Johani
17 Jesu akataura zvinhu izvi, uye, achitarira kudenga,+ akati: “Baba, awa yasvika; kudzai mwanakomana wenyu, kuti mwanakomana wenyu akukudzei,+ 2 zvamakamupa simba pamusoro pevanhu vose,+ kuti, pamusoro pavose vamakamupa,+ avape upenyu husingaperi.+ 3 Kuti vawane upenyu husingaperi,+ vanofanira kuramba vachiwana zivo+ pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete,+ uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.+ 4 Ndakakukudzai+ panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.+ 5 Zvino imi Baba, ndikudzei parutivi rwenyu nokukudzwa kwandaiva nako parutivi rwenyu nyika isati yavapo.+
6 “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.+ Vakanga vari venyu, mukandipa, uye vakachengeta shoko renyu. 7 Zvino vakasvika pakuziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri; 8 nokuti ndakavapa mashoko amakandipa,+ vakaagamuchira uye chokwadi vakasvika pakuziva kuti ndakauya somumiririri wenyu,+ uye vakatenda kuti makandituma.+ 9 Ndinovakumbirira; handikumbiriri nyika,+ asi vaya vamakandipa; nokuti ndevenyu, 10 uye zvinhu zvangu zvose ndezvenyu nezvenyu ndezvangu,+ uye ndakakudzwa pakati pavo.
11 “Uyewo, handichisirizve munyika, asi ivo vari munyika+ uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vatarisirei+ nokuda kwezita renyu ramakandipa, kuti vave vamwe sezvatiri.+ 12 Pandaiva navo ndaivatarisira+ nokuda kwezita renyu ramakandipa; ndakavachengeta, uye hapana kana mumwe chete wavo akaparadzwa+ kunze kwomwanakomana wokuparadzwa,+ kuti rugwaro ruzadzike.+ 13 Asi zvino ndiri kuuya kwamuri, uye ndiri kutaura zvinhu izvi munyika kuti vazadzwe nomufaro wangu.+ 14 Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga,+ nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.+
15 “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nokuda kweakaipa.+ 16 Havasi venyika,+ seni ndisiri wenyika.+ 17 Vatsvenesei+ nechokwadi; shoko+ renyu ichokwadi.+ 18 Sezvamakandituma munyika, iniwo ndinovatuma munyika.+ 19 Ndiri kuzvitsvenesa nokuda kwavo, kuti ivowo vatsveneswe+ nechokwadi.
20 “Handikumbiriri ivava chete, asiwo vaya vanotenda mandiri neshoko ravo;+ 21 kuti vose vave vamwe,+ semi Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi,+ kuti ivowo vave pamwe nesu,+ kuti nyika itende kuti makandituma.+ 22 Uyewo, ndakavapa kukudzwa kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.+ 23 Ini ndiri pamwe navo uye imi muri pamwe neni, kuti vakwaniswe kuva mumwe,+ kuti nyika izive kuti makandituma uye kuti makavada sokundida kwamakaita. 24 Baba, kana vari vamakandipa, ndinoda kuti, pandinenge ndiri, ivowo vave neni,+ kuti vaone kukudzwa kwangu kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.+ 25 Baba Vakarurama,+ chokwadi, nyika haina kusvika pakukuzivai;+ asi ini ndakasvika pakukuzivai, uye ava vakasvika pakuziva kuti makandituma.+ 26 Ndakavazivisa zita renyu+ uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”+