Ruka
9 Zvino akaunganidza vane gumi nevaviri, akavapa simba nechiremera pamusoro pemadhimoni ose uye kuti varape zvirwere.+ 2 Naizvozvo akavatuma kunoparidza umambo hwaMwari nokuporesa, 3 akati kwavari: “Musatakura chinhu nokuda kworwendo rwacho, mudonzvo kana homwe yezvokudya, kana chingwa kana mari yesirivha; uyewo musava nenguo mbiri dzomukati.+ 4 Asi kwose kwamunopinda mumba, garai imomo mozoenda muchibva ipapo.+ 5 Kwose kwamusingagamuchirwi nevanhu, pamunobuda muguta+ iroro zunzai guruva riri patsoka dzenyu kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 6 Vachibva ipapo vakapfuura nomunharaunda vachifamba pamusha nomusha, vachizivisa mashoko akanaka uye vachirapa kwose kwose.+
7 Zvino Herodhi mutongi woruwa akanzwa nezvezvinhu zvose zvakanga zvichiitika, akavhiringidzika kwazvo nokutaurwa kwazvaiitwa nevamwe kuti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa,+ 8 asi nevamwe kuti Eriya akanga aoneka, asi nevamwezve kuti mumwe wevaprofita vekare akanga amuka. 9 Herodhi akati: “Johani ndakamudimbura musoro.+ Saka, uyu wandiri kunzwa zvinhu zvakadai nezvake ndiani?” Naizvozvo akanga achitsvaka+ kuti amuone.
10 Zvino vaapostora pavakadzoka vakarondedzera kwaari zvinhu zvavakanga vaita.+ Naizvozvo akavatora, akaenda navo kwavo voga+ muguta rinonzi Bhetisaidha. 11 Asi mapoka evanhu, paakazviziva, akamutevera. Akavagamuchira nomutsa, akatanga kutaura navo nezvoumambo hwaMwari,+ uye akaporesa vaya vaida kurapwa.+ 12 Ipapo kwakatanga kusviba. Zvino vane gumi nevaviri vakauya, vakati kwaari: “Endesai boka revanhu, kuti vapinde mumisha nomuruwa rwakapoteredza, vawane pokurara uye vawane zvokudya, nokuti kwatiri kuno inzvimbo isina vanhu.”+ 13 Asi iye akati kwavari: “Imi vapei zvokudya.”+ Ivo vakati: “Hapana chatiinacho kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri,+ kunze kwokuti zvimwe isu tikaenda kunotengera vanhu ava vose zvokudya.”+ 14 Chokwadi, vakanga vari varume vanenge zviuru zvishanu.+ Asi iye akati kuvadzidzi vake: “Itai kuti vatsenhame sezvinoitwa pakudya, vari mapoka evanhu vanenge makumi mashanu rimwe chete.”+ 15 Vakaita saizvozvo, vakaita kuti vose vatsenhame. 16 Zvino achitora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akazvikomborera, akazvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi kuti vaise pamberi peboka revanhu.+ 17 Naizvozvo vose vakadya, vakaguta, uye zvakasara zvavakava nazvo zvakaunganidzwa, zvikaita tswanda dzezvimedu gumi nembiri.+
18 Gare gare, achinyengetera ari oga, vadzidzi vakauya pamwe chete kwaari, akavabvunza, achiti: “Mapoka evanhu ari kuti ndini ani?”+ 19 Vachipindura, ivo vakati: “Johani Mubhabhatidzi; asi vamwe, Eriya, uye vamwewo, vari kuti mumwe wevaprofita vekare akamuka.”+ 20 Akabva ati kwavari: “Ko imi munoti ndini ani?” Achipindura, Petro akati:+ “Kristu+ waMwari.” 21 Zvino achivataurira zvakasimba akavarayira kuti varege kuudza chero munhu upi zvake zvinhu izvi,+ 22 asi akati: “Mwanakomana womunhu anofanira kutambura zvinhu zvizhinji, orambwa nevarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourayiwa,+ ozomutswa pazuva rechitatu.”+
23 Akabva aenderera mberi achiti kuna vose: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe,+ atore danda rake rokutambudzikira, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.+ 24 Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu ndiye achauponesa.+ 25 Chokwadi, munhu anobatsirwa nei kana akawana nyika yose asi ozvirasa kana kuti ozvikuvadza?+ 26 Nokuti munhu wose anonyara ini nemashoko angu, Mwanakomana womunhu achanyara munhu iyeye, paanosvika ari mukubwinya kwake nokuya kwaBaba nokwengirozi tsvene.+ 27 Asi zvechokwadi ndinokuudzai kuti, Pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona umambo hwaMwari.”+
28 Chokwadi, anenge mazuva masere pashure pemashoko aya, akatora Petro naJohani naJakobho, akakwira navo mugomo kunonyengetera.+ 29 Zvaakanga achinyengetera, chitarisiko+ chechiso chake chakabva chachinja uye zvipfeko zvake zvakava zvichena zvichin’aima.+ 30 Uyewo, tarira! varume vaviri vakanga vachikurukura naye, avo vaiva Mosesi naEriya.+ 31 Ivava vakaoneka vachibwinya, vakatanga kutaura nezvokuenda kwake kwaaifanira kuzadzika ari muJerusarema.+ 32 Zvino Petro nevaya vaaiva navo vakanga vabatwa nehope kwazvo; asi pavakanyatsomuka vakaona kubwinya kwake+ nevarume vacho vaviri vakamira naye. 33 Ava zvavakanga vachiparadzaniswa naye, Petro akati kuna Jesu: “Murayiridzi, zvakanaka kuti tive pano, naizvozvo ngativakei matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi uye rimwe raEriya,” iye asingazivi zvaaitaura.+ 34 Asi zvaaitaura zvinhu izvi gore rakavapo, rikatanga kuvafukidza. Zvavakapinda mugore, ivo vakatya.+ 35 Inzwi+ rakabva mugore, richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa.+ Muteererei.”+ 36 Inzwi zvarakanzwika Jesu akaoneka ava oga.+ Asi mumazuva iwayo ivo vakaramba vakanyarara uye havana kuudza chero munhu upi zvake chinhu chipi zvacho pazvinhu zvavakaona.+
37 Pazuva rakatevera, pavakaburuka vachibva mugomo, akasangana neboka guru revanhu.+ 38 Uye tarira! mumwe murume akashevedzera ari pakati peboka revanhu, achiti: “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye wangu+ akaberekwa ari mumwe oga,+ 39 uye tarirai! mudzimu+ unomubata, anongoerekana oridza mhere, unoita kuti agwinhe achipupa furo, uye kana wamukuvadza haumbobudi maari. 40 Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi havana kugona.”+ 41 Jesu akapindura akati: “Haiwa chizvarwa chisina kutenda chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndinemi kusvikira rini ndichikushivirirai? Uya nomwanakomana wako pano.”+ 42 Asi kunyange zvaakanga ava kusvika, dhimoni racho rakamurovera pasi, rikaita kuti agwinhe zvine simba. Zvisinei, Jesu akatuka mudzimu wacho usina kuchena, akaporesa mukomana wacho, akamuisa kuna baba vake.+ 43 Naizvozvo vose vakatanga kushamisika nesimba guru+ raMwari.
Zvino vose zvavakanga vachishamisika nezvinhu zvose zvaakanga achiita, iye akati kuvadzidzi vake: 44 “Mashoko aya ngaapinde munzeve dzenyu, nokuti Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko evanhu.”+ 45 Asi ivo vakaramba vasinganzwisisi mashoko aya. Chokwadi, akanga akavanzwa kwavari kuti varege kunzwisisa, uye vaitya kumubvunza pamusoro pemashoko aya.+
46 Zvino vakafunga pakati pavo kuti ndiani aizova mukuru pana vose.+ 47 Jesu, achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi pake,+ 48 akati kwavari: “Munhu wose anogamuchira mwana muduku uyu nokuda kwezita rangu anondigamuchirawo, uye munhu wose anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma.+ Nokuti anozviita muduku+ pakati penyu mose ndiye mukuru.”+
49 Johani akabva ati: “Murayiridzi, taona mumwe murume achidzinga madhimoni+ achishandisa zita renyu uye taedza kumudzivisa,+ nokuti haasi kukuteverai pamwe chete nesu.”+ 50 Asi Jesu akati kwaari: “Musaedza kumudzivisa, nokuti asingapesani nemi ndowenyu.”+
51 Zvino mazuva zvaakanga ava kukwana okuti akwidzwe,+ akatsunga kwazvo kuenda kuJerusarema. 52 Naizvozvo akafanotuma nhume. Idzo dzakaenda, dzikanopinda mumusha wevaSamariya,+ kuti dzimugadzirire; 53 asi ivo havana kumugamuchira, nokuti akanga atsunga kuenda kuJerusarema.+ 54 Vadzidzi, Jakobho naJohani+ pavakaona izvi vakati: “Ishe, munoda here kuti tiudze moto+ uburuke kubva kudenga uvaparadze?” 55 Asi akatendeuka, akavatsiura. 56 Naizvozvo vakaenda kune mumwe musha.
57 Zvino zvavakanga vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati kwaari: “Ndichakuteverai kwose kwamungaenda.”+ 58 Jesu akati kwaari: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.”+ 59 Akabva ati kune mumwe: “Iva muteveri wangu.” Murume wacho akati: “Ndibvumirei kuti nditange ndaenda kunoviga baba vangu.”+ 60 Asi iye akati kwaari: “Rega vakafa+ vavige vakafa vavo, asi iwe enda unozivisa umambo hwaMwari kwose kwose.”+ 61 Uyezve mumwe akati: “Ishe, ndichakuteverai; asi ndibvumirei kuti nditange ndanooneka+ vaya veimba yangu.” 62 Jesu akati kwaari: “Hapana munhu anoti kana abata gejo+ otarira zvinhu zviri shure+ akanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.”