Marudzi Evanhu
Tsanangudzo: Sokushandiswa kwarinoitwa pano, shoko rokuti rudzi rinoreva vanhu vanenge vaine zvinhu zvinovasiyanisa nevamwe zvavanoberekwa vainazvo uye zvakakwana kuti zvisiyanise boka racho nemamwewo. Zvisinei, tinofanira kuziva kuti marudzi acho zvaanokwanisa kuroorana uye kubereka vana zvinoratidza kuti zvechokwadi ndee“mhando” imwe, ose ari mhuri imwe yevanhu. Saka marudzi akasiyana-siyana anongova kusiyana-siyana kwevanhu.
Marudzi akasiyana-siyana akabva kupi?
Gen. 5:1, 2; 1:28: “Zuva rakasikwa Adhamu naMwari, akamuita akafanana naMwari. Akavasika munhurume nomunhukadzi. Pashure paizvozvo akavakomborera, akavatumidza kuti Munhu zuva ravakasikwa.” “Mwari akavakomborera, Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika.’” (Nokudaro vanhu vose vana vevanhu vaviri ivavo vokutanga, Adhamu naEvha.)
Mab. 17:26: “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete [Adhamu], kuti agare pamusoro penyika yose.” (Saka pasinei nokuti madzinza api anoumba rudzi, vose vana vaAdhamu.)
Gen. 9:18, 19: “Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu naHamu naJafeti. . . . Ava vatatu ndivo vaiva vanakomana vaNoa, uye vanhu vose vomunyika vakapararira kwose kwose vachibva kune ivava.” (Pashure pokunge Mwari aparadza nyika isingadi Mwari achishandisa mafashamo enyika yose muzuva raNoa, vanhu vatsva vepanyika, kusanganisira marudzi ose anozivikanwa mazuva ano, vakabva kuvana vevanakomana vatatu vaNoa nemadzimai avo.)
Adhamu naEvha vaingova vanhu vokufananidzira (vemungano) here?
Bhaibheri haritsigiri pfungwa iyoyo; ona musoro mukuru unoti “Adhamu naEvha.”
Kaini akawana kupi mudzimai wake kana kwaingova nemhuri imwe chete?
Gen. 3:20: “Adhamu akatumidza mudzimai wake kuti Evha, nokuti aizova amai vevanhu vose vapenyu.” (Saka vanhu vose vaifanira kuva vana vaAdhamu naEvha.)
Gen. 5:3, 4: “Adhamu akararama kwemakore zana nemakumi matatu, akazobereka mwanakomana akafanana naye, akatodzana naye, akamutumidza kuti Seti. Mazuva aAdhamu pashure pokunge abereka Seti akasvika makore mazana masere. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.” (Mumwe wevanakomana vaAdhamu aiva Kaini, uye mumwe wevanasikana vaAdhamu anofanira kunge akava mudzimai waKaini. Panguva iyoyo munhoroondo vanhu vaiva noutano hwakanaka kwazvo uye nesimba, sezvinoratidzwa nokureba kwoupenyu hwavo, mukana wokupfuudza urema pamusana pokuroorana kwehama dzepedyo wakanga usina kukura. Zvisinei, pashure pemakore anenge 2 500 munhoroondo yevanhu, miviri yevanhu payakanga isisina simba, Jehovha akapa vaIsraeri mitemo yairambidza makunakuna.)
Gen. 4:16, 17: “Kaini akabva pamberi paJehovha, akatanga kugara munyika yoKupotera [kana kuti Nodhi] kumabvazuva kweEdheni. Pashure paizvozvo Kaini akarara nomudzimai wake [“akaziva mukadzi wake,” BUS, RS; “akasangana nomudzimai wake,” BR] akava nepamuviri, akabereka Inoki.” (Ona kuti Kaini haana kutanga kuonana nomudzimai wake munyika yaakatizira, sokunge kuti mudzimai wacho aibva kune imwe mhuri. Asi ikoko ndiko kwaakarara naye akabereka mwanakomana.)
Kuvapo kwemarudzi akasiyana-siyana kungatsanangurwa sei?
“Vanhu vose vari kurarama nhasi ndevorudzi rumwe chete, Homo sapiens, uye vanobva kudzinza rimwe chete. . . . Kusiyana kwakaita vanhu kunokonzerwa nezvinhu zvavakatodza vabereki vavo uye zvinoenderana nenzvimbo yavanogara. Kazhinji, misiyano iyoyo inokonzerwa nezvinhu zviviri izvi. . . . Misiyano iri pakati pevanhu vari mudzinza rimwe chete kazhinji yakakura kupfuura misiyano iripo pakati pemadzinza akasiyana.”—Boka remasayendisiti romunyika yose rakaunganidzwa neUNESCO, akatorwa muStatement on Race (New York, 1972, third ed.), Ashley Montagu, mapeji 149, 150.
“Dzinza rinongova rudzi rwevanhu vane majini akafanana rwakavapo vanhu pavakatanga kupararira. Rinenge dzinza rimwe chete rakavapo pane imwe neimwe yemakondinendi makuru mashanu ari panyika. . . . Chokwadi majini evanhu akachinja panguva iyi uye tinogona kuona uye kudzidza migumisiro yokuchinja uku kubva pane zvichiripo zvaiva mumadzinza ekare. Sezvataizotarisira, kusiyana uku kunoita sokuti kunoenderana nokuti marudzi acho ari kure nakure zvakadini. . . . Madzinza paakatanga kuvapo pamakondinendi, zvichiita kuti zviuru zvevanhu vane majini akafanana vagare munzvimbo imwe chete, ndizvo zvakaita kuti pave nemisiyano yemajini iripo parizvino. . . . Chinhu chinotivhiringidza ndechokuti boka rimwe nerimwe revanhu rinoita sokunge kuti rakasiyana nemamwe nechokunze asi nechomukati mokusiyana uku pane kufanana kukuru.” (Heredity and Human Life, New York, 1963, H. L. Carson, mapeji 151, 154, 162, 163) (Nokudaro, pakutanga munhoroondo yevanhu, boka revanhu paraiva paro roga uye vanhu vachiroorana muboka iroro, zvinhu zvakasiyana-siyana zvinokonzerwa nemajini zvakanyanya kuoneka muvana vavo.)
Bhaibheri rinodzidzisa here kuti vanhu vatema vakatukwa?
Pfungwa iyi inotorwa pakusanzwisiswa kwaGenesisi 9:25, Noa paanoti: “Kenani ngaatukwe. Ngaave muranda akaderera kwazvo pavakoma vake.” Nyatsopaverenga; hapatauri nezveruvara rweganda. Kutukwa kwacho kwakavapo nokuti zviri pachena kuti Kenani mwanakomana waHamu akanga aita chimwe chinhu chinokatyamadza chaikodzera kutukwa. Asi vana vaKenani vaiva vanaani? Vakanga vasiri vanhu vatema, asi vaiva vanhu vane ganda jena vaigara kumabvazuva kweGungwa reMediterranean. Vakatongwa naMwari uye Mwari akapa vaIsraeri nyika yaigara vaKenani pamusana pemabasa avo akaipa, tsika dzoudhimoni, kunamata zvidhori uye kubayira vana. (Gen. 10:15-19) Havasi vaKenani vose vakaparadzwa; vamwe vakapiwa basa rokumanikidzirwa kuzadzika kutukwa kwacho.—Josh. 17:13.
Vanhu vatema vakabva pamwana upi waNoa? “Vanakomana vaKushi [mumwe wevanakomana vaHamu] vaiva Sebha naHavhira naSabta naRaama naSabteka.” (Gen. 10:6, 7) Bhaibheri parinozotaura nezveKushi kazhinji inenge ichiita kunge Itiopiya. Zita rokuti Sebha rinozoshandiswa pakutaura nezvevamwe vanhu vari kumabvazuva kweAfrica uye zviri pachena kuti pedyo neItiopiya.—Isa. 43:3, mashoko omuzasi ari muNW Ref.
Vanhu vose vana vaMwari here?
Isu vanhu vasina kukwana hatiberekwi tiri vana vaMwari. Asi tose tiri vana vaAdhamu, uyo paakasikwa akakwana aiva “mwanakomana waMwari.”—Ruka 3:38.
Mab. 10:34, 35: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”
Joh. 3:16: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Kutenda zvechokwadi maari kunokosha kuti mumwe nomumwe wedu ave noukama naMwari hwakaraswa naAdhamu. Vanhu vemarudzi ose vane mukana wokuva noukama ihwohwo.)
1 Joh. 3:10: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uyewo ndizvo zvakaita uya asingadi hama yake.” (Saka Mwari haaoni vanhu vose sevana vake. Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, vaya vanoita nemaune zvinhu zvinovengwa naMwari vanenge vari vana vaDhiyabhorosi. Ona Johani 8:44. Zvisinei, vaKristu vechokwadi vanoratidza unhu hunodiwa naMwari. Pakati pavo, Mwari akasarudza vashomanana kuti vatonge semadzimambo naKristu kudenga. Mwari anovati “vana” vake kana kuti “vanakomana” vake. Kuti uwane mamwe mashoko, ona musoro mukuru unoti “Kuberekwazve.”)
VaR. 8:19-21: “Zvisikwa zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari. . . . Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (Vanhu vachasunungurwa “vanakomana vaMwari” pavanenge vawana upenyu hwokudenga, ‘varatidzwa’ sevanobatsira vanhu vachitungamirirwa naKristu. Pashure pokunge vanhu vakatendeka vari pasi pano [vanotaurwa mumagwaro se“zvisikwa”] vasvika pakukwana uye varatidza kuti vakavimbika zvakasimba kuna Jehovha saChangamire Wezvinhu zvose, ivowo vachava noukama hwakanaka hwevana vaMwari. Vanhu vemarudzi ose vachavawo noukama uhwu.)
Vanhu vemarudzi ose vachazobatana zvechokwadi here sehama nehanzvadzi?
Kune vaya vaizova vadzidzi vake vechokwadi, Jesu akati: “mose muri hama.” (Mat. 23:8) Akazowedzera kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Joh. 13:35.
Pasinei nokuti vanhu havana kukwana, pfungwa yokuti tiri vanhu vamwe chete yaioneka pavaKristu vepakutanga. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Hapana muJudha kana muGiriki, hapana muranda kana munhu akasununguka, hapana munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri munhu mumwe chete pamwe naKristu Jesu.”—VaG. 3:28.
Ukama hwechiKristu husingakanganiswi nourudzi huri kuoneka pakati peZvapupu zvaJehovha muzana remakore rechi21. William Whalen akati muU.S. Catholic: “Ndinodavira kuti chinhu chinonyanya kukwezva [pasangano reZvapupu zvaJehovha] kwave kuri kudzidzisa kwarinoita kuti marudzi ose akaenzana.” Pashure pokunge anyatsodzidza nezveZvapupu zvaJehovha muAfrica, Bryan Wilson anodzidza nezvemagariro evanhu wepaOxford University akati: “Zvapupu zvinobudirira zvikuru kupfuura mamwe mapoka pakukurumidza kubvisa rusarura pavanhu vatsva vanenge vachangouya musangano.” Ichitaura nezvokuungana kweZvapupu zvakabva kunyika 123, The New York Times Magazine yakati: “Zvapupu zvakaomesa mate mukanwa vanhu vokuNew York kwete nokuwanda kwazvo, asi nokuva nevanhu vakasiyana-siyana (vanosanganisira vanhu vanoita zvakasiyana-siyana muupenyu), kusasarurana kwavanoita (Zvapupu zvakawanda maNegroe) uye runyararo nokurongeka kwazvo.”
Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari huchaparadza nyika iripo isingadi Mwari, kusanganisira vose vasingadi zvechokwadi Jehovha Mwari uye vasingadi vamwe vanhu. (Dhan. 2:44; Ruka 10:25-28) Shoko raMwari rinovimbisa kuti vachapona vachava vanhu “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvak. 7:9) Vachibatanidzwa nokunamata Mwari wechokwadi, nokutenda muna Jesu Kristu uye nokudanana, zvechokwadi vachava mhuri yevanhu vakabatana.