115 Isu hatina chatiinacho, haiwa Jehovha, isu hatina chatiinacho,+
Asi imi kudzai zita renyu+
Maererano nomutsa wenyu worudo, maererano nechokwadi chenyu.+
2 Marudzi angataurirei kuti:+
“Zvino Mwari wavo ari kupi?”+
3 Asi Mwari wedu ari kumatenga;+
Akaita zvinhu zvose zvaanofarira kuita.+
4 Zvidhori zvavo isirivha nendarama,+
Iro basa remaoko omunhu wepanyika.+
5 Zvine muromo, asi hazvigoni kutaura;+
Zvine maziso, asi hazvigoni kuona;+
6 Zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa.+
Zvine mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza.+
7 Zvine maoko, asi hazvigoni kubata.+
Zvine tsoka, asi hazvigoni kufamba;+
Hazvitauri nepahuro pazvo.+
8 Vaya vanozvigadzira vachanyatsofanana nazvo,+
Vose vaya vanovimba nazvo.+
9 Haiwa imi vaIsraeri, vimbai naJehovha;+
Ndiye mubatsiri wenyu nenhoo yenyu.+
10 Haiwa imi imba yaAroni, vimbai naJehovha;+
Ndiye mubatsiri wenyu nenhoo yenyu.+
11 Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha;+
Ndiye mubatsiri wenyu nenhoo yenyu.+
12 Jehovha akatiyeuka; achatikomborera,+
Achakomborera imba yaIsraeri,+
Achakomborera imba yaAroni.+
13 Achakomborera vaya vanotya Jehovha,+
Vaduku pamwe chete nevakuru.+
14 Jehovha achaita kuti muwedzere,+
Imi nevanakomana venyu.+
15 Ndimi makakomborerwa naJehovha,+
Muiti wedenga nenyika.+
16 Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha,+
Asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.+
17 Vakafa havarumbidzi Jah,+
Kunyange vaya vanoburukira kurunyararo.+
18 Asi isu ticharumbidza Jah+
Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+
Rumbidzai Jah!+