Jona
2 Jona akabva anyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove,+ 2 akati:
“Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika, uye akandipindura.+
Ndakachemera kubatsirwa ndiri muGuva* makadzika.+
Makanzwa inzwi rangu.
Masaisai enyu ese nemafungu enyu zvaipfuura nepamusoro pangu.+
4 Ndakati, ‘Ndadzingwa pamberi penyu!
Ndichazoonazve temberi yenyu tsvene here?’
Masora akamonera musoro wangu.
6 Ndakanyura kusvika pasi pemakomo.
Mazariro* enyika akanga ava kundivharira nekusingaperi.
Asi imi Jehovha Mwari wangu makabudisa upenyu hwangu mugomba.+
7 Simba rangu paraipera ndava kuda kufa, Jehovha ndiye wandakayeuka.+
Munyengetero wangu wakabva wasvika kwamuri, imo mutemberi yenyu tsvene.+
8 Vaya vanozvipira kuzvidhori zvavo zvisingabatsiri vanosiya uya anovaratidza rudo rusingachinji.*
9 Asi ini ndichakupai chibayiro ndichikutendai nemashoko angu.
Ndichaita zvandakapika.+
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”+
10 Jehovha akazorayira hove yacho kuti irutsire Jona panyika uye yakabva yamurutsa.