Johani
18 Ataura zvinhu izvi, Jesu akabuda nevadzidzi vake akayambukira mhiri kworukova rwomuchando rwaKidroni+ kwakanga kuine munda, uye iye nevadzidzi vake vakapinda mauri.+ 2 Zvino Judhasi, mutengesi wake, aizivawo nzvimbo yacho, nokuti Jesu akanga asangana nevadzidzi vake kazhinji ikoko.+ 3 Naizvozvo Judhasi akatora boka revarwi nevakuru vakuru vaishandira vapristi vakuru uye vevaFarisi vakaenda ikoko nemazhenje omoto nemarambi nezvombo.+ 4 Naizvozvo, Jesu achiziva zvinhu zvose zvakanga zvichiuya paari,+ akaenda mberi akati kwavari: “Muri kutsvaka ani?” 5 Ivo vakamupindura kuti: “Jesu wokuNazareta.”+ Iye akati kwavari: “Ndini.” Zvino Judhasi, mutengesi+ wake, akanga akamirawo navo.
6 Zvisinei, paakati kwavari: “Ndini,” vakasudurukira shure,+ vakawira pasi. 7 Naizvozvo akavabvunzazve kuti: “Muri kutsvaka ani?” Ivo vakati: “Jesu wokuNazareta.” 8 Jesu akapindura kuti: “Ndakuudzai kuti ndini. Zvino, kana ndiri ini wamuri kutsvaka, regai ava vaende”; 9 kuti shoko rizadzike raakati: “Pane vaya vamakandipa handina kurasikirwa kana nomumwe chete.”+
10 Simoni Petro, zvaakanga aine bakatwa, akabva arivhomora, akacheka muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake yorudyi.+ Muranda wacho ainzi Makosi. 11 Zvisinei, Jesu akati kuna Petro: “Dzorera bakatwa rako mumuhara maro.+ Kapu yandakapiwa naBaba, handitofaniri kuinwira+ here?”
12 Boka revarwi nomutungamiriri wehondo nevakuru vakuru vaishandira vaJudha vakabva vabata Jesu, vakamusunga, 13 uye pakutanga vakaenda naye kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKayafasi, uyo akanga ari mupristi mukuru gore iroro.+ 14 Chokwadi, Kayafasi ndiye akanga apa vaJudha zano rokuti zvaizovabatsira kuti munhu mumwe chete afire vanhu.+
15 Zvino Simoni Petro akanga achitevera Jesu+ nomumwe mudzidzi. Mudzidzi iyeye aizivikanwa nomupristi mukuru, uye akapinda naJesu muchivanze chomupristi mukuru, 16 asi Petro akanga akamira kunze pasuo.+ Naizvozvo mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomupristi mukuru, akabuda akataura nomuchengeti wesuo, akapinza Petro mukati. 17 Mushandikadzi, iye muchengeti wesuo, akabva ati kuna Petro: “Hausiwo mumwe wevadzidzi vomunhu uyu here?” Iye akati: “Handisi.”+ 18 Zvino varanda nevakuru vakuru vakanga vakamira zvavo, zvavakanga vabatidza moto wemazimbe,+ nokuti kwaitonhora, uye vakanga vachidziya moto. Petro akanga akamirawo navo achidziya moto.
19 Naizvozvo mupristi mukuru akabvunza Jesu pamusoro pevadzidzi vake nepamusoro pokudzidzisa kwake. 20 Jesu akamupindura kuti: “Ndakataura kunyika pachena. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagogi nomutemberi,+ munoungana vaJudha vose; hapana chandakataura pakavanda. 21 Munondibvunzirei? Bvunzai vaya vakanzwa zvandakataura kwavari. Onai! Ava vanoziva zvandakataura.” 22 Pashure pokutaura zvinhu izvi, mumwe wevakuru vakuru akanga akamira pedyo akarova Jesu nembama+ kuchiso, akati: “Ndiwo mapinduriro aunoita mupristi mukuru here?” 23 Jesu akamupindura kuti: “Kana ndataura zvakaipa, pupurira zvakaipa zvacho; asi kana zvakarurama, unondiroverei?” 24 Anasi akabva amuendesa akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.+
25 Zvino Simoni Petro akanga akamira, achidziya moto. Vakabva vati kwaari: “Iwewo hausi mumwe wevadzidzi vake here?” Iye akaramba, akati: “Handisi.”+ 26 Mumwe wevaranda vomupristi mukuru, zvaaiva hama yomurume ane nzeve yakachekwa naPetro,+ akati: “Handina kukuona mumunda uinaye here?” 27 Zvisinei, Petro akarambazve; uye jongwe rakabva rarira.+
28 Zvino vakabva naJesu kuna Kayafasi, vakaenda naye kumuzinda wagavhuna.+ Zvino akanga ava mangwanani-ngwanani. Asi ivo havana kupinda mumuzinda wagavhuna, kuti varege kusvibiswa+ asi kuti vadye paseka. 29 Naizvozvo Pirato akabuda panze pavaiva, akati: “Munhu uyu munomupomera mhosva yei?”+ 30 Vachipindura, ivo vakati kwaari: “Kudai munhu uyu anga asiri munhu anoita zvakaipa, tingadai tisina kumuisa kwamuri.” 31 Nokudaro Pirato akati kwavari: “Mutorei imi mumutonge maererano nomutemo wenyu.”+ VaJudha vakati kwaari: “Isu hatibvumirwi nomutemo kuti tiuraye munhu.”+ 32 Vakadaro, kuti shoko raJesu rizadzike raakataura kuratidza rudzi rworufu rwaaifanira kuzofa.+
33 Naizvozvo Pirato akapinda mumuzinda wagavhuna zvakare, akashevedza Jesu, akati kwaari: “Ndiwe mambo wevaJudha here?”+ 34 Jesu akapindura kuti: “Unotaura izvi iwe pachako here, kana kuti vamwe vanhu vakuudza nezvangu?”+ 35 Pirato akapindura kuti: “Ndiri muJudha here ini? Rudzi rwako iwewe nevapristi vakuru vakuisa kwandiri.+ Wakaitei?” 36 Jesu akapindura kuti:+ “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.+ Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa+ kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.” 37 Naizvozvo Pirato akati kwaari: “Saka, uri mambo here?” Jesu akapindura kuti: “Iwe ndiwe uri kutaura kuti ndiri mambo.+ Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.+ Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi+ anoteerera inzwi rangu.”+ 38 Pirato akati kwaari: “Chokwadi chii?”
Pashure pokunge ataura izvi, akabuda zvakare akaenda kuvaJudha, akati kwavari: “Handiwani mhosva kwaari.+ 39 Zvakare, mune tsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu papaseka.+ Naizvozvo, munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wevaJudha?” 40 Vakabva vashevedzerazve, vachiti: “Kwete munhu uyu, asi Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.+