Mapisarema
BHUKU RECHIPIRI
(Mapisarema 42 – 72)
Kumutungamiriri. Maskiri yevanakomana vaKora.+
2 Mweya wangu une nyota nokuda kwaMwari,+ nokuda kwaMwari mupenyu.+
Ndichauya rini kuti ndizviratidze pamberi paMwari?+
3 Misodzi yangu yava zvokudya masikati nousiku,+
Pavanenge vachiti kwandiri zuva rose: “Mwari wako ari kupi?”+
4 Ndichayeuka zvinhu izvi, uye ndichadururira mweya wangu mukati mangu.+
Nokuti ndaimbopfuura ndiine vanhu vazhinji,
Ndaimbofamba zvishoma nezvishoma ndiri pamberi pavo ndichienda kuimba yaMwari,+
Nenzwi rokushevedzera kwokufara nerokuonga,+
Reboka revanhu riri kupemberera mutambo.+
5 Nei wapererwa netariro, haiwa mweya wangu,+
Nei usina kugadzikana mukati mangu?+
Mirira Mwari,+
Nokuti ndichamurumbidza soruponeso rwangu rukuru.+
6 Haiwa Mwari wangu, mweya wangu wapererwa netariro mukati mangu.+
Ndokusaka ndichikuyeukai,+
Ndiri munyika yaJodhani nepanzvimbo dzakakwirira dzeHemoni,+
Ndiri pagomo duku.+
7 Mvura yakadzika iri kushevedza mvura yakadzika
Panotinhira mapopoma emvura yenyu.
Masaisai enyu ose nemafungu enyu+—
Zvakapfuura nepamusoro pangu.+
8 Jehovha acharayira mutsa wake worudo masikati,+
Rwiyo rwake ruchava neni usiku;+
Ndichanyengetera kuna Mwari woupenyu hwangu.+
9 Ndichati kuna Mwari, iye ibwe rangu:+
“Mandikanganwireiko?+
Ndinofambireiko ndakasuruvara nokuda kwokudzvinyirira kwomuvengi?”+