Ezekieri
6 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana womunhu, tarira kumakomo aIsraeri, uprofite+ kwaari.+ 3 Uti, ‘Haiwa imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha:+ Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo nokuzvikomo,+ kuhova nokumipata: “Tarirai! ndiri kuunza bakatwa pamuri, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.+ 4 Atari dzenyu dzichaitwa matongo,+ zvigadziko zvenyu zvokupisira rusenzi zvichaputswa, uye ndichaita kuti vanourayiwa venyu vawire pamberi pezvidhori zvenyu zvinosemesa sendove.+ 5 Ndichaisa zvitunha zvevanakomana vaIsraeri pamberi pezvidhori zvavo zvinosemesa sendove, uye ndichaparadzira mapfupa enyu kumativi ose eatari dzenyu.+ 6 Munzvimbo dzenyu dzose dzamunogara,+ maguta achaparadzwa,+ nzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti dziparadzwe+ uye kuti atari dzenyu dziparadzwe dzoputswa,+ zvidhori zvenyu zvinosemesa sendove zvinyangarike,+ zvigadziko zvokupisira rusenzi zvigurwe+ uye mabasa enyu aparadzwe. 7 Anourayiwa achawira pakati penyu,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+
8 “‘“Pazvinoitika ndichaita kuti muve nevanosara, vanopukunyuka pabakatwa pakati pemarudzi, pamunoparadzirwa kunyika dzose.+ 9 Vanopukunyuka venyu vachandiyeuka vari pakati pemarudzi kwavachange vatapwa,+ nokuti ndave ndakaora mwoyo nokuda kwemwoyo yavo inofeva yakatsauka ichindisiya+ uye nokuda kwemaziso avo anoita ufeve achitevera zvidhori zvavo zvinosemesa sendove;+ uye zviso zvavo zvicharatidza kusemeswa nezvinhu zvakaipa zvavakaita muzvinhu zvavo zvose zvinosemesa.+ 10 Vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina+ nezvokuvaitira chinhu ichi chinotambudza.”’+
11 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ombera,+ utsike netsoka yako, uti: “Maiwe kani!” nokuda kwezvinhu zvose zvinosemesa zvakaipa zveimba yaIsraeri,+ nokuti vachaurayiwa nebakatwa,+ nenzara+ uye nedenda.+ 12 Munhu ari kure+ achafa nedenda; munhu ari pedyo achaurayiwa nebakatwa; munhu akasara uye akachengetedzwa achafa nenzara, ndichapedzera hasha dzangu pavari.+ 13 Imi muchaziva kuti ndini Jehovha,+ kana vanourayiwa vavo vava pakati pezvidhori zvavo zvinosemesa sendove,+ kupoteredza atari dzavo,+ pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,+ pamusoro pemakomo pose+ nepasi pemiti yose yakasvibirira+ nepasi pemiti mikuru yose ine mapazi mazhinji,+ nzvimbo yavakapira kunhuhwirira kwakanaka kuzvidhori zvavo zvose zvinosemesa sendove.+ 14 Ndichavatambanudzira ruoko rwangu,+ ndoita kuti nyika yacho ive dongo, uye ive nzvimbo isina chinhu kupfuura renje riri nechokuDhibra, munzvimbo dzavo dzose dzavanogara. Vachaziva kuti ndini Jehovha.’”