Rwiyo rwaDhavhidhi, rwokuyeuchidza.
38 Haiwa Jehovha, musanditsiura makatsamwa,+
Kana kundiruramisa makashatirwa.+
2 Nokuti miseve yenyu yakanyura kwazvo mandiri,+
Ruoko rwenyu rwakauya pamusoro pangu.+
3 Hapana pari nani munyama yangu nokuda kwokutsamwa kwenyu.+
Handina rugare mumapfupa angu nokuda kwechivi changu.+
4 Nokuti kukanganisa kwangu kwapfuura musoro wangu;+
Kuri kundiremera kwazvo somutoro unorema.+
5 Maronda angu ava kunhuhwa, anyenga,
Nokuda kwoupenzi hwangu.+
6 Ndavhiringidzika, ndakotama zvakanyanya;+
Zuva rose ndinofamba-famba ndakasuruvara.+
7 Nokuti muchiuno changu munopisa kwazvo,
Hapana pari nani munyama yangu.+
8 Ndarukutika uye ndanetseka kwazvo;
Ndauura nokuda kwokugomera kwomwoyo wangu.+
9 Haiwa Jehovha, zvandinoda zvose zviri pamberi penyu,
Kugomera kwangu kwanga kusina kuvanzwa kwamuri.+
10 Mwoyo wangu wakarova kwazvo, simba rangu rakapera,
Uyewo handisisina chiedza chemaziso angu.+
11 Vadiwa vangu neshamwari dzangu, vanoramba vakamira kure nehosha yangu,+
Vandinonyatsozivana navo vamira kure.+
12 Asi vaya vanotsvaka mweya wangu vanoteya misungo,+
Vaya vanonditsvakira dambudziko vakataura nezvenhamo,+
Vanoramba vachitaura nemanzwi ari pasi nezvezvinhu zvokunyengera zuva rose.+
13 Asi ini ndaisateerera sezvinoita matsi;+
Ndaisavhura muromo wangu sezvinoita mbeveve.+
14 Ndakaita somunhu akanga asinganzwi,
Uye ndakanga ndisina zvokupikisa nazvo mumuromo mangu.
15 Nokuti ndakamirira imi, haiwa Jehovha;+
Imi makapindura, haiwa Jehovha Mwari wangu.+
16 Nokuti ndakati: “Zvimwe vangazofara pamusoro pangu;+
Tsoka yangu payakafamba ichidzedzereka,+ vaizozvitutumadza kwazvo pamusoro pangu.”+
17 Nokuti ndakanga ndava kuda kukamhina,+
Marwadzo angu aiva pamberi pangu nguva dzose.+
18 Nokuti ndakataura nezvokukanganisa kwangu;+
Ndakatanga kuzvidya mwoyo nezvechivi changu.+
19 Vavengi vangu vapenyu vakava nesimba,+
Vaya vaindivenga pasina vakava vazhinji.+
20 Vaindipa mubayiro wezvakaipa nokuda kwezvakanaka;+
Vakaramba vachindishorawo nokuti ndakatevera zvinhu zvakanaka.+
21 Musandisiya, haiwa Jehovha.
Haiwa Mwari wangu, musaramba muri kure neni.+
22 Chimbidzai kuzondibatsira,+
Haiwa Jehovha imi ruponeso rwangu.+