Dheuteronomi 10:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 “Zvino, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wako ari kukumbirei kwauri+ kunze kwokuti utye+ Jehovha Mwari wako, kuti ufambe munzira dzake dzose,+ umude,+ ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose;+ Zvirevo 21:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Kuita zvakarurama uye kururamisira zvinodiwa naJehovha kupfuura chibayiro.+ Isaya 1:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Dzidzai kuita zvakanaka;+ tsvakai kururamisira;+ ruramisai anodzvinyirira;+ tongerai nherera;+ rwirai mhosva yechirikadzi.”+ Jeremiya 22:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Zvanzi naJehovha: “Ruramisirai uye itai zvakarurama, nunurai uya ari kubirwa paruoko rweanobiridzira; uye musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, nherera kana chirikadzi.+ Musavaitira chisimba.+ Musateura ropa risina mhosva munzvimbo ino.+ Ezekieri 45:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvakwana, haiwa imi machinda aIsraeri!’+ “‘Bvisai chisimba pamwe chete nokupamba,+ mururamisire nokuita zvakarurama.+ Chiregai kutorera vanhu vangu nechisimba,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha. Hosiya 12:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 “Zvino iwe, unofanira kudzokera kuna Mwari wako,+ uchichengeta mutsa worudo+ nokururama;+ utarisire kuna Mwari wako nguva dzose.+
12 “Zvino, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wako ari kukumbirei kwauri+ kunze kwokuti utye+ Jehovha Mwari wako, kuti ufambe munzira dzake dzose,+ umude,+ ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose;+
17 Dzidzai kuita zvakanaka;+ tsvakai kururamisira;+ ruramisai anodzvinyirira;+ tongerai nherera;+ rwirai mhosva yechirikadzi.”+
3 Zvanzi naJehovha: “Ruramisirai uye itai zvakarurama, nunurai uya ari kubirwa paruoko rweanobiridzira; uye musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, nherera kana chirikadzi.+ Musavaitira chisimba.+ Musateura ropa risina mhosva munzvimbo ino.+
9 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvakwana, haiwa imi machinda aIsraeri!’+ “‘Bvisai chisimba pamwe chete nokupamba,+ mururamisire nokuita zvakarurama.+ Chiregai kutorera vanhu vangu nechisimba,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.
6 “Zvino iwe, unofanira kudzokera kuna Mwari wako,+ uchichengeta mutsa worudo+ nokururama;+ utarisire kuna Mwari wako nguva dzose.+