“Murwire Kwazvo Kutenda”!
“Murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.”—JUDHASI 3.
1. VaKristu vechokwadi nhasi vari muhondo mupfungwai?
VARWI vari muhondo nguva dzose vakava namararamire akaoma. Fungidzira kupfeka zvipfeko zvakakwana zvehondo uye kufamba makiromita asingaverengeki mumamiriro okunze orudzi rwose, kurovedzwa zvakaomarara kushandisa zvombo, kana kuti kufanira kuzvidzivirira parudzi rwose rwetyisidziro dzamasimba masimba dzingaparira rufu kana kuti kukuvara. VaKristu vechokwadi, zvisinei, havatori rutivi muhondo dzamarudzi. (Isaya 2:2-4; Johane 17:14) Pasinei zvapo naikoku, hatifaniri kumbokanganwa kuti tose tiri muhondo mupfungwa yakati. Satani akazara nokuvenga Jesu Kristu navateveri vake vari pasi pano. (Zvakazarurwa 12:17) Vose vanosarudza kubatira Jehovha Mwari, chaizvoizvo, vari kunyoresa savarwi kuti varwe hondo yomudzimu.—2 VaKorinte 10:4.
2. Judhasi anorondedzera sei hondo yechiKristu, uye tsamba yake inogona sei kutibatsira kutsungirira mairi?
2 Nenzira yakakodzera, Judhasi munun’una waJesu kuna mai anonyora kuti: “Vadikanwa, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.” (Judhasi 3) Apo Judhasi anokurudzira vaKristu kuti “murwire kwazvo,” anoshandisa shoko rakabatanidzwa neshoko rokuti “marwadzo.” Hungu, uku kurwa kunogona kuva kwakaoma, kunyange kunorwadza! Unokuwana kwakaoma pane dzimwe nguva kutsungirira muiyi hondo here? Tsamba pfupi asi ine simba yaJudhasi inogona kutibatsira. Inotikurudzira kudzivisa unzenza, kuremekedza chiremera chakagadzwa naMwari, uye kuzvichengeta tiri murudo rwaMwari. Ngationei nzira yokushandisa nayo zano iri.
Dzivisa Unzenza
3. Chinetsoi chaida betsero yokukurumidzira chakatarisana neungano yechiKristu muzuva raJudhasi?
3 Judhasi aigona kuona kuti havasi vose vavaKristu biyake vakanga vachikunda hondo yokurwisana naSatani. Chinetso chaida betsero yokukurumidza chakanga chakatarisana neboka. Varume vakashata vakanga “vapinda,” anonyora kudaro Judhasi. Varume ava vakanga vachitsigira unzenza namanomano. Uye nouchenjeri vakaruramisa zviito zvavo vachi“shandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere.” (Judhasi 4) Zvichida, kufanana neveSekete rezivo yomudzimu yechienzi rakare, vakarangarira kuti kana munhu akatadza zvikuru, munhu wacho angagona kugamuchira nyasha dzaMwari zvikuru—nokudaro, chaizvoizvo, zvaiva nani kutadza zvikuru! Kana kuti zvichida vakagumisa kuti Mwari ane mutsa aisazofa avaranga. Muchiitiko chipi nechipi, vakanga vasina kururama.—1 VaKorinte 3:19.
4. Mienzanisoi mitatu yaMagwaro yamarutongeso aJehovha omunguva yakapfuura iyo Judhasi anonongedzera?
4 Judhasi anobvumikisa mirangariro yavo isina kururama kuva yenhema kupfurikidza nokududza mienzaniso mitatu yamarutongeso aJehovha munguva dzakapfuura: pavaIsraeri avo vakanga “vasingatendi”; pa“vatumwa . . . vakasiya pavaifanira kugara” kuti vatadze navakadzi; uye pavagari vose veSodhoma neGomora, “vakazvipa kwazvo saivo kuupombwe nokutevera imwe nyama.” (Judhasi 5-7; Genesi 6:2-4; 19:4-25; Numeri 14:35) Muchiitiko chimwe nechimwe, Jehovha akaunza rutongeso rukuru pavaiti vechivi.
5. Judhasi anonokora mashoko muporofitai wekare, uye uporofita ihwohwo hwakaratidza sei uchokwadi hwakakwana hwokuzadzikwa kwahwo?
5 Gare gare, Judhasi anonongedzera kurutongeso rwakatokura zvikuru. Anonokora mashoko uporofita hwaEnoki—chikamu chisingawaniki papi napapi zvapo muMagwaro akafuridzirwa.a (Judhasi 14, 15) Enoki akafanotaura nguva apo Jehovha aizotonga vose vasingadi Mwari nezviito zvavo zvokusada Mwari. Nenzira inofadza, Enoki akataura sezvakaitika kare, nokuti marutongeso aJehovha aiva chinhu chechokwadi sokunge kuti akanga atoitika. Vanhu vangave vakaseka Enoki uye gare gare Noa, asi vaseki vose vakadaro vakanyura muBoporodzi renyika yose.
6. (a) VaKristu vomuzuva raJudhasi vaifanira kuyeuchidzwa nezvechii? (b) Neiko tichifanira kufungisisa zviyeuchidzo zvaJudhasi?
6 Neiko Judhasi akanyora nezvamarutongeso aya aMwari? Nemhaka yokuti akaziva kuti vamwe vakanga vachisonganirana neungano dzechiKristu muzuva rake pachake vakanga vachitadza zvakashata chaizvo uye vane mhaka saavo vakanyandura marutongeso iwayo omunguva yakapfuura. Nokudaro, Judhasi anonyora kuti ungano dzinofanira kuyeuchidzwa zvokwadi dzomudzimu dzinokosha. (Judhasi 5) Sezviri pachena vakanga vakanganwa kuti Jehovha Mwari aiona zvavakanga vachiita. Hungu, apo vabatiri vake vanoputsa mitemo yake noune, vachizvishatsa navamwe, anoona. (Zvirevo 15:3) Zviito zvakadaro zvinomurwadza zvikuru. (Genesi 6:6; Pisarema 78:40) Mufungo unotyisa kuti isu vanhuwo zvavo tinogona kutapura mirangariro yaChangamire Ishe wechisiko chose. Anotitarisa zuva nezuva, uye apo tinoita zvakanakisisa zvedu chaizvo kutevera makwara oMwanakomana wake, Jesu Kristu, ipapo mufambiro wedu unoita kuti mwoyo wake ufare. Ipapo, ngatisatongoshatirirwa zviyeuchidzo zvakadaro seizvo Judhasi anogovera asi kuzvifungisisa.—Zvirevo 27:11; 1 Petro 2:21.
7. (a) Neiko kuchikosha nokuda kwaavo vanobatanidzwa muchakaipa chakakomba kutsvaka betsero nokukurumidza? (b) Tose zvedu tinogona sei kudzivisa unzenza?
7 Jehovha haangooni bedzi asi anoita chiito. SaMwari weruramisiro, anounza chirango pavaiti vezvakashata—munguva yakafanira. (1 Timotio 5:24) Avo vanorangarira kuti marutongeso ake anongova zvawo nhau yakare uye kuti haana hanya nezvakaipa zvavanoita vari kuzvinyengera. Kunokosha sei kuti vapi navapi vanobatanidzwa muunzenza vatsvake betsero nokukurumidza kuvakuru vechiKristu! (Jakobho 5:14, 15) Tose zvedu tingaitwa kuti tifunge nezvetyisidziro iyo unzenza hunopa muhondo yedu yomudzimu. Makore ose gore negore pane vanyajambwa—vanhu vamwe navamwe vari kudzingwa pakati pedu, ruzhinji rwavo nokuda kwokuita zviito zvounzenza nenzira yokusapfidza. Tinofanira kutsunga zvakasimba kudzivisa miedzo ipi neipi kunyange ingavamba kutitungamirira munzira yakadaro.—Enzanisa naMateo 26:41.
Remekedza Chiremera Chakagadzwa naMwari
8. Ndivanaani vakanga vari “vane kubwinya” vanodudzirwa muna Judhasi 8?
8 Chimwe chinetso icho Judhasi anotaura kushaikwa kwokuremekedza chiremera chakagadzwa naMwari. Somuenzaniso, Jud mundima 8 anopomera varume vamwe chetevo vakaipa “kutuka avo vane kubwinya.” Ndivanaani ava vakanga vari “vane kubwinya”? Vakanga vari varume vasina kukwana, asi vakanga vane basa rakaiswa pavari kupfurikidza nomudzimu mutsvene waJehovha. Somuenzaniso, ungano dzaiva navakuru, vakanga varonzeswa kutarisira boka raMwari. (1 Petro 5:2) Paivawo navatariri vanofambira, vakadai somuapostora Pauro. Uye mutumbi wavakuru waiva muJerusarema wakashanda somutumbi unodzora, uchiita zvisarudzo zvaitapura ungano yose zvayo yechiKristu. (Mabasa 15:6) Judhasi aiitira hanya zvikuru kuti vamwe muungano vakanga vachitaura zvakaipa, kana kuti kuzvidza, varume vakadaro.
9. Mienzanisoi pamusoro pokusaremekedza chiremera iyo Judhasi anotaura?
9 Kushora kutaura kwokusaremekedza kwakadaro, Jud mundima 11, Judhasi anodudza mimwe mienzaniso mitatu sezviyeuchidzo: Kaini, Bharami, uye Kora. Kaini akafuratira zano rorudo raJehovha uye noune akaronda nzira yake pachake yokuvenga kwokuponda. (Genesi 4:4-8) Bharami akagamuchira agamuchirazve nyevero idzo pasina mubvunzo dzakabva kunopfuura kwomusikirwo—kunyange mbongorokadzi yake pachake yakataura kwaari! Asi Bharami noudyire akapfuurira kuronga kurwisa vanhu vaMwari. (Numeri 22:28, 32-34; Dheuteronomio 23:5) Kora aiva nenzvimbo yake pachake yebasa, asi aisagutsikana. Akanyandura kupandukira murume munyoro zvikurusa pasi pano, Mosesi.—Numeri 12:3; 16:1-3, 32.
10. Vamwe nhasi vangawira sei mumusungo wo“kutuka avo vane kubwinya,” uye neiko kutaura kwakadaro kuchifanira kudziviswa?
10 Iyi mienzaniso inotidzidzisa zvakajeka sei kuteerera zano nokuremekedza avo Jehovha anoshandisa munzvimbo dzomutoro! (VaHebheru 13:17) Kuri nyore zvikuru kuwanira mhaka vakuru vakagadzwa, nokuti ivo havana kukwana, sezvo tose zvedu tisina kukwanawo. Asi kana tikafungisisa zvikanganiso zvavo ndokusekesa kuvaremekedza, hatingavi tichi“tuka avo vane kubwinya” here? Jud Mundima 10, Judhasi anodudza avo “vanotuka zvavasingazivi.” Vamwe, padzimwe nguva, vachatsoropodza chisarudzo chinoitwa nomutumbi wavakuru kana kuti nedare rokutonga. Asi, havazivi udzame hwose uhwo vakuru vaifanira kurangarira kuti vasvike chisarudzo. Nokudaro kutaurirei zvakaipa pamusoro pezvinhu zvavasingazivi chaizvoizvo? (Zvirevo 18:13) Avo vanopfuurira nokutaura kwakaipa kwakadaro vangagona kuparira mapoka muungano uye zvichida kunyange kufananidzwa ne“mabwe akavanzwa” panoungana vatendi biyavo. (Judhasi 12, 16, 19) Hataizoda kuparira ngozi yomudzimu kuvamwe. Panzvimbo pezvo, mumwe nomumwe wedu ngaatsunge kuonga varume vane mutoro nokuda kwebasa ravo rakaoma nokuzvipira kuboka raMwari.—1 Timotio 5:17.
11. Neiko Mikaeri akarega kupa rutongeso kumashoko akaipa mukurwisana naSatani?
11 Judhasi anodudza muenzaniso womumwe akaremekedza nomutoo wakarurama chiremera chakagadzwa. Anonyora kuti: “Mikaeri mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiyabhorosi, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, akatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakurayire.” (Judhasi 9) Iyi nhoroondo inofadza, yakanyorwa naJudhasi bedzi muMagwaro akafuridzirwa, inodzidzisa zvidzidzo zviviri zvakajeka. Kune rumwe rutivi, inotidzidzisa kusiyira Jehovha rutongeso. Satani sezviri pachena aida kushandisa zvisina kufanira muviri womurume akatendeka Mosesi kuti atsigire kunamata kwenhema. Kwakashata sei! Asi, Mikaeri nokuzvininipisa akarega kutonga, nokuti Jehovha bedzi ndiye aiva nechiremera ichocho. Ipapo, tinofanira zvikuru sei kurega kutonga varume vakatendeka avo vari kuedza kubatira Mwari, zvisinei nokusakwana.
12. Chii icho avo vane nzvimbo dzomutoro muungano vangadzidza mumuenzaniso waMikaeri?
12 Kune rumwe rutivi, avo vane mwero wakati wechiremera muungano vangadzidzawo chidzidzo kuna Mikaeri. Pashure pezvose, kunyange zvazvo Mikaeri aiva “mutumwa mukuru,” mukuru wengirozi dzose, haana kushandisa zvisina kufanira nzvimbo yake yesimba, kunyange achidenhwa. Vakuru vakatendeka vanonyatsotevera muenzaniso iwoyo, vachiziva kuti kushandisa zvisina kufanira chiremera chavo kusaremekedza uchangamire hwaJehovha. Tsamba yaJudhasi yaiva nezvakawanda zvokutaura pamusoro pavarume vaiva nenzvimbo dzinoremekedzwa muungano asi vakanga vasvika pakushandisa simba ravo zvisina kufanira. Somuenzaniso, Jud mundima 12 kusvika ku 14, Judhasi anonyora kushora kwakakomba “vafudzi vanongozvifudza ivo.” (Enzanisa naEzekieri 34:7-10.) Namamwe mashoko, fariro yavo yokutanga yaiva mukuzvibetsera, kwete boka raJehovha. Vakuru nhasi vanogona kudzidza zvakawanda mumienzaniso yakaipa yakadaro. Chaizvoizvo, mashoko aJudhasi pano anorondedzera zvakajeka izvo tisingadi kuva. Apo tinotera kuudyire, hatigoni kuva varwi vaKristu; tiri kunyanyobatikana mukuzvirwira. Panzvimbo pezvo, tose ngatirarame maererano namashoko aJesu anoti: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
“Muzvichengete Murudo rwaMwari”
13. Neiko tose tichifanira kushuva zvakakomba kurambira murudo rwaMwari?
13 Nechokumugumo kwetsamba yake, Judhasi anogovera zano iri rinofadza: “Muzvichengete murudo rwaMwari.” (Judhasi 21) Hapana chinhu chichatibatsira kurwa hondo yechiKristu kupfuura chinhu chimwe ichi, kuramba tichidiwa naJehovha Mwari. Pashure pezvose, rudo ndiro vara gurusa raMwari. (1 Johane 4:8) Pauro akanyorera vaKristu vomuRoma kuti: “Ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvigoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaRoma 8:38, 39) Kunyange zvakadaro, tinorambira sei tiri murudo irworwo? Cherekedza matatu amatanho atinogona kutora, maererano naJudhasi.
14, 15. (a) Kunorevei kuti ti“zvivake pakutenda [kwedu] kutsvene tsvene”? (b) Tinganzvera sei mugariro wechifukidziro chedu chesimbi chomudzimu?
14 Kutanga, Judhasi anotiudza kupfuurira kuzvivaka “pakutenda kwe[du] kutsvene tsvene.” (Judhasi 20) Sezvatakaona munyaya yakapfuura, uyu muitiro unopfuurira. Takafanana nezvivako zvinoda kuramba zvichingosimbiswa padenho dzakaipa zvikurusa dzamamiriro okunze. (Enzanisa naMateo 7:24, 25.) Nokudaro ngatisambonyanyova vanozvivimba. Panzvimbo pezvo, ngationei patinogona kuzvivaka pahwaro hwokutenda kwedu, tichiva varwi vakasimba zvikuru, vakatendeka zvikuru vaKristu. Somuenzaniso, tinogona kurangarira nhumbi dzomudzimu dzokurwa dzinorondedzerwa pana VaEfeso 6:11-18.
15 Ndaapi ari mamiriro echifukidziro chesimbi chomudzimu chedu pachedu? “Nhoo huru yokutenda” yedu yakasimba sezvainofanira kuva yakaita here? Sezvatinotarira shure mumakore mashoma apfuura, tinoona zvimwe zviratidzo zvokuregeredza, zvakadai sokuderera mukupinda misangano, kushayikwa kwokushingairira nokuda kwoushumiri, kana kuti mbavarira yefundo yomunhu oga iri kuderera here? Zviratidzo zvakadaro zvakakomba! Tinofanira kuita chiito zvino kuzvivaka ndokuzvisimbisa muchokwadi.—1 Timotio 4:15; 2 Timotio 4:2; VaHebheru 10:24, 25.
16. Kunorevei kunyengetera nomudzimu mutsvene, uye chinhui chimwe chatinofanira kukumbira Jehovha nguva dzose?
16 Nzira yechipiri yokurambira murudo rwaMwari nayo kupfuurira ku“nyengeter[a] Mumweya Mutsvene.” (Judhasi 20) Ikoku kunoreva kunyengetera mupesvedzero yomudzimu waJehovha uye mutsinhirano neShoko rake rakafuridzirwa nomudzimu. Munyengetero inzira inokosha yokuswedera nayo pedyo naJehovha somunhu oga ndokutaura kuzvipira kwedu kwaari. Hatifaniri kutongoregeredza ropafadzo iyi inoshamisa! Uye apo tinonyengetera, tingakumbira—kutaura idi, kuramba tichikumbira—mudzimu mutsvene. (Ruka 11:13) Isimba rakasimba zvikurusa rinowanika kwatiri. Nebetsero yakadaro, tinogona nguva dzose kurambira murudo rwaMwari ndokutsungirira savarwi vaKristu.
17. (a) Neiko muenzaniso waJudhasi munhau yengoni uchishamisa kwazvo? (b) Mumwe nomumwe wedu angapfuurira sei kuratidza ngoni?
17 Yechitatu, Judhasi anotikurudzira kupfuurira kuratidza ngoni. (Judhasi 22) Muenzaniso wake pachake munhau iyi unoshamisa. Pashure pazvose, akavhiringidzwa nenzira yakarurama pamusoro poushati, unzenza, uye kuramba kutenda kwakanga kuchipinda muungano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, haana kukundwa nerutyo, kugamuchira murangariro wokuti migariro panguvayo nenzira yakati yakanga yava nengozi zvikuru kuratidzira vara rakadai sengoni. Aiwa, akakurudzira hama dzake kupfuurira kuratidza ngoni pari pose pakwaibvira, kurangarira nomutsa naavo vaitambura nenyunyuto uye kunyange ku‘bvuta pamoto’ avo vari kutsaukira pedyo nechivi chakakomba. (Judhasi 23; VaGaratia 6:1) Ikurudziro yakadini nokuda kwavakuru munguva dzino dzinotambudza! Ivowo vanoedza kuratidza ngoni pari pose pane hwaro hwaikoku, vachiva vachiri vakasimba pakunenge kuri madikanwa. Tose zvedu nenzira yakafanana tinoda kuratidza ngoni kuno mumwe nomumwe wedu. Somuenzaniso, panzvimbo pokuchengeta mafi maduku, tinogona kuva norupo nekukanganwira kwedu.—VaKorose 3:13.
18. Tinogona sei kuva nechokwadi chokukunda muhondo yedu yomudzimu?
18 Hondo yatiri kurwa haisi nyore. Seizvo Judhasi anotaura, kuti “murwire kwazvo.” (Judhasi 3) Vavengi vedu vane simba. Kwete Satani bedzi asi nyika yake yakaipa nokusakwana kwedu pachedu zvose zvinorwisana nesu. Asi, tinogona kuva nechivimbo chose chose chokukunda! Neiko? Nemhaka yokuti tiri kurutivi rwaJehovha. Judhasi anopfiga tsamba yake nechiyeuchidzo chokuti Jehovha nenzira yakarurama ngaanzi kwaari “ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo nazvino, nokusingaperi.” (Judhasi 25) Iwoyo hausiri mufungo unotyisa here? Panogona kuva nomubvunzo upi noupi, ipapo, wokuti Mwari mumwe cheteyo “unogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa” here? (Judhasi 24) Zvirokwazvo kwete! Mumwe nomumwe wedu ngaatsunge kupfuurira kudzivisa unzenza, kuremekedza chiremera chakagadzwa naMwari, uye kurambira tiri murudo rwaMwari. Nenzira iyoyo, tichafarikanya rukundo rune mbiri pamwe chete.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanzveri vanotaura kuti Judhasi ari kunokora mashoko muBook of Enoch reapokirifa. Zvisinei, R. C. H. Lenski anoti: “Tinobvunza kuti: ‘Wakabvepi uyu mubatanidzwa weBook of Enoch?’ Iri bhuku rakawedzerwa, uye hapana munhu ane chokwadi nezvemisi yamativi akasiyana-siyana aro . . . ; hapana munhu anogona kuva nechokwadi kuti kumwe kwokutaura kwaro, zvichida, kwakanga kusina kutorwa kuna Judhasi pachake.”
Mibvunzo Yehwirudzuro:
◻ Tsamba yaJudhasi inotidzidzisa sei kudzivisa unzenza?
◻ Neiko kuchikosha kwazvo kuremekedza chiremera chakagadzwa naMwari?
◻ Chii chakakomba zvikuru pamusoro pokushandisa zvisina kufanira chiremera cheungano
◻ Tingashanda sei kuti tirambire murudo rwaMwari?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kusafanana navarwi veRoma, vaKristu vanorwa hondo yomudzimu
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vafudzi vechiKristu vanobatira, kwete nokuda kwoudyire, asi nokuda kworudo