Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani
16 “Ndakutaurirai zvinhu izvi kuti murege kuzosiya kutenda.* 2 Vanhu vachakudzingai musinagogi.+ Ndingatoti ichasvika nguva yekuti munhu wese anenge akuurayai+ achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene. 3 Asi vachaita zvinhu izvi nekuti havasati vava kuziva Baba kana ini.+ 4 Kunyange zvakadaro, ndataura zvinhu izvi kwamuri kuti kana nguva yekuti zviitike yasvika, muyeuke kuti ndakakuudzai.+
“Handina kukuudzai zvinhu izvi pakutanga, nekuti ndaiva nemi. 5 Asi iye zvino ndava kuenda kune uya akandituma;+ asi hapana kana mumwe wenyu ari kundibvunza kuti, ‘Muri kuenda kupi?’ 6 Asi nekuti ndakuudzai zvinhu izvi, mwoyo yenyu iri kushungurudzika.+ 7 Kunyange zvakadaro, chokwadi ndechekuti kuenda kwangu kuchakubatsirai. Nekuti kana ndikasaenda, mubatsiri+ haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. 8 Uye kana iyeye auya, achapa nyika uchapupu hunogutsa pamusoro pechivi nepamusoro pekururama nepamusoro pekutongwa: 9 kutanga, pamusoro pechivi,+ nekuti havasi kutenda mandiri;+ 10 uye pamusoro pekururama, nekuti ndiri kuenda kuna Baba uye hamuchazondionizve; 11 uye pamusoro pekutongwa, nekuti mutongi wenyika ino atongwa.+
12 “Ndichiine zvinhu zvakawanda zvekukuudzai, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa iye zvino. 13 Asi panouya iyeye,* mweya wechokwadi,+ achakutungamirirai muchokwadi chese, nekuti haazotauri zvake ega, asi achataura zvaanonzwa, uye achakuzivisai zvinhu zvichauya.+ 14 Iyeye achandikudza,+ nekuti achakuzivisai zvinhu zvaanogamuchira kwandiri.+ 15 Zvinhu zvese zvina Baba ndezvangu.+ Ndokusaka ndati iyeye anokuzivisai zvinhu zvaanogamuchira kwandiri. 16 Kwangosara nguva shomanana, uye hamuzondionizve,+ uyezve, kana papfuura nguva shomanana muchandiona.”
17 Vamwe vadzidzi vake vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Ari kurevei paari kuti kwatiri, ‘Kwangosara nguva shomanana, uye hamuzondioni, uyezve, kana papfuura nguva shomanana muchandiona,’ uye paari kuti, ‘nekuti ndiri kuenda kuna Baba’?” 18 Saka vaiti: “Ari kurevei paari kuti, ‘nguva shomanana’? Hatizivi zvaari kutaura.” 19 Jesu aiziva kuti vaida kumubvunza, saka akati kwavari: “Muri kubvunzana izvi here, nekuti ndati: ‘Kwangosara nguva shomanana, uye hamuzondionizve, uyezve, kana papfuura nguva shomanana muchandiona’? 20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muchachema uye mucharidza mhere, asi nyika ichafara; muchashungurudzwa, asi shungu dzenyu dzichachinja kuva mufaro.+ 21 Kana mukadzi achisununguka, anonzwa kurwadziwa nekuti nguva yake inenge yakwana, asi kana asununguka mwana wake, haazoyeuki kutambudzika kwacho nekuda kwemufaro wekuti mwana aberekwa panyika. 22 Saka nemiwo muri kurwadziwa iye zvino; asi ndichakuonai zvakare, mwoyo yenyu yofara,+ uye hapana achakutorerai mufaro wenyu. 23 Musi iwoyo hapana mubvunzo wamuchandibvunza. Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana paine chamuchakumbira Baba,+ vachakupai muzita rangu.+ 24 Kusvikira iye zvino hamuna kana chinhu chamakakumbira muzita rangu. Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
25 “Ndakutaurirai zvinhu izvi nemienzaniso. Nguva iri kuuya pandisingazotauri nemi nemienzaniso, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba. 26 Zuva iroro muchakumbira Baba muzita rangu; pandiri kutaura izvi handisi kureva kuti ndini ndichakukumbirirai. 27 Nekuti ivo Baba pachavo vanokudai, pamusana pekuti munondida+ uye makatenda kuti ndakauya semumiririri waMwari.+ 28 Ndakauya semumiririri waBaba ndichiuya panyika. Iye zvino ndava kubva panyika ndichienda kuna Baba.”+
29 Vadzidzi vake vakati: “Iye zvino mava kutaura zvakajeka, musingashandisi mienzaniso. 30 Tava kuziva kuti munoziva zvinhu zvese uye hapana munhu anofanira kukubvunzai. Nekuda kweizvi tinotenda kuti makabva kuna Mwari.” 31 Jesu akavapindura kuti: “Mava kutenda here iye zvino? 32 Onai! Nguva iri kuuya, uye ndingati, yatosvika, pamuchapararira mumwe nemumwe achienda kumba kwake muchindisiya ndega.+ Asi handisi ndega, nekuti Baba vaneni.+ 33 Ndakutaurirai zvinhu izvi kuti muve nerugare+ kuburikidza neni.* Muchasangana nematambudziko munyika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.”+