Murangariro womuKristu Wezviremera Zvikuru
“Mweya uri wose ngauzviise pasi pezviremera zvikuru, nokuti hapana chiremera chiripo chisina kubvumirwa naMwari; zviremera zviripo zvakaiswa munzvimbo dzazvo dzine mwero naMwari.”—VAROMA 13:1, “NW.”
1, 2. (a) Neiko Pauro akanga ari musungwa muRoma? (b) Kukwirira kwaPauro kuna Kesari kunomutsa mibvunzoi?
MUAPOSTORA Pauro akanyorera VaRoma mashoko ari pamusoro apa munenge muna 56 N.V. Makore mashomanene gare gare, iye akazviwana amene ari muRoma somusungwa. Neiko? Akanga adenhwa nenyongori muJerusarema ndokununurwa navarwi veRoma. Aendeswa kuKesaria, akatarisana nepomero dzenhema, asi akakwanisa kuzvidzivirira amene pamberi paFeriksi, gavhuna weRoma. Feriksi, achikarira pfumbamuromo, akamuchengeta mutorongo kwamakore maviri. Pakupedzisira, Pauro akaraira gavhuna anotevera, Festo, kuti nhau yake itongwe naKesari.—Mabasa 21:27-32; 24:1–25:12.
2 Aya akanga ari maruramiro ake somugari weRoma. Asi kwakanga kwakakodzera here kuti Pauro akwirire kuchiremera ichocho choumambo apo Jesu akanga anongedzera kuna Satani so“mutongi [chaiyeiye] wenyika” uye Pauro amene akanga adana Satani kuti “mwari wetsika ino yezvinhu”? (Johane 14:30; 2 VaKorinte 4:4, NW) Kana kuti chiremera cheRoma chaiva ne‘nzvimbo ine mwero’ here yakaita kuti kuve kwakafanira kuti Pauro atarire kuchiremera ichocho nokuda kwedziviriro yamaruramiro ake? Zvamazvirokwazvo, ko mashoko apakuvamba avaapostora okuti, “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu,” anobvumira teerero yechiKristu kuvatongi vavanhu panguva ipi neipi kusateerera Mwari kunenge kusingabatanidzwi here?—Mabasa 5:29, NW.
3. Pauro anozivisa murangariroi wakakwana, uye hana inobatanidzwa sei?
3 Pauro anotibetsera kupindura iyi mibvunzo mutsamba yake kuVaRoma, umo anozivisa murangariro wakakwana woutongi hwomunhu. Pana VaRoma 13:1-7, Pauro anojekesa rutivi urwo hana yomuKristu inofanira kuita mukudzikamisa teerero yakakwana kuChiremera Chikurusa, Jehovha Mwari, neteerero ine mwero ku“zviremera zvikuru.”
Kuziva Zviremera Zvikuru
4. Igadziridzoi yomurangariro yakaitwa muna 1962, ichimutsa mibvunzoi?
4 Kwamakore akati, kusvikira muna 1962, Zvapupu zvaJehovha zvairangarira kuti zviremera zvikuru zvakanga zviri Jehovha Mwari naKristu Jesu. Zvisinei, mukuwirirana naZvirevo 4:18, chiedza chakawedzera, uye murangariro iwoyu wakagadziridzwa, uko kungamutsa mibvunzo mundangariro dzavamwe. Ko zvino takarurama here mukutaura kuti izvi zviremera madzimambo, vanapurezidhendi, makurukota makuru, vanameya, vatongi, uye vamwe vanoshandisa simba renyika, rezvamatongerwe enyika munyika uye kuti tine musengwa wokuzviisa pasi pavo munzira ine mwero?
5. Mashoko akapoteredza aVaRoma 13:1 anotibetsera kuziva zviremera zvikuru munzirai, uye shanduro dzeBhaibheri dzinotsigira sei kuzivikanwa ikoku?
5 Irenaeus, munyori wezana rechipiri ramakore N.V., akataura kuti mukuwirirana navamwe vomuzuva rake, Pauro akanga achitaura pana VaRoma 13:1 “pamusoro pamasimba engirozi [kana kuti] avatongi vasingaoneki.” Irenaeus amene, kunyanguvezvo, airangarira zviremera zvikuru se“zviremera chaizvoizvo zvavanhu.” Mashoko akapoteredza mashoko aPauro anoratidza kuti Irenaeus akanga akarurama. Mundima dzokupedzisira dzaVaRoma ganhuro 12, Pauro anotsanangura kuti maKristu anofanira kuzvibata amene sei pamberi pa“vanhu vose,” achibata kunyange ‘vavengi’ norudo nokurangarira. (VaRoma 12:17-21) Nenzira yakajeka, kutaura kwokuti “vanhu vose” kunoshandiswa kuvanhu vari kunze kweungano yechiKristu. Naizvozvo “zviremera zvikuru,” izvo Pauro ipapo anopfuurira kukurukura, zvinofanira kuvawo kunze kweungano yechiKristu. Mutsinhirano naikoku, cherekedza mashandurire anoita shanduro dzakasiana-siana rutivi rwokutanga rwaVaRoma 13:1: “Munhu ari wose anofanira kuteerera zviremera zvehurumende” (Today’s English Version); “munhu ari wose anofanira kuzviisa amene pasi pezviremera zvinotonga” (New International Version); “munhu ari wose anofanira kuteerera zviremera zvavagari vemo.”—New Testament in Modern English yaPhillips.
6. Mashoko aPauro pamusoro pokuripwa kwemitero nomuripo anoratidza sei kuti zviremera zvikuru zvinofanira kuva zviremera zvenyika?
6 Pauro anopfuurira kutaura kuti izvi zviremera zvinoraira mitero nomuripo. (VaRoma 13:6, 7) Ungano yechiKristu hairairi mitero kana kuti muripo; uyewo Jehovha kana kuti Jesu kana kuti vamwe “vatongi vasingaoneki” vapi navapi havadaro. (2 VaKorinte 9:7) Mitero inoripirwa kuzviremera zvenyika bedzi. Mubvumirano naikoku, mashoko echiGiriki nokuda kwo“mutero” uye “muripo” akashandiswa naPauro pana VaRoma 13:7 anonongedzera zvakananga kumari inoripirwa Hurumende.a
7, 8. (a) Magwaro akasiana-siana anotsinhirana sei nomurangariro wokuti maKristu anofanira kuzviisa pasi pezviremera zvezvamatongerwo enyika zvenyika ino? (b) Ndirini bedzi muKristu asati aizowirirana nemirairo ye“chiremera”?
7 Uyezve, pangiro yaPauro yokuzviisa pasi pezviremera zvikuru iri mutsinhirano nomurairo waJesu wokudzorera “zvinhu zvaKesari kuna Kesari,” apo “Kesari” anomirira chiremera chenyika. (Mateo 22:21, NW) Inobvumiranawo namashoko apashure aPauro kuna Tito, okuti: “Pfuurira kuvayeuchidza kuva vanozviisa pasi nokuva vanoteerera hurumende nezviremera savatongi, kuti vave vakagadzirira nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” (Tito 3:1, NW) Nokudaro, apo maKristu anorairwa nehurumende kugoverana mumabasa enzanga, anobatira pamwe zvakafanira zvikuru chero bedzi mabasa iwayo asingasviki pachinotsiva chokubvumirana pane zvisina kufanira nokuda kwebasa rakati risiri rapamagwaro kana kuti zvimwe rinoputsa nheyo dzapaMagwaro, dzakadai seiya inowanikwa pana Isaya 2:4.
8 Petro akasimbisawo kuti tinofanira kuzviisa pasi pezviremera zvenyika ino apo iye akati: “Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe; kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka.” (1 Petro 2:13, 14) Mutsinhirano naikoku, maKristu aizoteererawo pangiro yaPauro kuna Timotio: “Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vaongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara.”b—1 Timotio 2:1, 2.
9. Nei kunongedzera kuzviremera zvohunhu se“zvikuru” kusingaderedzi mbiri yaJehovha?
9 Mukudana zviremera zvenyika kuti “zvikuru,” tinoderedza here nenzira yakati rukudzo rwakafanira kuna Jehovha? Aiwa, nemhaka yokuti Jehovha anopfuura zvikuru kwazvo kungova mukuru zvake. Iye ndiye “Changamire Ishe,” “Mukurusa.” (Pisarema 73:28; Dhanieri 7:18, 22, 25, 27; Zvakazarurwa 4:11; 6:10) Kuzviisa pasi pezviremera zvohunhu kwakafanira hakuderedzi munzira ipi neipi kunamata kwedu Chiremera Chikurusa, Changamire Ishe Jehovha. Ipapoka, izvi zviremera zvikuru kusvikira kutambanukoi? Kunongova zvako pamusoro pavamwe vanhu nomunzvimbo yazvo zvimene yomubato. Zvine mutoro wokudzora nokudzivirira nzanga dzavanhu, uye nokuda kwaikoku zvinoisa mitemo pamusoro pomufambiro wenhau dzavose.
“Zvakaiswa Munzvimbo DzazvoDzine Mwero naMwari”
10. (a) Kutaura kwaPauro pamusoro po‘kuisa’ zviremera zvikuru kunobvumikisei pamusoro pechiremera chaJehovha amene? (b) Chii chakabvumidza Jehovha pamusoro po‘kuiswa’ kwavatongi vakati, uye nokudaro vabatiri vake vanoedzwa sei?
10 Ukuru hwaJehovha Mwari kunyange pamusoro pezviremera zvenyika hunooneka mukuti izvi zviremera “zvakaiswa munzvimbo dzazvo dzine mwero naMwari.” Zvisinei, uku kutaura kunomutsa mubvunzo. Makore akati pashure pokunge Pauro anyora aya mashoko, mambo weRoma Nero akasunungura nhimbe yechitambudzo chinotyisa mukurwisana namaKristu. Ko Mwari somunhu oga akaisa Nero munzvimbo yake here? Nyangwe! Hakusati kuri kuti mutongi mumwe nomumwe anosarudzwa naMwari ndokuiswa munzvimbo ‘kupfurikidza nenyasha dzaMwari.’ Panzvimbo pezvo, pane dzimwe nguva Satani anopinza vanhu vane utsinye musimba savatongi, uye Jehovha anobvumidza ikoku, pamwe chete nemiedzo iyo vatongi ivavo vanounza pavabatiri vake vanochengeta perero.—Enzanisa naJobho 2:2-10.
11, 12. Ndizvinoitikai zvakanyorwa umo Jehovha somunhu oga akapinza kana kuti kubudisa munzvimbo zviremera zvenyika?
11 Zvisinei, Jehovha somunhu oga akapindira muchinoitika chavatongi vakati kana kuti hurumende kuti abatire donzo rake rakaisvonaka. Somuenzaniso, munguva yaAbrahama vaKanani vakabvumirwa kurambira munyika yeKanani. Gare gare, kunyanguvezvo, Jehovha akavabvisa ndokupa nyika yacho kumbeu yaAbrahama. Mukati mokugara kwechinguvana kwavaIsraeri murenje, Jehovha haana kuvabvumira kukurira Amoni, Moabhi, uye Gomo reSeiri. Asi akavaraira kuparadza maumambo aSihoni naOgi.—Genesi 15:18-21; 24:37; Eksodho 34:11; Dheuteronomio 2:4, 5, 9, 19, 24; 3:1, 2.
12 Pashure pokunge Israeri agadzikana muKanani, Jehovha akapfuurira kuva nefariro yakananga muzviremera zvaitapura vanhu vake. Padzimwe nguva, apo Israeri aitadza, Jehovha aivabvumira kuva pasi pechiremera chechihedheni. Apo vaipfidza, iye aibvisa chiremera ichocho munyika yacho. (Vatongi 2:11-23) Pakupedzisira, akabvumira Judha, pamwe chete namamwe marudzi mazhinji, kuva pasi poudzori hweBhabhironi. (Isaya 14:28–19:17; 23:1-12; 39:5-7) Pashure pokunge Israeri apinda muutapwa muBhabhironi, Jehovha akadeya kutaura kumuka nokuwa kwamasimba enyika ayo aizotapura vanhu vake kuvambira panguva yeBhabhironi kuburukira kuzuva redu timene.—Dhanieri, maganhuro 2, 7, 8, uye 11.
13. (a) Mukuwirirana norwiyo rwaMosesi, neiko Jehovha akaraira muganho yavanhu? (b) Nei Mwari gare gare akadzorera Israeri kunyika yake?
13 Mosesi akaimba pamusoro paJehovha, kuti: “Wokudenga-denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, wakatema miganhu yendudzi achirangarira kuwanda kwavana vaIsraeri. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiye nhaka yake yakayerwa.” (Dheuteronomio 32:8, 9; enzanisa naMabasa 17:26.) Hungu, kuti aite madonzo ake, Mwari ipapo akaraira kuti zviremerai zvaizoramba zviripo uye ndezvipi zvaizoparadzwa. Neiyi nzira, iye akagovera vana vaAbrahama nyika yokugara nhaka uye gare gare akavadzorera kunyika iyoyo, zvokuti pakupedzisira Mbeu yakapikirwa yaigona kuoneka ikoko, sezvakaporofitwa.—Dhanieri 9:25, 26; Mika 5:2.
14. Zvikurukuru, mupfungwai umo Jehovha anoisa zviremera zvohunhu munzvimbo yazvo ine mwero?
14 Mune zvinoitika zvizhinjisa, zvisinei, Jehovha anoisa vatongi munzvimbo dzavo dzine mwero mupfungwa yokuti iye anobvumira vanhu kuwana nzvimbo dzechiremera dzine mwero kune mumwe nomumwe asi nguva dzose duku kwaari amene. Nokudaro, apo Jesu akamira pamberi paPontio Pirato, iye akaudza mutongi iyeyo, kuti: “Hautongovi ne[chiremera, NW] pamusoro pangu, kana usina kuchipiwa chichibva kumusoro.” (Johane 19:11) Ikoku hakuna kureva kuti Pirato akaiswa munzvimbo somunhu oga naMwari, asi kwakareva kuti chiremera chake choupenyu norufu pana Jesu chakanga chiri bedzi kupfurikidza nemvumo yaMwari.
“Mwari Wetsika Ino Yezvinhu”
15. Satani anoshandisa chiremera munyika ino munzirai?
15 Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvokutaura kweBhaibheri kwokuti Satani ndimwari, kana kuti mutongi, wenyika ino? (Johane 12:31; 2 VaKorinte 4:4) Zvakadiniko, zvamazvirokwazvo, nezvokuganza kwaSatani kuna Jesu apo akaratidza Jesu maumambo ose enyika ndokuti: “Chiremera ichi chose . . . ndakachipiwa, uye ndinochipa kuno upi noupi wandinoda.” (Ruka 4:6, NW) Jesu haana kupokanidza kuganza kwaSatani. Uye mashoko aSatani anowirirana neizvo Pauro gare gare akanyorera VaEfeso, kuti: “Tine hondo, kwete yokurwisana neropa nenyama, asi yokurwisana nedzihurumende, yokurwisana nezviremera, yokurwisana navatongi venyika verima rino, yokurwisana namasimba akaipa omudzimu ari munzvimbo dzokudenga.” (VaEfeso 6:12, NW) Uyezve, bhuku raZvakazarurwa rinoratidzira Satani senyoka huru iyo inopa kuchiratidzo chechikara chesangano renyika rezvamatongerwe enyika “simba racho nechigaro choumambo chacho nechiremera chikuru.”—Zvakazarurwa 13:2, NW.
16. (a) Kunogona sei kuoneka kuti chiremera chaSatani chakaganhurirwa? (b) Neiko Jehovha achibvumidza Satani kuva nechiremera pakati porudzi rwomunhu?
16 Cherekedza, kunyanguvezvo, kuti kutaura kwaSatani kuna Jesu kwokuti, “Chiremera ichi chose . . . ndakachipiwa,” kunoratidza kuti iyewo anoshandisa chiremera kupfurikidza bedzi nemvumo. Neiko Mwari achipa iyi mvumo? Basa raSatani somutongi wenyika rakavamba shure muEdheni apo akapomera Mwari pachena kureva nhema nokushandisa nenzira isina kururama uchangamire Hwake. (Genesi 3:1-6) Adhama naEvha vakatevera Satani ndokusateerera Jehovha Mwari. Panguva iyoyo Jehovha aigona, neruramisiro yakakwana, kuve akauraya Satani navateveri vake vatsva vaviri. (Genesi 2:16, 17) Asi mashoko aSatani akanga ari chaizvoizvo denho yomunhu oga kuna Jehovha. Naizvozvo Mwari muuchenjeri hwake akabvumira Satani kupfuurira kurarama kwechinguvana, uye Adhama naEvha vakabvumidzwa kubereka vana vasati vafa. Neiyi nzira, Mwari akagovera nguva nebanza zvokuti hunhema hwedenho yaSatani huratidzirwe.—Genesi 3:15-19.
17, 18. (a) Neiko tichigona kutaura kuti Satani ndimwari wenyika ino? (b) Munzirai umo “kusina chiremera” munyika ino “chisina kubvumirwa naMwari”?
17 Zvinoitika chifo cheEdheni zvakaratidza kuti pomero dzaSatani dzakanga dziri nhema chaidzo. Vana vaAdhama havana kuwana mufaro mukutonga kwaSatani kana kuti zvimwe mukutonga kwomunhu. (Muparidzi 8:9) Pane rumwe rutivi, kubata kwaMwari navanhu vake amene kwakaratidzira ukuru hwokutonga kwake kwoumwari. (Isaya 33:22) Asi sezvo vazhinjisa vavana vaAdhama vasingagamuchiri uchangamire hwaJehovha, vachiziva kana kuti vasingazivi vanobatira Satani samwari wavo.—Pisarema 14:1; 1 Johane 5:19.
18 Nokukurumidza, nhau dzakamutswa muEdheni dzichapedzwa. Umambo hwaMwari huchatora zvizere tarisirwo yezvinhu zvorudzi rwomunhu, uye Satani achaiswa mugomba rakadzika-dzika. (Isaya 11:1-5; Zvakazarurwa 20:1-6) Munguva ino, kunyanguvezvo, rudzi rwakati rwegadziriro, kana kuti rongedzero, rwave rwuri madikanwa pakati porudzi rwomunhu kuti upenyu hwakarongeka hugove hunobvira. Jehovha ndi“Mwari, kwete wenyongano, asi worugare.” (1 VaKorinte 14:33, NW) Nokudaro, iye akabvumidza zvimiro zvechiremera kuvapo munzanga dzakatanga kunze kweEdheni, uye iye akabvumidza vanhu kushandisa chiremera muiyi gadziriro. Neiyi nzira “hakuna chiremera chisina kubvumirwa naMwari.”
Zviremera Zvine Ndangariro Yakanaka
19. Mutongi ari wose wohunhu ari muudzori hwakananga hwaSatani here?
19 Chifo cheEdheni, Satani akava norusununguko rukuru pakati porudzi rwomunhu, uye iye akashandisa urwu rusununguko kuparira zvinoitika pasi pano, mukuwirirana nokuganza kwake kuna Jesu. (Jobho 1:7; Mateo 4:1-10) Zvisinei, ikoku hakusati kuchireva kuti mutongi ari wose ari munyika ino anozviisa pasi poudzori hwaSatani zvakananga. Vamwe—kufanana naNero muzana rokutanga ramakore naAdolf Hitler mune redu—vakaratidzira zvirokwazvo mudzimu wousatani. Asi vamwe havana kudaro. Sergio Pauro, gavhuna weKupro, akanga ari “munhu akachenjera” uyo “akatsvaka kunzwa shoko raMwari.” (Mabasa 13:7) Gario, gavhuna weAkaya, akaramba kudzvinyirirwa navapomeri vechiJudha vaPauro. (Mabasa 18:12-17) Vamwe vatongi vazhinji nenzira inoremekedzwa vakashandisa chiremera chavo nenzira yokutungamirirwa nehana.—Enzanisa naVaRoma 2:15.
20, 21. Ndizvinoitikai muzana ramakore rechi 20 zvinoratidzira kuti vatongi vohunhu havaiti kuda kwaSatani nguva dzose?
20 Bhuku raZvakazarurwa rakadeya kutaura kuti mukati me“zuva raShe,” kutanga muna 1914, Jehovha aizotoparira zviremera zvohunhu kudzivisa madonzo aSatani. Zvakazarurwa anorondedzera mafashamo echitambudzo, chinoitwa naSatani mukurwisana namaKristu akazodzwa, icho chichamedzwa ne“pasi.” (Zvakazarurwa 1:10; 12:16, NW) Masangano ari mukati me“pasi rino,” chaunga chavanhu chiripo zvino pasi pano, aizodzivirira vanhu vaJehovha pachitambudzo chaSatani.
21 Ikoku kwakaitika zvomenemene here? Hungu. Muma 1930 nama 1940, somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha muUnited States zvakanga zviri mudzvinyiriro huru, zvichitambura denho dzenyongori nokusungwa kusina kururama kazhinji kazhinji. Zvakagamuchira rusununguko apo Dare raPamusoro reU.S. rakapa zvisarudzo zvinoverengeka zvinobvuma kuva pamutemo kwebasa razvo. Mune dzimwe nzvimbowo, zviremera zvakayamura vanhu vaMwari. Makore 40 apfuura muIreland, nyongori yeRoma Katurike yakadenha Zvapupu zviviri muguta reCork. Mupurisa womunzvimbomo akayamura Zvapupu zvacho, uye dare romutemo rakaranga vadenhi. Gore rapera chete muFiji, musangano wamadzimambo makuru wakanzwa chikarakadzo chokurambidza mubato weZvapupu zvaJehovha. Mumwe mambo akataura noushingi nokuda kweZvapupu, uye chikarakadzo chacho chakakurirwa nyore nyore.
22. Mibvunzoi ichatevera kukurukurwa?
22 Aiwa, zviremera zvenyika hazvibatiri nguva dzose madonzo aSatani. MaKristu anogona kuzviisa pasi pezviremera zvikuru pasina kuzviisa pasi paSatani amene. Zvamazvirokwazvo, vachazviisa pasi peizvi zviremera chero bedzi Mwari achibvumidza zviremera zvacho kuvapo. Chii, kunyanguvezvo, chinoreva kuzviisa pasi kwakadaro? Uye chii chingakarira maKristu pashure kubva kuzviremera zvikuru? Iyi mibvunzo ichakurukurwa munyaya dzokufunda dzinotangira pamapeji 18 ne 23 emagazini ino.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona, somuenzaniso, kushandiswa kweshoko rokuti “mutero” (phoʹros) pana Ruka 20:22. Onawo kushandiswa kweshoko rechiGiriki teʹlos, rinoshandurwa pano kuti “muripo,” pana Mateo 17:25 (NW), apo rinoshandurwa kuti “mabasa.”
b Zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “vakuru,” hy·pe·ro·kheʹ, rine batano nechiito hy·pe·reʹkho. Shoko rokuti “zvikuru” muna “zviremera zvikuru” rinotorwa muchiito chimwe chetechi chechiGiriki, icho chinowedzera kuufakazi hwokuti zviremera zvikuru ndizvo zviremera zvenyika. Kushandurwa kwaVaRoma 13:1 muThe New English Bible, kwokuti, “Munhu ari wose anofanira kuzviisa pasi pezviremera zvikuru,” hakuna kururama. Vanhu “vakuru” havasati vari vakurusa, kunyange zvazvo vangava vakuru kuvamwe vanhu.
Waizopindura Sei?
◻ Ndivanaani vari zviremera zvikuru?
◻ Tinogona sei kutaura kuti “hapana chiremera chisina kubvumirwa naMwari”?
◻ Neiko Jehovha achibvumira nyika kuva pasi pechiremera chaSatani?
◻ Mwari anoisa zviremera zvohunhu “munzvimbo dzazvo dzine mwero” munzirai?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Pashure pokupiswa kweRoma, Nero akaratidzira mudzimu wousatani zvirokwazvo
[Mufananidzo uri papeji 15]
Sergio Pauro, gavhuna weKupro, akatsvaka kunzwa shoko raMwari