Ganhuro 39
Mambo Murwi Anokurira paArmagedhoni
Chiono 13—Zvakazarurwa 19:11-21
Musoro: Jesu anotungamirira mauto okudenga kundoparadza tsika yezvinhu yaSatani
Nguva yezadziko: Pashure pokuparadzwa kweBhabhironi Guru
1. Chii chiri Armagedhoni, uye chii chinoiparira?
ARMAGEDHONI—ishoko rinotyisa kuvazhinji! Asi kuvadi vokururama, rinoratidzira zuva rave rakamirirwa kwenguva refu apo Jehovha achaita rutongeso rwokupedzisira pamarudzi. Haizati iri hondo yomunhu asi “ihondo yezuva guru yaMwari Wamasimba ose”—zuva rake ramatsive pavabati ushe vapasi. (Zvakazarurwa 16:14, 16; Ezekieri 25:17) Kupfurikidza nokuitwa dongo kweBhabhironi Guru, dambudziko guru richave ratotanga. Ipapo, chichikuchidzirwa naSatani, chikara chitsvuku nenyanga dzacho dzine gumi vachanangidzira denho yavo pavanhu vaJehovha. Dhiabhorosi, akatsamwira zvikuru kupinda nakare kose sangano rakaita somukadzi raMwari, akatsunga kushandisa nyengedzo dzake mukurwa hondo yokupedza vakasarira vembeu yaro. (Zvakazarurwa 12:17) Iri ndiro banza rokupedzisira raSatani!
2. Ko Gogi waMagogi ndiani, uye Jehovha anomuparira sei kudenha vanhu Vake amene?
2 Denho youtsinye yaDhiabhorosi inorondedzerwa nomutoo wakajeka muna Ezekieri ganhuro 38. Imomo, Satani akaderedzwa anonzi “Gogi wenyika yaMagogi.” Jehovha anoisa zvikokovono zvokufananidzira mushaya dzaGogi, achimukweva iye neuto rake rehondo risingaverengeki kuzodenha. Ko iye anoita sei ikoku? Kupfurikidza nokuparira Gogi kuona Zvapupu Zvake sorudzi rusine dziviriro “rwakaunganidzwa pamwe chete ruchibva mumarudzi, urwo rwuri kuunganidza pfuma nenzvimbo, avo vagere pakati papasi.” Ivava vane nzvimbo yapakati pamusoro papasi sorudzi rumwe rwakave rwakaramba kunamata chikara nomufananidzo wacho. Simba ravo romudzimu norubudiriro zvinotsamwisa Gogi. Naizvozvo Gogi neuto rake risingaverengeki rehondo, kubatanidza nechikara chakabuda mugungwa nenyanga dzacho dzine gumi, vanodirana kuzouraya. Zvisinei, mukusafanana neBhabhironi Guru, vanhu vakachena vaMwari vanofarikanya taviridziro youmwari!—Ezekieri 38:1, 4, 11, 12, 15; Zvakazarurwa 13:1.
3. Ko Jehovha anoparadza sei mauto aGogi akashongedzera zvombo?
3 Ko Jehovha anopedza sei Gogi neboka rake rose? Teerera! “‘Ini ndichadana munondo kuzorwisana naye munzvimbo yangu yose yamakomo,’ ndikwo kutaura kwaChangamire Ishe Jehovha. ‘Mumwe nomumwe ucharwisana nehama yake amene nomunondo.’” Asi hapana zvombo zvenyukireya kana kuti zvepfuti zvichabetsera muhondo iyeyo, nokuti Jehovha anozivisa, kuti: “Ndichamutonga ini ndimene, nenhenda uye neropa; uye ndichanisira pamusoro pamapoka ake uye pamusoro pamarudzi mazhinji achava naye mvura inoturuka yamafashamo nezvimvuramabwe, mwoto nesurferi. Uye ndichazvikudziridza ndimene zvamazvirokwazvo nokuzvitsvenesa ndimene nokuzvizivisa ndimene pamberi pameso amarudzi mazhinji; uye iwo achaziva kuti ini ndini Jehovha.”—Ezekieri 38:21-23; 39:11; enzanisa naJoshua 10:8-14; Vatongi 7:19-22; 2 Makoronike 20:15, 22-24; Jobho 38:22, 23.
Uyo Anonzi “Wakatendeka Nowachokwadi”
4. Ko Johane anorondedzera sei Jesu Kristu akapfeka chipfeko chehondo?
4 Jehovha anodana munondo. Ndianiko iyeyo anoshandisa uyu munondo? Tichidzokera kuna Zvakazarurwa, tinowana mhinduro mune chimwezve chiono chinofadza. Pamberi pameso aJohane matenga anozaruka kuwadzanyura chimwe chinhu chinotyisa zvamazvirokwazvo—Jesu Kristu amene akapfeka chipfeko chehondo! Johane anotiudza, kuti: “Ipapo ndakaona denga rakazarurwa, uye, tarirai! bhiza jena. Uye iye akanga agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka noWachokwadi, uye iye anotonga uye anorwa mukururama. Meso ake murazvo womwoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji.”—Zvakazarurwa 19:11, 12a.
5, 6. Chii chinoratidzirwa ne (a) “bhiza jena”? (b) zita rokuti “Wakatendeka noWachokwadi”? (c) meso akaita se“rimi romwoto”? (d) “korona zhinji”?
5 Somuchiono chapakuvamba-vamba chavarume vana vakatasva mabhiza, iri “bhiza jena” chiratidzo chakakodzera chehondo yakarurama. (Zvakazarurwa 6:2) Uye ndiani hake wavanakomana vaMwari aigona kuva akarurama zvikuru kupinda uyu Murwi ane simba? Zva“anonzi Wakatendeka noWachokwadi,” iye anofanira kuva “chapupu chakatendeka nechechokwadi,” Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 3:14) Iye anorwa kuti aite marutongeso akarurama aJehovha. Nokudaro, iye anobatira munzvimbo yake soMutongi akagadzwa waJehovha, “Mwari Une Simba.” (Isaya 9:6) Meso ake anotyisa, se“rimi romwoto,” anotarira kuruparadziko rwomwoto runouya rwavavengi vake.
6 Korona dziri mumusoro mouyu Mambo Murwi. Chikara icho Johane akaona chichibuda mugungwa chakanga chine korona dzine gumi, chichifananidzira ubati ushe hwacho hwechinguvana hwapasi. (Zvakazarurwa 13:1) Jesu, kunyange zvazvo zvakadaro, ane “korona zhinji.” Ubati ushe hwake hune mbiri hahuenzanisirwi, sezvo iye ari “Mambo waavo vanobata ushe samadzimambo naShe waavo vanobata ushe samadzishe.”—1 Timotio 6:15.
7. Nderipi zita rakanyorwa iro Jesu anaro?
7 Rondedzero yaJohane inopfuurira, kuti: “Iye ane zita rakanyorwa risina munhu anoriziva asi iye amene.” (Zvakazarurwa 19:12b) Bhaibheri rinototaura nezvoMwanakomana waMwari namazita akadai seokuti Jesu, Imanueri, uye Mikaeri. Asi iri “zita” risingataurwi rinoratidzika kuva rinomirira nzvimbo neropafadzo izvo Jesu anofarikanya muzuva raShe. (Enzanisa naZvakazarurwa 2:17.) Isaya, achirondedzera Jesu chifo cha1914, anoti: “Zita rake richanzi Mupi Zano Unoshamisa, Mwari Une Simba, Baba Vokusingagumi, Muchinda woRugare.” (Isaya 9:6) Muapostora Pauro akabatanidza zita raJesu neropafadzo Dzake dzakakwirira zvikuru dzebasa apo iye akanyora, kuti: “Mwari akakwidziridzira [Jesu] kunzvimbo huru nokumupa nomutsa zita riri pamusoro perimwe zita riri rose, kuti muzita raJesu ibvi riri rose rigopfugama.”—VaFiripi 2:9, 10.
8. Neiko kuri kuti Jesu bedzi anogona kuziva zita rakanyorwa, uye iye anogoverana naani dzimwe dzeropafadzo dzake dzakakwirira?
8 Ropafadzo dzaJesu ndedzechienzi. Kunze kwaJehovha amene, Jesu bedzi anogona kunzwisisa zvakunoreva kuva nenzvimbo yakadaro yakakwirira. (Enzanisa naMateo 11:27.) Naizvozvo, pazvisikwa zvose zvaMwari, Jesu bedzi ndiye anogona kunzwisisa zvizere iri zita. Hunyanguvezvo, Jesu anobatanidza mwenga wake mune dzimwe dzeidzi ropafadzo. Naizvozvo iye anoita ichi chipikirwa, chinoti: “Uyo anokunda . . . ini ndichanyora paari . . . zita rangu irero idzva.”—Zvakazarurwa 3:12.
9. Chii chinoratidzirwa no (a) kuva kwaJesu “akapfeka nguvo yokunze yakasaswa ropa”? (b) kuva kwaJesu anonzi “Shoko raMwari”?
9 Johane anowedzera, kuti: “Uye iye akapfeka nguvo yokunze yakasaswa ropa, uye zita raanoidzwa rinonzi Shoko raMwari.” (Zvakazarurwa 19:13) Ko i“ropa” raani irori? Rinogona kuva ropa roupenyu hwaJesu, rakateurwa nokuda kwavanhu. (Zvakazarurwa 1:5) Asika, muna aya mashoko akapoteredza, sezvinobvira rinonongedzera zvikuru kuropa ravavengi vake rinoteurwa apo marutongeso aJehovha anoitwa pavari. Tinoyeuchidzwa nezvechiono chapakuvamba umo muzambiringa wapasi unochekwa ndokutsikwa-tsikwa muchisviniro chewaini chikuru chokutsamwa kwaMwari kutozosvikira ropa ra“kwirira kusvikira pamatomu amabhiza”—kuratidzira rukundo rukuru pavavengi vaMwari. (Zvakazarurwa 14:18-20) Nenzira yakafanana, ropa rinosaswa panguvo yokunze yaJesu rinosimbisa kuti rukundo rwake nderwokupedza nharo uye rwakakwana. (Enzanisa naIsaya 63:1-6.) Zvino Johane anotaurazve nezvokuidzwa kwaJesu nezita rakati. Nguva ino iro izita rinozivikanwa zvakafara—“Shoko raMwari”—rino zivisa uyu Mambo ari Murwi soMutauriri Mukuru Nomutsigiri wezvokwadi waJehovha.—Johane 1:1; Zvakazarurwa 1:1.
Varwi Biyake vaJesu
10, 11. (a) Ko Johane anoratidzira sei kuti Jesu haazati ari oga bedzi muhondo? (b) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti mabhiza machena uye kuti vatasvi vamabhiza vakafuka “mucheka muchena, usina tsvina, wakaisvonaka”? (c) Ndivanaani vanoumba “mauto” okudenga?
10 Jesu haazati ari oga bedzi mukurwa iyi hondo. Johane anotiudza, kuti: “Uyewo, mauto akanga ari mudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, uye iwo akanga akafuka mucheka muchena, usina tsvina, wakaisvonaka.” (Zvakazarurwa 19:14) Idi rokuti mabhiza “machena” rinoratidzira hondo yakarurama. “Mucheka wakaisvonaka” wakakodzera nokuda kwavarume vakatasva mabhiza vaMambo, uye kun’animira kwawo, nokuchena kwawo kuti bhe-e kunoratidza kumira kwakachena, kwakarurama pamberi paJehovha. Ndivanaaniko, ipapoka, vanoumba aya “mauto”? Mukusapanikira, ivo vanobatanidza ngirozi tsvene. Makanga muri mukuvamba meZuva raShe, umo Mikaeri nengirozi dzake vakabudisa Satani namadhemoni ake mudenga. (Zvakazarurwa 12:7-9) Kupfuurirazve, “ngirozi dzose” dzichabatira Jesu sezvaachagara pachigaro chake chine mbiri achitanga kutonga marudzi navanhu vapasi. (Mateo 25:31, 32) Zvamazvirokwazvo, muhondo yokupedza nharo, apo marutongeso aMwari anoitwa pakupedzisira, Jesu achavazve pamwe nengirozi dzake.
11 Vamwewo vachabatanidzwa. Pakutumira shoko rake kuungano iri muTiatira, Jesu akapikira, kuti: “Kuna iye anokunda achichengeta mabasa angu kuburukira kumugumo ndichapa chiremera pamusoro pamarudzi, uye iye achafudza vanhu netsvimbo yedare zvokuti iwo achaputsanywa sehari dzedongo, chakafanana nechandakagamuchira kuna Baba vangu.” (Zvakazarurwa 2:26, 27) Pasina panikiro, apo nguva inosvika, avo vehama dzaKristu vanotove mudenga vachava norutivi mukufudza vanhu namarudzi netsvimbo iyeyo yedare.
12. (a) Ko vabatiri vaMwari pasi pano vachatora rutivi mukurwa paArmagedhoni here? (b) Ko vanhu vaJehovha pasi pano vanobatanidzwa sei muArmagedhoni?
12 Zvakadiniko, kunyange zvazvo zvakadaro, nezvavabatiri vaMwari vari pasi pano? Boka raJohane harizati richizova norutivi rwokushingaira mukurwa paArmagedhoni; uyewo kunyange shamwari dzaro dzakavimbika, madzinza awo anobuda mumarudzi ose ave achidirana kuimba yomudzimu yaJehovha yokunamatira. Ava vanhu vano rugare vakatopfura minondo yavo kuva miromo yamapadza. (Isaya 2:2-4) Asika, vanobatanidzwa zvikuru kwazvo! Sezvatatocherekedza, ndivo vanhu vanoratidzika kuva vasina dziviriro vaJehovha avo vanodenhwa nomutoo wokurura naGogi neboka rake rose. Ichochi ndicho chiratidzo nokuda kwaMambo Murwi waJehovha, anotsigirwa namauto okudenga, chokutanga kurwa hondo yokuparadzanya mukurwisana namarudzi iwawo. (Ezekieri 39:6, 7, 11; enzanisa naDhanieri 11:44–12:1.) Savacherekedzi, vanhu vaMwari pasi pano vachava vanofara zvikuru kwazvo. Armagedhoni ichareva ruponeso rwavo, uye ivo vachararama nokusingagumi savakava zvapupu zvakaona zvehondo huru yaJehovha yereverero.
13. Ko tinoziva sei kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichirwisana nehurumende yose?
13 Ko ikoku kunoreva here kuti Zvapupu zvaJehovha zvinorwisana nehurumende yose? Nyangwe napaduku pose zvapo! Izvo zvinoteerera zano romuapostora Pauro, rinoti: “Mweya uri wose ngauzviise pasi pezviremera zvikuru.” Izvo zvinoziva kuti chero bedzi tsika yazvino iripo, “zviremera zvikuru” izvozvo zviripo kupfurikidza norubvumidzo rwaMwari nokuda kwokuchengeta mwero worunyararo munzanga yavanhu. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvinotera mitero yazvo, zvinoteerera mutemo, zvinoremekedza mirairo yemumigwagwa, zvinowirirana nemitemo yokunyoreswa, zvichingunodaro. (VaRoma 13:1, 6, 7) Kupfuurirazve, izvo zvinotevera nheyo dzeBhaibheri mukuva zvechokwadi nezvakatendeseka; zvichiratidzira rudo rwomuvakidzani; zvichivaka boka remhuri rakasimba, rine tsika; uye zvichirovedza vana vazvo kuva vagari vemo vomuenzaniso. Neiyi nzira izvo zvinodzorera zvisati bedzi zviri “zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Ruka 20:25; 1 Petro 2:13-17) Shoko raMwari zvarinoratidzira kuti masimba ehurumende enyika ino ndeechinguvana, Zvapupu zvaJehovha zvinogadzirira zvino nokuda kwoupenyu huzere zvikuru, upenyu chaihwo, huchafarikanywa nokukurumidza muubati ushe hwoUmambo hwaKristu. (1 Timotio 6:17-19) Kunyange zvazvo zvisati zvichizova norutivi mukuparadza masimba enyika ino, Zvapupu zvinova norutyo rworuremekedzo paizvo Shoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri Dzvene rinoreva pamusoro porutongeso rwodokuitwa naJehovha paArmagedhoni.—Isaya 26:20, 21; VaHebheru 12:28, 29.
Kuenda Kuhondo Yokupedzisira!
14. Chii chinofananidzirwa no“munondo murefu unopinza” unobuda mumuromo maJesu?
14 Ko Jesu anopedzisa rukundo rwake kupfurikidza nechiremerai? Johane anotizivisa, kuti: “Uye mumuromo make munobuda munondo unopinza murefu, kuti agorova marudzi nawo, uye iye achaafudza netsvimbo yedare.” (Zvakazarurwa 19:15a) “Munondo murefu unopinza” iwowo unomirira chiremera chaJesu chaakapiwa naMwari chokubudisa murairo nokuda kwokuurawa kwaavo vose vanoramba kutsigira Umambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 1:16; 2:16) Uyu muenzanisiro wakajeka unowirirana namashoko aIsaya, anoti: “Iye [Jehovha] akatanga kuita kuti muromo wangu uite somunondo unopinza. Iye akandivanza mumumvuri wechanza chake. Uye pashoma napashoma iye akandiita museve wakabwinyiswa.” (Isaya 49:2) Pano Isaya akadeya kufananidzira Jesu, uyo anozivisa marutongeso aMwari achiaita, sokunge nomuseve usingakanganisi.
15. Panhambo ino yenguva, ndivanaani vachatove vafumurwa nokutongwa nokuda kwokuratidzira kutanga kwechii?
15 Papfundo rino munguva, Jesu achave atoita chiito muzadziko yamashoko aPauro, anoti: “Ipapo, zvamazvirokwazvo, asingateereri mutemo achaziviswa, uyo Ishe Jesu achaparadza kupfurikidza nomudzimu womuromo wake ndokuparadzanya kupfurikidza nokuoneka kwokuvapo kwake.” Hungu, kuvapo kwaJesu, (chiGiriki, pa·rou·siʹa) kwakaratidzirwa kubvira muna 1914 zvichienda mberi kupfurikidza nokufumurwa nokutongwa kwomunhu wokusateerera mutemo, vafundisi vechiKristudhomu. Kuvapo ikoko kuchava kunooneka nomutoo unokatyamadza apo nyanga dzine gumi dzechikara chitsvuku dzinoita rutongeso irwerwo ndokuparadza chiKristudhomu, pamwe chete nezvimwe zvasara zveBhabhironi Guru. (2 VaTesaronika 2:1-3, 8) Ikoko kuchava kutanga kwedambudziko guru! Pashure paikoko, Jesu anotendeudzira ngwariro yake kune zvasara zvesangano raSatani, mukuwirirana nouporofita, hunoti: “Iye anofanira kurovanya pasi netsvimbo yomuromo wake; uye kupfurikidza nomudzimu womuromo wake iye achauraya wakaipa.”—Isaya 11:4.
16. Ko Mapisarema naJeremia dzinorondedzera sei basa raMambo Murwi akagadzwa waJehovha?
16 Mambo ari Murwi, somugadzwi waJehovha, achaita musiano pakati paavo vachapukunyuka naavo vachafa. Jehovha, achitaura muuporofita kuno uyu Mwanakomana waMwari, anoti: “Muchavapwanya [vabati ushe vapasi] netsvimbo yedare, imi muchavaputsanya sokunge kuti ihari yomuumbi.” Uye Jeremia anotaura kuvatungamiriri vakadaro vakashata vehurumende navabatiri vavo, achiti: “Ungudzai, imi vafudzi, uye chemai nenzwi guru! Uye umburukai, imi vakuru veboka, nokuti mazuva enyu okuurawa nookuparadzirwa kwenyu azadzika, uye imi munofanira kuputsika somudziyo unodikanwa!” Pasinei hapo nokuti vabati ushe ivavo vangave vakaratidzika kuva vanodikanwa sei nenyika yakaipa, kurovanya kumwe kunobva mutsvimbo yaMambo kuchavapwanya, sokunge kuputsanya mudziyo wakaisvonaka. Kuchava kwakangofanana nokuporofita kwakaita Dhavhidhi pamusoro paShe Jesu, kuti: “Jehovha uchabudisa tsvimbo yesimba renyu muZioni, achiti: ‘Enda ukurirei pakati pavavengi vako.’ Jehovha iye amene ari kuruoko rwako rworudyi uchaputsanya zvamazvirokwazvo madzimambo pazuva rokutsamwa kwake. Iye uchaita rutongeso pakati pamarudzi; iye uchaparira kuzara kwezvitunha.”—Pisarema 2:9, 12; 83:17, 18; 110:1, 2, 5, 6; Jeremia 25:34.
17. (a) Ko Johane anorondedzera sei chiito chokuuraya chaMambo Murwi? (b) Rondedzera zvimwe zviporofita zvinoratidzira kuti zuva rokutsamwa kwaMwari richava sengwavaira sei nokuda kwamarudzi.
17 Uyu Mambo Murwi ane simba anoonekazve muchinoitika chinotevera chechiono: “Anotsikawo chisviniro chewaini chokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 19:15b) Muchiono chakapfuura, Johane akanga atoona kutsikwa-tsikwa kwe“chisviniro chewaini chokutsamwa kwaMwari.” (Zvakazarurwa 14:18-20) Isaya anorondedzerawo chisviniro chewaini chokuuraya, uye vamwe vaporofita vanotiudza kuti zuva rokutsamwa kwaMwari richava rine ngwavaira sei nokuda kwamarudzi ose.—Isaya 24:1-6; 63:1-4; Jeremia 25:30-33; Dhanieri 2:44; Zefania 3:8; Zekaria 14:3, 12, 13; Zvakazarurwa 6:15-17.
18. Muporofita Joere anowadzanyurei pamusoro pokutonga kwaJehovha marudzi ose?
18 Muporofita Joere anobatanidza chisviniro chewaini nokuuya kwaJehovha kuzo“tonga marudzi ose akapoteredza.” Uye ndiJehovha uyo anobudisa murairo, pasina panikiro kuMutongi pamwe naye Wake, Jesu, uye mauto ake okudenga, unoti: “Pinzai jeko renyu, nokuti zvinokohwiwa zvaibva. Uyai, burukai, nokuti chisviniro chewaini chazara. Zvisviniro zvinopfachukira chaizvoizvo; nokuti ushati hwavo hwawanda. Mapoka, mapoka ari mumupata worutongeso, nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata worutongeso. Zuva nomwedzi izvo zvimene zvichasviba zvamazvirokwazvo, uye nyeredzi dzimene dzichabvisa chaizvoizvo kupenya kwadzo. Uye Jehovha amene uchaomba ari muZioni, uye iye uchabudisa inzwi rake ari muJerusarema. Ipapo denga napasi zvichazunguzika; asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavanakomana vaIsraeri. Zvino imi vanhu muchatofanira kuziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”—Joere 3:12-17.
19. (a) Ko mubvunzo wakabvunzwa pana 1 Petro 4:17 uchapindurwa sei? (b) Izitai rakanyorwa panguvo yokunze yaJesu, uye neiko richizobvumikisa kuva rakakodzera?
19 Irero richava zuva reshurikidzo, zvamazvirokwazvo, nokuda kwamarudzi asingateereri navanhu asi zuva resununguko nokuda kwaavo vose vakaita Jehovha naMambo Murwi wake utiziro hwavo! (2 VaTesaronika 1:6-9) Rutongeso rwakatanga neimba yaMwari muna 1918 ruchave rwaitwa kusvikira kumugumo warwo, ruchipindura mubvunzo uri pana 1 Petro 4:17, unoti: “Chii chichava mugumo waavo vasati vachiteerera mashoko akanaka aMwari?” Mukundi ane mbiri achave atsika-tsika chisviniro chewaini pakupedzisira, achiratidzira kuti iye ndiye Uyo akasimudzirwa uyo Johane anoti nezvake: “Uye panguvo yake yokunze, kunyange pachidya chake, ane zita rakanyorwa, Mambo wamadzimambo naShe wamadzishe.” (Zvakazarurwa 19:16) Iye akabvumikisa kuva ane simba zvikuru, zvikuru kupinda mubati ushe upi noupi wapasi, mambo upi noupi wohunhu kana kuti ishe. Chiremera chake noukomba hazvienzanisirwi. Iye akafamba munzira “yezvokwadi nokuzvininipisa nokururama” uye akakunda nokuda kwenguva yose! (Pisarema 45:4) Pamusoro penguvo yake yakasaswa ropa pakanyorwa zita raakapiwa naChangamire Ishe Jehovha, uyo waari Murevereri wake!
Chidyo Chikuru Chamadekwana chaMwari
20. Ko Johane anorondedzera sei “chidyo chikuru chamadekwana chaMwari,” kuchiyeuchidza uporofitai hwapakuvamba-vamba, asi hwakafanana?
20 Muchiono chaEzekieri, pashure poruparadziko rweboka raGogi, shiri nemhuka dzomusango dzinokokerwa kumadyo! Izvo zvinochenura pasi kupfurikidza nokudya zvavavengi vaJehovha. (Ezekieri 39:11, 17-20) Mashoko anotevera aJohane anoyeuchidza uporofita ihwohwo hwapakuvamba nomutoo wakajeka, kuti: “Ipapo ini ndakaonaweo ngirozi imire muzuva, uye yakadanidzira nenzwi guru ndokuti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: ‘Uyai kuno, unganai pamwe chete pachidyo chikuru chamadekwana chaMwari, kuti mugodya nhindi dzenyama yamadzimambo nenhindi dzenyama yavakuru vehondo nenhindi dzenyama yavanhu vane simba nenhindi dzenyama yamabhiza nedzaavo vagere pamusoro pawo, nenhindi dzenyama yavose, yavanhu vakasununguka uyewo yavaranda neyavaduku navakuru.’”—Zvakazarurwa 19:17, 18.
21. Chii chinoratidzirwa ne (a) no“kumira muzuva” kwengirozi? (b) idi rokuti vakafa vanosiiwa vakati rapata rapata pamusoro papasi? (c) rudungwe rwaavo vane zvitunha zvinosiiwa zvakati rapata rapata pamusoro papasi? (d) kutaura kwokuti “chidyo chikuru chamadekwana chaMwari”?
21 Ngirozi “imire muzuva,” nzvimbo yakaisvonaka yokuyevedza ngwariro yeshiri. Iyo inodzikoka kuva dzakagadzirira kuzozvigutsa idzo dzimene nenyama yaavo vodokuurawa naMambo Murwi namauto ake okudenga. Idi rokuti vakafa vanosiiwa pamusoro papasi rinoratidzira kuti vanofira munyadzi yapamhene. SaJezebheri wekare, ivo havazati vachizova nokuvigwa kunoremekedzwa. (2 Madzimambo 9:36, 37) Rudungwe rwaavo vane zvitunha zvingava zvinosiiwa zvakati rapata rapata ipapo runoratidzira ukuru hworuparadziko: madzimambo, vakuru vehondo, vanhu vane simba, vanhu vakasununguka, uye varanda. Hakuna vanosiiwa. Chisaririra chiri chose chenyika inopandukira inoshora Jehovha chichabviswa. Pashure paikoku, hakuchazovizve negungwa risinokuterama ravanhu vakanyongana. (Zvakazarurwa 21:1) Ichi “chidyo chikuru chamadekwana chaMwari,” sezvo ari Jehovha anokokera shiri kuzogoverana machiri.
22. Ko Johane anopeta sei chinoitika chehondo yokupedzisira?
22 Johane anopeta chinoitika chehondo yokupedzisira, achiti: “Zvino ndakaona chikara namadzimambo apasi namauto awo akaungana pamwe chete kuzorwa hondo nouyo agere pamusoro pebhiza uye neuto rake. Ipapo chikara chakabatwa, uye pamwe chete nacho muporofita wenhema uyo akaita zviratidzo pamberi pacho izvo iye atsausa nazvo avo vakagamuchira chiratidzo chechikara uye avo vanonamata mufananidzo wacho. Vachingunoveri vapenyu, ivo vose vakakandirwa mudziva romwoto unopfuta nesurferi. Asi vakasara vakaurawa nomunondo murefu wouyo agere pabhiza, uri munondo wakabuda mumuromo make. Ipapo shiri dzose dzakaguta nenhindi dzenyama yavo.”—Zvakazarurwa 19:19-21.
23. (a) Ko “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” inorwiwa munzirai pa“Armagedhoni”? (b) Ko “madzimambo apasi” akakundikana kutetekera nyeveroi, uye nomuuyoi?
23 Pashure pokudururwa kwendiro yechitanhatu yehasha dzaJehovha, Johane akashuma kuti “madzimambo apasi neenyika yose” akaunganidzwa nenyengedzo yamadhemoni ku“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” Iyoyi inorwirwa paArmagedhoni—kwete nzvimbo chaiyoiyo, asi mugariro wemburumbwa yose unoda kuitwa kworutongeso rwaJehovha. (Zvakazarurwa 16:12, 14, 16, King James Version) Zvino Johane anoona mitsara yehondo. Uko, akarongwa mukurwisana naMwari, ndiwo ose “madzimambo apasi namauto awo.” Iwo akaramba nechisimbwa kuzviisa amene pasi paMambo waJehovha. Iye akavapa nyevero yakakodzera iri muShoko rakafuridzirwa, inoti: “Tsvodai mwanakomana, kuti [Jehovha] agorega kuva anoshatirwa uye imi mungorega kupararira munzira.” Zvaasina kuzviisa pasi poubati ushe hwaKristu, iwo anofanira kufa.—Pisarema 2:12.
24. (a) Rutongesoi runoitwa pachikara nomuporofita wenhema, uye ivo “vachiri vapenyu” mupfungwai? (b) Neiko “dziva romwoto” richifanira kuva rokufananidzira?
24 Chikara chine misoro minomwe, nenyanga dzine gumi chakabuda mugungwa, chinomirira sangano rezvamatongerwe enyika raSatani, chinowisirwa mukunyangarika, uye icho chinoenda pamwe chete nomuporofita wenhema, simba renyika rechinomwe. (Zvakazarurwa 13:1, 11-13; 16:13) Vachingunoveri “vapenyu,” kana kuti vachiri kushanda mukushora kwavo kwakabatana vanhu vaMwari pasi pano, ivo vanokandirwa mu“dziva romwoto.” Ko irori idziva chairoiro romwoto here? Aiwa, sezvo chikara nomuporofita wenhema zvisati zviri mhuka chaidzoidzo. Panzvimbo pakwo, iro chiratidzo choruparadziko rwakakwana, rwokupedzisira, nzvimbo isingadzokwi. Imomo ndimo umo, gare gare, rufu neHadhesi, uyewo Dhiabhorosi iye amene, zvichakandirwa. (Zvakazarurwa 20:10, 14) Zvamazvirokwazvo harizati riri choto chomwoto wokutambudza kusingagumi nokuda kwavakaipa, sezvo pfungwa imene yenzvimbo yakadaro ichinyangadza kuna Jehovha.—Jeremia 19:5; 32:25; 1 Johane 4:8, 16.
25. (a) Ndivanaani avo vano“urawa nomunondo murefu wouyo agere pabhiza”? (b) Ko tokarira kuti vapi navapi vaavo “vanourawa” vachava norumuko here?
25 Vamwe vose vakanga vasati vari rutivi rwehurumende nomutoo wakananga asi hunyanguvezvo vakanga vari rutivi rusingavandudziki rwenyika yakashata yavanhu nenzira yakafanana vano“urawa nomunondo murefu wouyo agere pabhiza.” Jesu achavati vakafanirwa norufu. Sezvo muchinoitika chavo dziva romwoto risati richidudzwa, ko tinofanira kukarira kuti ivo vachava norumuko here? Hapana patinoudzwa kuti avo vanourawa noMutongi waJehovha panguva iyeyo vachamutswa. Sokutaura kwakaita Jesu iye amene, vose avo vasati vari “makwai” vanopinda “mumwoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhorosi nengirozi dzake,” ndiko kuti, “muruparadziko rusingaperi.” (Mateo 25:33, 41, 46) Ikoku kunogumisa “zuva rorutongeso neroruparadziko rwavanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:7; Nahumi 1:2, 7-9; Maraki 4:1.
26. Rondedzera mukupfupikisa muuyo weArmagedhoni.
26 Neiyi nzira, sangano rose rapasi raSatani rinosvika pamugumo. “Denga rekare” roubati ushe hwezvamatongerwe enyika rapfuura. “Pasi,” tsika inoratidzika kuva yechigarire iyo Satani akaumba kwamazana amakore, zvino yaparadzwa chose chose. “Gungwa,” vanhu vakaipa vazhinji-zhinji vanoshora Jehovha havachisipo. (Zvakazarurwa 21:1; 2 Petro 3:10) Chii, kunyange zvazvo zvakadaro, Jehovha akachengetera Satani iye amene? Johane anopfuurira kutiudza.