Kupedza Nhau Yechisiko Chapose Pose Nokusingagumi
“Jehovha amene ari kurudyi rwako achaputsanya madzimambo zvamazvirokwazvo pazuva rokutsamwa kwake.”—PISAREMA 110:5, “NW.”
1, 2. Mugore ra 70 N.V., ndichinoitika chingave chakapanikirisa kuva pose pose kwouchangamire hwaJehovha Mwari, asi panguva iyeyo nyasha dzake dzakanga dzatendeudzirwa kuna vanaani?
UCHANGAMIRE hwechisiko chapose pose hwoMusiki wedenga napasi inhau inokosha zvikurusa pamberi pavanhu nengirozi. Nokukurumidza, nhau yacho ichapedzwa nokusingaperi, asi kwamazana mazhinji amakore vavengi vaJehovha vakadenha uchangamire hwake. Zvamazvirokwazvo, ruparadziko muna 70 N.V. rweguta reJerusarema pamwe chete netembere yaro yakatsaurirwa kuna Jehovha rwungave rwakapanikirisa kuva pose pose kwouchangamire hwoMusiki. Kunyanguvezvo, pakanga pane chikonzero chakanaka nei Jehovha asina kusarudza ipapo kuva Mwari murwi nokuda kwaIsraeri wokunyama.
2 Chii chakanga chiri chikonzero? Panguva iyoyo Jehovha Mwari akanga atendeudzira nyasha dzake kurudzi rutsva, Israeri womudzimu, “Israeri waMwari,” sezvo muapostora Pauro anoidza ungano yaJesu Kristu. (VaGaratia 6:16) Kusvikira zvino, kunyanguvezvo, mukati merinonzi Zera rechiKristu rose, Jehovha haana kurwira Israeri womudzimu saMwari murwi munzira imwe cheteyo yaakarwira nayo Israeri wokunyama aiva musungano yoMutemo yaMosesi. Akatobvumira mauto eRoma, pakupesvedzera kwavaJudha, kuuraira Jesu Kristu padanda rokutambudzikira paKarivhari. Iwayo akanga ari makore 37 pamberi pokuparadzwa kwechipiri kweJerusarema kwakaitwa navaRoma, muna 70 N.V.
3, 4. Kuvambira mumazuva aMosesi kuburukira kuna Mambo Hezekia, Mwari akanga azviratidza amene sei kuva murwi, asi nokuda kwavaIsraeri vomudzimu, chii chave chiri chechokwadi pamusoro pokurwa kwake nokurwa kwavo?
3 Kuvambira mumazuva omuporofita Mosesi kuburukira kukutonga kwaMambo Hezekia weJerusarema, Jehovha Mwari akarwira rudzi rwaIsraeri nenzira yenenji, uye vaIsraeri vakarwa vari pasi pake nezvombo zvinouraya. (Dheuteronomio 1:30; 3:22; 20:3, 4; Joshua 10:42) Asi hakuna kudaro nokuda kwaIsraeri womudzimu! Kuvambira parufu rwaJesu Kristu kunze kweJerusarema kuburukira kuNguva yedu yaVose, uyu Mwari murwi haana kusarudza kurwa muhondo yokunyama nokuda kwaIsraeri waMwari. Nenzira inowirirana, haana kupa simba vaIsraeri vomudzimu vanoumba ungano yechiKristu rokurwa nezvombo zvokunyama zvehondo. MaKristu ane rumwe rudzi rwehondo rwokurwa.
4 Mukubvumirana naikoku, mumwe wavarwi vakuru vokutenda kwechiKristu akanyorera maKristu biyake paKorinte, Girisi, kuti: “Zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvine simba guru rinopiwa naMwari nokuda kwokuputsanya zvinhu zvakadzikwa nomutoo wakasimba zvikuru. Nokuti tinoputsanya mifungo nechinhu chiri chose chakakwirira chakakwidziridzirwa kurwisana nezivo yaMwari; uye tinopinza mufungo uri wose muutapwa kuuita kuti uteerere Kristu; uye isu tinozvichengeta timene takagadzirira kuita chirango nokuda kwokusateerera kwose, nokukurumidza apo teerero yenyu mumene inenge yaitwa nenzira yakakwana.” (2 VaKorinte 10:4-6, NW) Pakuvamba mutsamba imwe cheteyo, Pauro akataura nezve“zvombo zvokururama kuruoko rworudyi nerworuboshwe.”—2 VaKorinte 6:7, NW; onawo VaEfeso 6:11-18.
Jehovha Acharwa paArmagedhoni
5. Mubindu reGetsemani, chimiroi icho Jesu akatora kukushandiswa kwezvombo zvokunyama mukuzvidzivirira, uye inzirai yechiito inotora vadzidzi vake?
5 Jesu Kristu, apo akanga ari pasi pano, haana kutongotendeukira kuzvombo zvinouraya mukuzvidzivirira. Pausiku hwokupandukirwa kwake mubindu reGetsemani, mudzidzi wake akazvipira Simoni Petro akavhomora munondo ndokugura nzeve yomubatiri womuprista mukuru wechiJudha. Asi Jesu akadzorera nzeve yacho nenzira yenenji panzvimbo yayo ndokuti: “Vose avo vanobata munondo vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna baba vangu vakandipa iye zvino vatumwa vanopfuura mapoka makurukuru ane gumi namaviri? Magwaro angagoita seiko anoti zvinofanira kuitwa kudaro?” (Mateo 26:52-54) Mukutarisana nezvose izvozvi, vatevedzeri vechokwadi voMwanakomana anozvibaira waMwari vanochengeta kusatora rutivi kwavo, kwose kuri kuviri nenzira yakananga neisina kunanga, pakunouya kuhondo yenyika.—Johane 17:16; 18:36.
6. Mukati mehondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose paArmagedhoni, chimiroi icho Zvapupu zvaJehovha zvichatora?
6 Pano, ipapoka, marudzi ngaaziviswe kuti mukati me“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” pa“nzvimbo inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni,” Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichizogoverana mukurwa. Vachasiira ikoko kuna Mwari murwi, “Jehovha wehondo,” pamwe chete namapoka ake engirozi munhungamiro yaJesu Kristu.—Zvakazarurwa 16:14-16; 19:11-21; Pisarema 84:12.
Jehovha Odokutangazve Mibato Yake Yehondo
7. SaMwari murwi, Jehovha akasvika pakudanwa nezitai rokuremekedza, uye achine nzvimbo yakakwirira yakadaro here?
7 Mwari waIsraeri wekare akasvika pakuzivikanwa ndokutaurwa saJehovha tseva·ʼohthʹ, kana kuti Jehovha wehondo. (1 Samueri 1:3, 11) Pana VaRoma 9:29 (King James Version) muapostora wechiKristu Pauro anonongedzera kuna Isaya 1:9 ndokunyora, kuti: “Kudai Ishe Sabhaoti akanga asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa seGomora.” Uyewo, mudzidzi wechiKristu Jakobho anonyora, kuti: “Kuchema kwavakacheka kwakapinda munzeve dzaIshe wesabhaoti.” (Jakobho 5:4, KJ; American Standard Version) Naizvozvo Pauro naJakobho vakaronga Mwari saJehovha wehondo mukati mezana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose. Mukati mamazana amakore 18 akatevera, Mwari haana kupinda muhondo yokunyama nokuda kwaIsraeri womudzimu, Israeri waMwari, nenzira yaakaita nayo nokuda kwaIsraeri wekare, bva iye achiri Jehovha wehondo.
8-10. (a) Ndiani akabvumira hondo mudenga, uye nei Mikaeri akanga akakwaniriswa zvikurusa kurwa? (b) Chii chakanga chiri muuyo wehondo mudenga, uye inguva yakawanda sei inosara pamberi pehondo yezuva guru raJehovha?
8 Pakuberekwa kwoUmambo hwoUmesia muna 1914 pakuguma kwe“nguva dzaVamarudzi,” hondo yakatanga munzvimbo yomudenga yaJehovha Mwari. (Ruka 21:24, KJ) Ndiani akabvumira hondo iyoyo? Jehovha Mwari amene. Iye akatumira Mwanakomana wake akagadzwa pachigaro choumambo kupinda munhandare yehondo muzita rokuti Mikaeri nemhaka yokuti Iyeyu anokwaniriswa zvikurusa kupindura mubvunzo wakanga uri muzita iroro, ndiko kuti, “Ndiani akafanana naMwari?” Nokukurumidza Mikaeri akapinda muchiito somumiririri anorwa waJehovha wehondo.
9 Nenzira inowirirana, tinorava pana Zvakazarurwa 12:7-10, kuti: “Hondo yakatanga mudenga: Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nadragoni, uye dragoni nengirozi dzake vakarwa asi havana kukurira, kunyange nzvimbo haina kuwanikwazve nokuda kwavo mudenga. Naizvozvo dragoni yakakandirwa pasi, iyo nyoka yapakuvamba, iyo inonzi Dhiabhorosi naSatani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandirwa pasi kunyika, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe chete naye. Uye ndakanzwa inzwi guru mudenga richiti: ‘Ruponeso zvino rwasvika nesimba noumambo hwaMwari nesimba raKristu wake, nemhaka yokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi.’”
10 Kusvikira zvino, anopfuura makore 70 pashure pokurwa ikoko mumatenga, “nhambo pfupi bedzi yenguva” inosara hondo yezuva guru yaJehovha isati yavamba uye Mwari achizviratidzira amene zvakajeka saJehovha wehondo kuchizvarwa chazvino uno chorudzi rwomunhu.—Zvakazarurwa 12:12, NW; Zekaria 14:3.
Murwi Wokurevererwa kwaJehovha
11. Inguvai yakagadzwa inomirira vakasarira veboka duku neboka guru, uye chii ipapo chavacharumbidza nokufara?
11 Mufuridzirwo, Mambo akachenjera Soromoni waIsraeri wekare akanyora, kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro: . . . nguva yokurwa nenguva yorugare.” (Muparidzi 3:1-8) Pasi pano vadzidzi vaMambo anotonga uyo ari “chimwe chinhu chinopfuura Soromoni” vanomirira nguva nenhambo yokuti Iye atungamirire ngirozi dzokudenga kupinda muhondo paHar–Magedhoni. (Mateo 12:42; Zvakazarurwa 19:11-16) Ipapo iye “achafudza [marudzi] netsvimbo yedare,” achiaputsanya “netsvimbo yedare.” (Zvakazarurwa 19:15; Pisarema 2:9) Vadzidzi vake vanochengeta rugare, vakadzivirirwa vacharumbidza sei kuvanunura kwake kunotyisa! Ikoku kuchabatanidza vose vari vaviri vakasarira ve“boka duku” vavagari nhaka pamwe chete vake voUmambo ne“boka guru” ra“mamwe makwai” ake ayo ane tariro yokugara nhaka Paradhiso yapasi mukutonga kwake kune rugare kwamakore ane chiuru. (Ruka 12:32; Zvakazarurwa 7:9-17; Johane 10:16) Nomufaro, “panzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro,” vacharumbidza rukundo rune mbiri rwaMambo Mufudzi, Jesu Kristu, mukurevererwa kwouchangamire hwechisiko chapose pose hwaJehovha Mwari.—Pisarema 91:1.
12. Hondo inoonekwa ichibva kupi nokuda kwamarudzi, uye nomuuyoi mukuwirirana nePisarema 68:1, 2?
12 Pasina kukatutsira, kungataurwa zvino kuti hondo inobva kure zvikuru kupfuura nzvimbo yomunhu uye inobatanidza kushandiswa kwezvombo zvakanangidzirwa chaizvoizvo zvikuru inopfuura mabhomba ake enyukireya inooneka pamberi pamarudzi ose apasi, mungava mukati kana kuti kunze kwesangano reChibatanwa chaMarudzi. Teererai: “Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe, uye vanomuvenga ngavatize pamberi pake. Muvadzinge sokudzingwa kwoutsi; sokunyauka kwenamo pamwoto, saizvozvo vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.”—Pisarema 68:1, 2.
13. Sezvo gadziriro dzehondo dzinokupfuurira, mashoko ePisarema 45:1-6 anotaurwa kuna ani zvino munzira yakakodzera nguva zvikurusa?
13 Gadziriro dzehondo yehondo dzose dzatotanga zvino. SoMukani Mukurusa waMwari, Murwi wokurevererwa kwaJehovha anotaurwa mumashoko anotevera akaumbwa mufuridziro nomutezo worudzi rwaIsraeri, anoti: “Imi makanaka kupfuura vanakomana vomunhu. Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu. Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi. Sungai munondo wenyu pachiono chenyu, imi wamasimba, ukuru hwenyu noumambo hwenyu. Fambai noumambo hwenyu muchikunda; nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama, ruoko rwenyu rworudyi ngarwukudzidzisei zvinotyisa. Miseve yenyu inopinza—vanhu vanokundwa nemi—inobaya pamwoyo yavavengi vamambo. Chigaro chenyu choushe chiripo Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama.”—Pisarema 45:1-6.
Marudzi Anozviunganidza Amene Kuzorwa naJehovha
14, 15. Pashure pokusunungurwa muusungwa, mashokoi omuPisarema 2 ayo vaapostora vakanokora saakanga achizadzikwa, uye vakaita chikumbiroi kuna Mwari?
14 Nokukurumidza pashure pokugadzwa kweungano yechiKristu pazuva rePentekosta ya 33 N.V., maKristu akazodzwa akanzwisisa kushanda kwePisarema 2:1, 2. Rugwaro urwu rwunorava, kuti: “Ndudzi dzinoitireiko bope navanhu vanoitireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika anozvigadzira navabati vanorangana kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake.” Pashure pokunge vaapostora voMuzodziwa waJehovha vatambura kusungwa kwavo kwokutanga nokusabatwa zvakanaka nomuvengi vaJudha, vakakumbanirazve maKristu biyavo uye ipapo kunokora mashoko aya mashoko ePisarema 2 rakaumbwa naMambo Dhavhidhi. Mabasa 4:23-30 inoshuma nhau yacho, ichiti:
15 “Vakati varegedzwa, vakaenda kuno vokwavo, ndovakavaudza zvose zvavakanga vaudzwa navaprista vakuru navakuru. Ivo vakati vazvinzwa vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe vachiti: ‘Tenzi, ndimi makaita denga napasi negungwa nezvose zviri mukati mazvo, uye makareva no[mudzimu mutsvene, NW] nomuromo wababa vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti, “Vahedheni vakaitireiko hasha navanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika akamira navabati vakaungana pamwe chete kuzorwa na[Jehovha, NW] naKristu wake.” Nokuti zvirokwazvo, Herodhe naPontio Pirato navahedheni navanhu vaIsraeri vakaunganira muguta iri kuzorwa naJesu muranda wenyu, mutsvene wamakazodza, kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu napakufunga kwenyu kuti zviitwe. Zvino, [Jehovha, NW], tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuzoporesa nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.’”
16, 17. (a) Munhau yose yomunhu, chinhu chipi nechipi chakamboitika here kuenzana nechakatanga kuitika muna 1914? Tsanangura. (b) Marudzi ari kupfuurira kutora nzirai yechiito, nokudaro achigombedzera Jehovha Mwari kunyorei, pamusoro pe‘bhuku rehondo dzake’?
16 Zvisinei, pakunouya kumarudzi ane bope, madzimambo achimira pamwe chete somumwe, vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vachiungana pamwe chete kuzorwa naJehovha noMuzodziwa Wake, Jesu Kristu, chii munhau yose yomunhu chinogona kuenzana nechakatanga makore 76 apfuura muna 1914? Iroro rakanga risiri bedzi gore apo hondo yokutanga yenyika yokuvapo kwose kwomunhu yakatanga asi zvikurukuru gore apo nguva dzaVamarudzi, “nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” dzakaguma! (Ruka 21:24) Sezviri pachena Pisarema 2 rakava nezadziko yaro huru kutanga mugore iroro.
17 Pamugumo wenguva dzaVamarudzi muna 1914, hapana norumwe rwamarudzi—kwete kunyange marudzi echinodanwa kunzi chiKristudhomu, vagari vemo vazhinji vacho vanozvirangarira vamene savaIsraeri vomudzimu—rwaidisa kugamuchira Muzodziwa waJehovha, Jesu Kristu, kuchigaro choumambo chokutonga pamusoro papasi. Uye zvino, makore 71 pashure pokunge “aya mashoko akanaka oumambo” atanga ku“paridzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose,” kuvambira muna 1919 zvichienda mberi, marudzi ari mukati nokunze kwechiKristudhomu zvamazvirokwazvo haasati achizorumbidza Mambo akaziviswa kwenguva refu waJehovha ndokupika ruvimbiko kwaari sezvaanoramba utongi hwawo amene pamusoro papasi. (Mateo 24:14, NW) Mukupesana, pakupedzisira asvika panguva nomugariro apo ari kugombedzera Jehovha kunyora, sokunge zvakadaro, “bhuku reHondo dzaJehovha.”—Numeri 21:14.
Rukundo Rune Mbiri rwaMwari Murwi
18. Tinoda chiitoi chaJehovha, uye ndivanaani vachava kurutivi rwake, sokunge zvakadaro, nokuda kwokuzadzikwa kwePisarema 110?
18 Pamberi, ipapoka, nokupinda muchiito chokurwa, Haiwa Jehovha wehondo, noMwanakomana wenyu woumambo, Jesu Kristu, ari parutivi rwenyu! Kwaari kunotaurwa mashoko ouporofita, anoti: “Bata ushe pakati pavavengi vako. [Jehovha, NW] parudyi rwako uchaparadza madzimambo pazuva rokutsamwa kwake. Iye uchatonga pakati pavahedheni; uchazadza nyika nezvitunha. Uchaparadza misoro panyika zhinji.”—Pisarema 110:2, 5, 6.
19. Pamusoro pehondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose iyo iri pamberi apa, munyengeteroi watinopa kwaari nokuda kweboka guru ramamwe makwai?
19 Haiwa Jehovha wehondo, vabatiri venyu vakatendeka pasi pano ngavave zvapupu zvinofara zvorukundo rwenyu rwusingaenzaniswi kupfurikidza nomurwi wenyu Mambo, Jesu Kristu, panhambo yehondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose panzvimbo inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni! (Zvakazarurwa 16:14) Parutivi pavakasarira vavaIsraeri vechokwadi vomudzimu, boka guru ravanhu vakafanana namakwai avo “vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana” nga“vabude mudambudziko guru” vachifara kuti vave zvapupu zvenyu zvapasi nokusingagumi kwose! (Zvakazarurwa 7:14, NW) Mutarisiro yenyu yorudo, ngavapukunyuke vasingafi ndokupinda munzvimbo isina hondo yoMwanakomana wenyu anokunda, uyo achatonga pamusoro papasi rakacheneswa iro richachinjwa kuva paradhiso yakaisvonaka, mutsinhirano nedonzo renyu rapakuvamba. Ngavave zvapupu zvinoonekwa kuna vakafa vose vanomutswa mukurevererwa kwouchangamire uhwo huri hwenyu nomazvo pamusoro pechisiko chose chapose pose! Tinokuongai kuti ipapo muchave mapedza nhau yechisiko chapose pose nokusingagumi, hungu, nokusingaperi!
Unoyeuka Here?
◻ Ndeipi iri nhau hurusa iri pamberi pavanhu nengirozi?
◻ Musianoi uripo pakati pokurwira kwaJehovha Israeri wekare naIsraeri womudzimu?
◻ Mukati meArmagedhoni, Zvapupu zvaJehovha zvichatora chimiroi, uye nei?
◻ Pisarema 2:1, 2 rakava nezadziko isingaenzaniswi rini?
◻ Nhau yechisiko chapose pose ichapedzwa sei nokusingagumi?
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
“Boka guru” richarumbidza Mambo Mufudzi anokunda waMwari