Zvirevo
8 Uchenjeri hahurambi huchishevedzera here,+ uye ungwaru hahurambi huchishevedzera here?+ 2 Hwakamira pamusoro penzvimbo dzakakwirira,+ pedyo nenzira, pamharadzano dzemigwagwa. 3 Hunoramba huchishevedzera kwazvo huri padivi pemagedhi, pasuo retaundi,+ uye panopindwa napo huchiti:+
4 “Ndiri kushevedzera kwamuri, haiwa imi varume, uye inzwi rangu rinoshevedza vanakomana vevanhu.+ 5 Haiwa imi vasina zivo, nzwisisai kuva nenjere;+ nemi mapenzi, nzwisisai mwoyo wakangwara.+ 6 Teererai, nokuti ndiri kutaura pamusoro pezvinhu zvikuru,+ uye ndinoshama miromo yangu kuti nditaure nezvokururama.+ 7 Nokuti muromo wangu unotaura chokwadi nenzwi riri pasi pasi;+ uye uipi chinhu chinosemwa nemiromo yangu.+ 8 Mashoko ose omuromo wangu akarurama.+ Pakati pawo hapana chinhu chakamonyana kana chisina kururama.+ 9 Ose zvawo akarurama kumunhu ane ungwaru, uye akarurama kune vaya vanowana zivo.+ 10 Gamuchirai kuranga kwangu kwete sirivha, uye zivo panzvimbo pendarama yakanaka kwazvo.+ 11 Nokuti uchenjeri huri nani kupinda matombo ekorari,+ uye zvimwe zvose zvinofadza hazvingaenzaniswi nahwo.+
12 “Ini uchenjeri, ndakagara nenjere+ uye ndinowana zivo pamusoro pemano okufunga.+ 13 Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+ Ndinovenga kuzvikwidziridza nokudada+ nenzira yakaipa nomuromo unotaura zvakatsauka.+ 14 Ndine zano+ nouchenjeri hunobatsira.+ Ini—kunzwisisa;+ ndine simba.+ 15 Madzimambo anoramba achitonga achishandisa ini, uye machinda anoramba achitema zvakarurama.+ 16 Machinda anoramba achitonga semachinda+ achishandisa ini, uye vanokudzwa vose vanotonga nokururama.+ 17 Ini ndinoda vaya vanondida,+ uye vaya vanonditsvaka ndivo vanondiwana.+ 18 Ndine pfuma nokubwinya,+ nhaka inokosha nokururama.+ 19 Zvibereko zvangu zviri nani kupfuura ndarama, kutopfuura ndarama yakanatswa, uye zvibereko zvangu zvinopfuura sirivha yakanaka kwazvo.+ 20 Ndinofamba mugwara rokururama,+ pakati pemigwagwa yokururamisira,+ 21 kuti ndiite kuti vaya vanondida vagare nhaka pfuma yechokwadi;+ uye ndinoramba ndakazadza matura avo.+
22 “Jehovha akandisika kuti ndivepo sokutanga kwenzira yake,+ wokutanga-tanga pamabasa ake ekare kare.+ 23 Ini ndakagadzwa kubvira kare kare,+ kubvira pakutanga, kubvira panguva apo nyika yakanga isati yavapo.+ 24 Ini ndakaitwa kuti ndivepo sokunge nemarwadzo okusununguka pakwakanga kusina mvura yakadzika,+ pakwakanga kusina zvitubu zvakazara nemvura. 25 Makomo asati adzikwa,+ zvikomo zvisati zvavapo, ini ndakaitwa kuti ndivepo sokunge nemarwadzo okusununguka, 26 iye asati aita nyika,+ nemasango, nemavhinga okutanga evhu renyika inobereka.+ 27 Paakagadzira matenga ndaivapo;+ paakaisa denderedzwa pamusoro pemvura yakadzika,+ 28 paakasimbisa makore ari kumusoro,+ paakaita kuti zvitubu zvemvura yakadzika zvisimbe,+ 29 paakaisa murau wake pagungwa kuti mvura irege kudarika murayiro wake,+ paakaisa murau wenheyo dzepanyika,+ 30 ndaiva padivi pake ndiri mhizha,+ uye ndakava munhu waaida kwazvo+ zuva nezuva, ini ndichifara pamberi pake nguva dzose,+ 31 ndichifarira nyika yake inobereka zvibereko,+ uye ndaifarira kwazvo zvinhu zvaiva nechokuita nevanakomana vevanhu.+
32 “Zvino, haiwa imi vanakomana vangu, nditeererei; chokwadi vanofara vaya vanochengeta nzira dzangu.+ 33 Teererai kurangwa muve vakachenjera,+ uye musaratidza kusava nehanya.+ 34 Anofara munhu anonditeerera nokuramba akamuka ari pamasuo angu zuva nezuva, nokurinda ari pedyo nemagwatidziro emasuo angu.+ 35 Nokuti anondiwana achawana upenyu,+ uye achafarirwa naJehovha.+ 36 Asi anondishayiwa ari kuitira mweya wake chisimba;+ vose vaya vanondivenga kwazvo ndivo vanoda rufu.”+