33 Haiwa imi vakarurama, shevedzerai nomufaro nokuda kwaJehovha.+
Zvakakodzera kuti vakarurama varumbidze.+
2 Ongai Jehovha norudimbwa;+
Muimbirei nechiridzwa chine tambo gumi.+
3 Muimbirei rwiyo rutsva;+
Nyatsoridzai tambo dzacho muchishevedzera nomufaro.+
4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama,+
Basa rake rose rinoitwa nokutendeka.+
5 Iye anoda kururama nokururamisira.+
Nyika izere nomutsa worudo waJehovha.+
6 Matenga akaitwa neshoko raJehovha,+
Uye uto rose riri maari rakaitwa nokufema kwomuromo wake.+
7 Anounganidza mvura yomugungwa sezvinoitwa dziva,+
Achiisa mvura ine mafungu mumatura.
8 Vose vaya vomunyika ngavatye Jehovha.+
Vagari vose vomunyika inobereka ngavatye.+
9 Nokuti iye akataura, izvo zvikavapo;+
Iye akarayira, izvo zvikamira saizvozvo.+
10 Jehovha akaputsa zano remarudzi;+
Akaita kuti pfungwa dzevanhu dzikundikane.+
11 Zano raJehovha richamira nokusingagumi;+
Pfungwa dzomwoyo wake dzicharamba dziripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.+
12 Runofara rudzi runa Mwari warwo anonzi Jehovha,+
Ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.+
13 Jehovha anotarira ari kumatenga,+
Anoona vanakomana vose vevanhu.+
14 Ari panzvimbo isingachinji yaanogara+
Anoramba akatarira vose vanogara panyika.
15 Anoumba mwoyo yavo vose zvavo;+
Anofunga nezvemabasa avo ose.+
16 Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwemauto ehondo;+
Murume ane simba haanunurwi nokuwanda kwesimba.+
17 Bhiza rinonyengera pakuponeswa,+
Harigoni kupukunyutsa nokuwanda kwesimba raro guru.+
18 Tarirai! Ziso raJehovha riri kune vaya vanomutya,+
Kune vaya vanomirira mutsa wake worudo,+
19 Kuti anunure mweya yavo parufu,+
Uye kuti avachengetedze vari vapenyu panzara.+
20 Mweya yedu yave ichimirira Jehovha.+
Iye mubatsiri wedu nenhoo yedu.+
21 Nokuti mwoyo yedu inofara maari;+
Nokuti takaisa chivimbo chedu muzita rake dzvene.+
22 Mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, ngauve patiri,+
Sezvatakaramba takakumirirai.+