Revhitiko 26:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Muchadzinga vavengi venyu,+ uye ivo vachaurayiwa nebakatwa pamberi penyu. Dheuteronomi 32:30 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 30 Munhu mumwe angadzingirira sei vanhu chiuru,Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu zviuru gumi vatize?+Kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa+Uye Jehovha avaisa mumaoko avo. Joshua 10:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Pavakanga vachitiza pamberi pevaIsraeri vave pamutenu weBheti-horoni, Jehovha akanayisa chimvuramabwe+ chikuru pavari chichibva kudenga kusvikira kuAzeka, zvokuti vakafa. Vakafa nechimvuramabwe vakanga vakawanda kupfuura vaya vakaurayiwa nebakatwa nevanakomana vaIsraeri. 2 Samueri 22:38 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 38 Ndichatevera vavengi vangu, kuti ndivatsakatise,Handizodzoki kusvikira vaparadzwa.+ Pisarema 89:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Ndakaparadza mhandu dzake dzaiva pamberi pake,+Ndakaramba ndichirova vaya vaimuvenga kwazvo.+
30 Munhu mumwe angadzingirira sei vanhu chiuru,Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu zviuru gumi vatize?+Kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa+Uye Jehovha avaisa mumaoko avo.
11 Pavakanga vachitiza pamberi pevaIsraeri vave pamutenu weBheti-horoni, Jehovha akanayisa chimvuramabwe+ chikuru pavari chichibva kudenga kusvikira kuAzeka, zvokuti vakafa. Vakafa nechimvuramabwe vakanga vakawanda kupfuura vaya vakaurayiwa nebakatwa nevanakomana vaIsraeri.