Jobho
36 Zvino Erihu akatizve:
2 “Ndishivirire kwenguva duku, uye ndichakuzivisa
Kuti pachine mashoko okuti nditaure nokuda kwaMwari.
5 Tarira! Mwari ane simba+ uye haazorambi munhu;
Iye ane simba guru romwoyo une njere;
6 Haazochengetedzi munhu akaipa ari mupenyu,+
Asi acharuramisira vanotambudzika.+
7 Haazobvisi maziso ake pamunhu akarurama;+
Kunyange madzimambo anogara pachigaro choumambo+—
Iye achaitawo kuti agare pachigaro nokusingaperi, uye achakwidziridzwa.
9 Iye achabva aaudza pamusoro penzira yaanoita nayo
Pamwe chete nokudarika kwawo, nokuti anozvikudza kwazvo.
10 Iye achavhura nzeve dzawo kuti dzinzwe kurayira,+
Uye achaarayira kuti atendeuke pane zvinhu zvinokuvadza.+
11 Kana akateerera, akamushumira,
Achapedzera mazuva awo mune zvakanaka
Nemakore awo mune zvinofadza.+
14 Mweya yavo ichafa vachiri vaduku,+
Uye upenyu hwavo huchafira pakati pepfambi dzechirume dzepatemberi.+
15 Achanunura anotambudzika mukutambudzika kwake,
Uye achavhura nzeve dzavo pavanenge vachidzvinyirirwa.
16 Achakubvisawo pamuromo wokutambudzika!+
Nzvimbo yakafara,+ isina kumanikana, ichava panzvimbo payo,
Uye zvinonyaradza zvetafura yako zvichazara nemafuta.+
18 Chenjerera kuti kutsamwa+ hakukufuriri kuti uombere nepfini,
Uye rudzikinuro+ rukuru ngarurege kukutsausa.
19 Kuchemera kwako kubatsirwa kuchabatsira here?+ Aiwa, kunyange mukutambudzika
Kunyange kuedza kwako kwose kune simba.+
20 Usashuva usiku,
Kuti marudzi abve paanenge ari.
21 Chenjerera kuti usatsaukira kune zvinhu zvinokuvadza,+
Nokuti wakasarudza izvi panzvimbo pokutambudzika.+
22 Tarira! Mwari anoita zvinhu zvakakwirira nesimba rake;
Ndiani murayiridzi akafanana naye?
23 Ndiani akaita kuti azvidavirire kwaari nokuda kwenzira yake,+
Uye ndiani akati, ‘Makaita zvisina kururama’?+