Mapisarema 113 Rumbidzai Jah!+Haiwa imi vashumiri vaJehovha, murumbidzei,+Rumbidzai zita raJehovha.+ 2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe+Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+ 3 Kubvira pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro+Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.+ 4 Jehovha ava pamusoro pemarudzi ose;+Kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.+ 5 Ndiani akaita saJehovha Mwari wedu,+Iye anogara pakakwirira?+ 6 Anozvideredza kuti atarire denga nenyika,+ 7 Achisimudza munhu akaderera kubva muguruva;+Anokwidziridza murombo kubva mugomba remadota,+ 8 Kuti aite kuti agare nevanokudzwa,+Nevanokudzwa vevanhu vake.+ 9 Anoita kuti mukadzi asingabereki agare mumba+Saamai vanofara vevanakomana.+Rumbidzai Jah!+