Mika
6 Ndapota, inzwai zviri kutaurwa naJehovha.+ Simukai, taurai mhosva yenyu kumakomo, zvikomo ngazvinzwe inzwi renyu.+ 2 Haiwa imi makomo nemi zvinhu zvinogara kwenguva refu, imi nheyo dzenyika;+ inzwai mhosva ina Jehovha, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake, uye achaitirana nharo naIsraeri:+
3 “Haiwa imi vanhu vangu,+ ndakaitei kwamuri? Ndakakunetesai sei?+ Ndipupurirei.+ 4 Nokuti ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+ uye ndakakudzikinurai muimba yevaranda;+ uye ndakatuma Mosesi, Aroni naMiriyemu+ pamberi penyu. 5 Ndapota, haiwa imi vanhu vangu, yeukai+ zvakarongwa naBharaki mambo weMoabhi,+ nezvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori.+ Zvakaitika kubvira kuShitimu+ kusvikira kuGirigari,+ kuti mabasa akarurama aJehovha azivikanwe.”+
6 Ndichauya pamberi paJehovha nechii?+ Ndichakotamira+ Mwari ari kumusoro nechii? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa zvakakwana,+ nemhuru dzine gore rimwe chete here? 7 Ko Jehovha angafadzwa nemakondohwe ane zviuru, nehova dzemafuta dzine makumi ezviuru here?+ Ndingapa mwanakomana wangu wedangwe nokuda kwokumukira kwangu, icho chibereko chedumbu rangu nokuda kwechivi chomweya wangu here?+ 8 Haiwa iwe munhu wepanyika, iye akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi.+ Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire,+ ude mutsa+ uye uve nomwero+ pakufamba naMwari wako?+
9 Inzwi raJehovha rinoshevedzera+ kuguta, uye munhu ane uchenjeri hunobatsira achatya zita renyu.+ Haiwa imi vanhu, inzwai shamhu naiye akaisarudza.+ 10 Muimba yomunhu akaipa muchine pfuma yezvakaipa+ nechiyero cheefa chakatapudzwa chinonyangadza here? 11 Ndingava akachena ini ndiine chikero chakaipa nehomwe yezviyereso zvematombo zvinonyengera here?+ 12 Nokuti vapfumi varo vazara nechisimba, vagari varo vakataura nhema,+ uye rurimi rwavo runonyengera mumuromo wavo.+
13 “Iniwo, ndichakurwarisa nokukurova;+ uchaitwa dongo, nokuda kwezvivi zvako.+ 14 Iwe uchadya, asi haungaguti, uye hauzovi nechinhu mudumbu mako.+ Uchabvisa zvinhu, asi hauzoendi nazvo zvakachengeteka; uye chero zvauchaenda nazvo zvakachengeteka, ndichaita kuti zviparadzwe nebakatwa.+ 15 Iwe uchadyara mbeu, asi hauzokohwi. Iwe uchatsika-tsika maorivhi, asi hauzozori mafuta acho; uchatsika-tsikawo waini inotapira, asi hauzonwi waini yacho.+ 16 Mirau yaOmri+ nebasa rose reimba yaAhabhi zvinochengetwa,+ uye imi munofamba maererano nemazano avo;+ kuti iwe ndikuite chinhu chinokatyamadza uye vagari varo ndivaite chinhu chinoridzirwa muridzo;+ imi muchazvidzwa nemarudzi.”+