Ganhuro 24
Shoko Rinonaka Nerinovava
Chiono 6—Zvakazarurwa 10:1–11:19
Musoro: Chiono chomupumburu wamanyoro muduku; zvinoitika zvapatembere; kuridzwa kwehwamanda yechinomwe
Nguva yezadziko: Kubvira pakugadzwa pachigaro choumambo kwaJesu muna 1914 kusvikira kudambudziko guru
1, 2. (a) Ko nhamo yechipiri yakaparirei, uye iyi nhamo ichanzi yapera rini? (b) Johane anoona ani zvino achiburuka kudenga?
NHAMO yechipiri yave ichiparadzanya. Iyo yakarwadzisa chiKristudhomu navatungamiriri vacho, “chetatu chavanhu,” avo vanonzarozvo kufumurwa savari vakafa mumudzimu. (Zvakazarurwa 9:15) Johane anofanira kuve akada kuziva pashure paiyeyo icho nhamo yechitatu yaigona kuunza. Asika chimbomira! Nhamo yechipiri ichigere kupera—kwete kutozosvikira tasvika papfundo rakanyorwa pana Zvakazarurwa 11:14. Pamberi penguva iyeyo, Johane achaona chinjo yezvinoitika umo iye amene anotora rutivi rwokushingaira mairi. Iyo inotanga nechiono chinotyisa kwazvo:
2 “Ipapo ndakaona imwe ngirozi ine simba ichiburuka kudenga, yakapfeka gore, uye muraraungu wakanga uri pamusoro payo, uye chiso chayo chakanga chakaita sezuva, netsoka dzayo dzakanga dzakaita sembiru dzomwoto.”—Zvakazarurwa 10:1.
3. (a) Ndiani ari “ngirozi ine simba”? (b) Chii chiri revo yomuraraungu uri pamusoro payo?
3 Ndianiko ari iyi “ngirozi ine simba”? Sezvinooneka ndiJesu Kristu akapiwa mbiri ari mune rimwe basa. Iye akapfeka gore rokusaoneka, uko kunotiyeuchidza nezvamashoko apakuvamba-vamba aJohane pamusoro paJesu: “Tarirai! Iye ari kuuya namakore, uye ziso riri rose richamuona, uye avo vakamubaya.” (Zvakazarurwa 1:7; enzanisira naMateo 17:2-5.) Muraraungu uri pamusoro pake unotiyeuchidza nezvechiono chapakuvamba-vamba chaJohane chechigaro choumambo chaJehovha, chino “muraraungu [wacho] wakafanana neibwe resmaragdhino mukuoneka.” (Zvakazarurwa 4:3; enzanisa naEzekieri 1:28.) Muraraungu iwowo wakakarakadzira runyararo norugare zvakapoteredza chigaro choumambo chaMwari. Nenzira imwe cheteyo, uyu muraraungu uri pamusoro wengirozi waizomuzivisa senhume chaiyo yorugare, “muchinda worugare” akadeya kuziviswa waJehovha.—Isaya 9:6, 7.
4. Chii chinoratidzirwa ne (a) chiso chengirozi ine simba chichiva “sezuva”? (b) netsoka dzengirozi dzichiva “dzakaita sembiru dzomwoto”?
4 Chiso chengirozi ine simba chakanga chakaita “sezuva.” Pakuvamba-vamba muchiono chake chaJesu patembere youmwari, Johane akanga acherekedza kuti chiso chaJesu chakanga chakaita “sezuva apo iro rinopenya musimba raro.” (Zvakazarurwa 1:16) Jesu, se“zuva rokururama,” anopenya nokuporesa mumapapiro ake nokuda kwebetsero yaavo vanotya zita raJehovha. (Maraki 4:2) Hachizati chichingova bedzi chiso asiwo tsoka dzeiyi ngirozi dzine mbiri, “sembiru dzomwoto.” Mamirire ake akatsiga ndeaya oUyo Jehovha akapa kwaari “chiremera chose . . . mudenga napasi.”—Mateo 28:18; Zvakazarurwa 1:14, 15.
5. Ko Johane anoonei muruoko rwengirozi ine simba?
5 Johane anocherekedzazve, kuti: “Uye iyo yakanga yakabata mupumburu wamanyoro muduku wakazaruka muruoko rwayo. Ipapo yakaisa tsoka yayo yorudyi pamusoro pegungwa, asi tsoka yayo yoruboshwe pamusoro pepasi.” (Zvakazarurwa 10:2) Mumwe mupumburu wamanyoro here? Hungu, asi panguva ino iwo hauna kunamwa. Tina Johane, tinogona kukarira nokukurumidza kuonazve wadzanyuro dzinofadza. Kutanga, kunyange zvazvo zvakadaro, tinopiwa chiono chezvinotevera.
6. (a) Neiko kwakakodzera kuti tsoka dzaJesu, imwe iri pamusoro papasi uye imwe iri pamusoro pegungwa? (b) Ko Pisarema 8:5-8 rakazadzika chose chose rini?
6 Ngatidzokerei kurondedzero yaJesu. Imwe tsoka yake yomwoto iri papasi uye imwe yomwoto iri pagungwa, apo iye zvino anoshandisa chiremera chizere pamusoro pazvo. Kwakangofanana nezvakarondedzerwa mupisarema rouporofita, kuti: “Imi [Jehovha] makapfuurira kumuita [Jesu] muduku zvishoma kuna vakafanana namwari, uye ipapo imi makamupfekedza korona yorubwinyo noukomba. Makamuita kuti abate umambo pamabasa amaoko enyu; imi makaisa chinhu chiri chose pasi petsoka dzake: n’ombe duku nenzombe, izvo zvose, uyewo mhuka dzesango, shiri dzedenga nehove dzegungwa, chinhu chiri chose chinopfuura nomunzira dzamakungwa.” (Pisarema 8:5-8; onawo VaHebheru 2:5-9.) Iri pisarema rakazadzika chose chose muna 1914, apo Jesu akagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari uye nguva yomugumo yakavamba. Nokudaro, icho Johane anoona pano muchiono chinoshanda chifo chegore irero.—Pisarema 110:1-6; Mabasa 2:34-36; Dhanieri 12:4.
Kutinhira Kunomwe
7. Ko ngirozi ine simba inodanidzira nomutooi, uye chii chiri revo yokudanidzira kwayo?
7 Murangariro waJohane weiyi ngirozi ine simba unodzongonyedzwa neiyi ngirozi iyo imene: “Zvino iyo [ngirozi] yakadanidzira nenzwi guru seapo shumba inodzvova. Uye apo iyo yakadanidzira, kutinhira kunomwe kwakabudisa manzwi akwo kumene.” (Zvakazarurwa 10:3) Kudanidzira kwakadaro kune simba kwaizobata ngwariro yaJohane, kuchisimbisa kuti Jesu zvamazvirokwazvo ndiye “Shumba iyo iri yendudzi yaJudha.” (Zvakazarurwa 5:5) Johane aizovawo anoziva kuti Jehovha, padzimwe nguva anotaurwawo kuva ano“dzvova.” Kudzvova kwaJehovha muuporofita kunozivisa kuunganidzwazve kwaIsraeri womudzimu nokuuya kwe“zuva raJehovha” rinoparadza. (Hosea 11:10; Joere 3:14, 16; Amosi 1:2; 3:7, 8) Nomutoo wakajeka, ipapoka, kudanidzira kwakafanana nokweshumba kweiyi ngirozi ine simba kunoratidzira zvinoitika zvikuru zvakafanana nokuda kwegungwa napasi. Inoraira kutinhira kunomwe kuti kutaure.
8. Chii chiri ‘manzwi okutinhira kunomwe’?
8 Kare Johane akanzwa kutinhira kuchibuda muchigaro choumambo chimene chaJehovha. (Zvakazarurwa 4:5) Shure muzuva raDhavhidhi, kutinhira chaikoiko padzimwe nguva kwaitaurwa nezvako se“inzwi raJehovha.” (Pisarema 29:3) Apo Jehovha akazivisa nomutoo unonzwika donzo rake rokukudza zita rake amene mumazuva oushumiri hwapasi hwaJesu, kuna vazhinji rakanzwika sokutinhira. (Johane 12:28, 29) Naizvozvo, kuno mufungo kutaura kuti ‘manzwi okutinhira kunomwe’ kutaura kwaJehovha amene madonzo ake. Idi rokuti kwaiva nokutinhira “kunomwe” rinokarakadza kukwana kweizvo Johane akanzwa.
9. Ko inzwi rinobva kudenga rinorairei?
9 Asika chiteerera! Rimwe inzwi rinonzwika. Rinounza murairo unofanira kuratidzika kuva wechienzi, kuna Johane unoti: “Zvino apo kutinhira kunomwe kwakataura, ini ndakanga ndodokunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti: ‘Namira zvinhu zvataurwa nokutinhira kunomwe, uye rega kuzvinyora.’” (Zvakazarurwa 10:4) Johane anofanira kuve aive neshungu yokudokunzwa ndokunyora mashoko iwawo okutinhira, seizvo boka raJohane nhasi rakamirira nokudisa nokuda kwokuti Jehovha awadzanyure madonzo ake oumwari kuti aparidzirwe. Wadzanyuro dzakadaro dzinouya bedzi panguva yakagadzwa yaJehovha.—Ruka 12:42; onawo Dhanieri 12:8, 9.
Kupedzwa Kwechakavanzika Chinoyera
10. Ko ngirozi ine simba inopika naani, uye kusvikira pachizivisoi?
10 Kuri zvino, Jehovha ane rimwe basa nokuda kwaJohane. Pashure pokunge kutinhira kunomwe kwaziviswa, ngirozi ine simba inotaurazve, kuti: “Ipapo ngirozi yandakaona imire pamusoro pegungwa napamusoro pepasi yakasimudzira ruoko rwayo rworudyi kudenga, uye yakapika noUyo anorarama nokusingaperi-peri, uyo akasika denga nezvinhu zviri mariri nepasi nezvinhu zviri mariri negungwa nezvinhu zviri mariri, ichiti: ‘Hapachinazve kunonoka.’” (Zvakazarurwa 10:5, 6) Ko ngirozi ine simba inopika naani? Jesu akapiwa mbiri anopika, kwete naiye amene, asi neChiremera chakaisvokwirira chezvose, Jehovha, Musiki asingafi wamatenga napasi. (Isaya 45:12, 18) Kupfurikidza neiyi mhiko, ngirozi inosimbisira Johane kuti hapazati pachizova nokumwe kunonoka kuna Mwari.
11, 12. (a) Chii chinorehwa nokuti “hapachinazve kunonoka”? (b) Chii chinogumiswa?
11 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kunonoka” ndikhroʹnos, iro rinoreva chaizvoizvo “nguva.” Vamwe nokuda kwechikonzero ichocho vakarangarira havo kuti uku kuzivisa kwengirozi kunofanira kushandurwa, kuti: “Hapazati pachizovazve neimwe nguva,” sokunge kuti nguva sezvatinoiziva ichapera. Asi shoko rokuti khroʹnos pano rinoshandiswa risina shoko chairo. Naizvozvo harizati richireva nguvawo zvayo asi, panzvimbo pakwo, “nguva yakati kuti” kana kuti “nhambo yakati kuti yenguva.” Namamwe mashoko, hapazati pachizova neimwezve nhambo yenguva (kana kuti, kunonoka) kunoitwa naJehovha. Shoko rechiito rechiGiriki rinowanwa muna khroʹnos rinoshandiswawo pana VaHebheru 10:37, apo Pauro, achinokora mashoko muna Habhakuki 2:3, 4, anonyora kuti “iye uyo anouya . . . haazati achizononoka.”
12 “Hapachinazve kunonoka”—haiwa anofadza sei mashoko iwawo kuboka rakwegura raJohane nhasi! Ko hapana kunonoka muchii? Johane anotizivisa, achiti: “Asi mumazuva okunzwika kwengirozi yechinomwe, apo iyo yodokuridza hwamanda yayo, chakavanzika chinoyera chaMwari mukuwirirana namashoko akanaka awo iye akaparidza kuvaranda vake amene vaporofita chichapedzwa zvamazvirokwazvo.” (Zvakazarurwa 10:7) Nguva yaJehovha yasvika yokuti asvitse chakavanzika chinoyera chake kumugumo wacho unofadza, norubudiriro rune mbiri!
13. Chii chiri chakavanzika chinoyera chaMwari?
13 Chii chiri ichi chakavanzika chinoyera? Icho chinobatanidza mbeu yakapikirwa pakutanga muEdheni, iyo yakabvumikisa zvikurukuru kuva Jesu Kristu. (Genesi 3:15; 1 Timotio 3:16) Chine chokuitawo nokuzivikanwa kwomukadzi uyo Mbeu inobuda maari. (Isaya 54:1; VaGaratia 4:26-28) Kupfuurirazve, inobatanidza mitezo yechipiri yeboka rembeu noUmambo umo Mbeu inobata ushe mahuri. (Ruka 8:10; VaEfeso 3:3-9; VaKorose 1:26, 27; 2:2; Zvakazarurwa 1:5, 6) Mashoko akanaka pamusoro pouhwu Umambo hwechienzi hwokudenga anofanira kuparidzirwa mupasi rose mukati menguva yomugumo.—Mateo 24:14.
14. Neiko nhamo yechitatu ichibatanidzwa noUmambo hwaMwari?
14 Zvamazvirokwazvo, iwawa mashoko akaisvonakisisa zvikuru kune ose. Asika, pana Zvakazarurwa 11:14, 15, nhamo yechitatu inobatanidzwa noUmambo. Neiko? Nokuti nokuda kwaavo vavanhu vanosarudza havo tsika yezvinhu yaSatani, kuziviswa kwamashoko akanaka okuti chakavanzika chinoyera chaMwari chinogumiswa—ndiko kuti, Umambo hwouMesiya hwaMwari hwasvika—mashoko enhamo. (Enzanisa na2 VaKorinte 2:16.) Kunoreva kuti gadziriro yenyika iyo vanoda zvikuru kwazvo yava pedyo nokuva inoparadzwa. Manzwi okutinhira kunomwe, ane nyevero dzakadaro dzedutu rinotyisa, anova akajeka zvikuru naanonzwika zvikuru kupfurikidza nokusvika kwezuva guru ramatsive raJehovha.—Zefania 1:14-18.
Mupumburu Wamanyoro Wakazaruka
15. Ko Johane anoudzwei neinzwi rinobuda kudenga nengirozi ine simba, uye chii chiri tapuro pana Johane?
15 Johane achingunomirira kuridzwa kwehwamanda yechinomwe uye kugumiswa kwechakavanzika chinoyera chaMwari, iye anopiwa mumwezve mugove: “Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga riri kutaura neni, richiti: ‘Enda, tora mupumburu wamanyoro wakazaruka uri muruoko rwengirozi iyo imire pamusoro pegungwa napamusoro pepasi.’ Nokudaro ini ndakaenda kungirozi ndokuiudza kuti indipe mupumburu wamanyoro muduku. Uye iyo yakati kwandiri: ‘Utore ugoudya, uye uchavavisa mudumbu mako, asi mukanwa mako uchanaka souchi.’ Ipapo ini ndakatora mupumburu wamanyoro muduku muruoko rwengirozi ndokuudya, uye mukanwa mangu wakanga uchinaka souchi; asi apo ini ndakanga ndaudya, mudumbu mangu makavaviswa. Uye vakati kwandiri: ‘Unofanira kuporofitazve pamusoro pendudzi namarudzi nendimi namadzimambo mazhinji.’”—Zvakazarurwa 10:8-11.
16. (a) Ko muporofita Ezekieri akava sei nechinoitika chakafanana nechaJohane? (b) Neiko mupumburu wamanyoro muduku wakaravidzika uchinaka kuna Johane, asi neiko wakanga uchivava kufungisisa?
16 Chinoitika chaJohane chakati fananei nechecho chomuporofita Ezekieri mukati moutapwa hwake munyika yeBhabhironia. Iyewo akarairwa kudya mupumburu wamanyoro wakaravidzika kuva unonaka mukanwa make. Asi apo iwo wakazadza dumbu rake, wakamuita kuti ave nomutoro wokudeya kuzivisa zvinhu zvinovava nokuda kweimba inopandukira yaIsraeri. (Ezekieri 2:8–3:15) Mupumburu wakazaruka uyo Jesu Kristu akapiwa mbiri anopa kuna Johane nenzira yakafanana ishoko roumwari. Johane achaparidzira pamusoro pe“ndudzi namarudzi nendimi namadzimambo mazhinji.” Kudya uyu mupumburu wamanyoro kunomunakira nokuti iwo unobva mumanyuko oumwari. (Enzanisa nePisarema 119:103; Jeremia 15:15, 16.) Asi anouwana kuva unovava kufungisisa nokuti—senekare kuna Ezekieri—unodeya kuzivisa zvinhu zvakashata nokuda kwavanhu vanopandukira.—Pisarema 145:20.
17. (a) Ndivanaani vanoudza Johane kuporofita“zve,” uye ikoku kunorevei? (b) Ko mufananidzo unopedza mate mukanwa wakaonwa naJohane waizozadzika rini?
17 Avo vanoudza Johane kuporofitazve pasina panikiro ndiJehovha Mwari naJesu Kristu. Johane, kunyange zvazvo ari muutapwa pachitsuwa chePatmosi, iye akatoporofita pamusoro pendudzi, marudzi, ndimi, namadzimambo kupfurikidza neshoko rakanyorwa kusvikira pano mubhuku raZvakazarurwa. Shoko rokuti “zve” rinoreva kuti iye anofanira kunyora ndokuparidza mamwe asara amashoko akanyorwa mubhuku raZvakazarurwa. Asika yeuka, Johane pano ari kutora rutivi chaizvoizvo muchiono chouporofita. Chaanonyora, kureva idi, uporofita huchazadzika pashure pa1914, apo ngirozi ine simba inoita kumira kwayo yakatanarara pasi negungwa. Ko zvino, uyu mufananidzo unopedza mate mukanwa unorevei kuboka raJohane nhasi?
Mupumburu Wamanyoro Muduku Nhasi
18. Pamavambo ezuva raShe, ko boka raJohane rakaratidzira fariroi mubhuku raZvakazarurwa?
18 Icho Johane anoona chinodeya kufananidzira nomutoo wakatanhamara chinoitika cheboka raJohane pamavambo ezuva raShe. Kunzwisisa kwaro madonzo aJehovha, kubatanidza nerevo yokutinhira kunomwe, panguva iyeyo zvakanga zvisina kukwana. Hunyanguvezvo, ivo vakanga vane fariro huru muna Zvakazarurwa, uye Charles Taze Russell akanga atsinhira pamusoro pamativi mazhinji aro mukati menduramo yake. Pashure porufu rwake muna 1916, mazhinji amanyoro ake akaunganidzwa ndokubudiswa mubhuku rino musoro unoti The Finished Mystery. Munguva yakafanira, kunyange zvazvo zvakadaro, iri bhuku rakabvumikisa kuva risingagutsi setsanganuro yaZvakazarurwa. Vakasarira vehama dzaKristu vaitofanira kumirira chinguvana chiduku, kutozosvikira zviono zvatanga kuva zvinozadzika, nokuda kwokunzwisiswa kwakarurama kwechinyorwa ichecho chakafuridzirwa.
19. (a) Ko boka raJohane rakashandiswa sei naJehovha Mwari kunyange manzwi okutinhira kunomwe asati azadzika zvizere? (b) Ko boka raJohane rakapiwa mupumburu wamanyoro muduku wakazaruka rini, uye ikoku kwakarevei kwavari?
19 Zvisinei, saJohane ivo vakashandiswa naJehovha kunyange manzwi okutinhira kunomwe asati abudiswa zvizere. Ivo vakanga vaparidzira noushingi kwamakore 40 pamberi pa1914, uye vakanga vaparapatikira kuramba vachishingaira mukati mehondo yenyika yokutanga. Vakanga vabvumikisa kuva avo, apo tenzi akasvika, vakawanwa kuva vaipa zvokudya veimba panguva yakafanira. (Mateo 24:45-47) Nokudaro, muna 1919 vakanga vari avo vakapiwa mupumburu wamanyoro muduku wakazaruka—ndiko kuti, shoko rakazaruka rokuparidza kuvanhu. SaEzekieri vakanga vane shoko nokuda kwesangano risina kutendeka—chiKristudhomu—chaikambira kuva chinobatira Mwari asi, kureva idi, chakanga chisati. SaJohane ivo vaitofanira kuparidza zvimwe zvakawanda pamusoro pe“ndudzi namarudzi nendimi namadzimambo mazhinji.”
20. Ko kudya kwaJohane mupumburu wamanyoro kwakafananidzirei?
20 Kudya kwaJohane mupumburu kwakafananidzira kuti hama dzaJesu dzakagamuchira uyu mugove. Wakava rutivi rwavo kuukuru hwokuti ivo zvino vaibatanidzwa neichi chikamu cheShoko rakafuridzirwa raMwari, vachiwana tsigiro mariri. Asika zvavaifanira kuparidzira zvakanga zvine mashoko amarutongeso aJehovha akanga asinganaki kuvanhu vazhinji. Zvamazvirokwazvo, aibatanidza madambudziko akadeya kuziviswa muna Zvakazarurwa ganhuro 8. Zvisinei, kwakanga kuchinaka kumaKristu iwawa apachokwadi kuziva marutongeso iwawo uye kuziva kuti iwo akanga achishandiswazve naJehovha mukuaparidzira.—Pisarema 19:9, 10.
21. (a) Ko shoko romupumburu wamanyoro muduku rakava sei rinonakawo kuboka guru? (b) Neiko mashoko akanaka ari mashoko akashata kuvanhu vanoshora?
21 Munguva yakafanira, shoko rouyu mupumburu wamanyoro rakavawo rinonaka ku“boka guru . . . rinobva mumarudzi ose nendudzi namadzinza nendimi” avo vakawanwa kuva vanogomera nokuda kwezvinhu zvinonyangadza zvavakaona zvichiitwa muchiKristudhomu. (Zvakazarurwa 7:9; Ezekieri 9:4) Ivavawo, nomutoo une simba vakaparidzira mashoko akanaka, vachishandisa mashoko anonaka, engoni kurondedzera gadziriro inoshamisa yaJehovha nokuda kwamaKristu akafanana namakwai. (Pisarema 37:11, 29; VaKorose 4:6) Asi kuvanhu vanoshora, iwawa mashoko akashata. Neiko? Anoreva kuti tsika yavanovimba nayo—uye iyo ingatove yakavaunzira gutsikano yechinguvana—inofanira kupfuura. Kwavari, mashoko akanaka anoreva shurikidzo.—VaFiripi 1:27, 28; enzanisa naDheuteronomio 28:15; 2 VaKorinte 2:15, 16.
[Mifananidzo iri papeji 160]
Boka raJohane neshamwari dzaro vanozivisa shoko rinonaka nerinovava kuvanhu vose