Mapisarema Rwiyo Rwokukwira. 120 Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika,+Iye akandipindura.+ 2 Haiwa Jehovha, nunurai mweya wangu pamiromo yenhema,+Parurimi runonyengera.+ 3 Munhu achakupei, uye munhu achakuwedzerei,Haiwa iwe rurimi runonyengera?+ 4 Miseve yakarodzwa yomurume ane simba,+Pamwe chete nemarasha anobvira emiti yemitsvairo.+ 5 Ndine nhamo, nokuti ndakagara ndiri mutorwa muMesheki!+Ndakagara pamwe chete nematende eKedhari.+ 6 Mweya wangu wakagara kwenguva refu kwazvo+Nevanovenga rugare.+ 7 Ndinomiririra rugare;+ asi pandinotaura,Ivo vanoda zvehondo.+