Isaya 9:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+ Isaya 11:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Zvino pachigutsa chaJese+ pachabuda davi;+ uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.+ Amosi 9:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 “‘Pazuva iroro ndichamutsa+ dumba+ raDhavhidhi rakawa,+ uye ndichagadzira nzvimbo dzavo dzakaputswa. Ndichamutsa matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita mumazuva ekare kare,+
7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+
11 Zvino pachigutsa chaJese+ pachabuda davi;+ uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.+
11 “‘Pazuva iroro ndichamutsa+ dumba+ raDhavhidhi rakawa,+ uye ndichagadzira nzvimbo dzavo dzakaputswa. Ndichamutsa matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita mumazuva ekare kare,+