Zvirevo
27 Usazvirumbidza pamusoro pezuva rinotevera,+ nokuti hauzivi zvichaunzwa nezuva racho.+
2 Rumbidzwa nomumwe munhu, kwete nomuromo wako; wokune imwe nyika ngaadaro, kwete miromo yako.+
3 Kunetsa kwebenzi kunorema kupfuura zvinhu zviviri+ zvinoti, kurema kwedombo uye mutoro wejecha.+
4 Kune utsinye hwehasha, uyewo hasha dzakaita semafashamo,+ asi ndiani angamira pamberi pegodo?+
5 Kutsiurwa pachena kuri nani+ kupfuura rudo runovanzwa.
6 Maronda anokonzerwa nomunhu anokuda ndeokutendeka,+ asi kutsvoda kwomuvengi zvinhu zvinofanira kutetererwa.+
7 Mweya wakaguta uchatsika-tsika uchi hwomumazinga, asi kumweya une nzara zvinhu zvose zvinovava zvinotapira.+
8 Munhu anotiza panzvimbo yake+ akafanana neshiri inotiza mudendere rayo.+
9 Mafuta nerusenzi+ ndizvo zvinofadza mwoyo, ndizvo zvakaitawo kufadza kweshamwari nokuda kwezano rainopa romweya wose.+
10 Usasiya shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usapinda mumba mehama yako pazuva raunenge uine dambudziko. Muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.+
11 Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu,+ kuti ndigone kupindura iye anondishora.+
12 Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda;+ vasina zivo vanopfuura havo votambura migumisiro yacho.+
13 Kana munhu akazviita chokumbofanobata kumunhu waasingazivi, tora nguo yake;+ uye kana kuri kumukadzi wokumwe, mutorere chokumbofanobata.+
14 Munhu anokomborera wokwake nenzwi guru mangwanani, achanzi atuka.+
15 Mudzimai anokakavara akafanana nedenga reimba rinodonha mvura rinoita kuti munhu atize pazuva remvura inoramba ichingonaya.+ 16 Ani naani anomudzivirira anodzivirira mhepo, uye ruoko rwake rworudyi ruchava nemafuta.
17 Simbi inorodzwa nesimbi. Saizvozvo munhu anorodza chiso chomumwe.+
18 Anochengetedza muonde achadya michero yawo,+ uye anorinda tenzi wake achakudzwa.+
19 Chiso zvachinotarisana nechiso mumvura, ndizvo zvinoitawo mwoyo womunhu nomwoyo womunhu.
20 Sheori nenzvimbo yokuparadza+ hazviguti;+ uyewo maziso omunhu haaguti.+
21 Hari yokunatsira ndeyesirivha,+ uye vira nderendarama;+ asi munhu anoedzwa maererano nokurumbidzwa kwake.+
22 Kunyange ukadzvura benzi nomutsi muduri kuti ritsetseke, pakati pezviyo zvakabanzuka, upenzi hwaro hahuzobvi pariri.+
23 Unofanira kunyatsoziva kuti makwai ako akadini. Isa mwoyo wako pamapoka ako ezvipfuwo;+ 24 nokuti pfuma haigari nokusingagumi,+ uyewo korona yamambo haigari kwezvizvarwa zvose.
25 Uswa hwakasvibirira hwapera, uswa huchangomera hwabuda, uye zvinomera pamakomo zvaunganidzwa.+ 26 Makondohwe maduku ndeokuti uwane zvipfeko,+ uye nhongo ndidzo mutengo womunda. 27 Mukaka wembudzi uchakwana kuva zvokudya zvako, zvokudya zvemhuri yako, uye zvokurarama nazvo+ zvevasikana vako.