Rumbo. Rwiyo rwaDhavhidhi.
108 Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari.+
Ndichaimba uye ndichaimba rwiyo,+
Kukudzwa kwangu kuchaimbawo.+
2 Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo, haiwa rudimbwa.+
Ndichamutsa mambakwedza.+
3 Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha;+
Ndichakuimbirai ndiri pakati pemapoka emarudzi.+
4 Nokuti mutsa wenyu worudo mukuru kusvikira kumatenga,+
Nechokwadi chenyu kusvikira kumatenga.+
5 Haiwa kwidziridzwai pamusoro pematenga, haiwa Mwari;+
Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.+
6 Kuti vamunoda vanunurwe,+
Haiwa, ponesai noruoko rwenyu rworudyi mundipindure.+
7 Mwari akataura muutsvene hwake+ achiti:
“Ndichapembera nomufaro, ndichaganhura+ Shekemu kuti ive nhaka;+
Ndichayera bani reSukoti.+
8 Giriyedhi+ ndeyangu; Manase+ ndeyangu;
Efremu inhare yomukuru wangu;+
Judha mudonzvo wangu womutungamiriri.+
9 Moabhi+ ihari yangu yokugezera.+
Ndichakanda hwashu yangu pamusoro peEdhomu.+
Ndichashevedzera mukukunda pamusoro peFiristiya.”+
10 Ndiani achandiendesa kuguta rakavakirirwa?+
Ndiani achanditungamirira kusvikira kuEdhomu?+
11 Haiwa Mwari, hamusi imi here makatirasa+
Uye musingaendi nemauto edu saMwari wedu?+
12 Tibatsirei mukutambudzika,+
Sezvo kuponeswa nomunhu wepanyika kusingabatsiri.+
13 Tichapiwa simba naMwari,+
Uye iye achatsika-tsika mhandu dzedu.+