Mapisarema 114 Israeri paakabuda muIjipiti,+Imba yaJakobho ichibva kuvanhu vaitaura zvisinganzwisisiki,+ 2 Judha akava nzvimbo yake tsvene,+Israeri akava nzvimbo yake huru yaaidzora.+ 3 Gungwa rakazviona rikatiza;+Rwizi rwaJodhani rwakadzokera shure.+ 4 Makomo akasvetuka-svetuka sezvinoita makondohwe,+Zvikomo zvakaita sezvinoita makwayana. 5 Wakanga waita sei, haiwa iwe gungwa, zvawakatiza,+Haiwa iwe Jodhani, zvawakadzokera shure?+ 6 Haiwa imi makomo, zvamakasvetuka-svetuka sezvinoita makondohwe;+Haiwa imi zvikomo, sezvinoita makwayana?+ 7 Rwadziwa nemhosva yaIshe, haiwa iwe nyika,+Nemhosva yaMwari waJakobho, 8 Iye anochinja dombo kuti rive dziva rine tsanga zhinji,+Iro dombo rakaoma kwazvo kuti rive chitubu chemvura.+