Vatongi
5 Zvino pazuva iroro Dhibhora+ pamwe chete naBheraki+ mwanakomana waAbhinoamu+ vakaimba rwiyo,+ vachiti:
Nokuda kwokurega bvudzi rakarembera pakati paIsraeri kuti varwe,
Nokuda kwokuzvipira kwevanhu.+
3 Teererai, imi madzimambo;+ ipai nzeve, imi machinda:
Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha.+
Ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.+
4 Jehovha, pamakabva kuSeiri,+
Pamakafamba muchibuda musango reEdhomu,+
Nyika yakazununguka,+ matenga akadonhawo,+
Makore akadonhawo mvura.
6 Mumazuva aShamgari+ mwanakomana waAnati,
Mumazuva aJaeri,+ makwara aiva asina zvinofambamo,
Vanofamba mumigwagwa vaifamba nemakwara anotenderera.+
7 Vaigara mumaruwa vakanga vasisimo, vasisimo pakati paIsraeri,+
Kusvikira ini, Dhibhora,+ ndasimuka,
Kusvikira ndasimuka saamai pakati paIsraeri.+
8 Vakasarudza vanamwari vatsva.+
Kurwa kwakavapo pamagedhi panguva iyoyo.+
Nhoo yaisagona kuonekwa, kana pfumo refu,
Pakati pezviuru makumi mana pakati paIsraeri.+
9 Mwoyo wangu unotsigira vatungamiriri vaIsraeri,+
Vaiva vazvipiri pakati pevanhu.+
Rumbidzai Jehovha.+
10 Imi vatasvi vembongoro hadzi dzakatsvukuruka,+
Imi munogara pamakapeti anokosha,
Nemi munofamba mumugwagwa,
Yeukai!+
11 Mamwe manzwi evagoveri vemvura pakati penzvimbo dzinocherwa mvura,+
Ikoko akatanga kurondedzera mabasa akarurama aJehovha,+
Mabasa akarurama evanhu vake vanogara mumaruwa pakati paIsraeri.
Panguva iyoyo vanhu vaJehovha ndipo pavakaburukira kumagedhi.
12 Muka, muka, haiwa iwe Dhibhora;+
Muka, muka, imba rwiyo!+
Simuka, Bheraki,+ uende nenhapwa dzako, iwe mwanakomana waAbhinoamu!+
13 Panguva iyoyo vakapona ndipo pavakaburukira kuvakuru vakuru;
Vanhu vaJehovha vakaburukira kwandiri kuzorwisana nevane simba.
14 Vakabva kuna Efremu mubani,+
Vainewe, haiwa iwe Bhenjamini, pakati pemarudzi ako.
Vatungamiriri vakaburuka vachibva kuna Makiri,+
Vaya vaishandisa zvokushandisa zvomunyori+ vachibva kuna Zebhuruni.
15 Machinda aiva kwaIsakari+ aiva naDhibhora,
SaIsakari, ndizvo zvaiva zvakaita Bheraki.+
Akatumwa kubani netsoka.+
Pakati pemapoka aRubheni kazhinji paiva nokuongororwa kwomwoyo.+
16 Wakagarirei pasi pakati pehomwe mbiri dzechigaro,
Kuti uteerere kurira kwenyere nokuda kwemapoka ezvipfuwo here?+
Nokuda kwemapoka aRubheni kazhinji paiva nokuongororwa kwomwoyo.+
17 Giriyedhi akaramba achigara kune rimwe divi raJodhani;+
Dhani akarambirei achigara mungarava kwenguva yacho?+
Asheri akagara asina chokuita pamhenderekedzo yegungwa,
Akaramba achigara panzvimbo dzaaisvikira.+
19 Madzimambo akauya, akarwa;
Madzimambo eKenani ndipo paakarwa+
MuTaanaki+ pedyo nemvura yeMegidho.+
Hapana pfuma yesirivha yavakatora.+
21 Rukova rwaKishoni rwakavakukura,+
Rukova rwemazuva ekare, irwo rukova rwaKishoni.+
Wakatsika-tsika simba,+ haiwa mweya wangu.
22 Panguva iyoyo ndipo pairovera mahwanda emabhiza+ pasi
Nokuda kwokumhanya kwazvo kwemabhiza ake makono.
23 ‘Tukai+ Merozi,’ yakadaro ngirozi yaJehovha,+
‘Rambai muchituka vagari vayo,
Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha,
Kuzobatsira Jehovha nevane simba.’
24 Jaeri+ mudzimai waHebheri muKeni+ achakomborerwa kwazvo pakati pevakadzi,
Achakomborerwa kwazvo pakati pevakadzi vari mutende.+
26 Akabva atambanudzira ruoko rwake kuhoko yetende,
Ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuti yevanoshanda nesimba.+
Akarovera Sisera, akabvoora musoro wake,+
Akaputsa, akatsemura zvavovo zvake.
27 Akawira pakati petsoka dzake, akadonha, akarara pasi;
Akawira pakati petsoka dzake, akadonha;
Paakawira, ndipo paakadonhera akundwa.+
28 Mukadzi akatarira nepahwindo akaramba achimutsvaka,
Ivo amai vaSisera nepasefa,+
‘Nei ngoro yake yehondo yanonoka kuuya?+
Nei mitsindo yengoro dzake yanonoka kudai?’+
29 Vakadzi vake vakachenjera vanokudzwa+ vaimupindura,
Chokwadi, iyewo aizvipindura nemashoko ake, achiti,
30 ‘Havafaniri kuwana here, havafaniri kugova zvakapambwa here,+
Chibereko—zvibereko zviviri kumurume wose akagwinya,+
Zvakapambwa zvemachira akaiswa rumwe ruvara nokuda kwaSisera, zvakapambwa zvemachira akaiswa rumwe ruvara,
Nguo yakamendwa, jira rakaiswa rumwe ruvara, nguo mbiri dzakamendwa
Zvomumitsipa yevarume vakapambwa?’
Nyika haina kuzonetswazve kwemakore makumi mana.+