BHUKU RECHISHANU
(Mapisarema 107 – 150)
107 Haiwa, ongai Jehovha, nokuti akanaka;+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+
2 Vakanunurwa naJehovha ngavataure saizvozvo,+
Vaakanunura muruoko rwemhandu,+
3 Vaakaunganidza kubva munyika zhinji,+
Kubva kunobuda zuva uye kubva kumavirazuva,+
Kubva kuchamhembe uye kubva kumaodzanyemba.+
4 Vakadzungaira vari murenje,+ vari mugwenga;+
Havana kuwana nzira inoenda kuguta ravaigona kugara.+
5 Vaiva nenzara, uyewo vaiva nenyota;+
Mweya yavo yaiva mukati mavo yakatanga kupera simba.+
6 Vakaramba vachichema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo;+
Iye akavanunura munhamo dzavo,+
7 Akaita kuti vafambe munzira yakarurama,+
Kuti vasvike kuguta ravaigona kugara.+
8 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+
Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
9 Nokuti akagutsa mweya une nyota;+
Akazadza mweya une nzara nezvinhu zvakanaka.+
10 Paiva nevaya vaigara murima nomuzarima,+
Vasungwa vaitambudzika uye vakanga vakasungwa nesimbi.+
11 Nokuti vakanga vapandukira+ mashoko aMwari;+
Vakanga vasina kuremekedza zano reWokumusorosoro.+
12 Naizvozvo akakunda mwoyo yavo nokunetseka;+
Vakagumburwa, asi hapana akanga achivabatsira.+
13 Vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;+
Iye akavaponesa panhamo dzavo sezvaaigara achiita.+
14 Akavabudisa murima nomuzarima,+
Akatodambura zvisungo zvavo.+
15 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+
Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
16 Nokuti akatyora masuo emhangura,+
Uye akatemawo mizariro yesimbi.+
17 Vaya vaiva mapenzi, nokuda kwenzira yavo yokudarika+
Uye nokuda kwokukanganisa kwavo, vakazozvitambudza.+
18 Mweya yavo yakatosema zvokudya zvemarudzi ose,+
Vakanga vava kusvika pamagedhi orufu.+
19 Vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;+
Iye akavaponesa munhamo dzavo sezvaaigara achiita.+
20 Akatuma shoko rake, akavaporesa,+
Akavapukunyutsa mumakomba avo.+
21 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+
Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
22 Ngavape zvibayiro zvokuonga,+
Vazivise mabasa ake vachishevedzera nomufaro.+
23 Vaya vanoburukira kugungwa vari mungarava,+
Vachiita bhizimisi pamusoro pemvura zhinji,+
24 Ndivo vakaona mabasa aJehovha+
Nemabasa ake anoshamisa munzvimbo dzakadzika;+
25 Matauriro aanoita shoko racho omutsa dutu guru,+
Zvokuti rinosimudza mafungu aro.+
26 Vanokwira kudenga,
Vanoburukira kunzvimbo dziri pasi.
Mweya yavo inopera simba nokuda kwedambudziko.+
27 Vanodzedzereka nokutatarika somunhu akadhakwa,+
Uchenjeri hwavo hwose hunovhiringidzika.+
28 Vanotanga kuchema kuna Jehovha vachitambudzika,+
Iye anovabudisa munhamo dzavo.+
29 Anodzikamisa dutu remhepo,+
Zvokuti mafungu egungwa anonyarara.+
30 Vanofara nokuti aya adzikama,
Uye iye anovatungamirira kunzvimbo yakachengeteka yavanofarira.+
31 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+
Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
32 Ngavamurumbidze vari muungano yevanhu;+
Ngavamurumbidze vari panzvimbo inogara varume vakwegura.+
33 Anochinja nzizi kuti dzive renje,+
Nenzvimbo dzine mvura inofashukira kuti dzive nyika yakaoma,+
34 Nyika inobereka kuva nyika ine munyu,+
Nokuda kwokuipa kwevaya vanogara mairi.
35 Anochinja renje kuti rive dziva remvura rine tsanga zhinji,+
Nenyika yenzvimbo isina mvura kuti ive nzvimbo ine mvura inofashukira.+
36 Anoita kuti vane nzara vagare ikoko,+
Zvokuti vanosimbisa guta ravanogona kugara.+
37 Vanodyara minda nokusima minda yemizambiringa,+
Kuti ibereke zvirimwa zvizhinji.+
38 Anovakomborera zvokuti zvinova zvizhinji kwazvo;+
Haaiti kuti zvipfuwo zvavo zvive zvishoma.+
39 Zvakare zvinova zvishoma zvoti hwatata pasi+
Nokuda kwokumanikidzwa, dambudziko neshungu.+
40 Ari kudurura kuzvidzwa pamusoro pevanokudzwa,+
Zvokuti anovadzungairisa munzvimbo isina chinhu, musina nzira.+
41 Asi anodzivirira murombo pakutambudzika+
Uye anomuchinja kuti ave mhuri seboka rezvipfuwo.+
42 Vakarurama vanozviona vofara;+
Asi kusarurama kwose kuchavhara muromo wakwo.+
43 Ndiani akachenjera? Iye achaona zvinhu izvi,+
Ofungisisa mabasa aJehovha omutsa worudo.+