Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
JULY 2-8
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 6-7
“Iva Nerupo”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 6:37
Rambai muchisunungura, uye muchasunungurwawo: Kana kuti “Rambai muchiregerera, uye mucharegererwawo.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuregerera” rinoreva “kusunungura (semuenzaniso, kusunungura musungwa).” Muvhesi iyi kushandiswa kwarinoitwa pachitaurwa nezvekutonga uye kupa mhosva, rinopa pfungwa yekuregerera kunyange munhu anga achifanira kurangwa.
Rambai Muchiita Zvakanaka
13 Evhangeri yaMateu inoti Jesu akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Mat. 7:1) Maererano naRuka, Jesu akati: “Regai kutonga, uye hamuzombotongwiwo; uye regai kupa mhosva, uye hamuzombopiwiwo mhosva. Rambai muchisunungura, uye muchasunungurwawo.” (Ruka 6:37) VaFarisi vomuzana remakore rokutanga vaitonga vamwe noutsinye, vachitevedzera tsika dzisiri dzepaMagwaro. Munhu upi noupi aiteerera Jesu aifanira ‘kurega kutonga’ vamwe. Pane kudaro, vaifanira ‘kuramba vachisunungura,’ kureva kuti, kukanganwira zvaikanganiswa nevamwe. Muapostora Pauro akapa zano rakafanana rine chokuita nokukanganwira, sezvataurwa pamusoro apa.
14 Nokukanganwira vamwe, vadzidzi vaJesu vaizoita kuti vanhu vakanganwirewo. Jesu akati: “Nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako; uye nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Mat. 7:2) Tinokohwa zvatinodyara pamabatiro atinoita vamwe.—VaG. 6:7.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 6:38
Garai muchipa: Kana kuti “Rambai muchipa.” Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano, rinogona kushandurwa kuti “kupa” uye rinoratidza chinhu chinofanira kuramba chichiitwa.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 6:38
muhomwe inovapo kana nguo yapetwa: ‘Kudurura muhomwe’ kunogona kureva tsika yaiitwa nevamwe vatengesi yekuzadza homwe iyi.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Kunamata Kwechokwadi—Ungakuwana Sei?
Jesu aiwanzonyengetera kwenguva yakareba. (Johani 17:1-26) Somuenzaniso, asati asarudza varume 12 vaizova vaapostora vake, “akaenda mugomo kunonyengetera, akaramba achinyengetera kuna Mwari usiku hwose.” (Ruka 6:12) Kunyange zvazvo vaya vane mafungiro aMwari vasingapedzi havo usiku hwose vachinyengetera, vanotevedzera muenzaniso waJesu. Vasati vasarudza zvinhu zvinokosha muupenyu, vanowana nguva yakawanda yokunyengetera kuna Mwari, vachikumbira kutungamirirwa nomweya mutsvene pakusarudza zvinhu zvichasimbisa ukama hwavo naMwari.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 7:35
vana vahwo: Kana kuti “zvahunoita.” Muvhesi iyi, uchenjeri hunotaurwa semunhu uye huchinzi hune vana. Munyaya iri pana Mt 11:19, uchenjeri hunotaurwa huchinzi hune “mabasa.” Vana kana kuti mabasa euchenjeri, kureva zvakaitwa naJohani Mubhabhatidzi naJesu, zvinoratidza kuti zvavaipomerwa zvaiva zvenhema. Jesu ari kuti: ‘Tarisai zvakanaka zvinoitwa nemunhu uye muchaona kuti zvaari kupomerwa ndezvenhema.’
JULY 9-15
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 8-9
“Iva Muteveri Wangu—Zvii Zvinodiwa?”
it-2-E 494
Dendere
Mumwe munyori paakati kuna Jesu: “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamave kuda kuenda.” Jesu akamupindura kuti: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Mt 8:19, 20; Ru 9:57, 58) Pfungwa yakanga iri kutaurwa naJesu ndeyekuti, kana munhu achida kuva muteveri wake anofanira kusiya upenyu hwemutambarakede, onyatsovimba naJehovha. Zvinoonekawo mumashoko aakataura achidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera ekuti: “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi,” uye kutaura kwaakaitawo kuti: “Nokudaro, mungava nechokwadi chokuti, hapana nomumwe wenyu asingasiyi zvinhu zvake zvose anogona kuva mudzidzi wangu.”—Mt 6:11; Ru 14:33.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 9:59, 60
kunoviga baba vangu: Zvinoratidza sekuti mashoko aya haasi kureva kuti baba vemurume uyu vakanga vafa uye akanga asiri kungokumbira kuti aronge zvekuvigwa kwavo. Dai kuri kuti baba vake vakanga vafa, angadai asiri kutaura naJesu. Kare, kunyika dzekuMiddle East vaiti kana munhu akafa kazhinji kacho aibva avigwa zuva iroro. Saka baba vemurume uyu vanofanira kunge vakanga vari kurwara kana kuti vakanga vakwegura. Uye zvaisaita kuti Jesu audze murume uyu kuti asiye mubereki wake akanga achirwara kana kuti akwegura. Murume uyu anofanira kunge akanga aine dzimwe hama dzaigona kusara dzichichengeta baba vake. (Mk 7:9-13) Zvairehwa nemurume uyu ndezvekuti, ‘Ndichakuteverai, asi ndichamirira kuti baba vangu vatange vafa uye ndavaviga.’ Jesu akaona kuti murume uyu akanga ari kutadza kushandisa mukana wekuisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwake.—Ru 9:60, 62.
Rega vakafa vavige vakafa vavo: Tsanangudzo dzemashoko ari pana Ru 9:59, dzinoratidza kuti baba vemurume uyu vanogona kunge vairwara kana kuti vakwegura kwete kuti vakanga vafa. Saka Jesu ari kuti: ‘Rega vakafa pakunamata vavigane,’ kureva kuti, murume uyu aisafanira kumirira kuti baba vake vatange vafa ozosarudza kutevera Jesu, sezvo paiva nedzimwe hama dzaigona kuchengeta baba vacho kusvikira vafa. Kudai murume uyu aizotevera Jesu, aizova nemukana wekuwana upenyu husingaperi orega kuva mumwe wevanhu vakafa pakunamata pamberi paMwari. Zvakapindurwa naJesu zvinoratidza kuti kuisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu uye kuita zvese zvaunogona pakuhuzivisa, ndizvo zvichaita kuti urambe uri mupenyu pakunamata.
nwtsty mavhidhiyo nemapikicha
Kurima
Kurima kwaiwanzoitwa mumatsutso ivhu parainge ranyoroveswa nemvura inenge yanaya. (Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari Chikamu 19.) Mamwe magejo aigadzirwa nedanda rakapinza, kana kuti danda racho raiiswa simbi yakapinza rosungirirwa kune rimwe danda rinenge richikwevewa nemhuka. Kana ivhu rarimwa, mbeu yaibva yadyarwa. MuMagwaro echiHebheru, basa rekurima raiwanzotaurwa munhu paaipa fananidzo. (Vat 14:18; Isa 2:4; Jer 4:3; Mik 4:3) Jesu aigara achitaura mifananidzo yekurima paaidzidzisa. Semuenzaniso, akataura nezvekurima paaida kusimbisa pfungwa yekuti mudzidzi anofanira kushanda nemwoyo wese pakushumira Mwari. (Ru 9:62) Kana murimi akavhiringidzwa nezvimwe zvinhu, miforo yake yaisabuda yakatwasuka. Ndizvowo zvinoitika kana mudzidzi waKristu akavhiringidzwa, haazokodzeri kuva muUmambo hwaMwari.
Ramba Uine Mwoyo Wakakwana Kuna Jehovha
11 Kuti zvatinodzidza pamuenzaniso uyu mupfupi waJesu zvinyatsojeka, ngatifungidzirei zvimwe zvinogona kunge zvichiitika. Mushandi ari mubishi kurima munda negejo. Zvisinei, paari kurima, pfungwa dziri kumba, aine mhuri yake, shamwari, vachidya, mumhanzi uchitsva, vachiseka uye vari pamumvuri. Ari kungoti dai ariko zvake. Afamba chaizvo nendima yake, chido chokunakidzwa nezvinhu izvozvo chinokura zvokuti anotendeuka “otarira zvinhu zviri shure.” Kunyange zvazvo pachiine basa rakawanda rokuita munda usati wadyarwa, pfungwa dzomushandi dzinotorwa nezvimwe, zvokanganisa basa rake. Zviri pachena kuti tenzi wacho haafari nokutadza kutsungirira kwomushandi wake.
12 Iye zvino funga zvakada kufanana naizvozvo zvinogona kuitika mazuva ano. Mushandi uyu angamirira muKristu wose anoita seari kuita zvakanaka asi kunamata kwake kuri pangozi. Ngatimbotii hama inogara ichishingaira muushumiri. Asi pasinei nokuti inopinda misangano uye inobuda muushumiri, inoramba ichifunga nezvemamwe mararamiro enyika zvokuti inoona sokuti anofadza. Mumwoyo mayo inototi dai ndararamawo saizvozvo. Pashure pemakore anoverengeka hama iyi ichishumira Mwari, kuda kwainoita zvimwe zvinhu zvenyika kunoikunda yotendeuka, yotarira “zvinhu zviri shure.” Kunyange zvazvo pachine basa rakawanda muushumiri, hairambi ‘yakabatisisa shoko roupenyu’ uye basa rayo rainoitira Mwari rinokanganisika. (VaF. 2:16) Jehovha, “Tenzi wokukohwa,” haambofari nekutadza kutsungirira kwakadaro.—Ruka 10:2.
13 Chidzidzo chacho chiri pachena. Kugara tichipinda misangano uye kubuda muushumiri zvinhu zvakanaka uye zvinogutsa. Asi kushumira Jehovha nemwoyo wakakwana kunopfuura izvozvo. (2 Mak. 25:1, 2, 27) Kana mumwoyo, muKristu akaramba achida “zvinhu zviri shure,” kureva mararamiro enyika, anova pangozi yokurasikirwa neukama hwakanaka naMwari. (Ruka 17:32) Kana ‘tikanyatsosema zvakaipa, tonamatira kune zvakanaka’ tichava ‘vakanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.’ (VaR. 12:9; Ruka 9:62) Saka pasinei nokuti zvinhu zviri munyika yaSatani zvinoita sezvinobatsira sei kana kuti zvakanaka, tose zvedu tinofanira kuva nechokwadi chokuti hazvititadzisi kutsigira Umambo nemwoyo wose.—2 VaK. 11:14; verenga VaFiripi 3:13, 14.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 8:3
vachivashumira: Kana kuti “vachivabatsira.” Shoko rechiGiriki rekuti di·a·ko·neʹo rinogona kureva kubatsira vamwe nekuvatsvagira zvekudya, kuvabikira uye kuvaitira zvimwewo zvinhu. Rinoshandiswa kureva izvi pana Ru 10:40 (“ndiite zvinhu izvi”), Ru 12:37 (“ovashumira”), Ru 17:8 (“undishumire”), uye Mab 6:2 (“tigovere zvokudya”), asi rinogona kurevawo zvimwe zvinhu zvaunogona kuitira munhu. Muvhesi ino rinotsanangura mabasa akaitwa nevakadzi ava pakubatsira Jesu nevadzidzi vake kuti vaite basa ravo ravakapiwa naMwari. Vakadzi ava vakarumbidza Mwari nezvavakaita uye akaonga zvavakaita nekuita kuti vanyorwe muBhaibheri kuitira kuti vamwe vanhu vazoverenga nezvavo. (Zvi 19:17; VaH 6:10) Shoko iri rechiGiriki rekuti di·a·ko·neʹo rinoshandiswa pavakadzi vanotaurwa pana Mt 27:55; Mk 15:41.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka
9:49, 50—Nei Jesu asina kudzivisa mumwe murume aidzinga madhimoni, kunyange zvazvo murume wacho akanga asingamuteveri? Jesu haana kudzivisa murume wacho nokuti ungano yechiKristu yakanga isati yatangwa. Saka wakanga usiri mutemo kuti murume wacho atevere Jesu kuti atende muzita raJesu uye adzinge madhimoni.—Mako 9:38-40.
JULY 16-22
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 10-11
“Mufananidzo wemuSamariya Akanaka”
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Mugwagwa Waibva kuJerusarema Uchienda kuJeriko
Mugwagwa (1) unoratidzwa muvhidhiyo iyi unofanira kunge wakada kufanana newekare waibva kuJerusarema uchienda kuJeriko. Mugwagwa wacho wakanga wakareba makiromita anodarika 20 uye imwe kiromita yacho aiva materu. Matsotsi aiwanzogarira vanhu mumugwagwa uyu zvekuti pakatozoiswa masoja kuti adzivirire vafambi. Jeriko yemuguta reRoma (2) yaiva paibudira mugwagwa uyu uchibva murenje reJudhiya. Guta reJeriko rekare (3) raiva makiromita anenge maviri kubva muguta reRoma.
“Aisataura Kwavari Pasina Mufananidzo”
14 Chechipiri yeuka, mufananidzo womuSamariya akanaka. Jesu akatanga nokuti: “Mumwe murume akanga achibva Jerusarema achidzika Jeriko akawirwa nemakororo, ayo akamutorera zvose uye akamurova, akaenda, achimusiya ave kuda kufa.” (Ruka 10:30) Zvinokosha kuti Jesu akashandisa mugwagwa ‘waibva Jerusarema uchienda Jeriko’ kuti abudise pfungwa yaaida. Paairondedzera mufananidzo uyu, aiva muJudhiya, kusiri kure neJerusarema; saka vateereri vake zvimwe vaiziva nezvomugwagwa wacho. Mugwagwa iwoyo waiva une ngozi kwazvo, kunyanya kune mumwe munhu aifamba oga. Waimonereka nomumawere kusina vanhu, zvichiita kuti makororo aone nzvimbo dzakawanda dzokuhwanda.
15 Pane chimwezve chinokosha pamusoro pokutaura kwaJesu nezvomugwagwa ‘waibva Jerusarema uchidzika Jeriko.’ Maererano nenyaya yacho, kutanga mupristi aifambawo nomugwagwa iwoyo, kukazouyawo muRevhi—kunyange zvazvo pasina akamira kuti abatsire munhu akanga arandwa uyu. (Ruka 10:31, 32) Vapristi vaishanda patemberi muJerusarema, uye vaRevhi vaivabatsira. Vapristi nevaRevhi vakawanda vaigara muJeriko pavainge vasingashandi patemberi, nokuti Jeriko raingova makiromita 23 chete kubva kuJerusarema. Saka, hapana mubvunzo kuti vaimbopota vachifamba nomugwagwa iwoyo. Cherechedzawo kuti mupristi nomuRevhi vakanga vachifamba nomugwagwa ‘vachibva Jerusarema,’ kutemberi. Saka hapana aigona kutaura kuti kusakendenga kwevarume ava yaiva mhosva yokuti havanawo zvavaigona kuita achiti, ‘Vakanyenyeredza murume akanga akuvara uyu nokuti aitaridzika kuva akanga afa, uye kubata chitunha kwaizodai kwakavaita kuti vave vasina kuchena kwechinguva zvokusagona kushanda patemberi.’ (Revhitiko 21:1; Numeri 19:11, 16) Hazvisi pachena here kuti mufananidzo waJesu wairatidza zvinhu zvaizivikanwa nevateereri vake?
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 10:33, 34
mumwe muSamariya: VaJudha vaitarisira vaSamariya pasi uye vakanga vasingadi kudyidzana navo. (Joh 4:9) Vamwe vaJudha vaitoshandisa shoko rekuti “muSamariya” senzira yekushoora kana kutuka munhu. (Joh 8:48) Mishna inoti mumwe rabhi akati: “Munhu anodya chingwa chevaSamariya akafanana nemunhu anodya nyama yenguruve.” (Shebith 8:10) VaJudha vakawanda vaisabvuma umboo hunopiwa nemuSamariya kana kubvuma kubatsirwa naye. Jesu aiziva kuti vaJudha vaivenga vaSamariya, saka akapa chidzidzo chinokosha mumufananidzo uyu unowanzonzi mufananidzo wemuSamariya akanaka.
akasunga maronda ake, achiadira mafuta newaini: Chiremba Ruka anonyora mufananidzo waJesu achitsanangura marapirwo aiitwa maronda panguva iyoyo. Mafuta newaini zvaishandiswa pakurapa maronda. Dzimwe nguva mafuta aishandiswa pakuita kuti chironda chipfave (enzanisa naIsa 1:6), uye waini inoshanda pakuuraya utachiona. Ruka anotsanangurawo masungirwo aiitwa maronda kuti asawedzera kunyenga.
imba yevanenge vari parwendo: Shoko racho rechiGiriki rinoreva “nzvimbo inogamuchirwa vanhu vese.” Vanhu vanenge vari parwendo, vaigona kuwana pekurara munzvimbo dzakadaro pamwe chete nemhuka dzavo. Muridzi weimba yacho aichengeta vanenge vari parwendo, uye aigona kusara achichengeta vanenge vasiyiwa ipapo obhadharisa mari.
MuSamariya Anobvumikisa Kuva Muvakidzani Akanaka
Mufananidzo waJesu unoratidza kuti munhu wakarurama zvechokwadi ndouyo asingateereri bedzi mitemo yaMwari asiwo anotevedzera mavara ake. (VaEfeso 5:1) Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti “Mwari haazi mutsauri wavanhu.” (Mabasa 10:34) Tinotevedzera Mwari munhau iyi here? Mufananidzo waJesu unonyandura unoratidza kuti mutsa wedu unofanira kukurira miganhu yorudzi, yetsika, neyorudzidziso. Chaizvoizvo, vaKristu vanorayiridzwa ‘kuitira vose zvakanaka’—kwete bedzi kuvanhu veboka rimwe chetero renzanga, dzinza, kana kuti rudzi uye kwete bedzi kuvatinonamata navo.—VaGaratiya 6:10.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 10:18
Ndatotanga kuona Satani atowa semheni achibva kudenga: Jesu ari kutaura zvichazoitika munguva inotevera, achiita seari kutoona Satani achidzingwa kudenga. Zva 12:7-9 inotsanangura hondo yakaitika kudenga uye kukundwa kwaSatani, Umambo hwaMesiya huchibva hwatanga kutonga. Muvhesi iyi, Jesu aitaura nezvekukundwa kwaizoitwa Satani nemadhimoni ake muhondo iyoyo nekuti Mwari akanga atopa simba rekudzinga madhimoni kuvadzidzi 70.—Ru 10:17.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka
10:18—Jesu akanga achirevei paakaudza vadzidzi 70 kuti: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni achibva kudenga”? Jesu akanga asiri kutaura kuti Satani akanga atodzingwa kudenga. Izvi hazvina kuitika kutozosvikira nguva pfupi Kristu agadzwa saMambo wokudenga muna 1914. (Zvak. 12:1-10) Kunyange zvazvo tisingagoni kutaura tiine chokwadi, zviri pachena kuti kutaura kwakaita Jesu zviitiko zvomunguva yemberi sokunge kuti zvakatoitika, akanga achisimbisa kuti zvechokwadi zvaizoitika.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 11:5-9
Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu: Patsika dzekuMiddle East, vanhu vanoda chaizvo kugamuchira vaeni zvakanaka. Mueni wemumufananidzo waJesu akasvika pakati peusiku kuratidza kuti pane zvinogona kunge zvakaitika paaiva parwendo. Kunyange zvakadaro, akamugamuchira wacho akanzwa kuti aifanira kumupa zvekudya. Akatozvipira kuenda kunomutsa muvakidzani wake kuti akumbire chingwa.
Rega kundinetsa: Muvakidzani wemumufananidzo uyu anombotanga achiramba kubatsira kwete nekuti haasi shamwari yakanaka asi nekuti akanga atorara. Panguva iyoyo, dzimba dzevarombo dzaingova kamuri rimwe chete rakakura. Kana munhu aizomuka aigona kupeputsa vamwe kusanganisira vana.
kusimbirira: Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rinogona kushandurwa kunzi “kushaya mwero” kana kuti “kusava nenyadzi.” Asi muvhesi iyi, rinoratidza kushingirira kana kuti kuteterera. Murume wemumufananidzo waJesu haana kunyara uye akaramba achikumbira zvaaida, saka Jesu anoudza vadzidzi vake kuti ndizvo zvavanofanira kuita pakunyengetera.—Ru 11:9, 10.
JULY 23-29
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 12-13
“Munokosha Kupfuura Shiri Duku Zhinji”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 12:6
shiri duku: Shoko rechiGiriki rekuti strou·thiʹon rinoreva chero shiri duku, asi raiwanzoshandisirwa dziya dzinonzi masparrow dzaitengeswa nemari shoma shoma.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 12:7
kunyange nebvudzi remisoro yenyu rose rakaverengwa: Musoro wemunhu unonzi une bvudzi rinopfuura 100 000. Kuziva kunoita Jehovha zvinhu zvidiki zvakadaro kunoita kuti tive nechivimbo chekuti anoda muteveri wese waKristu.
Hapana ‘Chingatiparadzanisa Norudo rwaMwari’
4 Kutanga, Bhaibheri rinodzidzisa zvakananga kuti Mwari anoona mushumiri wake mumwe nomumwe seanokosha. Somuenzaniso Jesu akati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari inokosha zvishoma here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29-31) Funga kuti mashoko iwayo airevei kuvateereri vaJesu vomuzana remakore rokutanga.
5 Zvingatishamisa kuti munhu aizotenga shiri duku yei. Muzuva raJesu shiri duku iyoyo ndiyo yakanga yakachipa pashiri dzokudya dzose dzaitengeswa. Cherechedza kuti pamari imwe inokosha zvishoma, mutengi aiwana shiri duku mbiri. Asi Jesu akazotaura gare gare kuti kana munhu aida kubhadhara mari mbiri, aisawana shiri duku ina, asi shanu. Shiri yebhasera yaiwedzerwa sokunge yakanga isingakoshi zvachose. Pamwe zvisikwa zvakadai zvakanga zvisingakoshi mumeso evanhu, asi Musiki aizviona sei? Jesu akati: “Asi hapana neimwe yadzo [kunyange yembasera] inokanganwika pamberi paMwari.” (Ruka 12:6, 7) Pamwe iye zvino tingatanga kuona pfungwa yaJesu. Kana Jehovha achikoshesa shiri duku imwe zvakadaro, munhu anofanira kuva achitokosha zvakakura chaizvo! Sokutsanangura kwakaita Jesu, Jehovha anoziva zvose pamusoro pedu. Chokwadi, bvudzi romusoro wedu chairo rakaverengwa!
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 13:24
Shandai nesimba: Kana kuti “Rambai muchirwa.” Mashoko aJesu anoratidza kuti zvinoda kushanda nemweya wese kuti munhu apinde nesuo rakamanikana. Pavhesi iyi mamwe mabhuku anoshandura achiti “Shandai nesimba renyu rese; Itai zvese zvamunogona.” Shoko rechiGiriki rekuti a·go·niʹzo·mai rakada kufanana nerekuti a·gonʹ, iro raiwanzoshandiswa kureva makundano ekumhanya. Pana VaH 12:1, shoko iri rekuti a·gonʹ rinoshandiswa kureva “nhangemutange” yeupenyu yevaKristu. Rinoshandiswawo kureva “kurwa” (VaF 1:30; VaK 2:1; 1Ti 6:12; 2Ti 4:7). Shoko rechiGiriki rakashandiswa muvhesi iyi rinoshandurwawo kuti ‘makundano’ (1VaK 9:25), uye ‘kuzvishandisa nesimba’ (VaK 1:29; 4:12; 1Ti 4:10). Sezvo shoko iri raishandiswa kureva makundano ekumhanya, vamwe vanoti Jesu aikurudzira kushanda nesimba sezvinoita mumhanyi kuti awane mubayiro.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 13:33
hazvitenderwi: Kana kuti “hazvingamboiti.” Kunyange zvazvo pasina uprofita hweBhaibheri hunonyatsotaura kuti Mesiya aizourayirwa muJerusarema, zvinogona kunzi ndizvo zvaizoitika nemhaka yezvinotaurwa pana Dha 9:24-26. Uyewo, zvaizotarisirwa kuti kana vaJudha vaizouraya muprofita, kunyanya ari Mesiya, vaizozviitira muJerusarema. Dare reSanihedrini raiva nevanhu 71 uye raisangana muJerusarema, saka vaya vainge vachipomerwa kunzi vaprofita venhema ndiko kwavainotongerwa. Jesu anogona kunge akafungawo kuti kuJerusarema ndiko kwaipirwa zvibayiro uye kwaiurayirwa gwai rePaseka. Zvakataurwa naJesu ndizvo zvakazoitika. Akaunzwa pamberi peSanihedrini muJerusarema achibva atongerwa rufu. Akafa ‘segwai repaseka’ kunze kwemasvingo eJerusarema.—1VaK 5:7.
JULY 30–AUGUST 5
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 14-16
“Mufananidzo Wemwanakomana Mupambadzi”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 15:11-16
Mumwe murume akanga aine vanakomana vaviri: Pane zvimwe zvinhu zvinotaurwa mumufananidzo wemwanakomana mupambadzi zvisingawaniki mune mimwe mifananidzo yaJesu. Ndiwo mumwe wemifananidzo yakareba yakataurwa naJesu. Ukama hwemhuri ndicho chinhu chinokosha chiri mumufananidzo uyu. Mune mimwe mifananidzo, Jesu aiwanzotaura nezvezvinhu zvisina upenyu zvakadai sembeu dzakasiyana-siyana kana kuti ivhu, kana kuti ukama hwatenzi nevaranda. (Mt 13:18-30; 25:14-30; Ru 19:12-27) Asi mumufananidzo uyu, Jesu anotaura nezveukama hwepedyo hwababa nevanakomana vavo. Vakawanda vanonzwa nezvemufananidzo uyu vanogona kunge vasina kumbowana rudo rwakadaro kubva kuna vanababa vavo. Mufananidzo uyu unoratidza kuti Baba vedu vekudenga vane rudo rwakadzama uye tsitsi dzakakura kuvana vavo vari panyika vanovanamata uye vaya vanenge vapfidza pashure pekumborasika.
muduku wavo: Maererano neMutemo waMosesi, dangwe raipiwa zvikamu zviviri. (Dhe 21:17) Saka mumufananidzo uyu, kana baba ava vakanga vasina vamwe vanakomana uye mwanakomana mukuru ari kutaurwa aiva dangwe, zvinoreva kuti panhaka mudiki wacho aizopiwa hafu yezvaipiwa mukoma wake.
akapambadza: Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rinoreva “kuparadzira.” (Ru 1:51; Mab 5:37) Pana Mt 25:24, 26, rakashandurwa kuti “kuurutsa.” Muvhesi iyi rinoshandiswa kureva kupfachura.
upenyu hwakaipa kwazvo: Kana kuti “upenyu hweumhuka.” Rimwe shoko rechiGiriki rakada kufanana, rinoshandiswa pana VaE 5:18; Tit 1:6; 1Pe 4:4. Sezvo shoko racho richisanganisirawo upenyu hwekutambisa mari kana kuti hwekupambadza, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandisa mashoko ekuti “upenyu hwekupambadza.”
kuti anofudza nguruve: Mhuka idzi dzakanga dzisina kuchena maererano neMutemo, saka iri raiva basa raideredza chaizvo kumuJudha.—Re 11:7, 8.
mateko emakarobhu: Mateko aya anopenya kunze kwawo uye ane ruvara rwebrown inoenda kupurple. Ane shepi inenge yenyanga uye zvinobva zvaenderana nezvinoreva shoko racho muchiGiriki kuti (ke·raʹti·on, “nyanga diki”). Mateko emakarobhu achiri kushandiswa mazuva ano sezvekudya zvemabhiza, mombe uye nguruve. Urombo hwakanga hwava nemukomana mudiki uyu hunobva hwanyatsooneka pakuti akanga ava kutodya zvekudya zvenguruve.—Ona tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 15:15.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 15:17-24
ndakakutadzirai: Kana kuti “ndakatadza pamberi penyu.” Shoko rechiGiriki rekuti e·noʹpi·on, iro rinoreva kuti “pamberi,” rinoshandiswawo pana 1Sa 20:1 muSeptuagint. Muvhesi iyoyo, Dhavhidhi anobvunza Jonatani kuti: “Ndakatadzirei baba vako?”
vanhu vemaricho: Paakadzokera kumba, mwanakomana mudiki akanga akaronga kunokumbira baba vake kuti vamubate semunhu wemaricho kwete semwana wavo. Munhu wemaricho akanga akatosiyana nemuranda pakuti aitogara kunze achidaidzwa kuzoshanda kwezuva rimwe chete.—Mt 20:1, 2, 8.
vakamutsvoda zvinyoronyoro: Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kutsvoda zvinyoronyoro” rinobva pashoko rekuti phi·leʹo, iro rinomboshandurwa kuti “kutsvoda” (Mt 26:48; Mk 14:44; Ru 22:47) asi kazhinji kacho rinoreva kuti “kuda” (Joh 5:20; 11:3; 16:27). Makwazisiro akaita baba vemumufananidzo uyu mwana wavo akanga apfidza, anoratidza kuti vaimugamuchira nemwoyo wese.
kunzi mwanakomana wenyu: Zvimwe zvinyorwa zvinowedzera mashoko ekuti: “Ndibatei henyu somumwe wevanhu venyu vemaricho,” asi muShanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa hamuna mashoko aya uye izvi zvinotsigirwa nezvinyorwa zvepakutanga zvinovimbwa nazvo. Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti mashoko aya akawedzerwa kuitira kuti vhesi yacho ienderane nezviri pana Ru 15:19.
nguo refu . . . rin’i . . . hwashu: Nguo iyi yakanga isingori hembewo zvayo asi yakanakisisa yacho, zvichida yakaita seiya yaipiwa mueni anoremekedzwa. Kuisa kwakaita baba ava rin’i muruoko rwemwana wavo kunoratidza kumuda kwavaimuita uye kuti vakanga vachimupazve ruremekedzo nenzvimbo yake semwana wavo. Rin’i nehwashu zvaisawanzopfekwa nemuranda. Saka baba ava vakanga vari kuratidza kuti vagamuchirazve mwana wavo mumhuri.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 14:26
kuvenga: MuBhaibheri, shoko rekuti “kuvenga” rinoreva zvakawanda. Rinogona kureva kuvenga kuya kwekuda kukuvadza mumwe munhu. Rinogona kurevawo kusafarira mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu zvekuti haudi kuva pedyo naye kana kuti nacho. Kana kuti rinogona kureva kuda zvishoma. Semuenzaniso, Jakobho paanonzi “aivenga” Reya uye aida Rakeri, zvinoreva kuti aida Rakeri kupfuura Reya (Ge 29:31; Dhe 21:15), uye ndiwo mashandisirwo anoitwa shoko racho mumamwe mabhuku echiJudha ekare. Saka Jesu aisareva kuti vateveri vake vanofanira kusada mhuri dzavo uye kusazvida, nekuti izvi zvaizopesana nezvinotaurwa neMagwaro. (Enzanisa naMk 12:29-31; VaE 5:28, 29, 33.) Muvhesi iyi, shoko rekuti “kuvenga” rinogona kushandurwa kuti “kuda zvishoma.”
Kutsvaga Pfuma Yechokwadi
7 Verenga Ruka 16:10-13. Mutariri wemumufananidzo waJesu akatsvaga shamwari kuti dzizomubatsira. Zvisinei, Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vaite shamwari kudenga kwete nechinangwa chekuti vabatsirwe. Mavhesi anozotevera anotaura nezvekushandisa “pfuma isina kururama” achizvibatanidza nekutendeka kuna Mwari. Jesu aireva kuti tinogona kuratidza kuti ‘takatendeka’ nemashandisiro atinoita pfuma iyoyo kana tikava nayo. Tinozviita sei?
8 Imwe nzira yekuratidza nezvinhu zvedu kuti takatendeka ndeyekupa zvipo zvemari yekutsigira basa rekuparidza remunyika yese rakataurwa naJesu kuti raizoitwa. (Mat. 24:14) Kamwe kasikana kekuIndia kaigara kachiisa mari mukabhokisi, kachitorega kutenga matoyi kuti kave nemari yekuisa imomo. Kabhokisi kacho pakakazara, kakapa mari yacho kuti ishandiswe pabasa rekuparidza. Imwe hama yekuIndia ine purazi remacoconut yakapa macoconut akawanda kuHofisi Yeshanduro yemutauro wechiMalayalam. Sezvo hofisi yacho ichifanira kutenga macoconut, hama iyi yakafunga kuti kupa chipo chemacoconut kwaizobatsira chaizvo kupfuura kupa mari. Ihwohwo uchenjeri hunobatsira. Saizvozvowo, hama dzekuGreece dzinogara dzichiendesa mafuta emuorivhi, chizi uye zvimwewo zvekudya kuti zvishandiswe nemhuri yeBheteri.