א [ʼAʹleph]
119 Vanofara vasina mhosva panzira dzavo,+
Vaya vanofamba mumutemo waJehovha.+
2 Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zvake;+
Vanoramba vachimutsvaka nomwoyo wose.+
3 Chokwadi havana kuita zvisina kururama.+
Vakafamba munzira dzake.+
4 Imi makapa mirayiro yenyu muchiita zvokurayira+
Kuti inyatsochengetwa.+
5 Haiwa, kudai nzira dzangu dzakanga dzakasimbiswa kwazvo+
Kuti ndichengete mirau yenyu!+
6 Ipapo handinganyadziswi,+
Pandinonyatsotarira kumirayiro yenyu yose.+
7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama,+
Pandinodzidza zvamakatonga zvakarurama.+
8 Ndinoramba ndichichengeta mirayiro yenyu.+
Haiwa, musandisiya zvachose.+
ב [Behth]
9 Jaya+ ringachenesa nzira yaro sei?
Nokuramba rakarinda maererano neshoko renyu.+
10 Ndakakutsvakai nomwoyo wangu wose.+
Musaita kuti nditsauke pamirayiro yenyu.+
11 Ndakachengeta shoko renyu mumwoyo mangu,+
Kuti ndirege kukutadzirai.+
12 Rumbidzwai, haiwa Jehovha.
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
13 Ndakazivisa nemiromo yangu+
Zvose zvamakatonga nomuromo wenyu.+
14 Ndakapembera nomufaro munzira yezviyeuchidzo zvenyu,+
Sezvandakaita nokuda kwezvimwe zvinhu zvose zvinokosha.+
15 Ndichafungisisa mirayiro yenyu,+
Uye ndichanyatsotarira kumakwara enyu.+
16 Ndichada kwazvo mirau yenyu.+
Handizokanganwi shoko renyu.+
ג [Giʹmel]
17 Itirai mushumiri wenyu zvakakodzera, kuti ndirarame+
Uye kuti ndichengete shoko renyu.+
18 Vhurai maziso angu, kuti nditarire+
Zvinhu zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu.+
19 Ndinongovawo zvangu mutorwa munyika.+
Musandivanzira mirayiro yenyu.+
20 Mweya wangu wapera simba nokusuwa+
Zvamakatonga nguva dzose.+
21 Makatuka vanozvikudza, vaya vakatukwa,+
Vanotsauka pamitemo yenyu.+
22 Ndibvisirei kushorwa nokuzvidzwa,+
Nokuti ndakachengeta zviyeuchidzo zvenyu.+
23 Kunyange machinda akagara pasi; akataurirana pamusoro pangu.+
Asi mushumiri wenyu anofungisisa mirau yenyu.+
24 Uyewo, ndinoda kwazvo zviyeuchidzo zvenyu,+
Sevarume vanondipa mazano.+
ד [Daʹleth]
25 Mweya wangu wave wakanamatira kuguruva.+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+
26 Ndakazivisa nzira dzangu, kuti mundipindure.+
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
27 Itai kuti ndinzwisise nzira yemirayiro yenyu,+
Kuti ndifungisise mabasa enyu anoshamisa.+
28 Mweya wangu wave usingarari neshungu.+
Ndimutsei maererano neshoko renyu.+
29 Ndibvisirei nzira yenhema,+
Mundinzwire nyasha nomutemo wenyu.+
30 Ndakasarudza nzira yokutendeka.+
Ndakaona kuti zvamakatonga zvakakodzera.+
31 Ndakanamatira kuzviyeuchidzo zvenyu.+
Haiwa Jehovha, musandinyadzisa.+
32 Ndichamhanya nenzira yemirayiro yenyu,+
Nokuti munoita kuti mwoyo wangu uve nenzvimbo yacho.+
ה [Heʼ]
33 Haiwa, Jehovha, ndirayiridzei nzira yemirau yenyu,+
Kuti ndiichengete kusvikira pakupedzisira.+
34 Itai kuti ndinzwisise, kuti ndichengete mutemo wenyu+
Uye kuti ndiuchengete nomwoyo wose.+
35 Ndifambisei mugwara remirayiro yenyu,+
Nokuti ndakarifarira.+
36 Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu,+
Kwete kuwana mubereko.+
37 Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira;+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu panzira yenyu.+
38 Itirai mushumiri wenyu zvamakataura+
Zvichaita kuti akutyei.+
39 Bvisai kuzvidzwa kwangu, kwandave ndichitya,+
Nokuti zvamakatonga zvakanaka.+
40 Tarirai! Ndakasuwa mirayiro yenyu.+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nokururama kwenyu.+
ו [Waw]
41 Mutsa wenyu worudo ngauuye kwandiri, haiwa Jehovha,+
Ruponeso rwenyu maererano nezvamakataura,+
42 Kuti neshoko ndipindure uya ari kundizvidza,+
Nokuti ndakavimba neshoko renyu.+
43 Musabvisa zvachose shoko rechokwadi pamuromo wangu,+
Nokuti ndakamirira zvamakatonga.+
44 Ndichachengeta mutemo wenyu nguva dzose,+
Nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.+
45 Ndichafamba-famba munzvimbo yakakura,+
Nokuti ndakatsvaka mirayiro yenyu.+
46 Ndichataurawo nezvezviyeuchidzo zvenyu pamberi pemadzimambo,+
Handizonyari.+
47 Ndichada kwazvo mirayiro yenyu+
Yandinoda.+
48 Ndichasimudzira zvanza zvangu kumirayiro yenyu yandakada,+
Ndichafungisisa mirau yenyu.+
ז [Zaʹyin]
49 Yeukai shoko ramakataura kumushumiri wenyu,+
Ramakaita kuti ndimirire.+
50 Uku ndiko kunyaradzwa kwangu mukutambudzika kwangu,+
Nokuti zvamakataura zvakandichengetedza ndiri mupenyu.+
51 Vanozvikudza vakandinyomba zvakanyanya.+
Asi handina kutsauka pamutemo wenyu.+
52 Ndakayeuka zvamakatonga kubvira kare kare, haiwa Jehovha,+
Uye izvo zvinondinyaradza.+
53 Kutsamwa kukuru kwakandibata nokuda kwevakaipa,+
Vari kusiya mutemo wenyu.+
54 Mirau yenyu yakava nziyo kwandiri+
Muimba yandaigara ndiri mutorwa.+
55 Ndakayeuka zita renyu usiku, haiwa Jehovha,+
Kuti ndichengete mutemo wenyu.+
56 Izviwo zvakava zvangu,
Nokuti ndakachengeta mirayiro yenyu.+
ח [Chehth]
57 Jehovha ndiye mugove wangu;+
Ndakavimbisa kuchengeta mashoko enyu.+
58 Ndakaita kuti mundinzwire nyasha nomwoyo wangu wose.+
Ndinzwirei nyasha maererano nezvamakataura.+
59 Ndakafunga nezvenzira dzangu,+
Kuti ndidzose tsoka dzangu kuzviyeuchidzo zvenyu.+
60 Ndakakurumidza, handina kunonoka+
Kuchengeta mirayiro yenyu.+
61 Tambo dzevakaipa dzakandikomba.+
Ini handina kukanganwa mutemo wenyu.+
62 Ndinomuka pakati pousiku kuti ndikuongei+
Nokuda kwezvamakatonga zvakarurama.+
63 Ndiri shamwari yevaya vose vanokutyai,+
Neyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.+
64 Mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, wazadza nyika.+
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
ט [Tehth]
65 Makaitira mushumiri wenyu zvakanaka,+
Haiwa Jehovha, maererano neshoko renyu.+
66 Ndidzidzisei zvakanaka,+ kuchenjera+ nezivo,+
Nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.+
67 Ndisati ndava kutambudzika ndaitadza ndisingazivi,+
Asi zvino ndakachengeta zvamakataura.+
68 Makanaka uye muri kuita zvakanaka.+
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
69 Vanozvikudza vakandizora nhema.+
Asi ini ndichachengeta mirayiro yenyu nomwoyo wangu wose.+
70 Mwoyo yavo yaoma semafuta akagwamba.+
Asi ini ndave ndichida kwazvo mutemo wenyu.+
71 Zvakandinakira kuti ndakatambudzika,+
Kuti ndidzidze mirau yenyu.+
72 Mutemo+ womuromo wenyu wakanaka kwandiri,+
Kupfuura zviuru zvendarama nesirivha.+
י [Yohdh]
73 Maoko enyu ndiwo akandiita, akandisimbisa kwazvo.+
Itai kuti ndinzwisise, kuti ndidzidze mirayiro yenyu.+
74 Vaya vanokutyai ndivo vanondiona vofara,+
Nokuti ndakamirira shoko renyu.+
75 Ndinonyatsoziva, haiwa Jehovha, kuti zvamakatonga ndizvo zvakarurama+
Uye kuti makanditambudza nokutendeka.+
76 Ndapota, mutsa wenyu worudo ngaundinyaradze,+
Maererano nezvamakataura kumushumiri wenyu.+
77 Ngoni dzenyu ngadziuye kwandiri, kuti ndirambe ndichirarama;+
Nokuti ndinoda mutemo wenyu kwazvo.+
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe, nokuti vakanditsausa pasina chikonzero.+
Asi ini ndinofungisisa mirayiro yenyu.+
79 Vaya vanokutyai ngavadzoke kwandiri,+
Vaya vanozivawo zviyeuchidzo zvenyu.+
80 Mwoyo wangu ngauve usina mhosva mumirau yenyu,+
Kuti ndirege kunyadziswa.+
כ [Kaph]
81 Mweya wangu wapera simba nokuda kworuponeso rwenyu;+
Ndakamirira shoko renyu.+
82 Maziso angu apera simba nokuda kweshoko renyu,+
Pandinenge ndichiti: “Muchandinyaradza rini?”+
83 Ndava sehombodo+ iri muutsi.
Asi handina kukanganwa mirau yenyu.+
84 Mazuva omushumiri wenyu mangani?+
Muchatonga vaya vanonditambudza rini?+
85 Vanozvikudza vakachera makomba kuti vandibate,+
Vaya vasingawirirani nomutemo wenyu.+
86 Mirayiro yenyu yose yakatendeka.+
Vakanditambudza pasina chikonzero. Haiwa, ndibatsirei.+
87 Vangadai vakandiparadza panyika munguva duku;+
Asi ini handina kusiya mirayiro yenyu.+
88 Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nomutsa wenyu worudo,+
Kuti ndichengete chiyeuchidzo chomuromo wenyu.+
ל [Laʹmedh]
89 Nokusingagumi, haiwa Jehovha,+
Shoko renyu rimire kumatenga.+
90 Kutendeka kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
Makasimbisa nyika kwazvo, kuti irambe yakamira.+
91 Zvakaramba zviripo kusvikira nhasi maererano nezvamakatonga,+
Nokuti izvo zvose vashumiri venyu.+
92 Kudai mutemo wenyu usiri iwo wandinoda kwazvo,+
Ndingadai ndakaparara mukutambudzika kwangu.+
93 Handizokanganwi mirayiro yenyu nokusingagumi,+
Nokuti makandichengetedza nayo ndiri mupenyu.+
94 Ndiri wenyu. Haiwa ndiponesei,+
Nokuti ndakatsvaka mirayiro yenyu.+
95 Vakaipa vakandimirira, kuti vandiparadze.+
Ndinoramba ndichiteerera zviyeuchidzo zvenyu.+
96 Ndakaona kukwana kwose kuchiguma.+
Asi murayiro wenyu wakakura kwazvo.
מ [Mem]
97 Ndinoda mutemo wenyu sei!+
Ndinoufungisisa zuva rose.+
98 Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,+
Nokuti ndowangu nokusingagumi.+
99 Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose,+
Nokuti ndinofungisisa zviyeuchidzo zvenyu.+
100 Ndinonzwisisa kupfuura varume vakuru,+
Nokuti ndakachengeta mirayiro yenyu.+
101 Ndakadzivisa tsoka dzangu kufamba mumakwara ose akaipa,+
Kuti ndichengete shoko renyu.+
102 Handina kutsauka pane zvamakatonga,+
Nokuti imi makandirayiridza.+
103 Zvamunotaura zvave zvichitsvedzerera sei mukanwa mangu,
Kupfuura zvinoita uchi mukanwa mangu!+
104 Ndinonzwisisa zvinhu nokuda kwemirayiro yenyu.+
Ndokusaka ndakavenga makwara ose enhema.+
נ [Nun]
105 Shoko renyu irambi retsoka dzangu,+
Nechiedza panzira yangu.+
106 Ndakapika, uye ndichazviita,+
Kuti ndichengete zvamakatonga zvakarurama.+
107 Ndakatambudzwa kwazvo.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+
108 Ndapota farirai zvinopiwa zvokuzvidira zvomuromo wangu, haiwa Jehovha,+
Uye ndidzidzisei zvamakatonga.+
109 Ndinogara ndakabatira mweya wangu muchanza changu;+
Asi handina kukanganwa mutemo wenyu.+
110 Vakaipa vakanditeyera musungo,+
Asi handina kutsauka pamirayiro yenyu.+
111 Ndakaita kuti zviyeuchidzo zvenyu zvive zvangu nokusingagumi,+
Nokuti ndizvo zvinopembererwa nomufaro nomwoyo wangu.+
112 Ndakaita kuti mwoyo wangu ude kuita mirau yenyu+
Nokusingagumi, kusvikira pakupedzisira.+
ס [Saʹmekh]
113 Ndakavenga vane mwoyo miviri,+
Asi ndakada mutemo wenyu.+
114 Muri nzvimbo yangu yokuvanda nenhoo yangu.+
Ndakamirira shoko renyu.+
115 Ibvai kwandiri, imi vanoita zvakaipa,+
Kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu.+
116 Nditsigirei maererano nezvamakataura, kuti ndirambe ndichirarama,+
Musandinyadzisa nokuda kwetariro yangu.+
117 Nditsigirei, kuti ndiponeswe,+
Uye ndicharamba ndakatarira mirau yenyu nguva dzose.+
118 Makakanda kure vose vaya vakatsauka pamirau yenyu;+
Nokuti kunyengera kwavo inhema.+
119 Makaita kuti vakaipa vose vepanyika varege kuvapo setsvina yakaita furo.+
Naizvozvo ndakada zviyeuchidzo zvenyu.+
120 Muviri wangu wakabvunda nokukutyai;+
Uye ndave ndichitya zvamakatonga.+
ע [ʽAʹyin]
121 Ndakaruramisira uye ndakaita zvakarurama.+
Haiwa, musandisiya ndiri kune vaya vanondibiridzira!+
122 Ivai chokumbofanobata chomushumiri wenyu nokuda kwezvakanaka.+
Vanozvikudza ngavarege kundibiridzira.+
123 Maziso angu apera simba nokuda kworuponeso rwenyu+
Uye nokuda kwezvamunotaura zvakarurama.+
124 Itirai mushumiri wenyu maererano nomutsa wenyu worudo,+
Mundidzidzise mirau yenyu.+
125 Ndiri mushumiri wenyu.+ Itai kuti ndinzwisise,+
Kuti ndizive zviyeuchidzo zvenyu.+
126 Inguva yokuti Jehovha aite chimwe chinhu.+
Ivo vakaputsa mutemo wenyu.+
127 Ndokusaka ndakada mirayiro yenyu+
Kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakanatswa.+
128 Ndokusaka ndakati mirayiro yose yezvinhu zvose yakarurama;+
Ndakavenga makwara ose enhema.+
פ [Peʼ]
129 Zviyeuchidzo zvenyu zvinoshamisa.+
Ndokusaka mweya wangu wakazvichengeta.+
130 Kuziviswa kwemashoko enyu kunopa chiedza,+
Kuchiita kuti vasina zivo vanzwisise.+
131 Ndakashama muromo wangu kwazvo, kuti ndifemereke,+
Nokuti ndakasuwa mirayiro yenyu.+
132 Tendeukirai kwandiri mundinzwire nyasha,+
Maererano nezvamakatongera vaya vanoda zita renyu.+
133 Simbisai tsoka dzangu pane zvamakataura,+
Uye ngaparege kuva nechinhu chinokuvadza chingandidzvinyirira.+
134 Ndidzikinurei pamunhu chero upi zvake anobiridzira,+
Uye ndichachengeta mirayiro yenyu.+
135 Itai kuti chiso chenyu chipenyere mushumiri wenyu,+
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
136 Hova dzemvura dzakayerera mumaziso angu+
Nokuti havana kuchengeta mutemo wenyu.+
צ [Tsa·dhehʹ]
137 Makarurama, haiwa Jehovha,+
Zvamakatonga zvakarurama.+
138 Makarayira zviyeuchidzo+ zvenyu mukururama
Nomukutendeka+ kukuru.
139 Kubishaira kwangu kwandipedza,+
Nokuti mhandu dzangu dzakanganwa mashoko enyu.+
140 Zvamakataura zvakanatswa kwazvo,+
Uye mushumiri wenyu anozvida.+
141 Handikoshi uye ndinozvidzwa.+
Asi handina kukanganwa mirayiro yenyu.+
142 Kururama kwenyu kururama kunogara nokusingagumi,+
Uye mutemo wenyu ichokwadi.+
143 Kutambudzika nokunetseka zvakandiwana.+
Asi ndaida kwazvo mirayiro yenyu.+
144 Kururama kwezviyeuchidzo zvenyu kunogara nokusingagumi.+
Itai kuti ndinzwisise, kuti ndirambe ndichirarama.+
ק [Qohph]
145 Ndakashevedzera nomwoyo wangu wose.+ Ndipindurei, haiwa Jehovha.+
Ndichachengeta mirau yenyu.+
146 Ndakashevedzera kwamuri. Haiwa, ndiponesei!+
Ndichachengeta zviyeuchidzo zvenyu.+
147 Ndakafumomuka utonga huchangotsvuka,+ kuti ndichemere kubatsirwa.+
Ndakamirira mashoko enyu.+
148 Maziso angu akatangira nguva yokurinda kwousiku,+
Kuti ndifungisise pamusoro pezvamakataura.+
149 Haiwa, inzwai inzwi rangu maererano nomutsa wenyu worudo.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nezvamakatonga.+
150 Vaya vanotevera kusazvibata+ vakauya pedyo;
Ivo vakaenda kure nomutemo wenyu.+
151 Muri pedyo, haiwa Jehovha,+
Mirayiro yenyu yose ichokwadi.+
152 Ndakaziva zvimwe zviyeuchidzo zvenyu kare kare,+
Nokuti makavaka nheyo dzazvo kuti dzigare nokusingagumi.+
ר [Rehsh]
153 Haiwa, onai kutambudzika kwangu, mundinunure;+
Nokuti handina kukanganwa mutemo wenyu.+
154 Haiwa, revererai mhosva yangu, mundidzikinure;+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nezvamakataura.+
155 Ruponeso ruri kure nevakaipa,+
Nokuti havana kutsvaka mirau yenyu.+
156 Ngoni dzenyu izhinji, haiwa Jehovha.+
Haiwa, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nezvamakatonga.+
157 Vanonditambudza uye mhandu dzangu vazhinji.+
Asi handina kutsauka pazviyeuchidzo zvenyu.+
158 Ndakaona vaya vanonyengera,+
Uye ndinosemeswa, nokuti havana kuchengeta zvamakataura.+
159 Haiwa, onai kuti ndinoda mirayiro yenyu.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nomutsa wenyu worudo.+
160 Zviri mushoko renyu ichokwadi,+
Uye zvakarurama zvenyu zvose zvamakatonga zvinogara nokusingagumi.+
ש [Sin] kana kuti [Shin]
161 Machinda akanditambudza pasina chikonzero,+
Asi mwoyo wangu wave uchitya mashoko enyu.+
162 Ndinopembera nomufaro pamusoro pezvamakataura+
Sezvinoita munhu paanowana zvakapambwa zvizhinji.+
163 Ndakavenga nhema,+ uye ndinoramba ndichidzisema.+
Ndakada mutemo wenyu.+
164 Ndakakurumbidzai kanomwe pazuva+
Nokuda kwezvamakatonga zvakarurama.+
165 Rugare rukuru ndorwevaya vanoda mutemo wenyu,+
Uye hapana chinovagumbura.+
166 Ndakatarisira ruponeso rwenyu, haiwa Jehovha,+
Uye ndakaita mirayiro yenyu.+
167 Mweya wangu wakachengeta zviyeuchidzo zvenyu,+
Uye ndinozvida zvakanyanya.+
168 Ndakachengeta mirayiro yenyu nezviyeuchidzo zvenyu,+
Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu.+
ת [Taw]
169 Kuchema kwangu kwokuteterera ngakusvike pamberi penyu, haiwa Jehovha.+
Haiwa, itai kuti ndinzwisise, maererano nezvamakataura.+
170 Kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha ngakuve pamberi penyu.+
Haiwa ndinunurei maererano neshoko renyu.+
171 Miromo yangu ngaipupume nokurumbidza,+
Nokuti munondidzidzisa mirau yenyu.+
172 Rurimi rwangu ngaruimbe zvamakataura,+
Nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.+
173 Ruoko rwenyu ngarundibatsire,+
Nokuti ndakasarudza mirayiro yenyu.+
174 Ndasuwa ruponeso rwenyu, haiwa Jehovha,+
Uye ndinoda mutemo wenyu kwazvo.+
175 Mweya wangu ngaurambe uchirarama uye uchikurumbidzai,+
Uye zvamakatonga ngazvindibatsire.+
176 Ndakadzungaira segwai rarasika.+ Haiwa, tsvakai mushumiri wenyu,+
Nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.+