Bhaibheri Rinotii Pamusoro paMwari naJesu
KUDAI vanhu vaizorava Bhaibheri rose vasina mufungo wakadeya kurangarirwa woUtatu, vaizosvika here pamufungo wakadaro pachavo ivo vamene? Nyangwe napaduku pose zvapo.
Chinovapo nomutoo wakajeka zvikuru kumuravi asina kwaakarerekera ndechokuti Mwari iye oga bedzi ndiye Wamasimba ose, Musiki, akaparadzana uye akatsaukana nomumwe munhu upi noupiwo zvake, uye kuti Jesu, kunyange pamberi pokuvapo kwake somunhu, akaparadzanawo uye akatsaukana, munhu akasikwa, uye ari pasi paMwari.
Mwari Ndimumwe, Kwete Vatatu
DZIDZISO yeBhaibheri yokuti Mwari ndimumwe inonzi kudavira muna Mwari mumwe. Uye L. L. Paine, purofesa wenhau yamachechi, anoratidzira kuti kudavira muna Mwari mumwe muchimiro chako chakachena hakuzati kuchibvumira nokuda kwoUtatu: “Testamende Yekare inotaura chaizvoizvo pamusoro paMwari mumwe bedzi. Mwari munhu mumwe bedzi. Pfungwa yokuti utatu hunofanira kuwanwamo . . . haitongorina nheyo.”
Pakanga pane chinjo ipi neipi here pakudavira muna Mwari mumwe bedzi pashure pokuuya kwaJesu kupasi? Paine anopindura, kuti: “Pane iri pfundo hapana mukana uri pakati peTestamende Rekare neDzva. Gamuchidzanwa rokudavira muna Mwari mumwe bedzi rinopfuuridzirwa. Jesu akanga ari muJudha, akarovedzwa navabereki vechiJudha mumagwaro eTestamende Yekare. Dzidziso yake yakanga iri yechiJudha pamavambo ayo; zvamazvirokwazvo evhangeri itsva, asi kwete ruzivo rutsva rwoumwari . . . Uye iye akagamuchira sechitendero chake amene rugwaro rukuru rwokudavira muna Mwari mumwe bedzi wechiJudha: ‘Inzwa, O Israeri, Ishe Mwari wedu ndiMwari mumwe.’”
Mashoko iwawa anowanwa pana Dheuteronomio 6:4. New Jerusalem Bible (NJB) reKaturike pano rinorava, kuti: “Teerera, Israeri: Yahweh Mwari wedu ndimumwe, Yahweh mumwe bedzi.”a Mukurongwa kwamashoko kwendima iyoyo, shoko rokuti “mumwe” harina zvikudziridzo zvavazhinji zvokukarakadza kuti iro rinoreva chinhu chipi nechipi kumunhu mumwe bedzi.
Muapostora wechiKristu Pauro haana kuratidzirawo chinjo ipi neipi muchimiro chaMwari, kunyange pashure pokunge Jesu auya kupasi. Iye akanyora, kuti: “Mwari anongova mumwe bedzi.”—VaGaratia 3:20; onawo 1 VaKorinte 8:4-6.
Kazhinji kazhinji muBhaibheri rose, Mwari anotaurwa somunhu mumwe. Apo iye anotaura, kwakaita somunhu mumwe asina kukamuraniswa. Bhaibheri haringatongogoni kuva rakajeka zvikuru kupfuura ikoko. Sokutaura kwakaita Mwari: “Ini ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; uye ini handizopi mbiri yangu ndimene kuno mumwe munhuwo zvake.” (Isaya 42:8) “Ini ndini Yahweh Mwari wako . . . Hauzati uchizova navamwe vamwari kunze kwangu.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.)—Eksodho 20:2, 3, JB.
Ko nei vanyori vose veBhaibheri vakafuridzirwa naMwari vaizotaura nezvaMwari somunhu mumwe kudai iye aiva chaizvoizvo vanhu vatatu? Ko ikoko kwaizobatira donzo rei, kunze kwokutsausa vanhu? Zvamazvirokwazvo, kudai Mwari aiumbwa navanhu vatatu, iye aizodai akaita kuti vanyori vake veBhaibheri vakuite kwakajeka zvikuru kuti pagorega kuva nepanikiro pamusoro pakwo. Zvisinei hazvo vanyori vaMagwaro echiKristu echiGiriki avo vakava neonano chaiyo noMwanakomana waMwari amene vaizodai vakadaro. Asi ivo havana.
Panzvimbo pakwo, icho vanyori veBhaibheri vakajekesa zvikuru kwazvo ndechokuti Mwari Munhu mumwe—Munhu akatsaukana, asina kuparadzaniswa asina waakaenzana naye: “Ini ndini Jehovha, hakuna mumwewo zvake. Kunze kwangu hakuna Mwari.” (Isaya 45:5) “Imi mune zita rinonzi Jehovha, imi moga bedzi ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi.”—Pisarema 83:18.
Haazati Ari Mwari Anoumbwa Navazhinji
JESU akaidza Mwari kuti “Mwari bedzi wechokwadi.” (Johane 17:3) Iye haana kutongotaura nezvaMwari samwari anoumbwa navanhu vazhinji. Ndochikonzero nei muBhaibheri musina nzvimbo apo munhu upi noupi anoidzwa kunzi Wamasimba ose kunze kwaJehovha. Nezvisizvo, kwaizoita kuti revo yeshoko rokuti “wamasimba ose” ive isina maturo. Jesu kana kuti mudzimu mutsvene hauzati uchimboidzwa kunzarwo, nokuti Jehovha oga bedzi ndiye mukuru. Pana Genesi 17:1 iye anozivisa, kuti: “Ini ndini Mwari Wamasimba ose.” Uye Eksodho 18:11 anoti: “Jehovha mukuru zvikuru kupfuura vamwe vamwari vose.”
MuMagwaro echiHebheru, shoko rokuti ʼelohʹah (mwari) rine zvimiro zviviri zvavazhinji, ndiko kuti, ʼelo·himʹ (vamwari) uye ʼelo·hehʹ (vamwari va). Izvi zvimiro zvouzhinji zvinowanzonongedzera kuna Jehovha, muchinoitika umo rimwe nerimwe rinoshandurwa muchimiro chimwe sokuti “Mwari.” Ko izvi zvimiro zvouzhinji zvinoratidzira Utatu here? Nyangwe, hazvizati. MuA Dictionary of the Bible, William Smith anoti: “Pfungwa yokufungira yokuti [ʼelo·himʹ] inonongedzera kuutatu hwavanhu muHumwari haitongowani zvino tsigiro pakati pavazivi. Kungava uko nyanzvi dzokurongwa kwamashoko dzinoidza kuti uzhinji hwoukuru, kana kuti inoratidzira kukwana kwesimba roumwari, dzamatsama ramasimba rinoratidzirwa naMwari.”
The American Journal of Semitic Languages and Literatures rinoti nezvaʼelo·himʹ: “Rinenge rinoumbwa nomutoo usingaparadzanisiki neshoko rechiito rinorondedzera rechimiro chomumwe, uye rinova nechimiro chechipauro chechimiro chomumwe.” Kuenzanisira ikoku, zita rechiratidziro rokuti ʼelo·himʹ rinooneka kana 35 iro pacharo rimene munhauro yechisiko, uye nguva iri yose shoko rechiito rinorondedzera icho Mwari akataura nechaakaita riri muchimiro chomumwe. (Genesi 1:1–2:4) Nokudaro, chinyorwa ichecho chinogumisa, nokuti: “[ʼElo·himʹ] rinofanira kutsanangurwa souzhinji hwoukuru, richiratidzira ukuru nouchangamire.”
ʼElo·himʹ rinoreva, vasati vari “vanhu,” asi “vamwari.” Naizvozvo avo vanoita nharo kuti iri shoko rinoreva Utatu vanozviita vamene vanodavira vamwari vazhinji, vanamati vavanopfuura Mwari mumwe. Neiko? Nokuti kwaizoreva kuti kwaiva navamwari vatatu muUtatu. Asi vanenge vatsigiri vose voUtatu vanoramba murangariro wokuti Utatu hunoumbwa navamwari vatatu vakaparadzana.
Bhaibheri rinoshandisawo shoko rokuti ʼelo·himʹ uye ʼelo·hehʹ pakureva nezvechiverengero chavamwari venhema vezvidhori. (Eksodho 12:12; 20:23) Asi pane dzimwe nguva ringanongedzera kuna mwari mumwe bedzi wenhema, saapo vaFiristia vakataura nezva“Dhagoni mwari [ʼelo·hehʹ].” (Vatongi 16:23, 24) Bhaari anonzi “mwari [ʼelo·himʹ].” (1 Madzimambo 18:27) Mukuwedzera, shokoro rinoshandiswa nokuda kwavanhu. (Pisarema 82:1, 6) Mosesi akaudzwa kuti iye aizobatira sa“Mwari” [ʼelo·himʹ] kuna Aroni nokuna Farao.—Eksodho 4:16; 7:1.
Sezvinooneka, kushandisa zita rechiratidziro rokuti ʼelo·himʹ uye ʼelo·hehʹ nokuda kwavamwari venhema, uye kunyange vanhu, hakuna kuratidzira kuti mumwe nomumwe akanga ari mwari anoumbwa navazhinji; uyewo kushandisa ʼelo·himʹ kana kuti ʼelo·hehʹ kuna Jehovha hakuzati kuchireva kuti iye anopfuura munhu mumwe, zvikurukuru patinorangarira chipupuriro chorutivi rwose rwasara rweBhaibheri pane iyi nyaya.
Jesu Chisiko Chakaparadzana
ACHINGUNOVERI pasi pano, Jesu akanga ari munhu, kunyange zvazvo aiva munhu akakwana nokuti akanga ari Mwari akatamisira simba roupenyu raJesu kumimba yaMaria. (Mateo 1:18-25) Asika iwawo handiwo mavambire aakaita. Iye amene akazivisa kuti akanga “aburuka kudenga.” (Johane 3:13) Naizvozvo kwakanga kuri kwomuzvarirwo bedzi kuti iye gare gare aizotaura kuna vateveri vake, kuti: “Zvakadiniko kana imi mukaona Mwanakomana womunhu [Jesu] achikwira uko iye akanga ari kare?”—Johane 6:62, NJB.
Nokudaro, Jesu akanga achirarama mudenga asati auya kupasi. Asika kwakanga kwakaita somumwe wavanhu vari muno Humwari wamasimba ose, hwokusingagumi woutatu here? Aiwa, nokuti Bhaibheri rinorondedzera pachena kuti mukurarama kwake kwapamberi pokuva munhu, Jesu akanga ari munhu womudzimu akasikwa, kungofanana nengirozi dzaiva vanhu vomudzimu vakasikwa naMwari. Ngirozi kana kuti Jesu vakanga vasipo pamberi pokusikwa kwavo.
Jesu, mukurarama kwake kwapamberi pokuva munhu, akanga ari “dangwe rechisiko chose.” (VaKorose 1:15, NJB) Iye akanga ari “mavambo echisiko chaMwari.” (Zvakazarurwa 3:14, RS, chinyorwa cheKaturike). “Mavambo” [chiGiriki, ar·kheʹ] haangagoni nomutoo wakarurama kududzirwa kureva kuti Jesu akanga ari ‘muvambi’ wechisiko chaMwari. Mumanyoro ake eBhaibheri, Johane anoshandisa zvimiro zvakasiana-siana zveshoko rechiGiriki rokuti ar·kheʹ kanopfuura kane 20, uye izvozvi zvinowanzova nerevo inozivikanwa ya“mavambo.” Hungu, Jesu akasikwa naMwari samavambo echisiko chinooneka chaMwari.
Cherekedza kuti nongedzero idzedzo nemviromviro yaJesu dzinosanowirirana sei nokutaura kwakataurwa no“Uchenjeri” hwokufananidzira mubhuku reBhaibheri raZvirevo: “Yahweh akandisika, zvibereko zvokutanga zvokuita kwake, pamberi pamabasa ake ekaresa. Pamberi pokumiswa kwamakomo, pamberi pezvikomo, ini ndakaberekwa; iye asati aita pasi, maruva, nezvinhu zvokutanga zvenyika.” (Zvirevo 8:12, 22, 25, 26, NJB) Kunyange shoko rokuti “Uchenjeri” richishandiswa mukutaurwa somunhu akasikwa naMwari, vazivi vazhinjisa vanobvuma kuti ikwo zvamazvirokwazvo rutivi rwokutaura nokuda kwaJesu sechisikwa chomudzimu pamberi pokurarama kwake somunhu.
Sezvo “Uchenjeri” mukurarama kwake kwapamberi pokuva munhu, Jesu anopfuurira mberi kutaura kuti iye akanga ari “kurutivi rwake [rwaMwari], ari mhizha huru.” (Zvirevo 8:30, JB) Mutsinhirano neiri basa remhizha huru, VaKorose 1:16 inoreva nezvaJesu kuti “kupfurikidza naye Mwari akasika chinhu chiri chose chiri mudenga napasi pano.”—Today’s English Version (TEV).
Naizvozvo kwakanga kuri kupfurikidza neiyi mhizha huru, mushandiri pamwe wake muduku, sokunge zvakadaro, kuti Mwari Wamasimba ose akasika zvimwe zvinhu zvose. Bhaibheri rinopeta nhau yacho neiyi nzira, richiti: “Kwatiri kuna Mwari mumwe, ivo Baba, zvinhu zvose zvinobva kwavari . . . uye Ishe mumwe, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakaitwa kupfurikidza naye.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.)—1 VaKorinte 8:6, RS, chinyorwa cheKaturike.
Hakupanikiriki kuti kwakanga kuri kune iyi mhizha huru uko Mwari akataura, kuti: “Isu ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” (Genesi 1:26) Vamwe vakataura kuti shoko rokuti “isu” uye “wedu” muno uku kutaura rinoratidzira Utatu. Asi kudai waizoti, ‘Isu ngatizviitire timene chimwe chinhu,’ hakuna mumwe munhu nomutoo womuzvarirwo aizonzwisisa ikoku kuva kunoratidzira kuti vanhu vanoverengeka vanobatanidzwa kuva mumwe mukati menyu. Unongoreva bedzi kuti vanhu vaviri kana kuti vanopfuura vachashandira pamwe chete pane chimwe chinhu. Naizvozvowo, apo Mwari akashandisa shoko rokuti “isu” uye “wedu,” iye aingotaura bedzi kuno mumwe munhu, chisiko chake chokutanga chomudzimu, mhizha huru, Jesu asati ava munhu.
Mwari Angava Anoedzwa Here?
PANA Mateo 4:1, Jesu anotaurwa nezvake saano“edzwa naDhiabhorosi.” Pashure pokuratidzira Jesu “maumambo ose enyika nembiri yawo,” Satani akati: “Ini ndichakupa zvinhu zvose izvi kana iwe ukawira pasi ndokuita chiito chokundinamata.” (Mateo 4:8, 9) Satani akanga achiedza kuparira Jesu kuva asingavimbiki kuna Mwari.
Asika iwowo waizova muedzoi woruvimbiko kudai Jesu aiva Mwari? Ko Mwari aigona kuzvipandukira amene here? Nyangwe, asi ngirozi navanhu vaigona kupandukira Mwari uye kwakadaro. Muedzo waJesu waizoita mufungo bedzi kudai iye akanga, asati ari Mwari, asi munhu akaparadzana anogona kuzvisarudzira amene, uyo aigona kuve akava asina kuvimbika kudai akanga asarudza kudaro, zvakadai sengirozi kana kuti munhu.
Kuno rumwe rutivi, hakufungiki kuti Mwari angaita chivi ndokuva asina kutendeka kuna iye amene. “Mubato wake wakakwana . . . Mwari worutendeko, . . . iye akarurama uye akanaka.” (Dheuteronomio 32:4) Naizvozvo kudai Jesu akanga ave ari Mwari, iye haati aizove akaedzwa.—Jakobho 1:13.
Zvaakanga asati ari Mwari, Jesu aigona kuve akava asina kuvimbika. Asi iye akaramba akatendeka, achiti: “Ibva, Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari oga bedzi kwaunofanira kuitira basa dzvene.’”—Mateo 4:10.
Rudzikinuro Rwaikosha Sei?
CHIMWE chezvikonzero zvikuru nei Jesu akauya kupasi chine chokuitawo chakananga pamusoro poUtatu. Bhaibheri rinoti: “Kuna Mwari mumwe, nomureveri mumwe pakati paMwari navanhu, munhu, Kristu Jesu, uyo akazvipa amene sorudzikinuro runowirirana nokuda kwavose.”—1 Timotio 2:5, 6.
Jesu, asingapfuuri uye asati ari pasi pomunhu akakwana, akava rudzikinuro rwakaringana chaizvoizvo nokuda kweicho Adhama akarasha—maruramiro oupenyu hwakakwana hwohunhu pasi pano. Naizvozvo Jesu nomutoo wakarurama aigona kunzi “Adhama wokupedzisira” nomuapostora Pauro, uyo akati mumashoko akapoteredza akafanana: “Sezvo vose vachifa muna Adhama, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.” (1 VaKorinte 15:22, 45) Upenyu hwakakwana hwaJesu hwakanga huri “rudzikinuro runowirirana” rwaidikanwa neruramisiro youmwari—rusati ruchipfuura, rusati ruri pasi. Nheyo yehwaro kunyange yeruramisiro yohunhu ndeyokuti mutengo unoripirwa unofanira kukodzera chakaipa chakaitwa.
Zvisinei, kudai Jesu iva rutivi rwoHumwari, mutengo worudzikinuro waizodai wakava mukuru zvikurusa kupfuura waidikanwa neMitemo yaMwari amene. (Eksodho 21:23-25; Revhitiko 24:19-21) Akanga achingova bedzi munhu akakwana, Adhama, uyo akaita chivi muEdheni, kwete Mwari. Naizvozvo rudzikinuro, kuva runowirirana zvamazvirokwazvo neruramisiro yaMwari, rwaitofanira kuva runowirirana chaizvoizvo—munhu akakwana, “Adhama wokupedzisira.” Nokudaro, apo Mwari akatuma Jesu kupasi sorudzikinuro, akaita kuti Jesu ave icho chaizokwanirisa ruramisiro, kwete chimiro chamwari, kwete munhu ari mwari, asi munhu akakwana, “akaderera zvikuru kupfuura ngirozi.” (VaHebheru 2:9; enzanisira nePisarema 8:5, 6.) Ko rutivi rwupi norwupi rwoHumwari hwamasimba ose—Baba, Mwanakomana, kana kuti mudzimu mutsvene—rwaigona sei kumbova rwakaderera zvikuru kupfuura ngirozi?
“Mwanakomana Akaberekwa Ari Mumwe Oga Bedzi” Sei?
BHAIBHERI rinoidza Jesu kuti “Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga bedzi” waMwari. (Johane 1:14; 3:16, 18; 1 Johane 4:9) VezvoUtatu vanotaura kuti Mwari zvaakanga ari wokusingagumi, naizvozvo Mwanakomana waMwari akanga ariwo wokusingagumi. Asika munhu anogona sei kuva mwanakomana uye panguva imwe cheteyo achiva wekare sababa vake?
VezvoUtatu vanotaura kuti mune chinoitika chaJesu, “akaberekwa ari mumwe oga bedzi” hakuzati kuri kwakafanana nerondedzero yeduramashoko yeshoko rokuti “kubereka,” uko kuri “kubereka sababa.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Vanotaura havo kuti mune chinoitika chaJesu rinoreva “pfungwa youkama husina mavambo,” hunenge hukama bedzi hwomwanakomana pasina kubereka. (Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words) Ikoko kunonzwika kuva kuno mufungo kwauri here? Ko munhu anogona kuva baba chaivoivo vomwanakomana vasina kumubereka here?
Kupfuurirazve, neiko Bhaibheri richishandisa shoko rimwe chetero rimene rechiGiriki nokuda kwo“wakaberekwa ari mumwe oga bedzi” (sokubvuma kunoita Vine pasina tsananguro ipi neipi) kurondedzera ukama hwaIsaka naAbrahama? VaHebheru 11:17 inoreva nezvaIsaka so“mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga” waAbrahama. Hapagoni kuva nepanikiro kuti muchinoitika chaIsaka, akanga ari mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga bedzi mupfungwa inozivikanwa, asina kuenzana munguva kana kuti munzvimbo nababa vake.
Shoko rehwaro rechiGiriki rokuti “akaberekwa ari mumwe oga bedzi” rinoshandiswa nokuda kwaJesu naIsaka ndimo·no·ge·nesʹ, rinobva mushoko rokuti moʹnos, rinoreva kuti “bedzi,” uye giʹno·mai, shoko ramanyuko rinoreva “kubereka,” “kuvapo (kuva munhu),” inodaro Exhaustive Concordance yaStrong. Nokudaro, mo·no·ge·nesʹ rinorondedzerwa so: “Akazvarwa ari oga bedzi, akaberekwa ari oga bedzi, ndiko kuti mwana mumwe bedzi.”—A Greek and English Lexicon of the New Testament, rakanyorwa naE. Robinson.
Theological Dictionary of the New Testament, rakapepetwa naGerhard Kittel, rinoti: “[Mo·no·ge·nesʹ] rinoreva ‘mwana oga bedzi,’ ndiko kuti, asina vanun’una kana kuti hanzvadzi.” Iri bhuku rinotaurawo kuti pana Johane 1:18; 3:16, 18; uye 1 Johane 4:9, “ukama hwaJesu hahuzati huchifananidzirwawo zvawo nohuya hwomwanakomana bedzi nababa vake. Ihwo hukama hwowakaberekwa ari oga bedzi naBaba.”
Naizvozvo Jesu, Mwanakomana akaberekwa ari oga bedzi, akanga ana mavambo oupenyu hwake. Uye Mwari Wamasimba ose nomutoo wakarurama anogona kunzi Mubereki wake, kana kuti Baba, mupfungwa imwe cheteyo yokuti baba vapasi, saAbrahama, vanobereka mwanakomana. (VaHebheru 11:17) Nokudaro, apo Bhaibheri rinoreva nezvaMwari sa“Baba” vaJesu, rinorevesa—kuti ivo vanhu vaviri vakaparadzana. Mwari ndiye mukuru. Jesu muduku—munguva, munzvimbo, musimba, uye muzivo.
Apo munhu anorangarira kuti Jesu akanga asati ari mwanakomana bedzi womudzimu waMwari akasikwa mudenga, kunova pamhene kuti chikonzero nei kutaura kwokuti “Mwanakomana akaberekwa ari oga bedzi” kwakashandiswa muchinoitika chake. Vamwe vanhu vakasikwa vomudzimu vasingaverengeki, ngirozi, vanonzwiwo “vanakomana vaMwari,” mupfungwa imwe cheteyo iyo Adhama akanga ari, nokuti simba ravo roupenyu rakabva kuna Jehovha Mwari, Chitubu, kana kuti Manyuko, oupenyu. (Jobho 38:7; Pisarema 36:9; Ruka 3:38) Asi vose ivava vakasikwa kupfurikidza no“Mwanakomana akaberekwa ari oga bedzi,” uyo akanga ari mumwe bedzi akaberekwa nomutoo wakananga naMwari.—VaKorose 1:15-17.
Jesu Airangarirwa Kuva Mwari Here?
KUNYANGE Jesu achiwanzonzi Mwanakomana waMwari muBhaibheri, hakuno munhu muzana rokutanga ramakore akambofunga nezvake saari Mwari Mwanakomana. Kunyange madhemoni, ayo “anodavira kuti kuna Mwari mumwe,” aiziva muruzivo rwawo rwokuzviwanira munzvimbo yomudzimu kuti Jesu akanga asati ari Mwari. Naizvozvo, nomutoo wakarurama, aitaura kuna Jesu so“Mwanakomana waMwari” akaparadzana. (Jakobho 2:19; Mateo 8:29) Uye apo Jesu akafa, varwi vechihedheni veRoma vakanga vamirepo vaiziva zvakaringanira kutaura kuti chavakanga vanzwa kuna vateveri vake chinofanira kuve chave chakarurama, kwete kuti Jesu akanga ari Mwari, asi kuti “zvamazvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”—Mateo 27:54.
Nokudaro, mashoko okuti “Mwanakomana waMwari” anoreva nezvaJesu somunhu akaparadzana akasikwa, kwete rutivi rwoUtatu. SoMwanakomana waMwari, iye haati aigona kuva Mwari iye amene, nokuti Johane 1:18 inoti: “Hakuno munhu akamboona Mwari.”—RS, chinyorwa cheKaturike.
Vadzidzi vairangarira Jesu so“mureveri mumwe pakati paMwari navanhu,” kwete saMwari iye amene. (1 Timotio 2:5) Sezvo kupfurikidza nerondedzero mureveri ari mumwe munhu akaparadzana naavo vanoda revererwo, kwaizova kunopesana kuti Jesu ave muhumwe nerimwe ramativi aari kuedza kuyananisa. Ikoko kwaizova kuri kuedzesera kuva chimwe chinhu chaakanga asati ari.
Bhaibheri rakajeka uye rinobvumirana pamusoro poukama hwaMwari naJesu. Jehovha Mwari oga bedzi ndiye Wamasimba ose. Iye akasika Jesu asati ava munhu nomutoo wakananga. Nokudaro, Jesu akanga ana mavambo uye haati aitongogona kuva akaenzana naMwari musimba kana kuti mukusingagumi.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita raMwari rinoshandurwa kuti “Yahweh” mune dzimwe shanduro, “Jehovha” mune dzimwe.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Zvaakasikwa naMwari, Jesu ari munzvimbo yechipiri munguva, musimba nomuzivo
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jesu akataura kuti iye akanga achirarama asati ava munhu, zvaakasikwa naMwari samavambo ezvisikwa zvisingaoneki zvaMwari