Ezekieri
7 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 2 “Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kunyika yaIsraeri, ‘Mugumo, iko kuguma, kwasvika pamigumo mina yenyika.+ 3 Zvino kuguma kwasvika pauri,+ ndichatuma kutsamwa kwangu kwauri, ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako,+ ndounza zvinhu zvako zvose zvinosemesa pauri. 4 Ziso rangu harizokunzwiri urombo,+ iniwo handizonzwi tsitsi, nokuti ndichaunza nzira dzako pauri, zvinhu zvako zvinosemesa zvichava pakati pako;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.’+
5 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarirai! dambudziko, dambudziko risati ramboonekwa riri kuuya.+ 6 Kuguma kuchauya.+ Kuguma kuchauya; kuchamuka kuti kuuye pamuri. Tarirai! Kuri kuuya.+ 7 Chiremba chichauya kwauri, haiwa iwe mugari womunyika, nguva ichasvika, zuva racho rava pedyo.+ Kune kuvhiringidzika, kwete kushevedzera kwemakomo.
8 “‘Nokukurumidza ndichadururira hasha dzangu pauri,+ ndichapedzera kutsamwa kwangu pauri,+ ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako,+ ndounza zvinhu zvako zvose zvinosemesa pauri. 9 Ziso rangu harizonzwi urombo+ uye ini handizonzwi tsitsi.+ Ndichaunza pauri zvinoenderana nenzira dzako, zvinhu zvako zvinosemesa zvichava pakati pako chaipo;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurovai.+
10 “‘Tarirai! Zuva iro! Tarirai! Riri kuuya.+ Chiremba chabva.+ Shamhu yatumbuka.+ Kuzvikudza kwamera.+ 11 Chisimba chamuka chikava shamhu yezvakaipa.+ Hapana chinogona kuita kuti varege kurangwa, ivo kana pfuma yavo; kana ivo somunhu oga, uyewo havatombokoshi. 12 Nguva ichauya, zuva racho richasvika. Mutengi ngaarege kufara;+ uye mutengesi ngaarege kuchema, nokuti boka revanhu vose rakatsamwirwa kwazvo. 13 Nokuti mutengesi haazodzokeri kune chakatengeswa, pavanenge vachiri pakati pevapenyu; nokuti zvakaratidzwa ndezveboka revanhu vose. Hapana munhu achadzokera, uye mumwe nomumwe haazozviraramisi nokukanganisa kwake.
14 “‘Varidza bhosvo+ uye vanhu vose vagadzirira, asi hapana ari kuenda kunorwa, nokuti ndakatsamwira kwazvo boka revanhu vose.+ 15 Bakatwa+ riri kunze, uye denda nenzara zviri mukati.+ Munhu wose ari kusango achaurayiwa nebakatwa, uye munhu wose ari muguta achaparadzwa nenzara nedenda.+ 16 Vanopukunyuka vavo vachapukunyuka+ voita senjiva dzomumipata+ vari pamakomo, vose zvavo vachichema, mumwe nomumwe nokuda kwokukanganisa kwake. 17 Maoko ose anoramba achishayiwa simba;+ uye mabvi ose anoramba achidonha mvura.+ 18 Vasungira masaga,+ vabatwa nokudedera;+ zviso zvose zviri kunyara+ uye misoro yavo yose yakagerwa miparavara.+
19 “‘Vachakanda sirivha yavo mumigwagwa, uye ndarama yavo ichava chinhu chinosemesa. Sirivha yavo kana ndarama yavo hazvizokwanisi kuvanunura pazuva rokushatirwa kukuru kwaJehovha.+ Havazogutsi mweya yavo, uye havazozadzi ura hwavo, nokuti zvinenge zvava chinhu chinogumbura chinoita kuti vakanganise.+ 20 Mumwe munhu akaita kuti zvinoshongedza chishongo chake zvive chinhu chokudada nacho; vakazvishandisa kugadzira zvifananidzo zvavo zvinosemesa,+ izvo zvinhu zvavo zvinonyangadza.+ Ndokusaka ndichaita kuti zvive chinhu chinovasemesa.+ 21 Ndichazviisa mumaoko evanhu vavasingazivi kuti vazvipambe uye kune vakaipa vepanyika kuti vazvipambe,+ uye ivo vachazvisvibisa.
22 “‘Ndichafuratidza chiso changu,+ vachasvibisa nzvimbo yangu yakavanda, uye makororo achapinda mairi, oisvibisa.+
23 “‘Gadzirai cheni,+ nokuti nyika yazara nemhosva dzine chokuita nokuteurwa kweropa+ uye guta razara nechisimba.+ 24 Ndichaunza vanhu vakaipa kwazvo vemamwe marudzi,+ uye vachavatorera dzimba voita kuti dzive dzavo,+ ndichaita kuti kudada kwevane simba kupere,+ nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.+ 25 Kurwadziwa kuchauya, uye vachatsvaka rugare asi haruzovipo.+ 26 Kuchava nenhamo ichauya pamusoro penhamo,+ kuchava nemashoko pamusoro pemashoko, vanhu vachatsvaka chiratidzo kumuprofita,+ mutemo uchaparara kumupristi uye zano richaparara kuvarume vakuru.+ 27 Mambo achachema;+ jinda richapfeka kuparadzwa,+ uye maoko evanhu vomunyika yacho achabvunda. Ndichavaitira zvinoenderana nenzira yavo,+ ndichavatonga nemitongo yavo;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”+