuti ndiye Ishe uye kuti isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu. 6 Nekuti Mwari ndiye akati: “Chiedza ngachipenye murima,”+ uye akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere+ neruzivo runobwinya pamusoro paMwari nechiso chaKristu.
7 Asi tine pfuma iyi+ mumidziyo yevhu,+ kuti zvioneke kuti simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro rinobva kuna Mwari, kwete kwatiri.+ 8 Tinoomerwa munzira dzese, asi hatiomerwi zvekutadza kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvekushaya pekubuda napo;*+ 9 tinotambudzwa, asi hatingosiyiwi;+ tinopunzirwa pasi, asi hatiparadzwi.+ 10 Tinogara tichitsungirira mumiviri yedu zvakaipa zvatinoitirwa zvinogona kuguma nerufu zvakaitirwawo Jesu,+ kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo pachena mumiviri yedu. 11 Nekuti isu vapenyu tinogara tichitarisana nerufu+ nekuda kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo pachena munyama yedu inofa. 12 Saka rufu ruri kushanda matiri, asi upenyu mamuri imi.
13 Sezvo tiine mweya mumwe chete wekutenda seuya wakanyorwa nezvawo kuti: “Ndakatenda, saka ndakataura”;+ isuwo tinotenda saka tinotaura, 14 tichiziva kuti iye akamutsa Jesu achatimutsawo pamwe naJesu uye achatiisa pamwe chete nemi pamberi pake.+ 15 Nekuti zvinhu zvese izvi zviri kuitirwa imi, kuti nyasha dzaMwari dzirambe dzichiwedzera zvikuru nekuti vamwe vanhu vakawanda vari kuonga kubwinya kwaMwari.+
16 Saka hatidzokeri shure,* asi kunyange munhu watiri nechekunze ari kupera, chokwadi munhu watiri nechemukati ari kuitwa mutsva zuva nezuva. 17 Nekuti kunyange zvazvo kutambura kwacho kuri kwenguva diki uye kwakareruka, kunoita kuti tiwane kubwinya kwakatokura kwazvo uye kusingaperi;+ 18 saka hatirambi takatarisa zvinhu zvinooneka, asi zvisingaoneki.+ Nekuti zvinhu zvinooneka ndezvenguva diki, asi zvinhu zvisingaoneki ndezvekusingaperi.