Numeri
26 Zvino denda rakati rapera,+ Jehovha akataura izvi kuna Mosesi naEriyezari mwanakomana womupristi Aroni: 2 “Verengai ungano yose yevanakomana vaIsraeri kubvira pane vane makore makumi maviri zvichikwira, maererano nedzimba dzemadzibaba avo, vose vari pakati paIsraeri vanokwanisa kuenda kuhondo.”+ 3 Mosesi nomupristi Eriyezari+ vakataura navo mumapani erenje eMoabhi+ pedyo naJodhani kuJeriko,+ vachiti: 4 “Vaverengei kubvira pane vane makore makumi maviri zvichikwira, sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha.”+
Zvino vanakomana vaIsraeri vakabuda munyika yeIjipiti vaiva: 5 Rubheni, dangwe raIsraeri;+ vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki,+ kwakabva mhuri yevaHanoki; Paru,+ kwakabva mhuri yevaParu; 6 Hezroni,+ kwakabva mhuri yevaHezroni; Kami,+ kwakabva mhuri yevaKami. 7 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRubheni, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika zviuru makumi mana nezvitatu nemazana manomwe nemakumi matatu.+
8 Mwanakomana waParu aiva Eriyabhi. 9 Vanakomana vaEriyabhi vaiva: Nemueri naDhatani naAbhiramu. Dhatani+ uyu naAbhiramu+ vaiva vaya vaishevedzwa kuti vaungane, vakarwa naMosesi naAroni muungano yaKora,+ pavakarwa naJehovha.
10 Nyika yakabva yashama muromo wayo ikavamedza.+ Asi Kora akafa pakafa ungano yacho, moto pawakaparadza varume mazana maviri nemakumi mashanu.+ Uye vakava chiratidzo.+ 11 Asi vanakomana vaKora havana kufa.+
12 Vanakomana vaSimiyoni+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Nemueri,+ kwakabva mhuri yevaNemueri; Jamini,+ kwakabva mhuri yevaJamini; Jakini,+ kwakabva mhuri yevaJakini; 13 Zera, kwakabva mhuri yevaZera; Shauri,+ kwakabva mhuri yevaShauri. 14 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaSimiyoni: zviuru makumi maviri nezviviri nemazana maviri.+
15 Vanakomana vaGadhi+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Zefoni, kwakabva mhuri yevaZefoni; Hagi, kwakabva mhuri yevaHagi; Shuni, kwakabva mhuri yevaShuni; 16 Ozni, kwakabva mhuri yevaOzni; Erai, kwakabva mhuri yevaErai; 17 Arodhi, kwakabva mhuri yevaArodhi; Areri,+ kwakabva mhuri yevaAreri. 18 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaGadhi, dzevanhu vavo vakanyorwa: zviuru makumi mana nemazana mashanu.+
19 Vanakomana vaJudha+ vaiva Ere+ naOnani.+ Asi Ere naOnani vakafira munyika yeKenani.+ 20 Vanakomana vaJudha maererano nemhuri dzavo vaiva: Shera,+ kwakabva mhuri yevaShera; Perezi,+ kwakabva mhuri yevaPerezi; Zera,+ kwakabva mhuri yevaZera. 21 Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezroni,+ kwakabva mhuri yevaHezroni; Hamuri,+ kwakabva mhuri yevaHamuri. 22 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaJudha,+ dzevanhu vavo vakanyorwa: zviuru makumi manomwe nezvitanhatu nemazana mashanu.+
23 Vanakomana vaIsakari+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Tora,+ kwakabva mhuri yevaTora; Puvha, kwakabva mhuri yevaPuni; 24 Jashubhi, kwakabva mhuri yevaJashubhi; Shimroni,+ kwakabva mhuri yevaShimroni. 25 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaIsakari, dzevanhu vavo vakanyorwa: zviuru makumi matanhatu nezvina nemazana matatu.+
26 Vanakomana vaZebhuruni+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yevaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yevaEroni; Jareeri,+ kwakabva mhuri yevaJareeri. 27 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaZebhuruni, dzevanhu vavo vakanyorwa: zviuru makumi matanhatu nemazana mashanu.+
28 Vanakomana vaJosefa+ maererano nemhuri dzavo vaiva Manase naEfremu.+ 29 Vanakomana vaManase+ vaiva: Makiri,+ kwakabva mhuri yevaMakiri. Makiri akabereka Giriyedhi.+ Giriyedhi, kwakabva mhuri yevaGiriyedhi. 30 Ava ndivo vaiva vanakomana vaGiriyedhi: Iezeri,+ kwakabva mhuri yevaIezeri; Hereki, kwakabva mhuri yevaHereki; 31 Asrieri, kwakabva mhuri yevaAsrieri; Shekemu, kwakabva mhuri yevaShekemu; 32 Shemidha,+ kwakabva mhuri yevaShemidha; Heferi,+ kwakabva mhuri yevaHeferi. 33 Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi haana kuva nevanakomana, asi vanasikana,+ uye vanasikana vaZerofehadhi vaiva Mahra naNoa, Hogra, Mirika naTiza.+ 34 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaManase, uye vanhu vavo vakanyorwa vaiva zviuru makumi mashanu nezviviri nemazana manomwe.+
35 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEfremu+ maererano nemhuri dzavo: Shutera,+ kwakabva mhuri yevaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yevaBhekeri; Tahani,+ kwakabva mhuri yevaTahani. 36 Ava ndivo vaiva vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yevaErani. 37 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaEfremu,+ dzevanhu vavo vakanyorwa: zviuru makumi matatu nezviviri nemazana mashanu. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJosefa maererano nemhuri dzavo.+
38 Vanakomana vaBhenjamini+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Bhira,+ kwakabva mhuri yevaBhira; Ashbheri,+ kwakabva mhuri yevaAshbheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yevaAhiramu; 39 Shefufamu, kwakabva mhuri yevaShufamu; Hufamu,+ kwakabva mhuri yevaHufamu. 40 Vanakomana vaBhira vaiva Adhi naNaamani:+ Adhi, kwakabva mhuri yevaAdhi; Naamani, kwakabva mhuri yevaNaamani. 41 Ava ndivo vaiva vanakomana vaBhenjamini+ maererano nemhuri dzavo, uye vanhu vavo vakanyorwa vaiva zviuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu.+
42 Ava ndivo vaiva vanakomana vaDhani+ maererano nemhuri dzavo: Shuhamu, kwakabva mhuri yevaShuhamu. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani+ maererano nemhuri dzavo. 43 Mhuri dzose dzevaShuhamu, pane vakanyorwa vavo, vaiva zviuru makumi matanhatu nezvina nemazana mana.+
44 Vanakomana vaAsheri+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Imnaa,+ kwakabva mhuri yevaImnaa; Ishvhi,+ kwakabva mhuri yevaIshvhi; Bheria, kwakabva mhuri yevaBheria; 45 kuvanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yevaHebheri; Marikieri,+ kwakabva mhuri yevaMarikieri. 46 Zita romwanasikana waAsheri raiva Sera.+ 47 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaAsheri,+ dzevanhu vavo vakanyorwa: zviuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana.+
48 Vanakomana vaNaftari+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Jazeeri,+ kwakabva mhuri yevaJazeeri; Guni,+ kwakabva mhuri yevaGuni; 49 Jezeri,+ kwakabva mhuri yevaJezeri; Shiremu,+ kwakabva mhuri yevaShiremu. 50 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaNaftari+ maererano nemhuri dzavo, uye vanhu vavo vakanyorwa vaiva zviuru makumi mana nezvishanu nemazana mana.+
51 Ava ndivo vanhu vakanyorwa vevanakomana vaIsraeri: zviuru mazana matanhatu nechimwe nemazana manomwe nemakumi matatu.+
52 Pashure paizvozvo Jehovha akataura naMosesi, achiti: 53 “Nyika inofanira kugoverwa ava kuti ive yavo maererano nokuwanda kwemazita acho.+ 54 Unofanira kuwedzera nhaka yomunhu maererano nokuwanda kwevaainavo, uye unofanira kuderedza nhaka yomunhu maererano noushoma hwevaainavo.+ Nhaka yomumwe nomumwe inofanira kupiwa zvichienzanirana nevanhu vake vakanyorwa. 55 Nyika yacho inofanira kugoverwa pachishandiswa mujenya+ chete. Vanofanira kuwana nhaka maererano nemazita emadzinza emadzibaba avo. 56 Nhaka yomunhu inofanira kugoverwa pakati pevazhinji nevashoma mujenya uriwo unoshandiswa pakusarudza.”
57 Zvino ava ndivo vanhu vakanyorwa vevaRevhi+ maererano nemhuri dzavo: Geshoni,+ kwakabva mhuri yevaGeshoni; Kohati,+ kwakabva mhuri yevaKohati; Merari,+ kwakabva mhuri yevaMerari. 58 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi: mhuri yevaRibhini,+ mhuri yevaHebroni,+ mhuri yevaMari,+ mhuri yevaMushi,+ mhuri yevaKora.+
Zvino Kohati+ akabereka Amramu.+ 59 Zita romudzimai waAmramu raiva Jokebhedhi,+ mwanasikana waRevhi, akaberekerwa Revhi nomudzimai wake muIjipiti. Kwapera nguva yakati, akaberekera Amramu, Aroni naMosesi naMiriyemu hanzvadzi yavo.+ 60 Zvino Aroni akaberekerwa Nadhabhi naAbhihu,+ Eriyezari naItamari.+ 61 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa nokuti vakauya nomoto wakanga usingabvumirwi nomutemo pamberi paJehovha.+
62 Vanhu vavo vakanyorwa vakasvika zviuru makumi maviri nezvitatu, vanhurume vose vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira.+ Havana kunyorwa pakati pevanakomana vaIsraeri,+ nokuti hapana nhaka yavaizopiwa pakati pevanakomana vaIsraeri.+
63 Ava ndivo vanhu vavo vakanyorwa naMosesi nomupristi Eriyezari pavakanyora vanakomana vaIsraeri mumapani erenje eMoabhi pedyo naJodhani kuJeriko.+ 64 Asi pakati paivava hapana kuva nomurume mumwe chete pane vaya vakanyorwa naMosesi nomupristi Aroni pavakanyora vanakomana vaIsraeri murenje reSinai.+ 65 Nokuti Jehovha akanga ati nezvavo: “Chokwadi vachafira murenje.”+ Naizvozvo kwavari hakuna kusara kana murume mumwe chete kunze kwaKarebhi mwanakomana waJefune naJoshua, mwanakomana waNuni.+