Rwiyo rwaDhavhidhi, panguva yaakanyepedzera kupenga+ ari pamberi paAbhimereki, zvokuti iye akamudzinga, akaenda.
א [ʼAʹleph]
34 Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose;+
Kurumbidzwa kwake kuchava mumuromo mangu nguva dzose.+
ב [Behth]
2 Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;+
Vanyoro vachazvinzwa uye vachafara.+
ג [Giʹmel]
3 Haiwa kudzai Jehovha pamwe chete neni,+
Ngatikudzei zita rake pamwe chete.+
ד [Daʹleth]
4 Ndakabvunza Jehovha, iye akandipindura,+
Akandinunura pazvinhu zvose zvaindityisa.+
ה [Heʼ]
5 Vakatarira kwaari vakafara,+
Zviso zvavo zvaisagona kunyadziswa.+
ז [Zaʹyin]
6 Uyu anotambudzika akashevedza, Jehovha akazvinzwa.+
Akamununura mukutambudzika kwake kwose.+
ח [Chehth]
7 Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya,+
Uye inovanunura.+
ט [Tehth]
8 Haiwa ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;+
Anofara murume anopotera kwaari.+
י [Yohdh]
9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,+
Nokuti vaya vanomutya havana chavanoshayiwa.+
כ [Kaph]
10 Vana veshumba vava nezenze vave vaine zvishoma, vakava nenzara;+
Asi vaya vanotsvaka Jehovha havazoshayiwi chero chinhu chipi zvacho chakanaka.+
ל [Laʹmedh]
11 Uyai, imi vanakomana, nditeererei;+
Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.+
מ [Mem]
12 Ndiani murume anofarira upenyu,+
Anoda mazuva akakwana kuti aone zvakanaka?+
ס [Nun]
13 Chengetedza rurimi rwako pane zvakaipa,+
Nemiromo yako pakutaura zvokunyengera.+
ס [Saʹmekh]
14 Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka;+
Tsvaka rugare, urutevere.+
ע [ʽAʹyin]
15 Maziso aJehovha ari pane vakarurama,+
Uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.+
פ [Peʼ]
16 Chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvakaipa,+
Kuti abvise kutaurwa nezvavo panyika.+
פ [Tsa·dhehʹ]
17 Vakachema, Jehovha akanzwa,+
Akavanunura pakutambudzika kwavo kwose.+
ק [Qohph]
18 Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo;+
Anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.+
ר [Rehsh]
19 Matambudziko omunhu akarurama mazhinji,+
Asi Jehovha anomununura maari ose.+
ש [Shin]
20 Anorinda mapfupa ose aiyeye;
Hapana rimwe chete rawo rakatyoka.+
ת [Taw]
21 Dambudziko richauraya munhu akaipa;+
Vanovenga munhu akarurama vachanzi vane mhosva.+
22 Jehovha anodzikinura mweya yevashumiri vake;+
Pane vaya vanopotera kwaari hapana kana mumwe chete achanzi ane mhosva.+