Ezekieri
48 “Zvino aya ndiwo mazita emadzinza acho. Mugove mumwe chete waDhani+ unobvira kumugumo wokuchamhembe, uri kurutivi ruri pedyo nenzira yokuHetroni+ kusvikira kumuganhu weHamati,+ zvichienda kuHazari-enani,+ iwo muganhu weDhamasiko uri nechokuchamhembe, kurutivi rweHamati; uye iwo uchava nomuganhu wokumabvazuva newokumavirira. 2 Pamuganhu waDhani, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waAsheri.+ 3 Pamuganhu waAsheri, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waNaftari.+ 4 Pamuganhu waNaftari, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waManase.+ 5 Pamuganhu waManase, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waEfremu.+ 6 Pamuganhu waEfremu, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waRubheni.+ 7 Pamuganhu waRubheni, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waJudha.+ 8 Pamuganhu waJudha, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, mupiro wamunofanira kupa unofanira kuva wakafara makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu,+ uye wakareba zvakaenzana nechimwe chikamu chinobva kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati pawo.+
9 “Mupiro wamunofanira kupa Jehovha, unofanira kunge wakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu uye wakafara makubhiti zviuru gumi. 10 Maererano neaya panofanira kuva nomupiro mutsvene wevapristi,+ kuchamhembe makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, uye kumavirira wakafara makubhiti zviuru gumi, uye kumabvazuva wakafara makubhiti zviuru gumi, uye kumaodzanyemba wakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu. Nzvimbo tsvene yaJehovha inofanira kuva pakati pawo.+ 11 Iwo uchava wevapristi, vaya vakatsaurwa pavanakomana vaZadhoki,+ vakachengeta zvavaisungirwa kuti vandiitire, vasina kutsauka vanakomana vaIsraeri pavakatsauka, sokutsauka kwakaita vaRevhi.+ 12 Vanofanira kuwana mupiro unobva pamupiro wenyika yacho sechinhu chitsvenetsvene, pamuganhu wevaRevhi.+
13 “VaRevhi vanofanira kuva+ nenzvimbo yakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, uye yakafara makubhiti zviuru gumi pedyo pedyo nenharaunda yevapristi; yose inofanira kunge yakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu uye yakafara makubhiti zviuru gumi.+ 14 Havafaniri kutengesa chikamu chayo chero chipi zvacho, uye hapana anofanira kuchitsinhanisa, hapana anofanira kuita kuti chikamu chakanaka kwazvo chenyika yacho chitorwe kwavari; nokuti icho chinhu chitsvene kuna Jehovha.+
15 “Kana ari makubhiti zviuru zvishanu anosara kurutivi rwakafara pedyo nemakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, iwo chinhu chakasvibiswa nokuda kweguta,+ kuti ave nzvimbo yokugara neyemafuro. Guta richava pakati pawo.+ 16 Uku ndiko kuyerwa kweguta racho: muganhu wokuchamhembe uchava makubhiti zviuru zvina nemazana mashanu, muganhu wokumaodzanyemba uchava makubhiti zviuru zvina nemazana mashanu, muganhu wokumabvazuva uchava makubhiti zviuru zvina nemazana mashanu, uye muganhu wokumavirira uchava zviuru zvina nemazana mashanu. 17 Guta racho richava nemafuro,+ kuchamhembe makubhiti mazana maviri nemakumi mashanu, kumaodzanyemba mazana maviri nemakumi mashanu, kumabvazuva mazana maviri nemakumi mashanu, uye kumavirira mazana maviri nemakumi mashanu.
18 “Nzvimbo ichasara pakureba kwayo ichange yakanyatsoenzana nomupiro mutsvene,+ makubhiti zviuru gumi kumabvazuva, uye zviuru gumi kumavirira; uye ichafanira kunge yakanyatsoenzana nomupiro mutsvene, uye zvibereko zvayo zvichava zvokudya zvevaya vanoshanda muguta.+ 19 Vaya vanoshanda muguta vanobva kumadzinza ose aIsraeri vachairima.+
20 “Mupiro wacho wose inzvimbo yakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu uye yakafara makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu. Munofanira kupa mupiro une mativi mana akaenzana kuti uve mupiro mutsvene pamwe chete nenzvimbo yeguta racho.
21 “Nzvimbo inosara ichava yejinda,+ kurutivi rwuno nokurutivi urwo rwomupiro mutsvene norwenzvimbo yeguta,+ parutivi penzvimbo yemakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu yomupiro wacho kumuganhu wokumabvazuva; uye kumavirira parutivi penzvimbo yemakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kumuganhu wokumavirira.+ Iyo yakanyatsoenzana nemigove yacho, ichava yejinda. Mupiro mutsvene nenzvimbo tsvene yeImba zvichava pakati payo.
22 “Nzvimbo yevaRevhi nenzvimbo yeguta zvinofanira kuva pakati penzvimbo yejinda. Nzvimbo iri pakati pomuganhu waJudha+ nomuganhu waBhenjamini inofanira kuva yejinda.
23 “Mamwe madzinza ose kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waBhenjamini.+ 24 Pedyo nomuganhu waBhenjamini, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waSimiyoni.+ 25 Pedyo nomuganhu waSimiyoni, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waIsakari.+ 26 Pedyo nomuganhu waIsakari, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waZebhuruni.+ 27 Pedyo nomuganhu waZebhuruni, kubvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira, ndiwo mugove mumwe chete waGadhi.+ 28 Pedyo nomuganhu waGadhi, kumuganhu wokumaodzanyemba, uri nechokumaodzanyemba; uye muganhu wacho uchatangira kuTamari+ kusvikira kumvura yeMeribhati-kadheshi,+ woenda kumupata une rukova,+ kusvikira kuGungwa Guru.+
29 “Iyi ndiyo nyika yamuchaita kuti ive nhaka yemadzinza aIsraeri muchiita zvokukanda mijenya,+ uye iyi ndiyo ichava migove yavo,”+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.
30 “Umu ndimo muchava mokubuda namo kubva muguta: Kumuganhu wokuchamhembe, kuyerwa kwacho kuchava makubhiti zviuru zvina nemazana mashanu.+
31 “Magedhi eguta racho achava maererano nemazita emadzinza aIsraeri, magedhi matatu achange ari kuchamhembe, gedhi raRubheni, rimwe chete; gedhi raJudha, rimwe chete; gedhi raRevhi, rimwe chete.
32 “Kumuganhu wokumabvazuva kuchava nemakubhiti zviuru zvina nemazana mashanu, uye kuchava nemagedhi matatu, gedhi raJosefa, rimwe chete; gedhi raBhenjamini, rimwe chete; gedhi raDhani, rimwe chete.
33 “Muganhu wokumaodzanyemba uchava makubhiti zviuru zvina nemazana mashanu kana wayerwa, uine magedhi matatu, gedhi raSimiyoni, rimwe chete; gedhi raIsakari, rimwe chete; gedhi raZebhuruni, rimwe chete.
34 “Muganhu wokumavirira uchava makubhiti zviuru zvina nemazana mashanu, ikoko kuchava nemagedhi matatu, gedhi raGadhi, rimwe chete; gedhi raAsheri, rimwe chete; gedhi raNaftari, rimwe chete.
35 “Kupoterera rose achava makubhiti zviuru gumi nezvisere; uye zita reguta racho kubvira pazuva iroro richanzi Jehovha Ari Ipapo.”+