BHOKISI REKUDZIDZISA 9E
“Nguva Yekudzorerwa Kwezvinhu Zvese”
MABASA 3:21
Muapostora Petro paakataura ‘nezvenguva yekudzorerwa kwezvinhu zvese,’ hwaitova uprofita hunoshamisa hwaizozadziswa kubvira paizotanga Jesu kutonga saMambo kusvikira paizopera makore 1 000.
1914—Jesu Kristu anogadzwa saMambo kudenga. Kudzorerwa kwekunamata kwakachena kunotanga muna 1919
Mazuva Ekupedzisira
AMAGEDHONI—Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000 kunotanga, uye “nguva yekudzorerwa kwezvinhu zvese” inosanganisira upenyu hwakanaka huchapiwa vanhu vakatendeka pano panyika
Kutonga Kwemakore 1 000
KUGUMA KWEMAKORE 1 000—Jesu anopedza basa rese rekudzorera zvinhu pazvaiva, obva adzorera Umambo kuna Baba vake
Paradhiso Isingaperi
UTONGI HWAJESU HUCHAITA KUTI . . .
zita raMwari rikudzwe zvakare
vanorwara vapore
vakwegura vavezve vadiki
vakafa vamuke
vanhu vakatendeka vabvisirwe chivi
nyika ivezve Paradhiso