2 Samueri
23 Zvino aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:+
“Zvakataurwa naDhavhidhi mwanakomana waJese,+
Zvakataurwa nomurume akakwidziridzwa,+
Muzodziwa+ waMwari waJakobho,
Iye munhu akanaka anoimbwa munziyo+ dzaIsraeri.
3 Mwari waIsraeri akati,
Dombo raIsraeri rakataura neni rikati,+
‘Munhu anotonga vanhu paanenge akarurama,+
Achitonga achitya Mwari,+
4 Zvinobva zvaita sechiedza chemangwanani, panopenya zuva,+
Mangwanani asina makore.
Uswa hunobudiswa panyika nechiedza uye nemvura.’+
5 Imba yangu haina kuita saizvozvo kuna Mwari here?+
Nokuti akandipa sungano inogara nokusingagumi,+
Yakarongwa zvakanaka muzvinhu zvose uye yakasimba.+
Nokuti iyo ndiyo ruponeso+ rwangu rwose nomufaro wangu wose,
Handizvo zvichaita kuti aikudze here?+
6 Asi vanhu pasina+ vanorasirwa kure,+ sezvinoitwa makwenzi eminzwa,+ ivo vose zvavo;
Nokuti havafaniri kutorwa noruoko.
7 Munhu paanovabata
Anofanira kunge akashongedzwa zvakakwana nesimbi nomubato wepfumo,
Vachanyatsopiswa nomoto.”+
8 Aya ndiwo mazita evarume vaDhavhidhi vaiva nesimba:+ Joshebhi-bhashebheti+ muTakemoni, aiva mukuru wevatatu. Akavheyesera pfumo rake vanhu mazana masere akavauraya panguva imwe chete. 9 Aimutevera aiva Eriyezari+ mwanakomana waDhodho+ mwanakomana waAhohi aiva mumwe wevarume vatatu vaDhavhidhi vaiva nesimba pavakashora vaFiristiya. Vakanga vaungana ikoko nokuda kwehondo, naizvozvo varume vaIsraeri vakadzoka shure.+ 10 Iye ndiye akasimuka, akaramba achiuraya vaFiristiya kusvikira ruoko rwake rwaneta uye ruoko rwake rwakaramba rwakanamatira bakatwa,+ zvokuti Jehovha akaponesa kwazvo pazuva iroro;+ asi vanhu vakazodzoka vachimutevera kuti vangonopfekenura vaya vakanga vaurayiwa.+
11 Aimutevera aiva Shamaa mwanakomana waAgee muHarari.+ VaFiristiya vakaungana kuRehi, kwaiva nechikamu chomunda chakanga chizere nenyemba;+ uye vanhu vakatiza vaFiristiya. 12 Asi iye akamira pakati pechikamu chacho, akachinunura, akaramba achiuraya vaFiristiya, zvokuti Jehovha akaponesa kwazvo.+
13 Vatatu vevakuru makumi matatu+ vakaenda, vakasvika kwaiva naDhavhidhi kubako reAdhuramu+ panguva yokukohwa; uye musha wematende wevaFiristiya wakanga wakadzikwa mubani revaRefaimu.+ 14 Panguva iyoyo Dhavhidhi aiva munzvimbo yakaoma kusvika;+ uye panguva iyoyo boka revarwi vanorinda+ revaFiristiya raiva muBhetrehema. 15 Kwapera nguva yakati, Dhavhidhi akataura zvaaipanga, akati: “Haiwa, kudai ndanwa mvura yomumugodhi wokuBhetrehema uri pagedhi!”+ 16 Varume vacho vatatu vaiva nesimba vakabva vamanikidzira kupinda mumusasa wevaFiristiya, vakachera mvura mumugodhi wokuBhetrehema waiva pagedhi, vakaitakura, vakaenda nayo kwaiva naDhavhidhi;+ uye akaramba kuinwa, asi akaidururira+ kuna Jehovha. 17 Iye akati: “Handingambofungi kuita zvakadaro,+ haiwa Jehovha, kuti ndiite izvi! Ndinganwa ropa+ revarume vaenda vachiisa mweya yavo pangozi here?” Uye akaramba kuinwa.
Izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa nevarume vacho vatatu vaiva nesimba.
18 Abhishai+ mwana wababa vaJoabhi mwanakomana waZeruya,+ aiva mukuru wemakumi matatu, uye akavheyesera pfumo rake vanhu mazana matatu akavauraya, uye aiva nomukurumbira wakaita sowevatatu vaya.+ 19 Kunyange zvazvo aikudzwa kupfuura vamwe vose makumi matatu, uye kunyange zvazvo akava mukuru wavo, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vokutanga.+
20 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha+ mwanakomana womurume akanga akashinga, akaita mabasa mazhinji muKabhuzeeri,+ akauraya vanakomana vaviri vaArieri wokuMoabhi; uye akaburuka, akauraya shumba+ mugomba remvura pazuva rakanaya chando.+ 21 Ndiye akauraya mumwe murume muIjipiti akanga akanyanyisa kukura.+ Kunyange zvazvo muIjipiti wacho akanga akabata pfumo, asi iye akaenda kwaaiva aine tsvimbo, akabvuta pfumo racho muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake.+ 22 Izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa naBhenaya+ mwanakomana waJehoyadha; uye akanga aine mukurumbira wakaita sowevarume vatatu vaiva nesimba.+ 23 Kunyange zvazvo aikudzwa kutopfuura vane makumi matatu, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vacho; asi Dhavhidhi akamuisa kuvarindi vake.+
24 Asaheri+ mukoma waJoabhi aiva mumwe wemakumi matatu; Erihanani+ mwanakomana waDhodho wokuBhetrehema, 25 Shamaa+ muHarodhi, Erika muHarodhi, 26 Herezi+ muPariti, Ira+ mwanakomana waIkeshi+ muTekoa, 27 Abhi-ezeri+ muAnatoti,+ Mebhunai muHusha,+ 28 Zarimoni muAhohi,+ Maharai+ muNetofa, 29 Herebhu+ mwanakomana waBhaana muNetofa, Itai+ mwanakomana waRibhai wokuGibhiya revanakomana vaBhenjamini, 30 Bhenaya+ muPiratoni, Hidhai wokumipata ine hova yeGaashi,+ 31 Abhi-aribhoni muAbhati, Azmavheti+ muBha-humu, 32 Eriyabha muShaaribhoni, vanakomana vaJasheni, Jonatani,+ 33 Shamaa muHarari, Ahiyamu+ mwanakomana waSharari muHarari, 34 Erifereti mwanakomana waAhasibhai mwanakomana womuMaakati, Eriyamu mwanakomana waAhitoferi+ muGiro, 35 Hezro+ muKameri, Paarai muAbhi, 36 Igari mwanakomana waNatani+ wokuZobha, Bhani muGadhi, 37 Zereki+ muAmoni, Naharai muBheeroti, vatakuri vezvombo vaJoabhi mwanakomana waZeruya, 38 Ira muItri,+ Garebhi+ muItri, 39 Uriya+ muHiti—vose pamwe chete makumi matatu nevanomwe.