Zvirevo
18 Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire;+ acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.+
2 Benzi harifariri kuva noungwaru,+ kunze kwokuti kana zviri mumwoyo maro zvikabudiswa pachena.+
3 Panosvika munhu akaipa, kuzvidza kuchasvikawo;+ uye ruzvidzo parunovapo,+ kushora kunovapowo.
4 Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika.+ Tsime rouchenjeri rukova runoyerera.+
5 Kusarura uchifarira munhu akaipa hakuna kunaka,+ kana kutsausa munhu akarurama pakutonga.+
6 Miromo yebenzi inoita kuti pave nokupopotedzana,+ uye muromo waro unoita kuti rirohwe.+
7 Muromo webenzi ndiwo unoriparadza,+ uye miromo yaro musungo kumweya waro.+
8 Mashoko omunhu anochera vamwe akaita sezvinhu zvinomedzwa nokukara,+ zvinopinda mukatikati medumbu.+
9 Uyewo, munhu anoita usimbe pabasa rake+—ihama yeanoparadza.+
10 Zita raJehovha inhare yakasimba.+ Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.+
11 Zvinhu zvinokosha zvomupfumi itaundi rake rakasimba,+ uye anofungidzira kuti zvakaita sorusvingo runodzivirira.+
12 Mwoyo womunhu unoita manyawi kuparadzwa kusati kwasvika,+ uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.+
13 Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa,+ ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.+
14 Mafungiro omunhu angaita kuti ashivirire denda rake;+ asi mafungiro okunetseka, ndiani angaatsungirira?+
15 Mwoyo womunhu anonzwisisa unowana zivo,+ uye nzeve dzevakachenjera dzinotsvaka kuwana zivo.+
16 Chipo chomunhu chichamugadzirira nzvimbo yakakura kwazvo,+ uye chichamuendesa pamberi pevanhu vakuru.+
17 Munhu anotanga kutongerwa mhosva yake akarurama;+ mumwe wake anosvika onyatsomuongorora.+
18 Mujenya unonyaradza kukakavara,+ uye unoparadzanisa vane simba.+
19 Hama inotadzirwa inopfuura taundi rakasimba;+ uye kune kukakavara kwakaita somuzariro weshongwe yokugara.+
20 Dumbu romunhu richaguta nezvibereko zvomuromo wake;+ iye achagutawo nezvibereko zvemiromo yake.+
21 Rufu noupenyu zviri musimba rorurimi,+ uye munhu anoruda achadya zvibereko zvarwo.+
22 Kune awana mudzimai akanaka here?+ Munhu iyeye awana chinhu chakanaka,+ uye achafarirwa naJehovha.+
23 Murombo anotaura achiteterera,+ asi mupfumi anopindura zvakasimba.+
24 Kune shamwari dzinongoda zvokuputsana,+ asi kune shamwari inonamatira kupfuura mukoma.+