Vaverengi Vanobvunza Kuti
Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Kuti Ndizvo Chete Here Zvichaponeswa?
Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti zvakawana chitendero chechokwadi. Dai zvisingafungi kudaro, zvaizochinja zvazvinotenda. Kufananawo nevanhu vaya vari muzvitendero zvakasiyana-siyana, Zvapupu zvaJehovha zvinotarisira kuti zvichaponeswa. Zvisinei, zvinotendawo kuti harisi basa razvo kutaura kuti ndiani achaponeswa. Mwari ndiye mutongi wezvose. Ndiye anosarudza.—Isaya 33:22.
Shoko raMwari rinoratidza kuti vaya vachaponeswa havafaniri kungoda kuponeswa chete asiwo vanofanira kushanda pamwe chete noMuponesi. Somuenzaniso: Ngatitii munhu anoita zvokukwira makomo arasika musango. Anoda chaizvo kuwana kwaabva nako. Achafira musango here kana kuti kwete? Magumisiro acho anoenderana nokuti anoita sei paanoda kubatsirwa. Kana achidada, angaramba kubatsirwa nomununuri, kana kuti nomuponesi. Ukuwo, angazvininipisa obvuma kubatsirwa obva asvika pakachengeteka.
Saizvozvowo, vanoshanda pamwe chete noMununuri wevanhu, Jehovha Mwari, ndivo vachaponeswa. Havasi vanhu vose vachaponeswa kunyange zvazvo kuponeswa kuri chipo chinobva kuna Mwari. Mwanakomana waMwari, Jesu, akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.—Mateu 7:21.
Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Mwari achaponesa chete vaya vanotenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu uye vanonyatsotevera dzidziso dzake. (Mabasa 4:10-12) Chimbofunga nezvezvinhu zvitatu zvinokosha kuti munhu aponeswe zvinotaurwa muShoko raMwari.
(1) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti, “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Zvakaitwa naJesu pachake zvokufira vamwe zvakasimbisa kukosha kworudo. Vaya vanoda vamwe vanoratidza unhu hunokosha hunoita kuti munhu aponeswe.
(2) Achinyengetera kuna Baba vake, Jesu akati, “Ndakavazivisa zita renyu.” (Johani 17:26) Jesu aiziva kuti Baba vake, vaikoshesa sei zita ravo rokuti Jehovha. Jesu akanyengetera kuti zita raBaba vake “ritsveneswe.” (Mateu 6:9) Kutsvenesa zita raMwari kunosanganisira kuziva zita iroro uye kurikoshesa nokuriita dzvene. Kufanana naJesu, vaya vanoda kuponeswa vanofanira kushandisa zita raMwari. Vanofanirawo kudzidzisa vamwe zita raMwari nounhu hwake. (Mateu 28:19, 20) Kutaura zvazviri, vaya vanodana pazita raMwari ndivo chete vachaponeswa.—VaRoma 10:13.
(3) Achitaura kuna Pondiyo Pirato, Jesu akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Vanhu vashoma mazuva ano vanoratidza kutenda muUmambo hwaMwari, kana kuti hurumende yake, inotungamirirwa naJesu saMambo. Pane kudaro, vakawanda vanovimba nemasangano evanhu. Kusiyana nevanhu vakadai, vaya vachaponeswa vanotsigira nokuvimbika Umambo hwaMwari nokudzidzisa vamwe kusunungura kwahuchaita vanhu vakatendeka.—Mateu 4:17.
Vaziva zvaidiwa kuti vaponeswe, vadzidzi vaJesu vakati: “Chokwadi, ndiani angaponeswa?” Jesu akapindura kuti: “Zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.” (Ruka 18:18-30) Zvapupu zvaJehovha zvinoedza nokushingaira kuita zvinodiwa kuti zviponeswe. Zvinoshandawo nesimba kuti zvibatsire vamwe kuti vaponeswe.